| ← Matthew (3/28) → |
| 1. | (Mar. 1. 1-8; Ruka 3. 1-18; Joh. 1. 6-8; 19-36; 3. 23-32.) Namazuva iwayo Johane Mubhabhatidzi wakavuya achiparidza parenje reJudhea, |
| 2. | achiti, tendevukai nokuti vushe hwokudenga hwaswedera pedo. |
| 3. | Nokuti uyu ndiwakarebwa nomuporofita Isaya achiti, Inzwi rounodana murenje, gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake. |
| 4. | Iye Johane waiva nenguvo yamakushe ekamera nebhanhire reganda pachivuno chake zvokudya zvake zvaiva mhashu novuchi bwebundo. |
| 5. | Zvino veJerusarema neJudhea rose vakabudira kwaari nenyika yose yakapoteredza Jorodhani. |
| 6. | Vakabhabhatidzwa naye murwizi rwaJoridhani vachizvirevurura zvivi zvavo. |
| 7. | Asi wakati achivona vazhinji vavaFarise navaSadhuse vachivuya kuzobhabhatidzwa naye, akati kwavari vana venyoka, ndianiko wakakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunovuya? |
| 8. | Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendevuka. |
| 9. | Musafunga kutaura mumoyo menyu muchiti, Abhurahamu ndibaba vedu, nokuti ndinoti kwamuri Mwari ungamutsira Abhurahamu vana pamabwe awa. |
| 10. | Zvino sanhu ratoiswa pamudzi wemiti, saka muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka unotemwa ukakandirwa mumoto. |
| 11. | Ini ndinokubhabhatidzai nemvura mutendevuke, asi unovuya shure kwangu unesimba kupfuvureni, uyo wandisakafanira kutakura shangu dzake, Iye uchakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto. |
| 12. | Rusero rwake ruri muruvoko rwake, uchanatsa buriro rake kwazvo. Uchavunganidzira zviyo mudura. Asi hundi uchaipisa mumoto usingadzimwi. (Mar. 1. 9-11; Ruka 3. 21-22; Joh. 1. 31-34.) |
| 13. | Zvino Jesu wakabva Garirea akasvika paJoridhani kuna Johane kuzobhabhatidzwa naye. |
| 14. | Asi Johane wakaidza kumudzivisa akati, ndini ndinofanira kubhabhatidzwa nemi, ko movuya kwandiri sei? |
| 15. | Asi Jesu wakapindura akati kwaari, chirega hako zvino nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose. Ipapo akamurega. |
| 16. | Jesu wakati abhabhatidzwa, Pakarepo akabuda mumvura. Zvino tarira denga rakamuzarurirwa akavona Mweya waMwari achiburuka senjiva. Akavuya pamusoro pake. |
| 17. | Zvino tarira inzwi rakabva kudenga richiti, Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa wandinofarira! |
| ← Matthew (3/28) → |