Matthew (28/28)    

1. (Mar. 16. 1-8; Ruka 24. 1-49; Joh. 20.1-23.) Nokupera kwesabata kwoedza, nomusi wokutanga kwevhiki. Maria Magadarene nomumwe Maria vakavuya kuzovona bwiro.
2. Zvino kukavapo kudengenyeka kukuru kwenyika nokuti mutumwa waShe wakaburuka kudenga, akavuya, akakungurusa ibwe ndokugara pamusoro paro.
3. Kuvonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni nezvokufuka zvake zvaiva zvichena sechando.
4. Zvino varindi vakadedera vachimutya vakaita savakafa.
5. Zvino mutumwa akapindura akati kuvakadzi, musatya imi nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu wakanga akaroverwa pamuchinjikwa.
6. Haapo pano nokuti wakamuka sezvaakareva. Vuyai muvone pakanga pavete Ishe.
7. Kurumidzai muende mundovudza vadzidzi vake kuti wamuka kuvakafa. Tarirai unokutungamirirai Garirea, muchando muvonapo. Tarirai ndakuvudzai.
8. Zvino vakakurumidza kubva pabwiro vachitya nokufara zvikuru. Vakamhanyira kunovudza vadzidzi vake.
9. Zvino vakati vachienda kundovudza vadzidzi vake, tarira Jesu wakasongana navo akati, Kwaziwai! Vakavuya vakabata tsoka dzake vakamunamata.
10. Zvino Jesu akati kwavari, musatya endai mundovudza hama dzangu kuti vaende Garirea vagondivonako.
11. Zvino vachiri munzira, vamwe varindi vakasvika muguta, vakavudza vaPirisita vakuru zvose zvakaitwa.
12. Vakati vavungana navakuru vakarangana, vakapa varwi mari zhinji,
13. vachiti taurai muchiti, vadzidzi vake vakavuya vusiku vakamuba isu tivete.
14. Kana zvikanzwikwa nomubati tichamutendisa, imi murege kusundirwa mhosva.
15. Zvino vakatora mari vakaita sezvavakadzidziswa. Shoko iri rikaparidzirwa pakati pavaJudha kusvikira zuva ranhasi.
16. Zvino vadzidzi vanegumi nomumwe vakaenda Garirea, kugomo ravakarairwa naJesu.
17. Vakati vachimuvona, vakamunamata asi vamwe vakanyunyuta.
18. Ipapo Jesu wakasvika akataura kwavari, akati, Ndakapiwa simba rose kudenga napanyika.
19. Endai naizvozvo mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze muzita raBaba nero Mwanakomana neroMweya Mutsvene.
20. Muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurairai imi. Tarirai ndinemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.

  Matthew (28/28)