Matthew (26/28)  

1. (Mar. 4. 14, 1-2; Ruka 22. 1-2.) Jesu wakati apedza mashoko iwayo ose akati kuvadzidzi vake,
2. Munoziva kuti kana mazuva maviri apfuvura paseka inosvika, Mwanakomana womunhu uchaiswa kuvatongi kuti aroverwe pamuchinjikwa.
3. Zvino vaPirisita vakuru navanyori navakuru vavanhu vakavungana muruvazhe rwomuPirisita mukuru wainzi Kayafasi.
4. Vakarangana kuti vabate Jesu namano, vagomuvuraya.
5. Asi vakati, zvirege kuitwa pamutambo kuti kurege kuva nebope pakati pavanhu. (Mar. 14. 39, Joh. 12. 18.)
6. Zvino Jesu wakati ari paBetania mumba maSimoni wamaperembudzi.
7. Mumwe mukadzi akavuya kwaari nechinu chearbastera chaiva nechizoro chinomutengo mukuru. Akachidurura pamusoro wake agere pakudya.
8. Asi vadzidzi vake vachizvivona, vakafa neshungu vakati, kuparadzwa kwakadaro kwaitirweiko?
9. Nokuti chizoro ichi chingadai chatengeswa nemari zhinji ikapiwa varombo.
10. Asi Jesu achizvinzwa akati kwavari, munotambudzireko mukadzi uyu? Nokuti wandiitira basa rakanaka.
11. Nokuti varombo munavo nguva dzose asi ini hamuneni nguva dzose.
12. Nokuti zvaakadira chizoro ichi pamuviri wangu wakazviitira kuvigwa kwangu.
13. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kose kunozoparidzirwa Evhangeri iyi panyika dzose izvi zvakaitwa naye zvicharebwavo. Vamurangarire nazvo. (Mar. 14. 10-11; Ruka 22. 3-6.)
14. Zvino mumwe wavanegumi naviri, wainzi Judhasi Iskasrioti, wakaenda kuvaPirisita vakuru,
15. akati: Muchandipeiko, kana ndikamuisa kwamuri? Vakamuyerera masirvheri anamakumi matatu,*
16. Zvino kubva ipapo akatsvaka nguva yakafanira yokumuisa kwavari nayo. (Mar. 14. 12-26; Ruka 22. 7-23.)
17. Nezuva rokutanga rezvingwa zvisina mbiriso, vadzidzi vakavuya kuna Jesu vakati, munoda kuti tikugadzirireipiko pamungadya paseka?
18. Akati, endai muguta kuna nyakuti, muti kwaari, zvanzi noMudzidzisi, nguva yangu yava pedo. Ndichadya paseka paimba yako navadzidzi vangu.
19. Vadzidzi vakaita pavakarairwa napo naJesu. Vakagadzira paseka.
20. Ava madekwana akagara pakudya navadzidzi vane gumi navaviri.
21. Vakati vachidya akati kwavari, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe wenyu uchandipandukira.
22. Zvino vakava neshungu kwazvo, vakatangamumwe nomumwe kutaura kwaari achiti, Ishe ndini here?
23. Akapindura akati, waisa ruvoko neni mundiro ndiye uchandipandukira.
24. Mwanakomana womunhu uchaenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake. Asi unenhamo uyo Mwanakomana womunhu waanopandukirwa naye. Zvaiva nani kumunhu uyu kana asina kuberekwa.
25. Zvino Judhasi uyo wakamupandukira akapindura akati, Rabhi ndini here? Akati kwaari, ndizvo zvawataura.
26. Vakati vodya, Jesu akatora chingwa akachiropafadza, akachimedura ndokupa vadzidzi vake achiti kwavari, Torai mudye, ichi ndiwo muviri wangu.
27. Akatora mukombe akavonga, akavapa achiti, inwai mose pauri.
28. Nouti ichi iropa rangu resungano itsva, rakadururirwa vazhinji kuti vakanganwirwe zvivi.
29. Asi ndinoti kwamuri, handichatongomwizve zvibereko zvomuzambiringa kusvikira zuva iro randichazonwa naro nemi zvava zvitsva muvushe bwaBaba vangu.
30. Zvino vakati vaimba rwiyo vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi. (Mar. 14. 27-31; Ruka 22. 31-34; Joh. 13. 36-38.)
31. Zvino Jesu wakati kwavari, imi mose muchagumburwa kwandiri vusiku hwuno nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ndicharova mufudzi namakwai eboka achapararira.
32. Asi kana ndamutswa, ndichakutungamirirai Garirea.
33. Zvino Petro wakapindura akati kwaari kana vose vakagumburwa; kwamuri ini handingatongogumburwi.
34. Jesu akati kwaari, zvirokwazvo ndinoti kwauri kuti vusiku hwuno, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.
35. Petro akati kwaari, kunyange ndikafanira kufa nemi, handingatongokurambiyi ini. Vadzidzi vose vakadarovo. (Mar. 14. 32-42; Ruka 22. 39-46.)
36. Zvino Jesu wakasvika navo panzvimbo inonzi Getsemani. Akati kuvadzidzi, garai pano ini ndichaenda kunonyengetera uko.
37. Akatora Petro navanakomana vaZebedi vaviri, akatanga kuva neshungu nokudumbirwa.
38. Akati kwavari, mweya wangu uneshungu kwazvo kusvikira pakufa, garai pano murinde neni.
39. Akapfuvura mberi zvishomanene, akawira pasi nechiso chake, akanyengetera achiti, Baba vangu kana zvichibvira mukombe uyu ngaupfuvure kwandiri. Kunyangwe zvakadaro kurege kuva kuda kwangu asi kuda kwenyu.
