| ← Matthew (26/28) → | 
| 1. | (Mar. 4. 14, 1-2; Ruka 22. 1-2.) Jesu wakati apedza mashoko iwayo ose akati kuvadzidzi vake, | 
| 2. | Munoziva kuti kana mazuva maviri apfuvura paseka inosvika, Mwanakomana womunhu uchaiswa kuvatongi kuti aroverwe pamuchinjikwa. | 
| 3. | Zvino vaPirisita vakuru navanyori navakuru vavanhu vakavungana muruvazhe rwomuPirisita mukuru wainzi Kayafasi. | 
| 4. | Vakarangana kuti vabate Jesu namano, vagomuvuraya. | 
| 5. | Asi vakati, zvirege kuitwa pamutambo kuti kurege kuva nebope pakati pavanhu. (Mar. 14. 39, Joh. 12. 18.) | 
| 6. | Zvino Jesu wakati ari paBetania mumba maSimoni wamaperembudzi. | 
| 7. | Mumwe mukadzi akavuya kwaari nechinu chearbastera chaiva nechizoro chinomutengo mukuru. Akachidurura pamusoro wake agere pakudya. | 
| 8. | Asi vadzidzi vake vachizvivona, vakafa neshungu vakati, kuparadzwa kwakadaro kwaitirweiko? | 
| 9. | Nokuti chizoro ichi chingadai chatengeswa nemari zhinji ikapiwa varombo. | 
| 10. | Asi Jesu achizvinzwa akati kwavari, munotambudzireko mukadzi uyu? Nokuti wandiitira basa rakanaka. | 
| 11. | Nokuti varombo munavo nguva dzose asi ini hamuneni nguva dzose. | 
| 12. | Nokuti zvaakadira chizoro ichi pamuviri wangu wakazviitira kuvigwa kwangu. | 
| 13. | Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kose kunozoparidzirwa Evhangeri iyi panyika dzose izvi zvakaitwa naye zvicharebwavo. Vamurangarire nazvo. (Mar. 14. 10-11; Ruka 22. 3-6.) | 
| 14. | Zvino mumwe wavanegumi naviri, wainzi Judhasi Iskasrioti, wakaenda kuvaPirisita vakuru, | 
| 15. | akati: Muchandipeiko, kana ndikamuisa kwamuri? Vakamuyerera masirvheri anamakumi matatu,* | 
| 16. | Zvino kubva ipapo akatsvaka nguva yakafanira yokumuisa kwavari nayo. (Mar. 14. 12-26; Ruka 22. 7-23.) | 
| 17. | Nezuva rokutanga rezvingwa zvisina mbiriso, vadzidzi vakavuya kuna Jesu vakati, munoda kuti tikugadzirireipiko pamungadya paseka? | 
| 18. | Akati, endai muguta kuna nyakuti, muti kwaari, zvanzi noMudzidzisi, nguva yangu yava pedo. Ndichadya paseka paimba yako navadzidzi vangu. | 
| 19. | Vadzidzi vakaita pavakarairwa napo naJesu. Vakagadzira paseka. | 
| 20. | Ava madekwana akagara pakudya navadzidzi vane gumi navaviri. | 
| 21. | Vakati vachidya akati kwavari, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe wenyu uchandipandukira. | 
| 22. | Zvino vakava neshungu kwazvo, vakatangamumwe nomumwe kutaura kwaari achiti, Ishe ndini here? | 
| 23. | Akapindura akati, waisa ruvoko neni mundiro ndiye uchandipandukira. | 
| 24. | Mwanakomana womunhu uchaenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake. Asi unenhamo uyo Mwanakomana womunhu waanopandukirwa naye. Zvaiva nani kumunhu uyu kana asina kuberekwa. | 
| 25. | Zvino Judhasi uyo wakamupandukira akapindura akati, Rabhi ndini here? Akati kwaari, ndizvo zvawataura. | 
| 26. | Vakati vodya, Jesu akatora chingwa akachiropafadza, akachimedura ndokupa vadzidzi vake achiti kwavari, Torai mudye, ichi ndiwo muviri wangu. | 
