Matthew (22/28)  

1. (Ruka 14. 16-24.) Zvino Jesu wakapindura, akataura zve navo nomifananidzo, akati:
2. Vushe bwokudenga bwungafananidzwa nomumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wokuwana;
3. akatuma varanda vake kundodana avo vakanga vakokerwa kumutambo wokuwana; vakaramba kuvuya.
4. Akatuma zve vamwe varanda, akati: Vudzai vakakokerwa, muti: Tarirai, ndagadzira chisvusvuro changu; nzombe dzangu nezvakakora zvangu zvabayiwa zvinhu zvose zvagadzirwa; vuyai kumutambo wokuwana.
5. Asi havana kurangarira, vakaenda, mumwe kumunda wake, mumwe kukutengesa kwake;
6. vamwe vakabata varanda vake, vakavaitira zvakaipa, vakavavuraya.
7. Zvino mambo wakatsamwa, akatuma hondo dzake, akaparadza vaya vakavavuraya, akapisa guta ravo.
8. Zvino akati kuvaranda vake: Mutambo wokuwana wakagadzirwa, asi vakanga vakokerwa vakanga vasina kufanirwa.
9. Naizvozvo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumutambo vose vamunowana.
10. Varanda ivavo vakabudira kunzira, vakavunganidza vose vavakawana, vakaipa navakanaka; imba yokuwana ikazara navagere pakudya.
11. Zvino mambo wakati achipinda kuzovona vagere pakudya, akavona munhu usina kupfeka nguvo yomutambo wokuwana;
12. akati kwaari: Shamwari, wapinda pano seiko, usinenguvo yomutambo wokuwana? Akanyarara.
13. Zvino mambo akati kuvaranda: Mumusungei makumbo namavoko, mumukandirei kurima rokunze; apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
14. Nokuti vazhinji vakadanwa, asi vakasanangurwa vashoma. (Mar. 12. 13-17; Ruka 20. 20-26.)
15. Zvino vaFarise vakaenda kundorangana kuti vangamubata sei pakutaura kwake.
16. Vakatuma kwaari vadzidzi vavo navaHerodhe, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wozvokwadi, munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi, musingarangariri zvinovonekwa zvomunhu, nokuti hamutariri zviri kunze kwomunhu.
17. Zvino tivudzei, munofungeiko? Munhu unotenderwa kuripira Kesari mutero here kana kwete?
18. Asi Jesu wakaziva kuipa kwavo, akati: Munondiidzireiko, imi vanyengeri?
19. Ndiratidzei mari yomutero. Vakavuya kwaari nedhenari.*
20. Zvino akati kwavari: Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani?
21. Vakati kwaari; ZvaKesari. Akati kwavari: Naizvozvo, ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.
22. Vakati vachinzwa izvozvo, vakashamiswa, vakamusiya, vakaenda. (Mar. 12. 18-27; Ruka 20. 27-40.)
23. Nezuva iro vaSajusi vakasvika kwaari, ivo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakamubvunza,
24. vachiti: Mudzidzisi, Mosesi wakati, kana munhu akafa asinavana, munun’una wake ngaawane mukadzi wake, agomutsira mukoma wake vana.
25. Kwatiri kwakanga kunavanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akawana mukadzi, akafa asinavana, akasiyira munun’una wake mukadzi wake;
26. nokudaro vo wechipiri, nowechitatu, kusvikira kunowechinomwe.
27. Shure kwavose mukadzi akafa vo.
28. Zvino pakumuka kwavakafa, uchava mukadzi waniko wavanomwe avo, nokuti vose vaiva naye.
29. Jesu akapindura, akati kwavari: Marashika, nokusaziva Magwaro, kana simba raMwari.
30. Nokuti pakumuka kwavakafa havawani, kana kuwaniswa; asi vakaita savatumwa vaMwari kudenga.
31. Asi kana kuri kumuka kwavakafa, hamuna kurava here zvamakavudzwa naMwari, paakati:
32. Ini ndiri Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho? Haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu.
33. Vanhu vazhinji vachinzwa izvozvo, vakashamiswa nedzidziso yake. (Mar. 12. 28-34; Ruka 10. 25-27.)
34. VaFarise vakati vachinzwa kuti wapwisa vaSadhuse, vakavungana pamwe chete.
35. Mumwe wavo, mududziri womurairo, akamubvunza, achimuidza, akati:
36. Mudzidzisi, murairo mukuru pamirairo ndoupiko?
37. Akati kwaari: Ida Ishe, Mwari wako, nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose.
38. Ndiwo murairo mukuru nowokutanga.
39. Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Ida wakwako; sezvaunozvida iwe.
40. Murairo wose navaporofita zvakabatanidzwa pamirairo iyi miviri. (Mar. 12. 35-37; Ruka 20. 41-44.)
41. Zvino vaFarise vachakavungana, Jesu akavabvunza,
42. akati: Munofungeiko pamsoro paKristu? Mwanakomana waniko? Vakati kwaari: WaDhavhidhi,
43. Akati kwavari: Dhavhidhi wakagomutumidza seiko noMweya, Ishe wake, achiti:
44. Ishe wakati kunaShe wangu: Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako?
45. Zvino, kana Dhavhidhi achimutumidza Ishe, ungagova mwanakomana wake seiko?
46. Kwakanga kusinomunhu wakagona kumupindura shoko, vuye kwakanga kusinomunhu wakatsunga kumubvunza chinhu pazuva iro.

  Matthew (22/28)