| ← Matthew (27/28) → |
| 1. | (Mar. 15. 1; Ruka 23. 1; Joh. 18. 28.) Ava mangwana vaPirisita vakuru vose navakuru vavanhu vakarangana pamsoro paJesu kuti vamuvuraye. |
| 2. | Vakamusunga vakaenda naye vakamuisa kuna Pirato mubati. (Mabasa 1. 16-19.) |
| 3. | Zvino Judhasi uyo wakamupandukira wakati achivona kuti watongerwa kufa, ndokuzvidya moyo. Akadzosera masirivheri aya anamakumi matatu kuvaPirisita vakuru navakuru. |
| 4. | Achiti ndatadza, ndapandukira ropa risinemhosva. Vakati tinemhaka yeiko nazvo? Imhaka yako. |
| 5. | Akakandira pasi masirivheri mutembere, akabva akaenda ndokuzvisungirira. |
| 6. | VaPirisita vakuru vakatora masirivheri vakati, hazvina kufanira kuti tiaise muchivigiro chemari zvauri mutengo weropa. |
| 7. | Vakarangana, vakatenga nawo munda womuvumbi wehari, kuzovigapo vatogwa. |
| 8. | Naizvozvo munda uyo wakanzi munda weropa kusvikira zuva ranhasi. |
| 9. | Zvino zvakarebwa nomuporofita Jeremia zvakaitika zvinoti, Vakatora masirvheri anamakumi, matatu, mutengo waiye wakatarirwa mutengo. Uyo wakatarwa navana vaIsraeri. |
| 10. | Vakatenga nawo munda womuvumbi wehari, sezvandakarairwa naShe. (Mar. 15. 1-20; Ruka 23. 1-25; Joh. 18. 29-19, 16.) |
| 11. | Zvino Jesu wakamira pamberi pomubati. Mubati akamubvunza akati, ndiwe mambo wavaJudha here? Jesu akati kwaari, ndizvo zvamataura. |
| 12. | Asi wakati achipomerwa mhosva navaPirisita vakuru navakuru, haana kupindura chinhu. |
| 13. | Zvino Pirato akati kwaari, haunzwi zvinhu zvizhinji zvavanokupomedzera here? |
| 14. | Asi haana kuvapindura kunyange neshoko rimwe chete. Mubati akashamiswa kwazvo-kwazvo nazvo. |
| 15. | Zvino pamutambo mubati aisunungurira vanhu vazhinji musungwa mumwe wavanenge vada. |
| 16. | Nenguva iyo vaiva nemusungwa wakakumbira wainzi Bharabhasi. |
| 17. | Naizvozvo vakati vavungana, Pirato akati kwavari, munoda kuti ndikusunungurirei aniko? Bharabhasi kana Jesu unonzi Kristu? |
| 18. | Nokuti wakanga achiziva kuti vakanga vamuisa kwaari negodo. |
| 19. | Zvino wakati agere pachigaro chokutonga, mukadzi wake akatumira kwaari achiti, usava nemhaka nomunhu uyo wakarurama, nokuti ndatambudzika zvikuru nhasi pakurota nokuda kwake. |
| 20. | VaPirisita vakuru navakuru vakagombedzera vanhu vazhinji kuti vakumbire Bharabhasi, Jesu avurawe. |
| 21. | Mubati akapindura akati kwavari, munoda kuti ndikusunungurirei aniko kuna ivavo vaviri? Vakati, Bharabhasi. |
| 22. | Pirato akati kwavari, ndichagoiteiko naJesu unonzi Kristu? Vose vakati kwaari, ngaaroverwe pamuchinjikwa. |
| 23. | Iye akati, chakaipa chaakagoita ndecheiko? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti, ngaaroverwe pamuchinjikwa! |
| 24. | Zvino Pirato achivona kuti hazvibatsiri asi kuti pomuka bope, wakatora mvura akashamba mavoko ake pamberi pavanhu vazhinji achiti, handine mhaka neropa romunhu uyu wakarurama, imhaka yenyu! |
| 25. | Vanhu vose vakapindura vakati, ropa rake ngarive pamusoro pedu navana vedu. |
| 26. | Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi Jesu vakamurovesa kwazvo, akamuisa kwavari kuti aroverwe pamuchinjikwa. (Mar. 15. 16-20; Joh. 19. 2-3.) |
| 27. | Zvino varwi vomubati vakaisa Jesu mumba momubati, hondo yose ikavunganira kwaari. |
| 28. | Vakamubvisa nguvo dzake, vakamufukidza nguvo tsvuku, |
| 29. | Vakaruka korona yeminzwa, ndokuiisa pamusoro wake, norutsanga muruvoko rwake rworudyi. Vakafugama pamberi pake vakamuseka vachiti, Kwaziwai, Mambo wavaJudha! |
| 30. | Vakamupfira mate, vakatora rutsangavakaramba vachimurova musoro. |
| 31. | Vakati vamuseka, vakamubvisa nguvo tsvuku, vakamupfekedza nguvodzake vakaenda naye kundomurovera pamuchinjikwa. (Mar. 15. 21-41; Ruka 23. 26-49; Joh. 19. 17-37.) |
| 32. | Vakati vachibuda, vakawana munhu wekurini wainzi Simoni. Vakamumanikidza iye kuti atakure muchinjikwa wake. |
