| ← Micah (7/7) |
| 1. | "Ndine nhamo ini! Nokuti ndava sapanguva kana michero yakapera kukohwiwa, kana zvakasara zvamazambiringa zvaunganidzwa; hakuchine sumbu rimwe ringadyiwa, mweya wangu unopanga muchero womuonde waibva. |
| 2. | Vanhu vanoda Mwari vakaparara panyika, hakuchina vakarurama pakati pavanhu; vose vakavandira kuteura ropa, mumwe nomumwe anovhima hama yake nomumbure. |
| 3. | Maoko avo anongotsvaka zvakaipa kuti Machinda nokumbira, vatongi vanovinga mubayiro; mukuru anotaura zvakashata zviri mumwoyo make; vanozviruka pamwe chere saizvozvo. |
| 4. | Akanaka kupfuura vose akaita sorukato, akarurama kupfuura vose anopfuura ruzhowa rweminzwa; zuva renharirire dzenyu rasvika, iro zuva rokurohwa kwenyu, zvino kukanganiswa kwavo kuchavapo. |
| 5. | Regai kuvimba nowamunogara naye, regai kutenda shamwari, rega kutaura zviri mumwoyo wako kumukadzi avete pachipfuva chako. |
| 6. | "Nokuti mwanakomana anozvidza baba, mwanasikana anomukira mai vake, nomukadzi womwana vamwene vake; vavengi vomunhu ndivo vanhu veimba yake. |
| 7. | "Asi kana ndirini ndichatarira kuna Jehovha, ndichamirira Mwari woruponeso rwangu; Mwari wangu uchandinzwa. |
| 8. | "Usafara pamusoro pangu iwe muvengi wangu; kana ndikawira pasi, ndichasimukazve; kana ndigere murima, Jehovha achava chiedza changu. |
| 9. | Ndichatakura kutsamwa kwaJehovha, nokuti ndakamutadzira, kusvikira achindireverera mhosva yangu, nokundiruramisira mhaka yangu; uchandibudisira kuchiedza, ndichaona kururama kwake. |
| 10. | Ipapo muvengi wangu achazviona, kunyara kuchafukidza iye anoti kwandiri, `Jehovha Mwari wako aripiko?' Meso angu achamuona; zvino achatsikirwa pasi samatope ari panzira dzomumusha. |
| 11. | "Zuva rokuvaka masvingo enyu richasvika, nezuva iro miganho ichatarwa nokure. |
| 12. | Nezuva iro vachauya kwamuri, vachibva Asiria nokumaguta eIjipiti, nokunyika inobva Ijipiti ichisvikira kuRwizi, nokubva kune rimwe gungwa, kusvikira kune rimwe gungwa, nokubva kune rimwe gomo kusvikira kune rimwe gomo. |
| 13. | Kunyange zvakadaro nyika ichava dongo, nemhaka yavageremo, nemhaka yezvibereko zvamabasa avo. |
| 14. | "Fudzai vanhu venyu netsvimbo yenyu, iwo makwai ari nhaka yenyu, anogara ari oga mudondo pakati peKarimeri; ngaachere paBhashani neGiriyadhi, sapamazuva akare. |
| 15. | Ndichavaratidza zvinhu zvinoshamisa sapamazuva okubuda kwenyu munyika yeIjipiti. |
| 16. | Marudzi avanhu achazviona akanyara pamusoro pesimba ravo rose; vachafumbatira miromo yavo namaoko avo, nzeve dzavo hadzinganzwi. |
| 17. | Vachananzva guruva senyoka., vachabuda panzvimbo dzavo dzokuvanda vachidedera sezvinokambaira zvenyika; vachauya kuna Jehovha Mwari wedu vachitya, vachakutyai. |
| 18. | "Ndianiko Mwari akafanana nemi, anokanganwira zvakaipa, anopfuura kudarika kwavakasara venhaka yake? Haangagari akatsamwa nokusingaperi, nokuti anofarira kuva nenyasha. |
| 19. | Achatinzwira tsitsizve, achatsika zvakaipa zvedu pasi petsoka dzake; muchakandira zvivi zvavo zvose mukudzika kwegungwa. |
| 20. | muchaitira Jakobho zvokwadi yenyu, naAbhurahamu nyasha dzenyu, idzo dzamakapikira madzibaba edu kubva pamazuva akare." |
| ← Micah (7/7) |