Micah (5/7)  

1. "Zvino muchafanira kuungana makaita mapoka, iwe mukunda wamapoka; muvengi wakatikomba, vacharova mutongi waIsiraeri netsvimbo padama rake.
2. "Asi iwe Bheterehemu Efurata, muduku kwazvo pakati pezvuru zvamazana zvaJudha, kwauri kuchandibudira mumwe achava mubati pakati paIsiraeri; mabudiro ake ndaakare, pamazuva akarekare.
3. "Naizvozvo uchavaisa kuvavengi vavo, kusvikira panguva yokuzvara kwaiye anosurumuka; ipapo hama dzake, dzakasara, dzichadzoka navana vaIsiraeri.
4. Achamira, ndokufudza makwai ake nesimba raJehovha, noumambo hwezita raJehovha Mwari wake; zvino vachagara zvakanaka, nokuti zvino achava mukuru kusvikira kumigumo yenyika.
5. Iye achava rugare rwedu. Kana muAsiria achipinda munyika yedu, kana achitsika mudzimba dzedu dzoushe, tichamutsa vafudzi vanomwe namachinda masere pakati pavanhu kuti varwe naye.
6. Ivo vachaparadza nyika yeAsiria nomunondo, nenyika yaNimurodhi painopindwa napo; iye achatirwira kumuAsiria, kana achinge achipinda nyika yedu nokutsika mukati memiganho yedu.
7. "Ipapo vakasara vaJakobho vachava pakati pamarudzi mazhinji avanhu sedova rinobva kuna Jehovha, semvura inonaya pauswa, zvisingamiriri munhu kana kugarira vanakomana vavanhu.
8. Vakasara vaJakobho vachava pakati pendudzi pakati pamarudzi mazhinji avanhu, seshumba pakati pemhuka dzomudondo, seshumba duku pakati pamapoka amakwai, inoti kana ichipfuurapo, inotsika nokubvamburanya, kusina anorwira.
9. Ruoko rwenyu ngarusimudzirwe kumusoro kwavadzivisi venyu, vavengi venyu vose ngavaparadzwe.
10. "Zvino nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha ndichaparadza mabhiza enyu pakati penyu, nokuputsa ngoro dzenyu;
11. ndichaparadza maguta enyika yenyu, nokukoromora nhare dzenyu dzose.
12. Ndichaparadza uroyi pamaoko enyu, hamungazovi navafemberi;
13. ndichaparadza mifananidzo yenyu yakavezwa neshongwe dzenyu pakati penyu; hamungazonamati mabasa amaoko enyu;
14. ndichadzura miti yenyu yakatsaurwa pakati penyu, ndichaparadza maguta enyu.
15. Ndichatsiva marudzi asina kuteerera ndichiita nokutsamwa nehasha.

  Micah (5/7)