| 33. | Vakati vasvika panzvimbo inonzi Gorgota ndokuti nzvimbo yedhehenya. |
| 34. | Vakamupa waini yakavhenganiswa nenduru kuti anwe asi wakati aravira akaramba kunwa. |
| 35. | Vakati vamurovera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake pakati pavo. Vachikanda mijenya kuti zvakarehwa nomuporofita zviitike zvinoti, vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakanda mijenya pamusoro pezvokufuka zvangu. |
| 36. | Vakagara vakamurindapo. |
| 37. | Vakaisa pamusoro wake rugwaro rwemhosva yake rwokuti, UYU NDIJESU MAMBO WAVAJUDHA. |
| 38. | Vakarovera pamwe chete naye makororo maviri, mumwe kurudyi, mumwe kuruboshwe. |
| 39. | Vakanga vachipfuvura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo |
| 40. | vachiti Iwe wokuputsa tembere nokuivakazve namazuva matatu, chizviponesa. Kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa. |
| 41. | Saizvozvo vaPirisita vakuru navanyori navakuru vakamuseka vachiti |
| 42. | Wakaponesa vamwe, iye haagoni kuzviponesa. Kana ari Iye mambo wavaIsraeri, ngaburuke zvino pamuchinjikwa titende kwaari. |
| 43. | Waivimba naMwari, ngaachimusunungura zvino pamuchinjikwa kana achimuda nokuti wakati ndiri Mwanakomana waMwari. |
| 44. | Namakororo akanga aroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naye, akamuzvidza saizvozvo. |
| 45. | Zvino kubva panguva yechitanhatu kusvikira panguva yepfumbamwe, rima rakavapo panyika yose. |
| 46. | Nenguva inenge yepfumbamwe Jesu akadana nenzwi guru achiti, Eri, Eri ramasabakatani! Ndokuti Mwari wangu, Mwari wangu mandisiyireiko? |
| 47. | Vamwe vakanga vamire po vachizvinzwa vakati, Uyo unodana Eria. |
| 48. | Pakarepo mumwe wavo akamhanya, akatora chipanje, akachizadza nevhiniga ndokuisa parutsanga. Akamunwisa. |
| 49. | Vamwe vakati, regai timbovona kana Eria achizovuya kumuponesa. |
| 50. | Zvino Jesu akadanidzirazve nenzwi guru akabudisa mweya wake. |
| 51. | Ipapo tarira chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka. |
| 52. | Mabwiro akazaruka nemitumbu mizhinji yavatsvene vakanga vavete yakamutsva. |
| 53. | Vakabuda pamabwiro iye amuka vakapinda muguta dzvene. Vakavonekwa navazhinji. |
| 54. | Zvino mukuru wezana navairinda Jesu naye vakati vachivona kudengenyeka kwenyika nezvakaitwa, vakatya zvikuru vakati, zvirokwazvo uyu wakanga ari Mwanakomana waMwari. |
| 55. | Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vakatarira vari kure. Vakanga vatevera Jesu vachibva Garirea vachimushandira. |
| 56. | Pakati pavo kwakanga kunaMaria Magdarene naMaria mai vaJakobho naJose namai vavanakomana vaZebhedi. |
| 57. | Zvino ava madeko kukasvika mumwe mufumi weArimatea wainzi Josefa. Wakanga ari mudzidzi waJesu amene. |
| 58. | Akaenda kunaPirato akakumbira mutumbu waJesu. Pirato akaraira kuti apiwe. |
| 59. | Josefa akatora mutumbu, akaputira nomucheka muchena. |
| 60. | Akauviga mubwiro hwake hwutsva, hwaakanga achera mubwe. Akakungurusira ibwe guru pamuromo webwiro akabva. |
| 61. | Maria Magadrane nomumwe Maria vakanga varipo vagere vakatarisana nobwiro. |
| 62. | Fume mangwana ndiro zuva raitevera zuva roKugadzirira VaPirisita vakuru navaFarise vakavungana kunaPirato, |
| 63. | vakati Ishe tinorangarira kuti munyengeri uyu achiri mupenyu akati, mazuva matatu apfuvura ndichamuka. |
| 64. | Saka rairai kuti bwiro bwuchengetwe kusvikira nezuva retatu kuti vadzidzi vake varege kuvuya vusiku vakamuba. Vagoti kuvanhu, wakamutswa kuvakafa. Kurashika kokupedzisira kukazopfuvura kokutanga. |
| 65. | Pirato akati kwavari, imi munavarindi, endai mubwuchengete sezvamunoziva. |
| 66. | Vakaenda, vakandochengeta bwiro. Vakaisa chiratidzo chokusimbisa pabwe, varindi vanavo. |
| ← Matthew (27/28) → |