Matthew (8/28)  

1. (Mar. 1. 40-45; Ruka 5:12-14.) Wakati aburuka pagomo, vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera.
2. Tarira munhu unamaperembudzi akavuya kwaari, akamunamata akati, Ishe kana muchida munogona kundinatsa.
3. Jesu wakatambanudza ruvoko rwake, akamubata akati, ndinoda chinatswa! Pakarepo maperembudzi ake akanatswa.
4. Jesu akati kwaari, tarira usavudza munhu asi enda uzviratidze kumuPirisita, ubayire chipo chakarairwa naMosesi chive chapupu kwavari. (Ruka 7. 1-10.)
5. Jesu wakati apinda Kapenaume, mumwe mukuru wezana akavuya kwaari. Akakumbira zvikuru kwaari,
6. achiti Ishe muranda wangu avete kumba, akafa mitezo asi unotambudzika kwazvo.
7. Jesu akati kwaari, ndichavuya kuzomuporesa.
8. Mukuru wezana akapindura akati Ishe, handina kufanira kuti mupinde mumba mangu asi taurai henyu shoko rimwe chete muranda wangu uchapora.
9. Nokuti nenivo ndiri munhu unorairwa, ndina varwi pasi pangu. Ndinoti kuno mumwe, enda, unoenda. Kunomumwe vuya, unovuya. Nokumuranda wangu ita chichi unoita.
10. Jesu wakati achinzwa izvozvo, akashamiswa akati kuna vakanga vachitevera, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, handina kumbovona kutenda kwakadai kunyangwe napakati paIsraeri.
11. Ndinoti kwamuri vazhinji vachavuya vachibva kumabvazuva nokumavirira, vachagara naAbhurahamu naIsaka naJakobho muvushe hwokudenga.
12. Asi vanakomana vovushe vachabudiswa kurima rokunze, apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
13. Zvino Jesu akati kumukuru wezana, enda uitirwe pawakatenda napo. Muranda wake akapora nenguva iyo. (Mar. 1. 29-34; Ruka 4. 38-41.)
14. Jesu, wakati achipinda mumba maPetro, akavona mai vomukadzi wake vavete vachinzwa fivhiri.
15. Akabata ruvoko rwavo, fivhiri ikabva kwavari. Vakasimuka vakavashandira.
16. Ava madekwana vakavuya kwaari navazhinji vaiva nemweya yakaipa. Akabudisa mweya neshoko. Akaporesa vose vairwara.
17. Kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya achiti, iye wakatora vutera hwedu, akatakura marwere edu. (Ruka 9.57-62.)
18. Jesu wakati achivona vanhu vazhinji vakamukomba, akaraira kuti vayambukire mhiri.
19. Zvino mumwe munyori akavuya kwaari akati, Mudzidzisi ndichakuteverai kwose kwamunoenda.
20. Jesu akati kwaari, mhungubwe dzine mwena neshiri dzokudenga dzina matendere asi Mwawnakomana womunhu haana paangatsamhidza musoro wake.
21. Mumwe wavadzidzi akati kwaari, Ishe nditenderei henyu ndimbonoviga baba vangu.
22. Asi Jesu wakati kwaari, nditevere, rega vakafa vavige vakafa vavo. (Mar 4. 35-41, Ruka 8. 22-25)
23. Wakati apinda mugwa, vadzidzi vake vakamutevera.
24. Ipapo dutu guru remhepo rikamuka mugungwa nokudaro igwa rakafukidzwa namafungu. Asi Iye wakanga avete.
25. Zvino vadzidzi vake vakavuya, vakamumutsa, vakati, Ishe tiponesei tofa!
26. Akati kwavari, Munotyireiko imi vokutenda kushoma? Zvino akamuka, akaraira mitutu negungwa. Kudzikama kukuru kukavapo.
27. Vanhu vakashamiswa vakati, uyu munhu kunyi zvaanoteererwa nemitutu negungwa? (Mar 5. 1-20, Ruka 8. 26-39)
28. Wakati asvika mhiri kunyika yavaGadara, vanhu vaviri vaiva nemweya yakaipa vakasongana naye, vachibva kumarinda. Vakanga vane hasha kwazvo-kwazvo. Naizvozvo kwakanga kusina munhu waigona kupfuvura nenzira iyo.
29. Zvino vakadanidzira vachiti, tine mhaka yeiko nemi Jesu Mwanakomana waMwari? Mavuya pano kuzotirwadzisa, nguva isati yasvika here?
30. Kwakanga kuneboka guru renguruve dzakanga dzichifura kure navo.
31. Mweya yakaipa ikakumbira zvikuru kwaari, ichiti kana muchitibudisa, titenderei kuti tiende muboka renguruve.
32. Akati kwairi, endai. Ikabuda, ikapinda munguruve. Boka rose rikamhanyira kumawere kugungwa, dzikafira mumvura.
33. Ipapo vaidzifudza vakatiza. Vakaenda kuguta. Vakataura zvose nezvakaitirwa vakanga vane mweya yakaipa.
34. Zvino guta rose rikabuda kundosongana naJesu. Vakati vachimuvona, vakakumbira zvikuru kwaari kuti abve munyika yavo.

  Matthew (8/28)