← Micah (5/7) → |
1. | "Zvino muchafanira kuungana makaita mapoka, iwe mukunda wamapoka; muvengi wakatikomba, vacharova mutongi waIsiraeri netsvimbo padama rake. |
2. | "Asi iwe Bheterehemu Efurata, muduku kwazvo pakati pezvuru zvamazana zvaJudha, kwauri kuchandibudira mumwe achava mubati pakati paIsiraeri; mabudiro ake ndaakare, pamazuva akarekare. |
3. | "Naizvozvo uchavaisa kuvavengi vavo, kusvikira panguva yokuzvara kwaiye anosurumuka; ipapo hama dzake, dzakasara, dzichadzoka navana vaIsiraeri. |
4. | Achamira, ndokufudza makwai ake nesimba raJehovha, noumambo hwezita raJehovha Mwari wake; zvino vachagara zvakanaka, nokuti zvino achava mukuru kusvikira kumigumo yenyika. |
5. | Iye achava rugare rwedu. Kana muAsiria achipinda munyika yedu, kana achitsika mudzimba dzedu dzoushe, tichamutsa vafudzi vanomwe namachinda masere pakati pavanhu kuti varwe naye. |
6. | Ivo vachaparadza nyika yeAsiria nomunondo, nenyika yaNimurodhi painopindwa napo; iye achatirwira kumuAsiria, kana achinge achipinda nyika yedu nokutsika mukati memiganho yedu. |
7. | "Ipapo vakasara vaJakobho vachava pakati pamarudzi mazhinji avanhu sedova rinobva kuna Jehovha, semvura inonaya pauswa, zvisingamiriri munhu kana kugarira vanakomana vavanhu. |
8. | Vakasara vaJakobho vachava pakati pendudzi pakati pamarudzi mazhinji avanhu, seshumba pakati pemhuka dzomudondo, seshumba duku pakati pamapoka amakwai, inoti kana ichipfuurapo, inotsika nokubvamburanya, kusina anorwira. |
9. | Ruoko rwenyu ngarusimudzirwe kumusoro kwavadzivisi venyu, vavengi venyu vose ngavaparadzwe. |
10. | "Zvino nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha ndichaparadza mabhiza enyu pakati penyu, nokuputsa ngoro dzenyu; |
11. | ndichaparadza maguta enyika yenyu, nokukoromora nhare dzenyu dzose. |
12. | Ndichaparadza uroyi pamaoko enyu, hamungazovi navafemberi; |
13. | ndichaparadza mifananidzo yenyu yakavezwa neshongwe dzenyu pakati penyu; hamungazonamati mabasa amaoko enyu; |
14. | ndichadzura miti yenyu yakatsaurwa pakati penyu, ndichaparadza maguta enyu. |
15. | Ndichatsiva marudzi asina kuteerera ndichiita nokutsamwa nehasha. |
← Micah (5/7) → |