| ← Matthew (21/28) → | 
| 1. | (Mar. 11. 1-10; Ruka 19. 29-38; Joh. 12. 12-15.) Vakati vachiswedera Jerusarema, vakasvika Betefage, pagomo reMiorivhi, Jesu akatuma vadzidzi vaviri, | 
| 2. | akati kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemi, pakarepo muchawana mbongoro yakasungirwa, inemhuru yayo; mudzisunungure, muvuye nadzo kwandiri. | 
| 3. | Kana aninani achitaura chinhu kwamuri, muti: Ishe unodzida; pakarepo uchadzituma, | 
| 4. | Izvozvo zvakaitwa, kuti zvakataurwa nomuporofita zviitike. Paakati: | 
| 5. | Vudzai mwanasikana weZiyoni: Tarira Mambo wako unovuya kwauri, | 
| 6. | Vadzidzi vakaenda, vakaita sezvavakarairwa naJesu, | 
| 7. | vakavuya nembongoro nemhuru, vakaisa nguvo dzavo pamusoro padzo; akagara pamusoro padzo. | 
| 8. | Vazhinji pakati pavanhu vakawarira nguvo dzavo munzira; vamwe vakatema matavi emiti vakaawarira munzira. | 
| 9. | Vanhu vazhinji vakanga vakamutungamirira navakanga vachitevera, vakadanidzira, vachiti: Hosana kuMwanakomana waDavhidhi! Ngaakudzwe iye unovuya muzita raShe! Hosana kumusoro-soro! | 
| 10. | Wakati apinda Jerusarema, guta rose rikapesaniswa, vanhu vakati: Uyu ndianiko? | 
| 11. | Vanhu vazhinji vakati: NdiJesu muporofita weNazareta reGarirea. (Mar. 11. 15-18; Ruka 19. 45-48; Joh. 2. 13-17.) | 
| 12. | Zvino Jesu wakapinda mutembere, akabudisa vose vaitengesa navaitenga mutembere; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva, | 
| 13. | akati kwavari: Kwakanyorwa kuchinzi Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera, asi imi munoiita bako ramakororo. | 
| 14. | Zvino mapofu navaikamhina vakavuya kwaari mutembere, akavaporesa. | 
| 15. | Asi vaPirisita vakuru navanyori vakati vachivona zvinoshamisa zvaakanga achiita, navana vachidanidzira mutembere vachiti: Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi! Vakafa neshungu, | 
| 16. | vakati kwaari: Unonzwa zvavanotaura ivavo here? Jesu akati kwavari: Hongu, hamuna kutongorava here, panoti: Mumiromo yavacheche navanomwa makakwanisa kukudza? | 
| 17. | Akavasiya, akabva muguta, akaenda Betania, ndokuvatapo. (Mar. 11. 1214; 1924.) | 
| 18. | Mangwanani wakati achidzokera kuguta, akanzwa nzara. | 
| 19. | Zvino, wakati achivona muvonde mumwe panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha bedzi; akati kwawuri: Ngakurege kuva nezvibereko kwauri nokusingaperi. Muvonde ukawoma pakarepo. | 
| 20. | Vadzidzi vakati vachizvivona, vakashamiswa, vakati: Muvonde waoma pakarepo seiko? | 
| 21. | Jesu akapindura, akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Dai maiva nokutenda, musinganyunyuti, hamungaiti izvi zvomuvonde bedzi, asi kana mukati kugomo iri: Simudzwa, ukandirwe mugungwa, zvichaitwa. | 
| 22. | Nezvose zvamunokumbira muchinyengetera, kana muchitenda, muchazvipiwa. (Mar. 11. 27-33; Ruka 20. 1-8.) | 
| 23. | Wakati achipinda mutembere, vaPirisita vakuru navakuru vavanhu vakavuya kwaari achidzidzisa, vakati: Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndiani wakakupai simba iri? | 
