Matthew (5/28)  

1. (Ruka 6. 20-49.) Wakati achivona vanhu vazhinji, akakwira mugomo, akagara pasi. Vadzidzi vake vakaswedera kwaari.
2. Akashamisa muromo wake akavadzidzisa achiti,
3. Vakaropafadzwa varombo pamweya nokuti vushe hwokudenga ndohwavo.
4. Vakaropafadzwa vanochema nokuti vachanyaradzwa.
5. Vakaropafadzwa vanyoro nokuti vachagara nhaka yenyika.
6. Vakaropafadzwa vanenzara nenyota yokururama nokuti vachagutiswa kwazvo.
7. Vakaropafadzwa vanengoni nokuti vachaitirwa ngoni.
8. Vakaropafadzwa vakachena pamoyo nokuti vachavona Mwari.
9. Vakaropafadzwa vanoyananisa nokuti vachanzi vana vaMwari.
10. Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama nokuti vushe hwokudenga ndohwavo.
11. Makaropafadzwa imi kana vachikuzvidzai, vachikutambudzai, vachikupomerai zvakaipa zvose dziri nhema nokuda kwangu.
12. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubairo wenyu mukuru kudenga. Nokuti vakatambudza saizvozvo vaporofita vakakutangirai.
13. Imi muri munyu wenyika, asi kana munyu wadurungunda, ucharungwa neiko? Hauchabatsiri chinhu, asi kurashirwa kunze utsikwe navanhu.
14. Imi muri chiedza chenyika. Guta rakavakwa pagomo haringavanziki.
15. Nomwenje havangautungidzi, vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko uvhenekere vose vari mumba.
16. Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vavone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kukdenga.
17. Musafunga kuti ndakavuya kuparadza murairo kana vaporofita. Handina kuvuya kuparadza asi kuzadzisa.
18. Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kusvikira denga napasi zvichipfuvura, yota imwe kana tsanga imwe yomurairo hazvingatongopfuvuri, zvisati zvaitika zvose.
19. Naizvozvo aninani unoputsa mumwe wemirairo miduku iyi, akadzidzisa vanhu kuita saizvozvo, uchanzi muduku muvushe hwokudenga. Asi unoirita, akaidzidzisa uchanzi mukuru muvushe hwokudenga.
20. Nokuti ndinoti kwamuri, kana kururama kwenyu kusingapfuvuri kururama kwavanyori nokwavaFarise, hamungatongopindi muvushe hwokudenga.
21. Makanzwa kuti zvakanzi kunavekare, usavuraya. Aninani unovuraya uchapara mhosva ingatongwa.
22. Asi ini ndinoti kwamuri, unotsamwira hama yake pasinemhaka, uchapara mhosva ingatongwa. Unoti kuhama yake Raka, uchapara mhosva pamakurukota. Unoti benzi uchapara mhosva kuti atongerwe Gehena romoto.
23. Naizvozvo kana iwe uchivuya nechipo chako paaritari, ukarangarira ipapo kuti hama yako inemhosva newe.
24. Usiye chipo chako ipapo pamberi paaritari, uende umbondoyanana nehama yako, ugozovuya woisa chipo chako.
25. Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako uchiri munzira naye, kuti mudzivisi arege kukukwirira kumutongi, mutongi kumutariri, ukasungwa mutorongo.
26. Zvirokwazvo ndinoti kwauri haungatongobudimo usati waripa kamari kokupedzisira.
27. Makanzwa kuti zvakanzi nevakare, usaita vupombwe,
28. Asi ini ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe unotarisa mukadzi achimuchiva, watoita vupombwe naye mumoyo make.
29. Kana ziso rako rorudyi richikugumbusa, uribvise urirashire kure newe nokuti zvirinani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe muviri wako wose urege kukandirwa muGehena.
30. Kana ruvoko rwako rorudyi ruchikugumbusa, urugure, ururashire kure newe nokuti zvirinani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe, muviri wako wose urege kukandirwa muGehena.
31. Zvakanzivo aninani unorasha mukadzi wake, ngaamupe rugwaro rokumuramba.
32. Asi ini ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe unorasha mukadzi wake, asi nemhosva yovupombwe, unomuitisa vupombwe. Aninani unowana wakarashwa unoita vupombwe.
33. Makanzwavo kuti zvakanzi kuna vekare, usapika nhema, asi uripire Ishe pawakapika napo.
34. Asi ini ndinoti kwamuri, musatongopika kana nokudenga nokuti ndicho chigaro chovushe chaMwari.
35. Kana nenyika nokuti ndicho chitsiko chetsoka dzake, kana neJerusarema nokuti ndiro guta raMambo mukuru.
36. Usapika kana nomusoro wako nokuti haugoni kushandura ruvhudzi rumwe kuti ruve ruchena kana rutema.
37. Asi shoko renyu ngarive, hongu, hongu, kwete, kwete; zvinopfuvura izvozvo zvinobva kuno wakaipa,
38. Makanzwa kuti zvakanzi, ziso rinotsibwa neziso, zino nezino.
39. Asi ndinoti kwamuri musadzivisa wakaipa. Asi unokurova padama rorudyi, umurinzire rimwevo.
40. Kana munhu achida kukukwirira kuti akutorere nguvo yako yomukati, umutendere nenguvo yokunzevo.
41. Aninani unokumanikidza kuenda maira imwe uende naye mbiri.
42. Unokumbira kwauri umupe, usafuratira unoda kukwereta kwauri.
43. Makanzwa kuti zvakanzi, ude wokwako uvenge muvengi wako.
44. Asi ini ndinoti kwamuri, idai vavengi venyu, ropafadzai vanokutukai. Itirai zvakanaka vanokuvengai. Munyengeterere vanokuitirai zvakaipa vachikutambudzai.
45. Kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kudenga; nokuti vanobudisira vakaipa navakanaka zuva ravo, nemvura vanoinisira vakarurama navasakarurama.
46. Nokuti kana muchida vanokudai munomubairo weiko?
47. Kana muchikwazisa hama dzenyu bedzi, munopfuvura vamwe neiko? Ko navateresi havaiti saizvozvovo here?
48. Naizvozvo muve vakakwana saBaba venyu vari kudenga vakakwana.

  Matthew (5/28)