Matthew (2/28)  

1. Jesu wakati aberekwa paBhetirehemu reJudhea, pamazuva amambo Herodhe, tarira vachenjeri vakasvika Jerusarema vachibva mabvazuva,
2. vakati, Uripiko Mambo wavaJudha wakazvarwa? Nokuti takavona nyeredzi yake kumabvazuva, tavuya kuzomunamata.
3. Mambo Herodhe achizvinzwa wakamanikidzwa neJerusarema rose naye.
4. Akakokera vaPirisita vakuru vose navanyori vavanhu, akabvunza kuti Kristu uchaberekwepi.
5. Vakati kwaari, PaBhetirehemu reJudhea, nokuti ndizvo zvakanyorwa nomuporofita zvichinzi,
6. Newe Bhetirehemu, nyika yeJudhea, Hauzi muduku kwazvo kuvabati vaJudha, Nokuti kwauri kuchabuda Mutungamiriri, Uchafudza vanhu vangu vaIsraeri.
7. Zvino Herodhe wakadana vachenjeri, vari voga, akavabvunzisisa nguva yakavonekwa nyeredzi nayo,
8. akavatuma Bhetirehemu, akati Endai munatso-bvunzisisa zvomwana, kana mamuwana mundivudze, kuti nenivo ndivuye kuzomunamata.
9. Vakati vanzwa mambo, vakaenda, zvino tarira nyeredzi yavakanga vavona kumabvazuva yakavatungamirira kusvikira yandomira pamusoro peimba pakanga panomwana.
10. Vakati vavona nyeredzi vakafara nomufaro mukuru-kuru.
11. Vakapinda mumba, vakawanaMwana naMaria mai vake, vakawira pasi vakamunamata, vakasunungura fuma yavo, vakamupa zvipo zvendarama, nezvinonhuwira nemura.
12. Vakati vanyeverwa pakurota naMwari, kuti varege kudzokera kunaHerode, vakaenda kunyika yavo neimwe nzira.
13. Vakati vaenda, tarira mutumwa waShe wakavonekwa naJosefa pakurota achiti, Simuka utore mwana namai vake, utizire Ijipiti ugareko kusvikira ndichikuvudza, nokuti Herodhe uchatsvaka mwana kuti amuvuraye.
14. Akasimuka, akatora mwananamai vake vusiku akaenda Ijipiti.
15. Akagarako kusvikira Herodhe afa, kuti zviitike zvakarebwa naShe nomuromo womuporofita achiti, Ndakadana mwanakomana wangu abve Ijipiti.
16. Zvino Herodhe wakati avona kuti anyengerwa navachenjeri, akatsamwa kwazvo-kwazvo, akatuma vanhu kundovuraya vana vavakomana vose vaiva muBhetirehemu napanyika yose yakapoteredza, vaiva namakore maviri navaduku kwavari, iri nguva yaakanzwisisa kuvachenjeri.
17. Zvikaitika zvakarebwa nomuporofita Jeremia achiti.
18. Inzwi rakanzwika muRama, rokuchema nokurira kukuru, Rakeri achichema vana vake, asingadi kunyaradzwa nokuti havachipo.
19. Herodhe wakati afa, tarira mutumwa waShe akavonekwa naJosefa pakurota paIjipiti,
20. akati simuka utore mwana namai vake, uende kunyika yavaIsraeri nokuti vaitsvaka kuvuraya mwana vafa.
21. Akasimuka ndokutora mwana namai vake akasvika kunyika yavaIsraeri.
22. Asi wakati achinzwa kuti Arkerao wava mambo panzvimbo yababa vake Herodhe akatya kuendako, akanyeverwa pakurota, akaenda kumativi enyika yeGarirea.
23. Akandogarako muguta rinonzi Nazareta kuti zvakarebwa navaporofita zviitike, kuti uchanzi muNazareta.

  Matthew (2/28)