Matthew (20/28)  

1. Nokuti vushe hwokudenga hwakafana nomwene weimba, wakabuda mangwanani kundotsvakira munda wake wemizambiringa vabati.
2. Wakati atenderana navabati kuvapa denari* pazuva, akavatuma kumunda wake wemizambiringa.
3. Akabuda nenguva inenge yechitatu, akavona vamwe vamire padare, vasingabati;
4. akati kwavari: Endai imi vo mumunda wemizambiringa, ndigokupai zvakafanira. Vakaenda.
5. Akabuda zve nenguva inenge yechitanhatu neyepfumbamwe, akadaro zve.
6. Akabuda nenguva inenge yegumi neimwe, akawana vamwe vamire; akati kwavari: Makamirireiko pano zuva rose musingabati?
7. Vakati kwaari: Nokuti hapanomunhu wakatipa basa. Akati kwavari: Endai nemi vo mumunda wemizambiringa.
8. Ava madekwana, mwene womunda wemizambiringa akati kumutariri wake: dana vabati, uvape mubairo wavo, uchitanga kunovokupedzisira, ugumire kunovokutanga.
9. Zvino nenguva inenge yegumi neimwe vakati vachivuya, mumwe nomumwe akapiwa dhenari.*
10. Vokutanga vakati vachivuya, vakati vachapiwa nokupfuvura; ivo vakapiwa avo mumwe nomumwe dhenari.*
11. Vakati vacipiwa, vakapopotera mwene weimba,
12. vakati: Ava vokupedzisira, vakabata nguva imwe chete, mavaenzanisa nesu, takatambudzika zuva rose, tichipiswa nezuva.
13. Akapindura, akati kunomumwe wavo: Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana neni kuti upiwe dhenari* here?
14. Tora zvako, uende, ndinoda kupa wokupedzisira sewe.
15. Ko handina kutenderwa kuita nezvangu pandinoda napo here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here?
16. Saizvozvo vokupedzisira vachava, vokutanga novokutanga vachava vokupedzisira. (Mar. 10. 32-34; Ruka 18. 31-33.)
17. Jesu wakati okwira Jerusarema, akatora vadzidzi vake vanegumi navaviri vari voga, akati kwavari panzira:
18. Tarirai, tinokwira Jerusarema, Mwanakomana womunhu uchaiswa kuvaPirisita vakuru navanyori, vachamutongera rufu.
19. Vachamuisa kuvahedheni, kuti asekwe, aroveswe, aroverwe pamuchinjikwa, asi nezuva retatu uchamutswa zve. (Mar. 10. 35-45.)
20. Zvino mai vavanakomana vaZebhedi vakavuya kwaari navanakomana vavo, vachimunamata, kuzokumbira chinhu kwaari.
21. Akati kwavari: Munotsvakeiko? Vakati kwaari: Rairai kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, mumwe kuruvoko rwenyu rworudyi, mumwe kuruboshwe, muvushe hwenyu.
22. Asi Jesu akapindura, akati: Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira pamukombe pandinozonwira ini, here? Vakati kwaari: tingagona.
23. Akati kwavari: Muchanwira henyu pamukombe wangu, asi kugara kuruvoko rwangu rworudyi, nokuruboshwe, handizini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo naBaba vangu.
24. Vanegumi vakati vachizvinzwa, vakatsamwira avo vana vaviri vomunhu mumwe.
25. Asi Jesu akavadanira kwaari, akati: Munoziva kuti machinda avahedheni anovamanikidza, navakuru vavo vanoratidza simba navo.
26. Pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi aninani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushumiri wenyu.
27. Aninani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave muranda wenyu.
28. Zvakaita soMwanakomana womunhu usina kuvuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa vupenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji. (Mar. 10. 46-52; Ruka 18. 35-43.)
29. Vakati vachibva Jeriko, vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera.
30. Zvino tarira, mapofu maviri akanga agere panzira, akati achinzwa kuti Jesu wopfuvura, akadanidzira, achiti: Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!
31. Vanhu vazhinji vakaaraira kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti: Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!
32. Ipapo Jesu akamira, akaadana, akati: Munoda kuti ndikuitireiko?
33. Akati kwaari: tsitsi, akabata meso awo; pakarepo akasvunudzwa,
34. Jesu akaanwira tsitsi,akabata meso awo; pakarepo akasvinudzwa, akamutevera.

  Matthew (20/28)