| ← Matthew (4/28) → | 
| 1. | (Mar. 1. 12-13; Ruka 4. 31-34.) Zvino Jesu wakatungamirirwa noMweya kurenje kuzoidzwa naDhiabhorosi. | 
| 2. | Wakati azvinyima zvokudya mazuva anamakumi mana novusiku bwunamakumi mana, akabva oziya. | 
| 3. | Zvino muidzi akavuya kwaari, akati kwaari, kana uri Mwanakomana waMwari raira kuti mabwe awa zvive zvingwa. | 
| 4. | Asi wakapindura akati, kwakanyorwa kuchinzi, munhu haangararami nechingwa bedzi, asi namashoko ose anobuda mumuromo maMwari. | 
| 5. | Zvino Dhiabhorosi akamuisa muguta dzvene, akamuisa pachiruvu chetembere. | 
| 6. | Akati kwaari, kana uri Mwanakomana waMwari uzviwisire pasi nokuti kwakanyorwa kuchinzi, Iye ucharaira vatumwa vake pamusoro pako. Pamavoko avo vacha kusimudza. Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe. | 
| 7. | Jesu akati kwaari, kwakanyorwavo, usaidza Ishe Mwari wako. | 
| 8. | Dhiabhorosi akamuisazve pagomo refu-refu, akamuratidza vushe bwose bwenyika nokubwinya kwabwo. | 
| 9. | Akati kwaari, izvi zvose ndichakupa kana ukawira pasi ukandimata. | 
| 10. | Ipapo Jesu akati kwaari, ibva Satani nokuti kwakanyorwa kuchinzi, namata Ishe Mwari wako, umushumire Iye woga. | 
| 11. | Zvino Dhiabhorosi akamurega. Vatumwa vakavuya vakamushumira. (Mar. 1. 14; Ruka 4.14; 5. 1-11.) | 
| 12. | Jesu wakati anzwa kuti Johane wasungwa. Akaenda Garirea. | 
| 13. | Zvino wakabva Nazareta akandogara Kapenaume pagungwa. Pamiganhu yeZabhuroni neNaftarimi. | 
| 14. | Kuti zviitike zvakarebwa nomuporofita Isaya achiti, | 
| 15. | Nyika yeZabhuroni nenyika yeNeftarimi, panzira yegungwa mhiri kwaJoridhani. Garirea ravahedheni. | 
| 16. | Vanhu vakanga vagere murima vakavona chiedza chikuru. Navakanga vagere panyika nomumumvuri worufu, chiedza chakavabudira. | 
| 17. | Kubva panguva iyeyo Jesu wakatanga kuparidza achiti, tendevukai nokuti vushe bwokudenga bwaswedera pedo. | 
| 18. | Jesu wakati achifamba pagungwa reGarirea akavona varume vaviri, vana vomunhu mumwe, Simoni unonzi Petro naAndrea munun’una wake vachikandira vutava mugungwa nokuti vakanga vari vabati vehove. | 
| 19. | Akati kwavari nditeverei, ndigokuitai vabati vavanhu. | 
| 20. | Pakarepo vakasiya vutava bwavo vakamutevera. | 
| 21. | Zvino wakati apfuvura mberi akavona vamwe varume vaviri mugwa, vana vomunhu mumwe, Jakobho mwanakomana waZebhedi naJohane munun 'una wake vana Zebedi baba vavo, vachigadzira vutava bwavo, akavadana. | 
| 22. | Pakarepo vakasiya igwa nababa vavo vakamutevera. | 
| 23. | Jesu akapota neGarirea rose akadzidzisa mumasinagoge avo. Achiparidza Evhangeri yovushe, achiporesa hosha dzose namarwere ose avanhu. | 
| 24. | Mukurumbira wake ukanzwikwa kunyika yose yeSiria. Vakavuya kwaari navairwara vose, navakabatwa nehosha dzamarudzi mazhinji namarwadzo, navakanga vanemweya yakaipa, navanezvipusha, navakanga vakafa mitezo, akavaporesa. | 
| 25. | Vanhu vazhinji-zhinji vaibva Garirea neDhekapori, neJerusarema, neJudhea, nemhiri kwaJoridhani vakamutevera. | 
| ← Matthew (4/28) → |