| ← Matthew (23/28) → |
| 1. | (Mar. 12. 38-40; Ruka 20. 45-47.) Zvino Jesu wakataura kuvanhu vazhinji navadzidzi vake, |
| 2. | akati: Vanyori navaFarise vagere pachigaro chaMosesi, |
| 3. | saka zvose zvavanokuvudzai, muzviite nokuzvichengeta, asi musatevera mabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti. |
| 4. | Vanosunga mitoro inorema, inotambudza kutakura, vachiisa pamafudzi avanhu, asi ivo vamene havadi kuibata nomunwe wavo. |
| 5. | Asi mabasa avo ose vanoaita kuti vavonekwe navanhu; nokuti vanofarisa mafiraktera avo, vanokurisa mipeto yenguvo dzavo, |
| 6. | vanofarira zvigaro zvapamberi pamitambo, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge, |
| 7. | nokukwaziswa padare, nokuidzwa Rabhi navanhu. |
| 8. | Asi imi musaidzwa Rabhi, nokuti mudzidzisi wenyu ndomumwe imi mose muri hama. |
| 9. | Musaidza munhu uri panyika baba venyu, nokuti mumwe chete ndibaba venyu, ivo vari kudenga. |
| 10. | Musaidzwa vo vatenzi, nokuti mumwe chete ndiTenzi wenyu, iye Kristu. |
| 11. | Asi mukuru pakati penyu ngaave muranda wenyu. |
| 12. | Aninani unozvikudza uchaninipiswa, naaninani unozvininipisa, uchakudzwa. |
| 13. | Munenhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu vushe bwokudenga; nokuti imi hamupindi mumene, naivo, vopinda, hamuvatenderi kupinda. [ |
| 14. | Munenhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti munoparadza dzimba dzechirikadzi muchiita mano-mano eminyengetero mirefu; naizvozvo muchatongerwa zvakaipa nokupfuvurisa.] |
| 15. | Munenhamo, imi vanyori navaFaise, vanyengeri! Nokuti munofamba pagungwa napanyika kuzotapa mudzidzi mumwe; kana awanikwa, munomuita mwanakomana weGehena kukunda imi kaviri. |
| 16. | Munenhamo, imi vatungamiriri vakapofumara, munoti: Aninani unopika netembere, hachizi chinhu asi aninani unopika nendarama yetembere, ndiye unemhosva. |
| 17. | Imi mapenzi namapofu! Chikuru ndechipiko, ndarama kana tembere, inoita ndarama ive tsvene? |
| 18. | Munoti zve; Aninani unopika nearitari, hachizi chinhu; asi aninani unopika nechipo chiri pamusoro payo, ndiye unemhosva. |
| 19. | Imi mapenzi namapofu! Chikuru ndechipiko, chipo kana aritari, inoita chipo chive chitsvene? |
| 20. | Naizvozvo, unopika nearitari, unopika nezvose zviri pamusoro payo. |
| 21. | Nounopika netembere, unopika nayo, nounogara mairi, |
| 22. | Nounopika nokudenga, unopika nechigaro chovushe chaMwari, nounogara pamusoro pacho. |
| 23. | Munenhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopa chegumi cheminte, neanise, nekumini, muchirega zvinhu zvikuru zvomurairo zvinoti: Kururamisira mhaka, nengoni, nokutendeka; maifanira kuzviita izvi nokusarega kuita izvozvo. |
| 24. | Imi vatungamiriri vakapofumara, munomimina runyunyu, muchimedza kamera. |
| 25. | Munenhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti munonatsa kunze kwomukombe nendiro, asi mukati muzere nokukara nokusazvidzora. |
| 26. | Iwe muFarise wakapofumara, tanga kunatsa mukati momukombe, nendiro, kuti kunze kwazvo kugochena vo. |
| 27. | Munenhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti makafanana namarinda akacheneswa, anovonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namafupa avakafa netsvina yose. |
| 28. | Saizvozvo nemi vo munovonekwa navanhu kunze kwenyu makaita semakarurama, asi mukati muzere nokunyengera nokuipa. |
| 29. | Munenhamo, imi vanyori navaFarise vanyengeri! Nokuti munovaka marinda avaporofita, nokushongedza marinda avakarurama, |
| 30. | muchiti: Dai taivapo pamazuva amateteguru edu, tingadai tisina kuvabatsira kuvuraya vaporofita. |
| 31. | Saka munozvipupurira kuti muri vanakomana vavakavuraya vaporofita. |
| 32. | Zvino chizadzisai chiyero chamateteguru enyu, |
| 33. | Imi nyoka; imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutonga kweGehena? |
| 34. | Saka, tarirai, ndinotumira kwamuri vaporofita, navakachenjera, navanyori; muchavuraya vamwe vavo, nokuvarovera pamuchinjikwa; mucharovesa vamwe vavo mumasinagoge enyu, nokuvadzingirira mumaguta ose. |
| 35. | Kuti ropa rose ravakarurama, rakatevurirwa panyika, rivuye pamusoro penyu, kubva paropa raAberi wakanga akarurama, kusvikira paropa raZakaria, mwanakonana waBarakia, wamakavuraya pakati petembere nearitari. |
| 36. | Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Izvi zvose zvichavuya pamusoro porudzi urwu. (Ruka 13. 34, 35.) |
| 37. | Jerusarema! Jerusarema! Iwe unovuraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri! Ndakanga ndichida kazhinji sei kuvunganidza vana vako, semhambo inovunganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba! |
| 38. | Tarirai, masiirwa imba yenyu rava dongo. |
| 39. | Nokuti ndinoti kwamuri: Kubva zvino hamuchazondivoni, kusvikira muchiti: Ngarumbidzwe iye unovuya nezita raShe. |
| ← Matthew (23/28) → |