Matthew (27/28)  

1. (Mar. 15. 1; Ruka 23. 1; Joh. 18. 28.) Ava mangwana vaPirisita vakuru vose navakuru vavanhu vakarangana pamsoro paJesu kuti vamuvuraye.
2. Vakamusunga vakaenda naye vakamuisa kuna Pirato mubati. (Mabasa 1. 16-19.)
3. Zvino Judhasi uyo wakamupandukira wakati achivona kuti watongerwa kufa, ndokuzvidya moyo. Akadzosera masirivheri aya anamakumi matatu kuvaPirisita vakuru navakuru.
4. Achiti ndatadza, ndapandukira ropa risinemhosva. Vakati tinemhaka yeiko nazvo? Imhaka yako.
5. Akakandira pasi masirivheri mutembere, akabva akaenda ndokuzvisungirira.
6. VaPirisita vakuru vakatora masirivheri vakati, hazvina kufanira kuti tiaise muchivigiro chemari zvauri mutengo weropa.
7. Vakarangana, vakatenga nawo munda womuvumbi wehari, kuzovigapo vatogwa.
8. Naizvozvo munda uyo wakanzi munda weropa kusvikira zuva ranhasi.
9. Zvino zvakarebwa nomuporofita Jeremia zvakaitika zvinoti, Vakatora masirvheri anamakumi, matatu, mutengo waiye wakatarirwa mutengo. Uyo wakatarwa navana vaIsraeri.
10. Vakatenga nawo munda womuvumbi wehari, sezvandakarairwa naShe. (Mar. 15. 1-20; Ruka 23. 1-25; Joh. 18. 29-19, 16.)
11. Zvino Jesu wakamira pamberi pomubati. Mubati akamubvunza akati, ndiwe mambo wavaJudha here? Jesu akati kwaari, ndizvo zvamataura.
12. Asi wakati achipomerwa mhosva navaPirisita vakuru navakuru, haana kupindura chinhu.
13. Zvino Pirato akati kwaari, haunzwi zvinhu zvizhinji zvavanokupomedzera here?
14. Asi haana kuvapindura kunyange neshoko rimwe chete. Mubati akashamiswa kwazvo-kwazvo nazvo.
15. Zvino pamutambo mubati aisunungurira vanhu vazhinji musungwa mumwe wavanenge vada.
16. Nenguva iyo vaiva nemusungwa wakakumbira wainzi Bharabhasi.
17. Naizvozvo vakati vavungana, Pirato akati kwavari, munoda kuti ndikusunungurirei aniko? Bharabhasi kana Jesu unonzi Kristu?
18. Nokuti wakanga achiziva kuti vakanga vamuisa kwaari negodo.
19. Zvino wakati agere pachigaro chokutonga, mukadzi wake akatumira kwaari achiti, usava nemhaka nomunhu uyo wakarurama, nokuti ndatambudzika zvikuru nhasi pakurota nokuda kwake.
20. VaPirisita vakuru navakuru vakagombedzera vanhu vazhinji kuti vakumbire Bharabhasi, Jesu avurawe.
21. Mubati akapindura akati kwavari, munoda kuti ndikusunungurirei aniko kuna ivavo vaviri? Vakati, Bharabhasi.
22. Pirato akati kwavari, ndichagoiteiko naJesu unonzi Kristu? Vose vakati kwaari, ngaaroverwe pamuchinjikwa.
23. Iye akati, chakaipa chaakagoita ndecheiko? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti, ngaaroverwe pamuchinjikwa!
24. Zvino Pirato achivona kuti hazvibatsiri asi kuti pomuka bope, wakatora mvura akashamba mavoko ake pamberi pavanhu vazhinji achiti, handine mhaka neropa romunhu uyu wakarurama, imhaka yenyu!
25. Vanhu vose vakapindura vakati, ropa rake ngarive pamusoro pedu navana vedu.
26. Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi Jesu vakamurovesa kwazvo, akamuisa kwavari kuti aroverwe pamuchinjikwa. (Mar. 15. 16-20; Joh. 19. 2-3.)
27. Zvino varwi vomubati vakaisa Jesu mumba momubati, hondo yose ikavunganira kwaari.
28. Vakamubvisa nguvo dzake, vakamufukidza nguvo tsvuku,
29. Vakaruka korona yeminzwa, ndokuiisa pamusoro wake, norutsanga muruvoko rwake rworudyi. Vakafugama pamberi pake vakamuseka vachiti, Kwaziwai, Mambo wavaJudha!
30. Vakamupfira mate, vakatora rutsangavakaramba vachimurova musoro.
31. Vakati vamuseka, vakamubvisa nguvo tsvuku, vakamupfekedza nguvodzake vakaenda naye kundomurovera pamuchinjikwa. (Mar. 15. 21-41; Ruka 23. 26-49; Joh. 19. 17-37.)
