Matthew (25/28)  

1. Zvino vushe bwokudenga bwungafananidzwa navasikana vanegumi. Vakatora mwenje yavo, vakabuda kundochingamidza chikomba.
2. Vashanu vavo akanga ari mapenzi, vashanu vakanga vakachenjera.
3. Nokuti mapenzi akatora mwenje yawo akasatora mafuta.
4. Asi vakanga vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemwenje yavo.
5. Zvino chikomba chakati chichinonoka vakatsumwaira vose vakavata.
6. Pakati povusiku vakanzwa mhere-mhere, tarirai chikomba chovuya, budai mundochichingamidza!
7. Zvino vasikana vose vakamuka, vakagadzira mwenje yavo.
8. Mapenzi akati kunavakachenjera, tipeiwo mamwe mafuta enyu nokuti mwenje yedu yodzima.
9. Asi vakachenjera vakapindura vakati, kwete zvimwe haangakwaniri isu nemi tose, endai henyu kunavanotengesa muzvitengere.
10. Vakati vachienda kundotenga, chikomba ndokusvika, zvino vakanga vakazvigadzirira vakapinda nacho pamutambo wokuwana. Mukova ukapfigwa.
11. Pashure vamwe vasikana vakasvika vakati, Ishe, Ishe tizarurirei!
12. Akapindura akati zvirokwazvo ndinoti kwamuri, handikuziviyi imi.
13. Naizvozvo rindai nokuti hamuzivi zuva kana nguva Mwanakomana womunhu raanovuya naro.
14. Nokuti vushe hwokudenga hwakafanana nomunhu wakaenda kuneimwe nyika. Akadana varanda vake akavapa fuma yake.
15. Akapa mumwe matarenta mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwe, mumwe nomumwe zvakakwanirana nesimba rake, akafamba rwendo.
16. Pakarepo iye wakapiwa matarenta mashanu akaenda akaita mhindu nawo, akawana mamwe mashanu.
17. Saizvozvovo wakapiwa maviri akawana mamwe maviri.
18. Asi wakapiwa rimwe wakaenda akachera pasi, akaviga mari yashe wake.
19. Nguva huru yakati yapfuvura, ishe wavaranda ivavo akasvika, akagadzira mashoko navo.
20. Wakanga apiwa matarenta mashanu akavuya namamwe matarenta mashanu akati, Ishe makandipa matarenta mashanu tarirai ndawana mamwe matarenta mashanu.
21. Ishe wake akati kwaari zvakanaka muranda wakanaka, wakatendeka. Wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji. Pinda pamufaro washe wako.
22. Wakanga apiwa matarenta maviri akavuyavo akati, ishe makandipa matarenta maviri, tarirai, ndawana mamwe matarenta maviri.
23. Ishe akati kwaari, zvakanaka muranda wakanaka, wakatendeka, wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma. Ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro washe wako.
24. Wakanga apiwa tarenta rimwe naiye wakavuya vo akati, ishe ndakanga ndichikuzivai imi kuti muri munhu une hasha. Munocheka pamusati makadzvara, munovunganidza pamusati makakusha.
25. Zvino ndakatya ndikanoviga tarenta renyu pasi, hecho chinhu chenyu!
26. Ishe wake akapindura akati kwaari, iwe muranda wakaipa unovusimbe wakanga uchiziva kuti ndinocheka pandisina kudzvara, ndichivunganidza pandisina kukusha.
27. Saka waifanira kuisa mari yangu kunavebhanga kuti pakusvika kwangu ndingadai ndapiwa zvangu zvawanda;
28. Naizvozvo mutorerei tarenta rake mupe unamatarenta ane gumi.
29. Nokuti mumwe nomumwe unazvo uchapiwa ave nezvizhinji asi usina uchatorerwa nezvaanazvo.
30. Budisirai muranda pasina kurima rokunze. Ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
31. Zvino kana Mwanakomana womunhu achivuya nokubwinya kwake, navatumwa vatsvene vanaye, uchagara pachigaro chake chovushe chinobwinya.
32. Namarudzi ose achavunganidzwa pamberi pake. Ucharavura somufudzi unoravura makwai nembudzi.
33. Uchaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruboshwe.
34. Zvino Ishe uchati kuna vari kurudyi vuyai imi makaropfadzwa naBaba, mugare nhaka yovushe hwakagadzirirwemwi kubva pakuvamba kwenyika.
35. Nokuti ndakanga ndinenzara mukandipa chokudya, ndakanga ndine nyota mukandipa chokumwa, ndakanga ndiri mweni mukandigamuchira.
36. Ndakanga ndisine-nguvo mukandipfekedza, ndakanga ndichirwara mukandifambira, ndakanga ndiri mutorongo mukavuya kwandiri.
37. Zvino vakarurama vachamupindura vachiti, Ishe takakuvonai rinhiko munenzara, tikakupai chokudya? Kana munenyota tikakupai chokunwa?
38. Takakuvonai rinhiko muri mweni tikakugamuchirai, Kana musinenguvo tikakupfekadzai?
39. Takakuvonai rinhiko muchirwara kana mutorongo, tikavuya kwamuri?
40. Ishe uchapindura achiti kwavari, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni,
41. Zvino uchati kuna vari kuruboswe, ibvai kwandiri imi makatukwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa Diaborosi navatumwa vake.
42. Nokuti ndakanga ndine nzara, mukasandipa chokudya, ndakanga ndine nyota mukasandipa chokumwa.
43. Ndakanga ndiri mweni, mukasandigamuchira, ndisinenguvo mukasandipfekedza, ndichirwara nomutorongo mukasandifambira.
44. Zvino naivava vachapindura vachiti, Ishe takakuvonai rinhiko munenzara kana munenyota, kana muri mweni, kana musinenguvo kana muchirwara, kana muri mutorongo, tikasakushumirai?
45. Zvino uchavapindura achiti, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, pamusati makazviitira mumwe wavaduku ava, hamuzakazviitireni.
46. Ava vachaenda kukurobwa; asi vakarurama kuvupenyu bwusingaperi.

  Matthew (25/28)