| 24. | Jesu akapindura, akati kwavari: Neni ndichakuvhunzai vo shoko rimwe: kana mukandivudza iro, neni ndichakuvudzai vo simba randinoita naro zvinhu izvi. | 
| 25. | Rubhabhatidzo rwaJohane rwakabvepiko? Kudenga kana kuvanhu here? Vakataurirana vachiti: Kana tikati, Kudenga,uchati kwatiri: Makagoregerei kumutenda? | 
| 26. | Asi kana tikati, kuvanhu, tinotya vanhu vazhinji; nokuti vose vanoti, Johane muporofita. | 
| 27. | Vakapindura, vakati kunaJesu; Hatizivi, Akati kwavari: Neni handingakuvudziyi vo simba randinoita naro zvinhu izvi. | 
| 28. | Zvino munofungeiko? Mumwe munhu wakanga anavana vaviri; akaenda kunowokutanga, akati: Mwana, enda nhasi kundobata mumunda wangu wemizambiringa. | 
| 29. | Iye akapindura akati: Handidi; asi pashure akazvidya moyo, akenda. | 
| 30. | Akaenda kunowechipiri, akataura saizvozvo. Iye akapindura, akati: Ndinoenda, Ishe; akasaenda. | 
| 31. | Ndoupiko kunaivavo vaviri wakaita kuda kwababa vake? Vakati: Wokutanga. Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vateresi nezvifeve vanokutangirai kupinda muvushebwaMwari. | 
| 32. | Nokuti Johane wakavuya kwamuri nenzira yokururama, mukasamutenda, asi vateresi nezvifeve vakamutenda. Imi makati muchivona izvozvo, hamuna kuzozvidya moyo mukamutenda. (Mar. 12. 1-12; Ruka 20. 9-18.) | 
| 33. | Inzwai mumwe mufananidzo; Mumwe munhu waivapo, mwene weimba, wakasima munda wake wemizambiringa; akaukomba noruzhowa, akachera pokusvinira mauri, akavaka chirindo, akaupa varimi, ndokufamba rwendo.. | 
| 34. | Nguva yezvibereko yakati yasvika, akatuma varanda vake kuvarimi, kundotora zvibereko zvake. | 
| 35. | Asi varimi vakabata varanda vake, vakarova mumwe vakavuraya mumwe, vakatakamumwe namabwe. | 
| 36. | Akatuma zve vamwe varanda, vazhinji kunovokutanga; vakavaitira saizvozvo. | 
| 37. | Zvino pashure akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti; Mwanakomana wangu vachava nehanya naye. | 
| 38. | Asi varimi vakati vachivona mwanakomana, vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; vuyai timuvuraye, titore nhaka yake. | 
| 39. | Zvino vakamubata vakamubudisa kunze kwomunda wemizambiringa vakamuvuraya. | 
| 40. | Zvino kana mwene womunda wemizambiringa achizouya uchaitei iko navarimi ivavo?. | 
| 41. | Vakati kwaari: Uchaparadza kwazvo vanhu avo vakaipa akaisa vamwe varimi mumunda wemizambiringa, vachazomupa zvibereko nenguva dzazvo. | 
| 42. | Jesu akati kwavari: Hamuna kutongorava here paMagwaro panoti: Ibwe rakarashwa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona; Izvozvo zvakaitwa naShe, Zvinoshamisa pameso edu? | 
| 43. | Naizvozvo ndinoti kwamuri: Muchatorerwa imi vushe bwaMwari, bwukapiwa vanhu vanobereka zvibereko zvabwo, | 
| 44. | Unowira pamusoro pebwe iri, uchavhunikanya; asi upi noupi warinowira richamukuya akaita vupfu. | 
| 45. | VaPirisita vakuru navaFarise vakati vachinzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti unovareva ivo. | 
| 46. | Zvino vakatsvaka kumubata asi vakatya vanhu vazhinji nokuti vakanga vachiti muporofita. | 
| ← Matthew (21/28) → |