Matthew (4/28)  

1. (Mar. 1. 12-13; Ruka 4. 31-34.) Zvino Jesu wakatungamirirwa noMweya kurenje kuzoidzwa naDhiabhorosi.
2. Wakati azvinyima zvokudya mazuva anamakumi mana novusiku bwunamakumi mana, akabva oziya.
3. Zvino muidzi akavuya kwaari, akati kwaari, kana uri Mwanakomana waMwari raira kuti mabwe awa zvive zvingwa.
4. Asi wakapindura akati, kwakanyorwa kuchinzi, munhu haangararami nechingwa bedzi, asi namashoko ose anobuda mumuromo maMwari.
5. Zvino Dhiabhorosi akamuisa muguta dzvene, akamuisa pachiruvu chetembere.
6. Akati kwaari, kana uri Mwanakomana waMwari uzviwisire pasi nokuti kwakanyorwa kuchinzi, Iye ucharaira vatumwa vake pamusoro pako. Pamavoko avo vacha kusimudza. Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.
7. Jesu akati kwaari, kwakanyorwavo, usaidza Ishe Mwari wako.
8. Dhiabhorosi akamuisazve pagomo refu-refu, akamuratidza vushe bwose bwenyika nokubwinya kwabwo.
9. Akati kwaari, izvi zvose ndichakupa kana ukawira pasi ukandimata.
10. Ipapo Jesu akati kwaari, ibva Satani nokuti kwakanyorwa kuchinzi, namata Ishe Mwari wako, umushumire Iye woga.
11. Zvino Dhiabhorosi akamurega. Vatumwa vakavuya vakamushumira. (Mar. 1. 14; Ruka 4.14; 5. 1-11.)
12. Jesu wakati anzwa kuti Johane wasungwa. Akaenda Garirea.
13. Zvino wakabva Nazareta akandogara Kapenaume pagungwa. Pamiganhu yeZabhuroni neNaftarimi.
14. Kuti zviitike zvakarebwa nomuporofita Isaya achiti,
15. Nyika yeZabhuroni nenyika yeNeftarimi, panzira yegungwa mhiri kwaJoridhani. Garirea ravahedheni.
16. Vanhu vakanga vagere murima vakavona chiedza chikuru. Navakanga vagere panyika nomumumvuri worufu, chiedza chakavabudira.
17. Kubva panguva iyeyo Jesu wakatanga kuparidza achiti, tendevukai nokuti vushe bwokudenga bwaswedera pedo.
18. Jesu wakati achifamba pagungwa reGarirea akavona varume vaviri, vana vomunhu mumwe, Simoni unonzi Petro naAndrea munun’una wake vachikandira vutava mugungwa nokuti vakanga vari vabati vehove.
19. Akati kwavari nditeverei, ndigokuitai vabati vavanhu.
20. Pakarepo vakasiya vutava bwavo vakamutevera.
21. Zvino wakati apfuvura mberi akavona vamwe varume vaviri mugwa, vana vomunhu mumwe, Jakobho mwanakomana waZebhedi naJohane munun 'una wake vana Zebedi baba vavo, vachigadzira vutava bwavo, akavadana.
22. Pakarepo vakasiya igwa nababa vavo vakamutevera.
23. Jesu akapota neGarirea rose akadzidzisa mumasinagoge avo. Achiparidza Evhangeri yovushe, achiporesa hosha dzose namarwere ose avanhu.
24. Mukurumbira wake ukanzwikwa kunyika yose yeSiria. Vakavuya kwaari navairwara vose, navakabatwa nehosha dzamarudzi mazhinji namarwadzo, navakanga vanemweya yakaipa, navanezvipusha, navakanga vakafa mitezo, akavaporesa.
25. Vanhu vazhinji-zhinji vaibva Garirea neDhekapori, neJerusarema, neJudhea, nemhiri kwaJoridhani vakamutevera.

  Matthew (4/28)