Matthew (6/28)  

1. Chenjerai kuti murege kuita kururama kwenyu pamberi pavanhu, kuti muvonekwe navo. Kana madaro hamuna mubairo kuna Baba venyu vari kudenga.
2. Zvino kana uchipa varombo zvipo, rega kuridza hwamanda pamberi pako sezvinoita vanyengeri mumasinagoge nomunzira dzomumusha kuti vakudzwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri vapiwa mubairo wavo.
3. Asi iwe kana uchipa zvipo, ruvoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva chinoitwa norudyi rwako.
4. Kuti kupa kwakwo kuve pakavanda. Ipapo Baba vako vanovona pakavanda vachakupa mubairo, panovonekwa navose.
5. Kana muchinyengetera, musava savanyengeri nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira dzomumusha kuti vavonekwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri vapiwa mubairo wavo.
6. Asi iwe kana uchinyengetera, pinda muimba yako yomukati. Kana wazarira mukova wako, unyengetere kuna Baba vako vari pakavanda. Zvino baba vako vanovona pakavanda vachakupa mubairo panovonekwa navose.
7. Pakunyengetera kwenyu musapamhidza zvisina maturo savahedheni nokuti ivo vanofunga kuti vachanzwikwa nokutaura kwavo kuzhinji.
8. Naizvozvo musafanana navo nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshaiwa, musati makumbira kwavari.
9. Zvino imi nyengeterai kudai, Baba vedu vari kudenga, Zita renyu ngariitwe dzvene.
10. Vushe bwenyu ngabwuvuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.
11. Mutipei nhasi zvokudya zvedu zvinotiringana.
12. Mutikanganwire mhosva dzedu sezvatinokanganwiravo vane mhosva nesu.
13. Regai kutiisa pakuidzwa, asi mutirwire panezvakaipa. Nokuti vushe ndohwenyu, nesimba nokuhwinya nokusingaperi. Ameni.
14. Nokuti kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukanganwiraivo.
15. Asi kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakukanganwirii vo kudarika kwenyu.
16. Kana muchizvinyima zvokudya, regai kuva nechiso chinopunyaira savanyengeri nokuti vanoipisa zviso zvavo, vavonekwe navanhu kuti vanozvinyima zvokudya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri vapiwa mubairo wavo.
17. Asi iwe kana uchizvinyima zvokudya zodza musoro wako, ushambe chiso chako,
18. kuti urege kuvonekwa navanhu kuti unozvinyima zvokudya, asi naBaba vako vari pakavanda zvino Baba vako vanovona pakavanda, vachakupa mubairo panovonekwa navose.
19. Regai kuzvivunganidzira fuma panyika pane zvipfunho nengura zvinopedza napane mbavha dzinopaza dzichiba.
20. Asi muzvivunganidzire fuma kudenga pasine zvipfunho nengura zvinopedza, pasina mbavha dzinopaza dzichiba.
21. Nokuti panefuma yako, nomoyo wako uchavapovo.
22. Mwenje womuviri iziso. Zvino kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa.
23. Asi kana ziso rako rose rakaipa, muviri wako wose uchava nerima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, rima iro iguru sei!
24. Hapana munhu ungabatira vatenzi vaviri nokuti uchavenga mumwe, akada mumwe. Kana uchanamatira mumwe akazvidza mumwe. Hamungabatiri Mwari nefuma.
25. Saka ndinoti kwamuri, regai kufunganya pamusoro povupenyu bwenyu muchiti ndichadyei kana ndichamwei? Kana pamusoro pomuviri wenyu muchiti ndichafukeiko? Vupenyu habwupfuvuri zvokudya here? Kana muviri haupfuvuri zvokufuka here?
26. Tarirai shiri dzokudenga hadzidzvari, hadzicheki, hadzivunganidziri mumatura, asi Baba venyu vokudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamudzipfuvuri zvikuru here?
27. Ndianiko kwamuri ungawedzera kubiti* rimwe pavurefu hwake nokufunganya?
28. Munofunganyireiko pamusoro pezvokufuka? Fungai maruva ebundo, kumera kwawo, haabati, haaruki.
29. Asi ndinoti kwamuri kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose haana kushongedzwa serimwe rawo.
30. Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo vuswa hwebundo hwuripo nhasi, hwuchakandirwa muchoto mangwana, haangakufukidziyi nokupfuurisa imi vokutenda kuduku here?
31. Naizvozvo musafunga muchiti tichadyei? Kana tichamwei? Kana tichafukeiko?
32. Nokuti vahedheni vanotsvaka izvozvi zvose. Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvo zvose.
33. Asi tangai kutsvaka vushe hwaMwari nokururama kwake, izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.
34. Naizvozvo musafunganya pamusoro pezvamangwana nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo. Zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nenhamo yaro.

  Matthew (6/28)