Matthew (3/28)  

1. (Mar. 1. 1-8; Ruka 3. 1-18; Joh. 1. 6-8; 19-36; 3. 23-32.) Namazuva iwayo Johane Mubhabhatidzi wakavuya achiparidza parenje reJudhea,
2. achiti, tendevukai nokuti vushe hwokudenga hwaswedera pedo.
3. Nokuti uyu ndiwakarebwa nomuporofita Isaya achiti, Inzwi rounodana murenje, gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.
4. Iye Johane waiva nenguvo yamakushe ekamera nebhanhire reganda pachivuno chake zvokudya zvake zvaiva mhashu novuchi bwebundo.
5. Zvino veJerusarema neJudhea rose vakabudira kwaari nenyika yose yakapoteredza Jorodhani.
6. Vakabhabhatidzwa naye murwizi rwaJoridhani vachizvirevurura zvivi zvavo.
7. Asi wakati achivona vazhinji vavaFarise navaSadhuse vachivuya kuzobhabhatidzwa naye, akati kwavari vana venyoka, ndianiko wakakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunovuya?
8. Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendevuka.
9. Musafunga kutaura mumoyo menyu muchiti, Abhurahamu ndibaba vedu, nokuti ndinoti kwamuri Mwari ungamutsira Abhurahamu vana pamabwe awa.
10. Zvino sanhu ratoiswa pamudzi wemiti, saka muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka unotemwa ukakandirwa mumoto.
11. Ini ndinokubhabhatidzai nemvura mutendevuke, asi unovuya shure kwangu unesimba kupfuvureni, uyo wandisakafanira kutakura shangu dzake, Iye uchakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto.
12. Rusero rwake ruri muruvoko rwake, uchanatsa buriro rake kwazvo. Uchavunganidzira zviyo mudura. Asi hundi uchaipisa mumoto usingadzimwi. (Mar. 1. 9-11; Ruka 3. 21-22; Joh. 1. 31-34.)
13. Zvino Jesu wakabva Garirea akasvika paJoridhani kuna Johane kuzobhabhatidzwa naye.
14. Asi Johane wakaidza kumudzivisa akati, ndini ndinofanira kubhabhatidzwa nemi, ko movuya kwandiri sei?
15. Asi Jesu wakapindura akati kwaari, chirega hako zvino nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose. Ipapo akamurega.
16. Jesu wakati abhabhatidzwa, Pakarepo akabuda mumvura. Zvino tarira denga rakamuzarurirwa akavona Mweya waMwari achiburuka senjiva. Akavuya pamusoro pake.
17. Zvino tarira inzwi rakabva kudenga richiti, Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa wandinofarira!

  Matthew (3/28)