Micah (3/7)  

1. Ini ndakati, "Chinzwai henyu, imi vakuru vaJakobho, navabati veimba yaIsiraeri. Ko hamuzaifanira kuziva kururamisira vanhu here?
2. Iyemi, munovenga zvakanaka, muchida zvakaipa, munovhiya vanhu ganda ravo, muchibvambura nyama yavo pamapfupa avo;
3. imi, munodyawo nyama yavanhu vangu, muchisvuura ganda ravo, munovhuna mapfupa avo, muchiaguranya, sezvinoiswa muhari, senyama iri mugate.
4. Ipapo vachadana kuna Jehovha, asi haangavapinduri; zvirokwazvo achavavanzira chiso chake nenguva iyo, nokuda kwezvakaipa zvavakaita pamabasa avo.
5. Zvanzi naJehovha pamusoro pavaporofita, vakatsausa vanhu vangu, vanoruma nameno avo, vachidana vachiti, `Rugare!' Asi asingaisi chinhu mumiromo yavo, vanomumukira hondo.
6. Naizvozvo muchasvikirwa nousiku, kuti murege kuva nechamunoona; muchava nerima, kuti murege kuuka; zuva richavirira vaporofita, chiedza chamasikati chichavasvibira.
7. Vaoni vachanyadziswa, navauki vachakanganiswa; zvirokwazvo, vose vachapfumbira ndebvu dzavo, nokuti hakune mhinduro inobva kuna Mwari.
8. "Asi kana ndirini, ndizere nesimba pamwechete noMweya waJehovha, nokutonga nokutsunga, kuti ndiparidzire Jakobho kudarika kwavo, uye Isiraeri zvivi zvavo.
9. Chinzwai henyu chinhu ichi, imi vakuru veimba yaJakobho, navabati viemba munosema kururamisa, nokuminamisa zvose zvakarurama.
10. Munovaka Ziyoni neropa, uye Jerusaremu nezvakaipa.
11. Vakuru varo vanotamba mhaka kuti vapiwe zvipo, vapirisiti varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubayiro, vaporofita varo vanouka kuti vapiwe mari; kunyange zvakadaro vanosendamira kuda Jehovha vachiti, `Ko Jehovha haazi pakati pedu here? Hatingawirwi nezvakaipa.'
12. Naizvozvo Ziyoni richarimwa somunda nemhaka yenyu, Jerusaremu richaitwa mirwi yamabwe, uye gomo reimba yaJehovha senzvimbo dzakakwirira dzokudondo.

  Micah (3/7)