| ← Nahum (2/3) → |
| 1. | "Muputsanyi auya kuzorwa nemi; rindirai nhare, tarirai nzira, simbisai zviuno zvenyu, itai nesimba renyu kwazvo. |
| 2. | "Nokuti Jehovha anodzosa kurumbidzwa kukuru kwaJakobho sokurumbidzwa kukuru kwaIsiraeri; nokuti vapambi vakavapamba, vakaparadza matavi emizambiringa yavo. |
| 3. | Nhovo dzemhare dzake dzakatsvukiswa, varume vakatsunga vakapfeka nguo tsvuku; (matare engoro anopenya nezuva rokuzvigadzira kwake, mapfumo ake emisipiresi anosimudzwa.) |
| 4. | Ngoro dzinovirima munzira dzomumusha, dzinobonderana pamapani dzakafanana namazhenje, dzinomhanya semheni. |
| 5. | Unorangarira vakuru vake, vanogumburwa pakufamba kwavo, vanomhanyira kurusvingo rwaro pakagadzirwa chitaviridzo. |
| 6. | Masuo enzizi akazarurwa, imba yamambo yakanyauka. |
| 7. | Shoko ratemwa, rokuti, rakafukurwa, rakatapwa, vashandiri varo vanochema namazwi akaita seenjiva, vachizvirova zvipfuva zvavo. |
| 8. | Asi kubva kare Ninivhe rakanga rakaita sedziva remvura; kunyange zvakadaro vanotiza. Vanodana vachiti, `Mirai, mirai!' Asi hakuna anocheuka. |
| 9. | Pambai sirivha, pambai ndarama; nokuti kuwanda kwazvo hakuperi, iyo fuma yenhumbi dzakaisvonaka. |
| 10. | Harina chinhu, rinoshaiwa zvose, rava dongo; mwoyo unonyauka, mabvi anobonderana, kurwadziwa kuripo pazviuno zvose, zviso zvavose zvacheneruka. |
| 11. | "Nzimba yeshumba iripi? Panodyira shumba duku ndapapi? Ndapapi panofamba shumba nehadzi yayo nomwana weshumba, kusina anodzikarudza? |
| 12. | Shumba yaibvamburanya zvakaringana vana vayo, yaidzipira hadzi dzayo, yaizadza mapako ayo nezvayairuma, nenzimba dzayo nezvayaibata. |
| 13. | "Tarirai, ndine mhaka nemi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichapisa ngoro dzaro dziite utsi, munondo uchapedza shumba dzenyu duku; ndichabvisa zvawakapamba panyika, inzwi renhume dzako haringatongonzwikizve. |
| ← Nahum (2/3) → |