| ← Matthew (20/28) → | 
| 1. | Nokuti vushe hwokudenga hwakafana nomwene weimba, wakabuda mangwanani kundotsvakira munda wake wemizambiringa vabati. | 
| 2. | Wakati atenderana navabati kuvapa denari* pazuva, akavatuma kumunda wake wemizambiringa. | 
| 3. | Akabuda nenguva inenge yechitatu, akavona vamwe vamire padare, vasingabati; | 
| 4. | akati kwavari: Endai imi vo mumunda wemizambiringa, ndigokupai zvakafanira. Vakaenda. | 
| 5. | Akabuda zve nenguva inenge yechitanhatu neyepfumbamwe, akadaro zve. | 
| 6. | Akabuda nenguva inenge yegumi neimwe, akawana vamwe vamire; akati kwavari: Makamirireiko pano zuva rose musingabati? | 
| 7. | Vakati kwaari: Nokuti hapanomunhu wakatipa basa. Akati kwavari: Endai nemi vo mumunda wemizambiringa. | 
| 8. | Ava madekwana, mwene womunda wemizambiringa akati kumutariri wake: dana vabati, uvape mubairo wavo, uchitanga kunovokupedzisira, ugumire kunovokutanga. | 
| 9. | Zvino nenguva inenge yegumi neimwe vakati vachivuya, mumwe nomumwe akapiwa dhenari.* | 
| 10. | Vokutanga vakati vachivuya, vakati vachapiwa nokupfuvura; ivo vakapiwa avo mumwe nomumwe dhenari.* | 
| 11. | Vakati vacipiwa, vakapopotera mwene weimba, | 
| 12. | vakati: Ava vokupedzisira, vakabata nguva imwe chete, mavaenzanisa nesu, takatambudzika zuva rose, tichipiswa nezuva. | 
| 13. | Akapindura, akati kunomumwe wavo: Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana neni kuti upiwe dhenari* here? | 
| 14. | Tora zvako, uende, ndinoda kupa wokupedzisira sewe. | 
| 15. | Ko handina kutenderwa kuita nezvangu pandinoda napo here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here? | 
| 16. | Saizvozvo vokupedzisira vachava, vokutanga novokutanga vachava vokupedzisira. (Mar. 10. 32-34; Ruka 18. 31-33.) | 
| 17. | Jesu wakati okwira Jerusarema, akatora vadzidzi vake vanegumi navaviri vari voga, akati kwavari panzira: | 
| 18. | Tarirai, tinokwira Jerusarema, Mwanakomana womunhu uchaiswa kuvaPirisita vakuru navanyori, vachamutongera rufu. | 
| 19. | Vachamuisa kuvahedheni, kuti asekwe, aroveswe, aroverwe pamuchinjikwa, asi nezuva retatu uchamutswa zve. (Mar. 10. 35-45.) | 
| 20. | Zvino mai vavanakomana vaZebhedi vakavuya kwaari navanakomana vavo, vachimunamata, kuzokumbira chinhu kwaari. | 
| 21. | Akati kwavari: Munotsvakeiko? Vakati kwaari: Rairai kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, mumwe kuruvoko rwenyu rworudyi, mumwe kuruboshwe, muvushe hwenyu. | 
| 22. | Asi Jesu akapindura, akati: Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira pamukombe pandinozonwira ini, here? Vakati kwaari: tingagona. | 
| 23. | Akati kwavari: Muchanwira henyu pamukombe wangu, asi kugara kuruvoko rwangu rworudyi, nokuruboshwe, handizini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo naBaba vangu. | 
| 24. | Vanegumi vakati vachizvinzwa, vakatsamwira avo vana vaviri vomunhu mumwe. | 
| 25. | Asi Jesu akavadanira kwaari, akati: Munoziva kuti machinda avahedheni anovamanikidza, navakuru vavo vanoratidza simba navo. | 
| 26. | Pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi aninani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushumiri wenyu. | 
| 27. | Aninani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave muranda wenyu. | 
| 28. | Zvakaita soMwanakomana womunhu usina kuvuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa vupenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji. (Mar. 10. 46-52; Ruka 18. 35-43.) | 
| 29. | Vakati vachibva Jeriko, vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera. | 
| 30. | Zvino tarira, mapofu maviri akanga agere panzira, akati achinzwa kuti Jesu wopfuvura, akadanidzira, achiti: Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni! | 
| 31. | Vanhu vazhinji vakaaraira kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti: Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni! | 
| 32. | Ipapo Jesu akamira, akaadana, akati: Munoda kuti ndikuitireiko? | 
| 33. | Akati kwaari: tsitsi, akabata meso awo; pakarepo akasvunudzwa, | 
| 34. | Jesu akaanwira tsitsi,akabata meso awo; pakarepo akasvinudzwa, akamutevera. | 
| ← Matthew (20/28) → |