Matthew (7/28)  

1. Musatonga kuti murege kutongwa.
2. Nokuti nokutonga kwamunotonga nako, muchatongwa nako, nechiyero chamunoyera nacho muchayerwa nacho.
3. Unotaririreiko rubanzu ruri muziso rehama yako asi hauvoni danda riri muziso rako?
4. Kana ungataura seiko kuhama yako uchiti, rega ndibvise rubanzu muziso rako izvo danda riri muziso rako?
5. Iwe munyengeri tanga kubvisa danda muziso rako ugovona kwazvo kubvisa rubanzu muziso rehama yako.
6. Musapa imbwa zvinhu zvitsvene vuye musakanda maparera enyu pamberi penguruve kuti dzirege kuatsika netsoka dzadzo, dzikatendevuka dzikakubvamburai.
7. Kumbirai muchapiwa. Tsvakai muchawana. Gogodzai muchazarurirwa.
8. Nokuti mumwe nomumwe unokumbira unopiwa, unotsvaka unowana, unogogodza unozarurirwa.
9. Munhu ndoupiko kwamuri? Kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, ungamupa ibwe?
10. Kana akakumbira hove ungamupa nyoka?
11. Zvino kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapfuvurisa seiko kupa zvinhu zvakanaka ivo vanokumbira kwaari!
12. Saka zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemivo saizvozvo nokuti ndiwo murairo navaporofita. (Ruka 13. 24-30.)
13. Pindai nesuvo rakamanikana nokuti suvo rakafara nzira yakapamhamha inoenda kukuparadzwa. Vanopinda naro vazhinji.
14. Nokuti suvo rakamanikana nenzira nhete inoenda kuvupenyu, vanoiwana vashoma.
15. Chenjerai vaporofita venhema. Vanovuya kwamuri vanenguvo dzamakwai asi mukati ari mapere anoparadza.
16. Muchavaziva nezvibereko zvavo. Mazambiringa anombotanhwa paminzwa here, kana mavonde parukato?
17. Saizvozvo muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa.
18. Muti wakanaka haungabereki zvibereko zvakaipa nomuti wakaipa haangabereki zvibereko zvakanaka.
19. Muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka, unotemwa ukakandirwa mumoto.
20. Saka muchavaziva nezvibereko zvavo.
21. Havazi vose vanoti kwandiri Ishe, Ishe vachapinda muvushe hwokudenga. Asi unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.
22. Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro, Ishe, Ishe hatina kuporofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here?
23. Zvino ndichavavudza pachena handina kutongokuzivai, ibvai kwandiri imi vaiti vokusarurama.
24. Naizvozvo mumwe nomumwe unonzwa mashoko angu awa, akaaita ungafananidzwa nomurume wakachenjera. Wakavaka imba yake paruware.
25. Mvura ikanaya, mvura zhinji ikavuya, mitutu ika vhuvhuta, ikarova imba iyo ikasawa nokuti yakanga yakateyiwa paruware.
26. Mumwe nomumwe unonzwa mashoko angu awa, akasaaita, ungafananidzwa nomurume benzi wakavaka imba yake pajecha.
27. Mvura ikanaya, mvura zhinji ikavuya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova imba iyo, ikawa. Kuwa kwayo kukava kukuru.
28. Jesu wakati apedza mashoko iwayo vanhu vazhinji vakashamiswa nedzidziso yake.
29. Nokuti wakavadzidzisa sounesimba asingaiti savaSadhuse.

  Matthew (7/28)