| ← Matthew (6/28) → |
| 1. | Chenjerai kuti murege kuita kururama kwenyu pamberi pavanhu, kuti muvonekwe navo. Kana madaro hamuna mubairo kuna Baba venyu vari kudenga. |
| 2. | Zvino kana uchipa varombo zvipo, rega kuridza hwamanda pamberi pako sezvinoita vanyengeri mumasinagoge nomunzira dzomumusha kuti vakudzwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri vapiwa mubairo wavo. |
| 3. | Asi iwe kana uchipa zvipo, ruvoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva chinoitwa norudyi rwako. |
| 4. | Kuti kupa kwakwo kuve pakavanda. Ipapo Baba vako vanovona pakavanda vachakupa mubairo, panovonekwa navose. |
| 5. | Kana muchinyengetera, musava savanyengeri nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira dzomumusha kuti vavonekwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri vapiwa mubairo wavo. |
| 6. | Asi iwe kana uchinyengetera, pinda muimba yako yomukati. Kana wazarira mukova wako, unyengetere kuna Baba vako vari pakavanda. Zvino baba vako vanovona pakavanda vachakupa mubairo panovonekwa navose. |
| 7. | Pakunyengetera kwenyu musapamhidza zvisina maturo savahedheni nokuti ivo vanofunga kuti vachanzwikwa nokutaura kwavo kuzhinji. |
| 8. | Naizvozvo musafanana navo nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshaiwa, musati makumbira kwavari. |
| 9. | Zvino imi nyengeterai kudai, Baba vedu vari kudenga, Zita renyu ngariitwe dzvene. |
| 10. | Vushe bwenyu ngabwuvuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga. |
| 11. | Mutipei nhasi zvokudya zvedu zvinotiringana. |
| 12. | Mutikanganwire mhosva dzedu sezvatinokanganwiravo vane mhosva nesu. |
| 13. | Regai kutiisa pakuidzwa, asi mutirwire panezvakaipa. Nokuti vushe ndohwenyu, nesimba nokuhwinya nokusingaperi. Ameni. |
| 14. | Nokuti kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukanganwiraivo. |
| 15. | Asi kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakukanganwirii vo kudarika kwenyu. |
| 16. | Kana muchizvinyima zvokudya, regai kuva nechiso chinopunyaira savanyengeri nokuti vanoipisa zviso zvavo, vavonekwe navanhu kuti vanozvinyima zvokudya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri vapiwa mubairo wavo. |
| 17. | Asi iwe kana uchizvinyima zvokudya zodza musoro wako, ushambe chiso chako, |
| 18. | kuti urege kuvonekwa navanhu kuti unozvinyima zvokudya, asi naBaba vako vari pakavanda zvino Baba vako vanovona pakavanda, vachakupa mubairo panovonekwa navose. |
| 19. | Regai kuzvivunganidzira fuma panyika pane zvipfunho nengura zvinopedza napane mbavha dzinopaza dzichiba. |
| 20. | Asi muzvivunganidzire fuma kudenga pasine zvipfunho nengura zvinopedza, pasina mbavha dzinopaza dzichiba. |
| 21. | Nokuti panefuma yako, nomoyo wako uchavapovo. |
| 22. | Mwenje womuviri iziso. Zvino kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa. |
| 23. | Asi kana ziso rako rose rakaipa, muviri wako wose uchava nerima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, rima iro iguru sei! |
| 24. | Hapana munhu ungabatira vatenzi vaviri nokuti uchavenga mumwe, akada mumwe. Kana uchanamatira mumwe akazvidza mumwe. Hamungabatiri Mwari nefuma. |
| 25. | Saka ndinoti kwamuri, regai kufunganya pamusoro povupenyu bwenyu muchiti ndichadyei kana ndichamwei? Kana pamusoro pomuviri wenyu muchiti ndichafukeiko? Vupenyu habwupfuvuri zvokudya here? Kana muviri haupfuvuri zvokufuka here? |
| 26. | Tarirai shiri dzokudenga hadzidzvari, hadzicheki, hadzivunganidziri mumatura, asi Baba venyu vokudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamudzipfuvuri zvikuru here? |
| 27. | Ndianiko kwamuri ungawedzera kubiti* rimwe pavurefu hwake nokufunganya? |
| 28. | Munofunganyireiko pamusoro pezvokufuka? Fungai maruva ebundo, kumera kwawo, haabati, haaruki. |
| 29. | Asi ndinoti kwamuri kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose haana kushongedzwa serimwe rawo. |
| 30. | Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo vuswa hwebundo hwuripo nhasi, hwuchakandirwa muchoto mangwana, haangakufukidziyi nokupfuurisa imi vokutenda kuduku here? |
| 31. | Naizvozvo musafunga muchiti tichadyei? Kana tichamwei? Kana tichafukeiko? |
| 32. | Nokuti vahedheni vanotsvaka izvozvi zvose. Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvo zvose. |
| 33. | Asi tangai kutsvaka vushe hwaMwari nokururama kwake, izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri. |
| 34. | Naizvozvo musafunganya pamusoro pezvamangwana nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo. Zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nenhamo yaro. |
| ← Matthew (6/28) → |