| ← Matthew (7/28) → |
| 1. | Musatonga kuti murege kutongwa. |
| 2. | Nokuti nokutonga kwamunotonga nako, muchatongwa nako, nechiyero chamunoyera nacho muchayerwa nacho. |
| 3. | Unotaririreiko rubanzu ruri muziso rehama yako asi hauvoni danda riri muziso rako? |
| 4. | Kana ungataura seiko kuhama yako uchiti, rega ndibvise rubanzu muziso rako izvo danda riri muziso rako? |
| 5. | Iwe munyengeri tanga kubvisa danda muziso rako ugovona kwazvo kubvisa rubanzu muziso rehama yako. |
| 6. | Musapa imbwa zvinhu zvitsvene vuye musakanda maparera enyu pamberi penguruve kuti dzirege kuatsika netsoka dzadzo, dzikatendevuka dzikakubvamburai. |
| 7. | Kumbirai muchapiwa. Tsvakai muchawana. Gogodzai muchazarurirwa. |
| 8. | Nokuti mumwe nomumwe unokumbira unopiwa, unotsvaka unowana, unogogodza unozarurirwa. |
| 9. | Munhu ndoupiko kwamuri? Kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, ungamupa ibwe? |
| 10. | Kana akakumbira hove ungamupa nyoka? |
| 11. | Zvino kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapfuvurisa seiko kupa zvinhu zvakanaka ivo vanokumbira kwaari! |
| 12. | Saka zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemivo saizvozvo nokuti ndiwo murairo navaporofita. (Ruka 13. 24-30.) |
| 13. | Pindai nesuvo rakamanikana nokuti suvo rakafara nzira yakapamhamha inoenda kukuparadzwa. Vanopinda naro vazhinji. |
| 14. | Nokuti suvo rakamanikana nenzira nhete inoenda kuvupenyu, vanoiwana vashoma. |
| 15. | Chenjerai vaporofita venhema. Vanovuya kwamuri vanenguvo dzamakwai asi mukati ari mapere anoparadza. |
| 16. | Muchavaziva nezvibereko zvavo. Mazambiringa anombotanhwa paminzwa here, kana mavonde parukato? |
| 17. | Saizvozvo muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa. |
| 18. | Muti wakanaka haungabereki zvibereko zvakaipa nomuti wakaipa haangabereki zvibereko zvakanaka. |
| 19. | Muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka, unotemwa ukakandirwa mumoto. |
| 20. | Saka muchavaziva nezvibereko zvavo. |
| 21. | Havazi vose vanoti kwandiri Ishe, Ishe vachapinda muvushe hwokudenga. Asi unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. |
| 22. | Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro, Ishe, Ishe hatina kuporofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here? |
| 23. | Zvino ndichavavudza pachena handina kutongokuzivai, ibvai kwandiri imi vaiti vokusarurama. |
| 24. | Naizvozvo mumwe nomumwe unonzwa mashoko angu awa, akaaita ungafananidzwa nomurume wakachenjera. Wakavaka imba yake paruware. |
| 25. | Mvura ikanaya, mvura zhinji ikavuya, mitutu ika vhuvhuta, ikarova imba iyo ikasawa nokuti yakanga yakateyiwa paruware. |
| 26. | Mumwe nomumwe unonzwa mashoko angu awa, akasaaita, ungafananidzwa nomurume benzi wakavaka imba yake pajecha. |
| 27. | Mvura ikanaya, mvura zhinji ikavuya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova imba iyo, ikawa. Kuwa kwayo kukava kukuru. |
| 28. | Jesu wakati apedza mashoko iwayo vanhu vazhinji vakashamiswa nedzidziso yake. |
| 29. | Nokuti wakavadzidzisa sounesimba asingaiti savaSadhuse. |
| ← Matthew (7/28) → |