| ← Matthew (28/28) |
| 1. | (Mar. 16. 1-8; Ruka 24. 1-49; Joh. 20.1-23.) Nokupera kwesabata kwoedza, nomusi wokutanga kwevhiki. Maria Magadarene nomumwe Maria vakavuya kuzovona bwiro. |
| 2. | Zvino kukavapo kudengenyeka kukuru kwenyika nokuti mutumwa waShe wakaburuka kudenga, akavuya, akakungurusa ibwe ndokugara pamusoro paro. |
| 3. | Kuvonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni nezvokufuka zvake zvaiva zvichena sechando. |
| 4. | Zvino varindi vakadedera vachimutya vakaita savakafa. |
| 5. | Zvino mutumwa akapindura akati kuvakadzi, musatya imi nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu wakanga akaroverwa pamuchinjikwa. |
| 6. | Haapo pano nokuti wakamuka sezvaakareva. Vuyai muvone pakanga pavete Ishe. |
| 7. | Kurumidzai muende mundovudza vadzidzi vake kuti wamuka kuvakafa. Tarirai unokutungamirirai Garirea, muchando muvonapo. Tarirai ndakuvudzai. |
| 8. | Zvino vakakurumidza kubva pabwiro vachitya nokufara zvikuru. Vakamhanyira kunovudza vadzidzi vake. |
| 9. | Zvino vakati vachienda kundovudza vadzidzi vake, tarira Jesu wakasongana navo akati, Kwaziwai! Vakavuya vakabata tsoka dzake vakamunamata. |
| 10. | Zvino Jesu akati kwavari, musatya endai mundovudza hama dzangu kuti vaende Garirea vagondivonako. |
| 11. | Zvino vachiri munzira, vamwe varindi vakasvika muguta, vakavudza vaPirisita vakuru zvose zvakaitwa. |
| 12. | Vakati vavungana navakuru vakarangana, vakapa varwi mari zhinji, |
| 13. | vachiti taurai muchiti, vadzidzi vake vakavuya vusiku vakamuba isu tivete. |
| 14. | Kana zvikanzwikwa nomubati tichamutendisa, imi murege kusundirwa mhosva. |
| 15. | Zvino vakatora mari vakaita sezvavakadzidziswa. Shoko iri rikaparidzirwa pakati pavaJudha kusvikira zuva ranhasi. |
| 16. | Zvino vadzidzi vanegumi nomumwe vakaenda Garirea, kugomo ravakarairwa naJesu. |
| 17. | Vakati vachimuvona, vakamunamata asi vamwe vakanyunyuta. |
| 18. | Ipapo Jesu wakasvika akataura kwavari, akati, Ndakapiwa simba rose kudenga napanyika. |
| 19. | Endai naizvozvo mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze muzita raBaba nero Mwanakomana neroMweya Mutsvene. |
| 20. | Muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurairai imi. Tarirai ndinemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika. |
| ← Matthew (28/28) |