32. Vakati vachibuda, vakawana munhu wekurini wainzi Simoni. Vakamumanikidza iye kuti atakure muchinjikwa wake.
33. Vakati vasvika panzvimbo inonzi Gorgota ndokuti nzvimbo yedhehenya.
34. Vakamupa waini yakavhenganiswa nenduru kuti anwe asi wakati aravira akaramba kunwa.
35. Vakati vamurovera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake pakati pavo. Vachikanda mijenya kuti zvakarehwa nomuporofita zviitike zvinoti, vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakanda mijenya pamusoro pezvokufuka zvangu.
36. Vakagara vakamurindapo.
37. Vakaisa pamusoro wake rugwaro rwemhosva yake rwokuti, UYU NDIJESU MAMBO WAVAJUDHA.
38. Vakarovera pamwe chete naye makororo maviri, mumwe kurudyi, mumwe kuruboshwe.
39. Vakanga vachipfuvura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo
40. vachiti Iwe wokuputsa tembere nokuivakazve namazuva matatu, chizviponesa. Kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa.
41. Saizvozvo vaPirisita vakuru navanyori navakuru vakamuseka vachiti
42. Wakaponesa vamwe, iye haagoni kuzviponesa. Kana ari Iye mambo wavaIsraeri, ngaburuke zvino pamuchinjikwa titende kwaari.
43. Waivimba naMwari, ngaachimusunungura zvino pamuchinjikwa kana achimuda nokuti wakati ndiri Mwanakomana waMwari.
44. Namakororo akanga aroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naye, akamuzvidza saizvozvo.
45. Zvino kubva panguva yechitanhatu kusvikira panguva yepfumbamwe, rima rakavapo panyika yose.
46. Nenguva inenge yepfumbamwe Jesu akadana nenzwi guru achiti, Eri, Eri ramasabakatani! Ndokuti Mwari wangu, Mwari wangu mandisiyireiko?
47. Vamwe vakanga vamire po vachizvinzwa vakati, Uyo unodana Eria.
48. Pakarepo mumwe wavo akamhanya, akatora chipanje, akachizadza nevhiniga ndokuisa parutsanga. Akamunwisa.
49. Vamwe vakati, regai timbovona kana Eria achizovuya kumuponesa.
50. Zvino Jesu akadanidzirazve nenzwi guru akabudisa mweya wake.
51. Ipapo tarira chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.
52. Mabwiro akazaruka nemitumbu mizhinji yavatsvene vakanga vavete yakamutsva.
53. Vakabuda pamabwiro iye amuka vakapinda muguta dzvene. Vakavonekwa navazhinji.
54. Zvino mukuru wezana navairinda Jesu naye vakati vachivona kudengenyeka kwenyika nezvakaitwa, vakatya zvikuru vakati, zvirokwazvo uyu wakanga ari Mwanakomana waMwari.
55. Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vakatarira vari kure. Vakanga vatevera Jesu vachibva Garirea vachimushandira.
56. Pakati pavo kwakanga kunaMaria Magdarene naMaria mai vaJakobho naJose namai vavanakomana vaZebhedi.
57. Zvino ava madeko kukasvika mumwe mufumi weArimatea wainzi Josefa. Wakanga ari mudzidzi waJesu amene.
58. Akaenda kunaPirato akakumbira mutumbu waJesu. Pirato akaraira kuti apiwe.
59. Josefa akatora mutumbu, akaputira nomucheka muchena.
60. Akauviga mubwiro hwake hwutsva, hwaakanga achera mubwe. Akakungurusira ibwe guru pamuromo webwiro akabva.
61. Maria Magadrane nomumwe Maria vakanga varipo vagere vakatarisana nobwiro.
62. Fume mangwana ndiro zuva raitevera zuva roKugadzirira VaPirisita vakuru navaFarise vakavungana kunaPirato,
63. vakati Ishe tinorangarira kuti munyengeri uyu achiri mupenyu akati, mazuva matatu apfuvura ndichamuka.
64. Saka rairai kuti bwiro bwuchengetwe kusvikira nezuva retatu kuti vadzidzi vake varege kuvuya vusiku vakamuba. Vagoti kuvanhu, wakamutswa kuvakafa. Kurashika kokupedzisira kukazopfuvura kokutanga.
65. Pirato akati kwavari, imi munavarindi, endai mubwuchengete sezvamunoziva.
66. Vakaenda, vakandochengeta bwiro. Vakaisa chiratidzo chokusimbisa pabwe, varindi vanavo.

  Matthew (27/28)