40. Akaenda kuvadzidzi, akavawana vavata, akati kunaPetro, makanga musingagoni seiko kurinda neni nguva imwe chete?
41. Rindai munyengetere kuti murege kupinda mukuidzwa, mweya unoda hawo asi nyama hainesimba.
42. Akaendazve rwechipiri akanyengetera achiti, Baba vangu kana mukombe uyu usingagoni kupfuvura, ndisingaumwi, kuda kwenyu ngakuitwe.
43. Akadzokazve, akavawana vavata nokuti meso avo akanga abatwa nehope.
44. Akavasiyazve akandonyengetera rwechitatu, achitaura zve mashoko, iwayo.
45. Zvino akaenda kuvadzidzi akati kwavari, chivatai henyu muzorore, tarirai nguva yasvika, Mwanakomana womunhu woiswa mumavoko avatadzi.
46. Simukai tiende, tarirai wondiisa kwavari wava pedo. (Mar. 14. 43-50; Ruka 22. 47-53; Joh. 18.1-11.)
47. Achataura, tarira Judhasi mumwe wavanegumi navaviri akasvika ana vanhu vazhinji vakabata minondo netsvimbo vachibva kuvaPirisita vakuru navakuru vavanhu.
48. Zvino iye wakamupandukira wakanga avapa chiratidzo achiti, uyo wandichasveta ndiye, mumubate.
49. Pakarepo akasvika kuna Jesu akati, Kwaziwai Rabhi! Akamusveta zvikuru.
50. Jesu akati kwaari, Shamwari, ita zvawavinga. Ipapo vakavuya vakaisa mavoko kuna Jesu vakamubata.
51. Zvino tarirai, mumwe wavaiva naJesu akatambanudza ruvoko rwake, akavhomora munondo wake akatema muranda womuPirisita mukuru, akagura nzeve yake.
52. Zvino Jesu akati kwaari, dzosera munondo wako mumuhara mawo nokuti vose vanobata munondo vachafa nomunondo.
53. Unofunga here kuti handigoni kukumbira kuna Baba vangu vakandipa ikozvino vatumwa vanopfuvura mapoka makuru-kuru anegumi namaviri?
54. Magwaro agozadziswa seiko anoti zvinofanira kuitwa kudaro?
55. Nenguva iyo Jesu akati kuvanhu vazhinji, mabuda neminondo netsvimbo kuzondibata sendiri gororo here? Ndaigara mutembere mazuva ose ndichidzidzisa mukasandibata.
56. Asi izvi zvose zvaitwa kuti magwaro avaporofita azadziswe. Zvino vadzidzi vose vakamusiya, vakatiza. (Mar. 14. 53-65; Ruka 22. 63-71; Joh. 18. 12-27.)
57. Avo vakanga vabata Jesu vakamuisa kunaKayafasi muPirisita mukuru, apo pakanga pavungana vanyori navakuru.
58. Asi Petro akamutevera ari kure kusvikira paruvazhe rwomuPirisita mukuru. Akapinda mukati, akagara navatariri kuzovona kupera kwazvo.
59. Zvino vaPirisita vakuru navakuru namakurukota ose vakatsvaka vuchapupu hwenhema kuti vapomere Jesu vamuvuraye.
60. Asi havana kuwana, kunyange zvapupu zvizhinji zvenhema zvakavuya. Pashure zviviri zvakasvika zvikati:
61. munhu uyu wakati, ndinogona kuputsa tembere yaMwari ndikaivakazve namazuva matatu.
62. Zvino muPirisita mukuru akasimuka akati kwaari, haupinduri chinhu here? Chinyiko icho chavanokupomedzera?
63. Asi Jesu wakaramba anyerere.MuPirisita mukuru akati kwaari, ndinokupikisa naMwari mupenyu kuti utivudze kana uri Kristu Mwanakomana waMwari.
64. Jesu akati kwaari ndizvozvo zvawataura; asi ndinoti kwamuri,kubva zvino muchavona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, achivuya namakore okudenga.
65. Ipapo muPirisita mukuru akabvarura nguvo dzake akati wamhura Mwari! Tichatsvakireiko zvapupu? Tarirai manzwa zvino kumhura kwake.
66. Munoti kudiniko? Vakapindura vakati, unofanira kufa.
67. Zvino vakamupfira mate pachiso, vakamurova netsiva, vamwe noruoko,
68. vachiti, porofita iwe Kristu kuti ndiani wakurova. (Mar. 14. 66-72; Ruka 22. 54-62; Joh. 18. 16-18; 25-27;)
69. Petro wakanga agere panze paruvazhe. Zvino mushandiri wakavuya kwaari akati, newevo wakanga una Jesu weGarirea.
70. Asi iye wakaramba pamberi pavose achiti, handizivi zvaunoreva.
71. Zvino wakati abuda pasuvo, mumwe mushandiri akamuvona akati kuna vaivapo, uyu munhu wakanga anaJesu weNazareta.
72. Akaramba ze nokupika, aciti: Handimuzivi munhu uyu.
73. Chava chinguva vakanga vamirepo vakavuya vachiti kunaPetro, zvirokwazvo newevo uri mumwe wavo nokuti kutaura kwako kunokuzivisa.
74. Zvino wakatanga kutuka nokupika achiti, handimuzivi munhu uyu. Pakarepo jongwe rikarira.
75. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rarebwa naJesu rokuti jongwe risati rarira uchandiramba katatu, Ipapo akabuda panze akandochema zvikuru.

  Matthew (26/28)