| 27. | Akatora mukombe akavonga, akavapa achiti, inwai mose pauri. | 
| 28. | Nouti ichi iropa rangu resungano itsva, rakadururirwa vazhinji kuti vakanganwirwe zvivi. | 
| 29. | Asi ndinoti kwamuri, handichatongomwizve zvibereko zvomuzambiringa kusvikira zuva iro randichazonwa naro nemi zvava zvitsva muvushe bwaBaba vangu. | 
| 30. | Zvino vakati vaimba rwiyo vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi. (Mar. 14. 27-31; Ruka 22. 31-34; Joh. 13. 36-38.) | 
| 31. | Zvino Jesu wakati kwavari, imi mose muchagumburwa kwandiri vusiku hwuno nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ndicharova mufudzi namakwai eboka achapararira. | 
| 32. | Asi kana ndamutswa, ndichakutungamirirai Garirea. | 
| 33. | Zvino Petro wakapindura akati kwaari kana vose vakagumburwa; kwamuri ini handingatongogumburwi. | 
| 34. | Jesu akati kwaari, zvirokwazvo ndinoti kwauri kuti vusiku hwuno, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu. | 
| 35. | Petro akati kwaari, kunyange ndikafanira kufa nemi, handingatongokurambiyi ini. Vadzidzi vose vakadarovo. (Mar. 14. 32-42; Ruka 22. 39-46.) | 
| 36. | Zvino Jesu wakasvika navo panzvimbo inonzi Getsemani. Akati kuvadzidzi, garai pano ini ndichaenda kunonyengetera uko. | 
| 37. | Akatora Petro navanakomana vaZebedi vaviri, akatanga kuva neshungu nokudumbirwa. | 
| 38. | Akati kwavari, mweya wangu uneshungu kwazvo kusvikira pakufa, garai pano murinde neni. | 
| 39. | Akapfuvura mberi zvishomanene, akawira pasi nechiso chake, akanyengetera achiti, Baba vangu kana zvichibvira mukombe uyu ngaupfuvure kwandiri. Kunyangwe zvakadaro kurege kuva kuda kwangu asi kuda kwenyu. | 
| 40. | Akaenda kuvadzidzi, akavawana vavata, akati kunaPetro, makanga musingagoni seiko kurinda neni nguva imwe chete? | 
| 41. | Rindai munyengetere kuti murege kupinda mukuidzwa, mweya unoda hawo asi nyama hainesimba. | 
| 42. | Akaendazve rwechipiri akanyengetera achiti, Baba vangu kana mukombe uyu usingagoni kupfuvura, ndisingaumwi, kuda kwenyu ngakuitwe. | 
| 43. | Akadzokazve, akavawana vavata nokuti meso avo akanga abatwa nehope. | 
| 44. | Akavasiyazve akandonyengetera rwechitatu, achitaura zve mashoko, iwayo. | 
| 45. | Zvino akaenda kuvadzidzi akati kwavari, chivatai henyu muzorore, tarirai nguva yasvika, Mwanakomana womunhu woiswa mumavoko avatadzi. | 
| 46. | Simukai tiende, tarirai wondiisa kwavari wava pedo. (Mar. 14. 43-50; Ruka 22. 47-53; Joh. 18.1-11.) | 
| 47. | Achataura, tarira Judhasi mumwe wavanegumi navaviri akasvika ana vanhu vazhinji vakabata minondo netsvimbo vachibva kuvaPirisita vakuru navakuru vavanhu. | 
| 48. | Zvino iye wakamupandukira wakanga avapa chiratidzo achiti, uyo wandichasveta ndiye, mumubate. | 
| 49. | Pakarepo akasvika kuna Jesu akati, Kwaziwai Rabhi! Akamusveta zvikuru. | 
| 50. | Jesu akati kwaari, Shamwari, ita zvawavinga. Ipapo vakavuya vakaisa mavoko kuna Jesu vakamubata. | 
| 51. | Zvino tarirai, mumwe wavaiva naJesu akatambanudza ruvoko rwake, akavhomora munondo wake akatema muranda womuPirisita mukuru, akagura nzeve yake. | 
