Matthew (24/28)  

1. (Mar. 13. 1-29; Ruka 21. 5-36.) Zvino Jesu wakabuda patembere, akati oenda vadzidzi vake vakavuya kwaari kuzomuratidza dzimba dzetembere.
2. Jesu akapindura akati kwavari, munovona zvinhu izvi zvose here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakungaregwi ibwe pamusoro pebwe risingazowisirwi pasi.
3. Wakati agara pagomo reMiorivhi vadzidzi vake vakavuya kwaari vari voga vakati, tivudzei kuti izvozvo zvichagova rinhiko? Nechiratidzo chokuvuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?
4. Jesu akapindura akati kwavari, chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu.
5. Nokuti vazhinji vachavuya nezita rangu vachiti, ndini Kristu, vachitsausa vazhinji.
6. Muchanzwa zvokurwa neguhu rokurwa. Chenjerai musavhunduka nokuti izvozvo zvose zvinofanira kumboitwa asi kuguma kuchigere kusvika.
7. Nokuti rudzi ruchamukira rudzi novushe hwuchamukira vushe nenzara dzichavapo, nehosha nokudengenyika kwenyika kunzvimbo zhinji.
8. Asi zvinhu izvozvi zvichava kutanga kwenhamo.
9. Zvino vachakuisai kumadambudziko, vachakuvurayai, muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu.
10. Vazhinji vachagumburwa vachaisana kuvatongi nokuvengana.
11. Vaporofita vazhinji venhema vachamuka vachitsausa vazhinji.
12. Rudo rwavazhinji ruchatonhora nokuti kusarurama kuchawanda.
13. Asi unotsungirira kusvikira pakuguma, uchaponeswa.
14. Evhangeri iyi yovushe ichaparidzwa munyika dzose chive chapupu kumarudzi ose, ipapo kuguma kuchasvika.
15. Naizvozvo kana muchivona nyangadzi yokuparadza yakarebwa nomuporofita Dhanyeri imire panzvimbo tsvene (unorava ngaacherekedze).
16. Zvino vari muJudhea ngavatizire kumakomo
17. Uri pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kuzotora zviri mumba make.
18. Nouri kumunda ngaarege kudzokera shure kuzotora nguvo yake.
19. Vachava nenhamo vanemimba navanomwisa namazuva iwayo.
20. Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando kana nesabata.
21. Nokuti nenguva iyo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino vuye hakuchazovipo.
22. Dai mazuva iwayo asaitapudzwa hakune nyama yairarama asi nokuda kwavasanangurwa mazuva iwayo achatapudzwa.
23. Zvino kana munhu akati kwamuri, tarirai Kristu uri pano kana apo, regai kutenda.
24. Nokuti vachamuka vanaKristu venhema navaporofita venhema vacharatidza zviratidzo zvikuru nezvinoshamisa kuti kana zvichibvira vatsause navasanagurwavo.
25. Tarirai ndagara ndakuvudzai.
26. Zvino kana vakati kwamuri, tarirai uri kurenje, regai kubuda. Tarirai uri mudzimba dzomukati, regai kutenda.
27. Nokuti semheni inobva kumabvazuva ichipenyera kumavirira ndizvo zvichaita kuvuya kwoMwanakonana womunhu.
28. Apo panomutumbu ndipo pachavunganira magora.
29. Pakarepo shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, zuva richasviba, nomwedzi hauchazobwinyi. Nyeredzi dzichawa kudenga namasimba okudenga achazungunuswa.
30. Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichavonekwa kudenga. Zvino marudzi ose enyika achachema achivona Mwanakomana womunhu achivuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.
31. Uchatuma vatumwa vake nehwamanda huru. Vachavunganidza vasanangurwa vake kunobva mhepo ina kubva kurutivi rumwe rwedenga kusvikira kunorumwe rutivi. (Ruka 12. 35-59.)
32. Dzidzai pamuvonde mufananidzo wawo. Kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga munoziva kuti zhezha rava pedo.
33. Saizvozvo nemivo kana movona izvozvo zvose zivai kuti wava pedo pamukova.
34. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongo-pfuvuri kusvikira izvozvi zvose zvaitika.
35. Denga nenyika zvichapfuvura asi mashoko angu haangatongopfuvuri.
36. Asi kana riri zuva iro nenguva iyo hakuna unozviziva, kunyangwe vatumwa vokudenga kunyangwe Mwanakomana asi Baba voga.
37. Sapamazuva aNoa ndizvo zvichaita kuvuya kwoMwanakomana womunhu.
38. Nokuti sepamazuva iwayo mvura zhinji isati yasvika, vaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa kusvikira zuva Noah raakapinda naro muareka.
39. Vasingazivi kusvikira. Mvura zhinji ikavabvisa vose, ndozvichaita kuvuya kwoMwanakomana womunhu.
40. Nenguva iyo; vaviri vachava mumunda mumwe uchatorwa mumwe akasiyiwa.
41. Vakadzi vaviri vachakuya paguyo rimwe mumwe uchatorwa mumwe akasiyiwa.
42. Rindai naizvozvo nokuti hamuzivi nguva Ishe wenyu yaanovuya nayo.
43. Asi zivai izvi kuti mwene weimba dai aiziva nguva yokusvika kwembavha ungadai airinda akasatendera kuti imba yake ipazwe.
44. Naizvozvo nemivo garai makazvigadzirira nokuti Mwanakomana womunhu uchavuya nenguva yamusingamutariri.
45. Ndianiko muranda wakatendeka, wakangwara, wakagadzwa nashe wake kuti ave mutariri weimba yake kuti avape zvokudya nenguva yakafanira?
46. Wakaropafadzwa muranda uyo unoti kana She wake achisvika akamuwana achiita saizvozvo.
47. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri uchamugadza ave mutariri wezvose zvaanazvo.
48. Asi kana muranda uyo wakaipa akataura mumoyo make achiti Ishe wangu wanonoka kuvuya.
49. Akatanga kurova vamwe varanda vanobata pamwe chete naye, akadya, akanwa pamwe chete navakabatwa.
50. Ishe womuranda uyo uchasvika nezuva raasingamutariri nenguva yasingazivi.
51. Akamurovesa kwazvo, akamupa mugove wake pamwe chete navanyengeri apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.

  Matthew (24/28)