Matthew (9/28)  

1. (Mar 2. 1-12, Ruka 5. 18-26) Wakapinda mugwa, akayambuka ndokusvika kuguta rake.
2. Zvino vakavuya kwaari nomunhu wakanga akafa mitezo, avete panhovo. Jesu wakati achivona kutenda kwavo akati kumunhu wakanga akafa mitezo, mwana tsunga moyo wakanganwirwa zvivi zvako.
3. Zvino vamwe vavanyori vakati mumoyo yavo, munhu uyu unomhura Mwari.
4. Asi Jesu achiziva mifungo yavo akati, munofungireiko zvakaipa mumoyo yenyu?
5. Nokuti chinyiko chakareruka kuti, wakanganwirwa zvivi zvako kana kuti simuka ufambe?
6. Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu unesimba panyika rokukanganwira zvivi. Akati kumunhu wakanga akafa mitezo, simuka, tora nhovo dzako uende kumba kwako!
7. Akasimuka akaenda kumba kwake.
8. Vanhu vazhinji vakati vachizvivona vakashamiswa vakarumbidza Mwari wakapa vanhu simba rakadai. (Mar 2. 14-17, Ruka 5.27-32)
9. Jesu wakati achibvapo, akavona munhu wainzi Mateo agere panotereswa. Akati kwaari, nditevere! Ipapo akasimuka akamutevera.
10. Zvino wakati agere pakudya mumba, tarira vateresi vazhinji navatadzi vakavuya vakagara pakudya naJesu navadzidzi vake.
11. Zvino vaFarise vachizvivona vakati kuvadzidzi vake, mudzidzisi wenyu unodyireiko navateresi navatadzi?
12. Jesu achizvinzwa akati, vasingarwari havatsvaki murapi asi vanorwara.
13. Asi endai mudzidze kuti, zvinorevei kuti ndinoda ngoni handidi chibayiro, nokuti handina kuvuya kuzodana vakarurama asi vatadzi kuti vatendevuke. (Mar 2. 18-22, Ruka 5. 33-38)
14. Zvino vadzidzi vaJohane vakavuya kwaari vakati, isu navaFarise tinozvinyimireiko zvokudya kazhinji asi vadzidzi venyu havazvinyimi neiko?
15. Jesu akati kwavari, shamwari dzechikomba dzingachema seiko chikomba chichiri navo? Asi mazuva achasvika achabviswa chikomba kwavari nenguva iyo vachazvinyima zvokudya.
16. Hakuno munhu unoisa chigamba chitsva panguvo yakasakara nokuti chakasonerwa chinobvarura nguvo vuri rikanyanya.
17. Havadirivo waini itsva muhombodo tsaru nokuti hombodo dzingaparuka, waini ikatevuka nehombodo dzikafavo. Asi vanodira waini itsva muhombodo itsva zviviri zvose zvichengeteke. (Mar 5. 22-43, Ruka 8. 41-56)
18. Wakati achivavudza izvozvo, mumwe mubati akasvikapo, akamunamata. Akati, mukunda wangu wafa ikozvino asi vuyai muise ruvoko rwenyu pamusoro pake ararame.
19. Ipapo Jesu akasimuka akamutevera navadzidzi vake.
20. Zvino mumwe mukadzi waiva nokurwara kwokubuda ropa makore anegumi namaviri, wakavuya shure kwake. Akabata mupendero wenguvo yake.
21. Nokuti wakati mumoyo make, kana ndikangobata nguvo yake bedzi ndichaponeswa.
22. Asi Jesu wakatendevuka akamuvona akati, mukunda tsunga moyo, kutenda kwako kwakuponesa. Mukadzi wakaponeswa kubva panguva iyo.
23. Zvino Jesu wakasvika mumba momubati wakavona varidzi venyere navanhu vazhinji vachiita mhere-mhere.
24. Akati kwavari, Ibvai nokuti musikana haana kufa asi uvete. Vakamuseka.
25. Asi vanhu vazhinji vakati vabudiswa, akapinda, akabata ruvoko rwake, musikana ndokumuka.
26. Mukurumbira wazvo ukabudira kunyika iyo yose.
27. Zvino Jesu wakati achibvapo, mapofu maviri akamutevera. Akadanidzira achiti Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!
28. Akati apinda mumba, mapofu akavuya kwaari. Jesu akati kwaari munotenda kuti ndinogona kuita izvozvo here? Akati kwaari, hongu Ishe!
29. Zvino wakabata meso avo akati, muitirwe pamakatenda napo.
30. Meso avo akasvinudzwa. Jesu akavaraira zvikuru akati, chenjerai kuti zvirege kuzikanwa nomunhu.
31. Asi vakabuda, vakataura pamusoro pake munyika iyo yose.
32. Vakati vachibuda, tarira vakavuya kwaari nomunhu wakanga ari mbeveve waiva nomweya wakaipa.
33. Mweya wakaipa ukati wabudiswa, mbeveve ikataura. Vanhu va zhinji vakashamiswa vakati, Hakuna kumbovonekwa zvakadai pakati pavaIsraeri.
34. Asi vaFarise vakati, unobudisa mweya yakaipa nomukuru wemweya yakaipa.
35. Zvino Jesu wakapota namaguta ose nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza Evhangeri yovushe, nokuporesa kurwara kwose novukosha hwose kuvanhu.
36. Asi wakati achivona vanhu vazhinji akavanzwira tsitsi nokuti vakanga vaneta, vakapararira samakwai asina Mufudzi.
37. Zvino akati kuvadzidzi vake, zvirokwazvo kucheka kukuru asi vabati vashoma.
38. Naizvozvo kumbirai kunaShe wokucheka kuti atumire vabati pakucheka kwake.

  Matthew (9/28)