| ← Matthew (25/28) → | 
| 1. | Zvino vushe bwokudenga bwungafananidzwa navasikana vanegumi. Vakatora mwenje yavo, vakabuda kundochingamidza chikomba. | 
| 2. | Vashanu vavo akanga ari mapenzi, vashanu vakanga vakachenjera. | 
| 3. | Nokuti mapenzi akatora mwenje yawo akasatora mafuta. | 
| 4. | Asi vakanga vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemwenje yavo. | 
| 5. | Zvino chikomba chakati chichinonoka vakatsumwaira vose vakavata. | 
| 6. | Pakati povusiku vakanzwa mhere-mhere, tarirai chikomba chovuya, budai mundochichingamidza! | 
| 7. | Zvino vasikana vose vakamuka, vakagadzira mwenje yavo. | 
| 8. | Mapenzi akati kunavakachenjera, tipeiwo mamwe mafuta enyu nokuti mwenje yedu yodzima. | 
| 9. | Asi vakachenjera vakapindura vakati, kwete zvimwe haangakwaniri isu nemi tose, endai henyu kunavanotengesa muzvitengere. | 
| 10. | Vakati vachienda kundotenga, chikomba ndokusvika, zvino vakanga vakazvigadzirira vakapinda nacho pamutambo wokuwana. Mukova ukapfigwa. | 
| 11. | Pashure vamwe vasikana vakasvika vakati, Ishe, Ishe tizarurirei! | 
| 12. | Akapindura akati zvirokwazvo ndinoti kwamuri, handikuziviyi imi. | 
| 13. | Naizvozvo rindai nokuti hamuzivi zuva kana nguva Mwanakomana womunhu raanovuya naro. | 
| 14. | Nokuti vushe hwokudenga hwakafanana nomunhu wakaenda kuneimwe nyika. Akadana varanda vake akavapa fuma yake. | 
| 15. | Akapa mumwe matarenta mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwe, mumwe nomumwe zvakakwanirana nesimba rake, akafamba rwendo. | 
| 16. | Pakarepo iye wakapiwa matarenta mashanu akaenda akaita mhindu nawo, akawana mamwe mashanu. | 
| 17. | Saizvozvovo wakapiwa maviri akawana mamwe maviri. | 
| 18. | Asi wakapiwa rimwe wakaenda akachera pasi, akaviga mari yashe wake. | 
| 19. | Nguva huru yakati yapfuvura, ishe wavaranda ivavo akasvika, akagadzira mashoko navo. | 
| 20. | Wakanga apiwa matarenta mashanu akavuya namamwe matarenta mashanu akati, Ishe makandipa matarenta mashanu tarirai ndawana mamwe matarenta mashanu. | 
| 21. | Ishe wake akati kwaari zvakanaka muranda wakanaka, wakatendeka. Wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji. Pinda pamufaro washe wako. | 
| 22. | Wakanga apiwa matarenta maviri akavuyavo akati, ishe makandipa matarenta maviri, tarirai, ndawana mamwe matarenta maviri. | 
| 23. | Ishe akati kwaari, zvakanaka muranda wakanaka, wakatendeka, wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma. Ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro washe wako. | 
| 24. | Wakanga apiwa tarenta rimwe naiye wakavuya vo akati, ishe ndakanga ndichikuzivai imi kuti muri munhu une hasha. Munocheka pamusati makadzvara, munovunganidza pamusati makakusha. | 
| 25. | Zvino ndakatya ndikanoviga tarenta renyu pasi, hecho chinhu chenyu! | 
| 26. | Ishe wake akapindura akati kwaari, iwe muranda wakaipa unovusimbe wakanga uchiziva kuti ndinocheka pandisina kudzvara, ndichivunganidza pandisina kukusha. | 
| 27. | Saka waifanira kuisa mari yangu kunavebhanga kuti pakusvika kwangu ndingadai ndapiwa zvangu zvawanda; | 
| 28. | Naizvozvo mutorerei tarenta rake mupe unamatarenta ane gumi. | 
| 29. | Nokuti mumwe nomumwe unazvo uchapiwa ave nezvizhinji asi usina uchatorerwa nezvaanazvo. | 
| 30. | Budisirai muranda pasina kurima rokunze. Ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno. | 
| 31. | Zvino kana Mwanakomana womunhu achivuya nokubwinya kwake, navatumwa vatsvene vanaye, uchagara pachigaro chake chovushe chinobwinya. | 
| 32. | Namarudzi ose achavunganidzwa pamberi pake. Ucharavura somufudzi unoravura makwai nembudzi. | 
| 33. | Uchaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruboshwe. | 
| 34. | Zvino Ishe uchati kuna vari kurudyi vuyai imi makaropfadzwa naBaba, mugare nhaka yovushe hwakagadzirirwemwi kubva pakuvamba kwenyika. | 
| 35. | Nokuti ndakanga ndinenzara mukandipa chokudya, ndakanga ndine nyota mukandipa chokumwa, ndakanga ndiri mweni mukandigamuchira. | 
| 36. | Ndakanga ndisine-nguvo mukandipfekedza, ndakanga ndichirwara mukandifambira, ndakanga ndiri mutorongo mukavuya kwandiri. | 
| 37. | Zvino vakarurama vachamupindura vachiti, Ishe takakuvonai rinhiko munenzara, tikakupai chokudya? Kana munenyota tikakupai chokunwa? | 
| 38. | Takakuvonai rinhiko muri mweni tikakugamuchirai, Kana musinenguvo tikakupfekadzai? | 
| 39. | Takakuvonai rinhiko muchirwara kana mutorongo, tikavuya kwamuri? | 
| 40. | Ishe uchapindura achiti kwavari, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni, | 
| 41. | Zvino uchati kuna vari kuruboswe, ibvai kwandiri imi makatukwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa Diaborosi navatumwa vake. | 
| 42. | Nokuti ndakanga ndine nzara, mukasandipa chokudya, ndakanga ndine nyota mukasandipa chokumwa. | 
| 43. | Ndakanga ndiri mweni, mukasandigamuchira, ndisinenguvo mukasandipfekedza, ndichirwara nomutorongo mukasandifambira. | 
| 44. | Zvino naivava vachapindura vachiti, Ishe takakuvonai rinhiko munenzara kana munenyota, kana muri mweni, kana musinenguvo kana muchirwara, kana muri mutorongo, tikasakushumirai? | 
| 45. | Zvino uchavapindura achiti, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, pamusati makazviitira mumwe wavaduku ava, hamuzakazviitireni. | 
| 46. | Ava vachaenda kukurobwa; asi vakarurama kuvupenyu bwusingaperi. | 
| ← Matthew (25/28) → |