Micah (2/7)  

1. Vane nhamo vanofunga zvakaipa vachiita zvisakarurama panhovo dzavo! Vanozviita mangwanani kana kwoedza, nokuti simba rokuzviita riri mumaoko avo.
2. Vanochiva minda, ndokuipamba, nedzimba, dzokuzvitorera idzo; vanomanikidza murume neimba yake, murume nenhaka yake.
3. Naizvozvo zvanzi naJehovha, `Tarirai, ndinofungira rudzi urwu zvakaipa, hamungagoni kubvisa mitsipa yenyu pazvivi, hamungafambi namanyawi, nokuti inguva yakaipa.'
4. Nezuva iro vachataura mufananidzo pamusoro penyu, nokuchema nokuchema kwokurira, vachiti, `Takaparadzwa chose, iye unopa vamwe mugove wavanhu vangu, aiwa wanditorera ini sei! Minda yedu anoigovera vanomumukira.'
5. "Saka iwe uchashaiwa munhu anokukandira rwonzi rwokuyera nhaka yako paungano yaJehovha.
6. Regai kuporofita ndizvo zvavanoporofita ivo. Kana vasingaporofiti pamusoro pezvinhu izvi, kushoora kwavo hakungaperi.
7. Nhai imi munonzi imba yaJakobho, Mweya waJehovha wafupiswa here? Ndiwo mabasa ake here? Ko mashoko angu haangaitiri zvakanaka anofamba nokururama here?
8. "Asi mazuva ano vanhu vangu vakandimukira somuvengi; munobvisa jasi panguo dzavanopfuura havo norugare vasingadi kurwa.
9. Munodzinga vakadzi vavanhu vangu padzimba dzavo dzinofadza; munoterera vana vavo vaduku mbiri yangu nokusingaperi.
10. simukai, muende, nokuti haizi nzvimbo yokuzorora pano, nemhaka yetsvina inoparadza nokuparadza kwakaipa kwazvo.
11. Kana munhu aripo, anofambira mhepo nenhema, anoreva nhema achiti, `Ndichakuporofitira zvewaini nezvinonwiwa zvinobata,' ndiye achava muporofita wavanhu ava.
12. "Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imi mose, imi Jakobho; zvirokwazvo ndichaunganidza vakasara vaIsiraeri; ndichavaisa pamwechete samakwai muchirugu, seboka ramakwai pakati pamafuro awo; vachaita ruzha rukuru nokuwanda kwavanhu.
13. Mupasanuri wakavatungamirira; vakapasanura, vakapfuurira kusuo, vakabuda napo; mambo wavo wakavatungamirira, Jehovha ari pamberi pavo."

  Micah (2/7)