Matthew (23/28)  

1. (Mar. 12. 38-40; Ruka 20. 45-47.) Zvino Jesu wakataura kuvanhu vazhinji navadzidzi vake,
2. akati: Vanyori navaFarise vagere pachigaro chaMosesi,
3. saka zvose zvavanokuvudzai, muzviite nokuzvichengeta, asi musatevera mabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti.
4. Vanosunga mitoro inorema, inotambudza kutakura, vachiisa pamafudzi avanhu, asi ivo vamene havadi kuibata nomunwe wavo.
5. Asi mabasa avo ose vanoaita kuti vavonekwe navanhu; nokuti vanofarisa mafiraktera avo, vanokurisa mipeto yenguvo dzavo,
6. vanofarira zvigaro zvapamberi pamitambo, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge,
7. nokukwaziswa padare, nokuidzwa Rabhi navanhu.
8. Asi imi musaidzwa Rabhi, nokuti mudzidzisi wenyu ndomumwe imi mose muri hama.
9. Musaidza munhu uri panyika baba venyu, nokuti mumwe chete ndibaba venyu, ivo vari kudenga.
10. Musaidzwa vo vatenzi, nokuti mumwe chete ndiTenzi wenyu, iye Kristu.
11. Asi mukuru pakati penyu ngaave muranda wenyu.
12. Aninani unozvikudza uchaninipiswa, naaninani unozvininipisa, uchakudzwa.
13. Munenhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu vushe bwokudenga; nokuti imi hamupindi mumene, naivo, vopinda, hamuvatenderi kupinda. [
14. Munenhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti munoparadza dzimba dzechirikadzi muchiita mano-mano eminyengetero mirefu; naizvozvo muchatongerwa zvakaipa nokupfuvurisa.]
15. Munenhamo, imi vanyori navaFaise, vanyengeri! Nokuti munofamba pagungwa napanyika kuzotapa mudzidzi mumwe; kana awanikwa, munomuita mwanakomana weGehena kukunda imi kaviri.
16. Munenhamo, imi vatungamiriri vakapofumara, munoti: Aninani unopika netembere, hachizi chinhu asi aninani unopika nendarama yetembere, ndiye unemhosva.
17. Imi mapenzi namapofu! Chikuru ndechipiko, ndarama kana tembere, inoita ndarama ive tsvene?
18. Munoti zve; Aninani unopika nearitari, hachizi chinhu; asi aninani unopika nechipo chiri pamusoro payo, ndiye unemhosva.
19. Imi mapenzi namapofu! Chikuru ndechipiko, chipo kana aritari, inoita chipo chive chitsvene?
20. Naizvozvo, unopika nearitari, unopika nezvose zviri pamusoro payo.
21. Nounopika netembere, unopika nayo, nounogara mairi,
22. Nounopika nokudenga, unopika nechigaro chovushe chaMwari, nounogara pamusoro pacho.
23. Munenhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopa chegumi cheminte, neanise, nekumini, muchirega zvinhu zvikuru zvomurairo zvinoti: Kururamisira mhaka, nengoni, nokutendeka; maifanira kuzviita izvi nokusarega kuita izvozvo.
24. Imi vatungamiriri vakapofumara, munomimina runyunyu, muchimedza kamera.
25. Munenhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti munonatsa kunze kwomukombe nendiro, asi mukati muzere nokukara nokusazvidzora.
26. Iwe muFarise wakapofumara, tanga kunatsa mukati momukombe, nendiro, kuti kunze kwazvo kugochena vo.
27. Munenhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti makafanana namarinda akacheneswa, anovonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namafupa avakafa netsvina yose.
28. Saizvozvo nemi vo munovonekwa navanhu kunze kwenyu makaita semakarurama, asi mukati muzere nokunyengera nokuipa.
29. Munenhamo, imi vanyori navaFarise vanyengeri! Nokuti munovaka marinda avaporofita, nokushongedza marinda avakarurama,
30. muchiti: Dai taivapo pamazuva amateteguru edu, tingadai tisina kuvabatsira kuvuraya vaporofita.
31. Saka munozvipupurira kuti muri vanakomana vavakavuraya vaporofita.
32. Zvino chizadzisai chiyero chamateteguru enyu,
33. Imi nyoka; imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutonga kweGehena?
34. Saka, tarirai, ndinotumira kwamuri vaporofita, navakachenjera, navanyori; muchavuraya vamwe vavo, nokuvarovera pamuchinjikwa; mucharovesa vamwe vavo mumasinagoge enyu, nokuvadzingirira mumaguta ose.
35. Kuti ropa rose ravakarurama, rakatevurirwa panyika, rivuye pamusoro penyu, kubva paropa raAberi wakanga akarurama, kusvikira paropa raZakaria, mwanakonana waBarakia, wamakavuraya pakati petembere nearitari.
36. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Izvi zvose zvichavuya pamusoro porudzi urwu. (Ruka 13. 34, 35.)
37. Jerusarema! Jerusarema! Iwe unovuraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri! Ndakanga ndichida kazhinji sei kuvunganidza vana vako, semhambo inovunganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba!
38. Tarirai, masiirwa imba yenyu rava dongo.
39. Nokuti ndinoti kwamuri: Kubva zvino hamuchazondivoni, kusvikira muchiti: Ngarumbidzwe iye unovuya nezita raShe.

  Matthew (23/28)