| 52. | Zvino Jesu akati kwaari, dzosera munondo wako mumuhara mawo nokuti vose vanobata munondo vachafa nomunondo. | 
| 53. | Unofunga here kuti handigoni kukumbira kuna Baba vangu vakandipa ikozvino vatumwa vanopfuvura mapoka makuru-kuru anegumi namaviri? | 
| 54. | Magwaro agozadziswa seiko anoti zvinofanira kuitwa kudaro? | 
| 55. | Nenguva iyo Jesu akati kuvanhu vazhinji, mabuda neminondo netsvimbo kuzondibata sendiri gororo here? Ndaigara mutembere mazuva ose ndichidzidzisa mukasandibata. | 
| 56. | Asi izvi zvose zvaitwa kuti magwaro avaporofita azadziswe. Zvino vadzidzi vose vakamusiya, vakatiza. (Mar. 14. 53-65; Ruka 22. 63-71; Joh. 18. 12-27.) | 
| 57. | Avo vakanga vabata Jesu vakamuisa kunaKayafasi muPirisita mukuru, apo pakanga pavungana vanyori navakuru. | 
| 58. | Asi Petro akamutevera ari kure kusvikira paruvazhe rwomuPirisita mukuru. Akapinda mukati, akagara navatariri kuzovona kupera kwazvo. | 
| 59. | Zvino vaPirisita vakuru navakuru namakurukota ose vakatsvaka vuchapupu hwenhema kuti vapomere Jesu vamuvuraye. | 
| 60. | Asi havana kuwana, kunyange zvapupu zvizhinji zvenhema zvakavuya. Pashure zviviri zvakasvika zvikati: | 
| 61. | munhu uyu wakati, ndinogona kuputsa tembere yaMwari ndikaivakazve namazuva matatu. | 
| 62. | Zvino muPirisita mukuru akasimuka akati kwaari, haupinduri chinhu here? Chinyiko icho chavanokupomedzera? | 
| 63. | Asi Jesu wakaramba anyerere.MuPirisita mukuru akati kwaari, ndinokupikisa naMwari mupenyu kuti utivudze kana uri Kristu Mwanakomana waMwari. | 
| 64. | Jesu akati kwaari ndizvozvo zvawataura; asi ndinoti kwamuri,kubva zvino muchavona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, achivuya namakore okudenga. | 
| 65. | Ipapo muPirisita mukuru akabvarura nguvo dzake akati wamhura Mwari! Tichatsvakireiko zvapupu? Tarirai manzwa zvino kumhura kwake. | 
| 66. | Munoti kudiniko? Vakapindura vakati, unofanira kufa. | 
| 67. | Zvino vakamupfira mate pachiso, vakamurova netsiva, vamwe noruoko, | 
| 68. | vachiti, porofita iwe Kristu kuti ndiani wakurova. (Mar. 14. 66-72; Ruka 22. 54-62; Joh. 18. 16-18; 25-27;) | 
| 69. | Petro wakanga agere panze paruvazhe. Zvino mushandiri wakavuya kwaari akati, newevo wakanga una Jesu weGarirea. | 
| 70. | Asi iye wakaramba pamberi pavose achiti, handizivi zvaunoreva. | 
| 71. | Zvino wakati abuda pasuvo, mumwe mushandiri akamuvona akati kuna vaivapo, uyu munhu wakanga anaJesu weNazareta. | 
| 72. | Akaramba ze nokupika, aciti: Handimuzivi munhu uyu. | 
| 73. | Chava chinguva vakanga vamirepo vakavuya vachiti kunaPetro, zvirokwazvo newevo uri mumwe wavo nokuti kutaura kwako kunokuzivisa. | 
| 74. | Zvino wakatanga kutuka nokupika achiti, handimuzivi munhu uyu. Pakarepo jongwe rikarira. | 
| 75. | Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rarebwa naJesu rokuti jongwe risati rarira uchandiramba katatu, Ipapo akabuda panze akandochema zvikuru. | 
| ← Matthew (26/28) → |