Matthew (21/28)  

1. (Mar. 11. 1-10; Ruka 19. 29-38; Joh. 12. 12-15.) Vakati vachiswedera Jerusarema, vakasvika Betefage, pagomo reMiorivhi, Jesu akatuma vadzidzi vaviri,
2. akati kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemi, pakarepo muchawana mbongoro yakasungirwa, inemhuru yayo; mudzisunungure, muvuye nadzo kwandiri.
3. Kana aninani achitaura chinhu kwamuri, muti: Ishe unodzida; pakarepo uchadzituma,
4. Izvozvo zvakaitwa, kuti zvakataurwa nomuporofita zviitike. Paakati:
5. Vudzai mwanasikana weZiyoni: Tarira Mambo wako unovuya kwauri,
6. Vadzidzi vakaenda, vakaita sezvavakarairwa naJesu,
7. vakavuya nembongoro nemhuru, vakaisa nguvo dzavo pamusoro padzo; akagara pamusoro padzo.
8. Vazhinji pakati pavanhu vakawarira nguvo dzavo munzira; vamwe vakatema matavi emiti vakaawarira munzira.
9. Vanhu vazhinji vakanga vakamutungamirira navakanga vachitevera, vakadanidzira, vachiti: Hosana kuMwanakomana waDavhidhi! Ngaakudzwe iye unovuya muzita raShe! Hosana kumusoro-soro!
10. Wakati apinda Jerusarema, guta rose rikapesaniswa, vanhu vakati: Uyu ndianiko?
11. Vanhu vazhinji vakati: NdiJesu muporofita weNazareta reGarirea. (Mar. 11. 15-18; Ruka 19. 45-48; Joh. 2. 13-17.)
12. Zvino Jesu wakapinda mutembere, akabudisa vose vaitengesa navaitenga mutembere; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva,
13. akati kwavari: Kwakanyorwa kuchinzi Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera, asi imi munoiita bako ramakororo.
14. Zvino mapofu navaikamhina vakavuya kwaari mutembere, akavaporesa.
15. Asi vaPirisita vakuru navanyori vakati vachivona zvinoshamisa zvaakanga achiita, navana vachidanidzira mutembere vachiti: Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi! Vakafa neshungu,
16. vakati kwaari: Unonzwa zvavanotaura ivavo here? Jesu akati kwavari: Hongu, hamuna kutongorava here, panoti: Mumiromo yavacheche navanomwa makakwanisa kukudza?
17. Akavasiya, akabva muguta, akaenda Betania, ndokuvatapo. (Mar. 11. 1214; 1924.)
18. Mangwanani wakati achidzokera kuguta, akanzwa nzara.
19. Zvino, wakati achivona muvonde mumwe panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha bedzi; akati kwawuri: Ngakurege kuva nezvibereko kwauri nokusingaperi. Muvonde ukawoma pakarepo.
20. Vadzidzi vakati vachizvivona, vakashamiswa, vakati: Muvonde waoma pakarepo seiko?
21. Jesu akapindura, akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Dai maiva nokutenda, musinganyunyuti, hamungaiti izvi zvomuvonde bedzi, asi kana mukati kugomo iri: Simudzwa, ukandirwe mugungwa, zvichaitwa.
22. Nezvose zvamunokumbira muchinyengetera, kana muchitenda, muchazvipiwa. (Mar. 11. 27-33; Ruka 20. 1-8.)
23. Wakati achipinda mutembere, vaPirisita vakuru navakuru vavanhu vakavuya kwaari achidzidzisa, vakati: Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndiani wakakupai simba iri?
24. Jesu akapindura, akati kwavari: Neni ndichakuvhunzai vo shoko rimwe: kana mukandivudza iro, neni ndichakuvudzai vo simba randinoita naro zvinhu izvi.
25. Rubhabhatidzo rwaJohane rwakabvepiko? Kudenga kana kuvanhu here? Vakataurirana vachiti: Kana tikati, Kudenga,uchati kwatiri: Makagoregerei kumutenda?
26. Asi kana tikati, kuvanhu, tinotya vanhu vazhinji; nokuti vose vanoti, Johane muporofita.
27. Vakapindura, vakati kunaJesu; Hatizivi, Akati kwavari: Neni handingakuvudziyi vo simba randinoita naro zvinhu izvi.
28. Zvino munofungeiko? Mumwe munhu wakanga anavana vaviri; akaenda kunowokutanga, akati: Mwana, enda nhasi kundobata mumunda wangu wemizambiringa.
29. Iye akapindura akati: Handidi; asi pashure akazvidya moyo, akenda.
30. Akaenda kunowechipiri, akataura saizvozvo. Iye akapindura, akati: Ndinoenda, Ishe; akasaenda.
31. Ndoupiko kunaivavo vaviri wakaita kuda kwababa vake? Vakati: Wokutanga. Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vateresi nezvifeve vanokutangirai kupinda muvushebwaMwari.
32. Nokuti Johane wakavuya kwamuri nenzira yokururama, mukasamutenda, asi vateresi nezvifeve vakamutenda. Imi makati muchivona izvozvo, hamuna kuzozvidya moyo mukamutenda. (Mar. 12. 1-12; Ruka 20. 9-18.)
33. Inzwai mumwe mufananidzo; Mumwe munhu waivapo, mwene weimba, wakasima munda wake wemizambiringa; akaukomba noruzhowa, akachera pokusvinira mauri, akavaka chirindo, akaupa varimi, ndokufamba rwendo..
34. Nguva yezvibereko yakati yasvika, akatuma varanda vake kuvarimi, kundotora zvibereko zvake.
35. Asi varimi vakabata varanda vake, vakarova mumwe vakavuraya mumwe, vakatakamumwe namabwe.
36. Akatuma zve vamwe varanda, vazhinji kunovokutanga; vakavaitira saizvozvo.
37. Zvino pashure akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti; Mwanakomana wangu vachava nehanya naye.
38. Asi varimi vakati vachivona mwanakomana, vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; vuyai timuvuraye, titore nhaka yake.
39. Zvino vakamubata vakamubudisa kunze kwomunda wemizambiringa vakamuvuraya.
40. Zvino kana mwene womunda wemizambiringa achizouya uchaitei iko navarimi ivavo?.
41. Vakati kwaari: Uchaparadza kwazvo vanhu avo vakaipa akaisa vamwe varimi mumunda wemizambiringa, vachazomupa zvibereko nenguva dzazvo.
42. Jesu akati kwavari: Hamuna kutongorava here paMagwaro panoti: Ibwe rakarashwa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona; Izvozvo zvakaitwa naShe, Zvinoshamisa pameso edu?
43. Naizvozvo ndinoti kwamuri: Muchatorerwa imi vushe bwaMwari, bwukapiwa vanhu vanobereka zvibereko zvabwo,
44. Unowira pamusoro pebwe iri, uchavhunikanya; asi upi noupi warinowira richamukuya akaita vupfu.
45. VaPirisita vakuru navaFarise vakati vachinzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti unovareva ivo.
46. Zvino vakatsvaka kumubata asi vakatya vanhu vazhinji nokuti vakanga vachiti muporofita.

  Matthew (21/28)