| ← Matthew (2/28) → |
| 1. | Jesu wakati aberekwa paBhetirehemu reJudhea, pamazuva amambo Herodhe, tarira vachenjeri vakasvika Jerusarema vachibva mabvazuva, |
| 2. | vakati, Uripiko Mambo wavaJudha wakazvarwa? Nokuti takavona nyeredzi yake kumabvazuva, tavuya kuzomunamata. |
| 3. | Mambo Herodhe achizvinzwa wakamanikidzwa neJerusarema rose naye. |
| 4. | Akakokera vaPirisita vakuru vose navanyori vavanhu, akabvunza kuti Kristu uchaberekwepi. |
| 5. | Vakati kwaari, PaBhetirehemu reJudhea, nokuti ndizvo zvakanyorwa nomuporofita zvichinzi, |
| 6. | Newe Bhetirehemu, nyika yeJudhea, Hauzi muduku kwazvo kuvabati vaJudha, Nokuti kwauri kuchabuda Mutungamiriri, Uchafudza vanhu vangu vaIsraeri. |
| 7. | Zvino Herodhe wakadana vachenjeri, vari voga, akavabvunzisisa nguva yakavonekwa nyeredzi nayo, |
| 8. | akavatuma Bhetirehemu, akati Endai munatso-bvunzisisa zvomwana, kana mamuwana mundivudze, kuti nenivo ndivuye kuzomunamata. |
| 9. | Vakati vanzwa mambo, vakaenda, zvino tarira nyeredzi yavakanga vavona kumabvazuva yakavatungamirira kusvikira yandomira pamusoro peimba pakanga panomwana. |
| 10. | Vakati vavona nyeredzi vakafara nomufaro mukuru-kuru. |
| 11. | Vakapinda mumba, vakawanaMwana naMaria mai vake, vakawira pasi vakamunamata, vakasunungura fuma yavo, vakamupa zvipo zvendarama, nezvinonhuwira nemura. |
| 12. | Vakati vanyeverwa pakurota naMwari, kuti varege kudzokera kunaHerode, vakaenda kunyika yavo neimwe nzira. |
| 13. | Vakati vaenda, tarira mutumwa waShe wakavonekwa naJosefa pakurota achiti, Simuka utore mwana namai vake, utizire Ijipiti ugareko kusvikira ndichikuvudza, nokuti Herodhe uchatsvaka mwana kuti amuvuraye. |
| 14. | Akasimuka, akatora mwananamai vake vusiku akaenda Ijipiti. |
| 15. | Akagarako kusvikira Herodhe afa, kuti zviitike zvakarebwa naShe nomuromo womuporofita achiti, Ndakadana mwanakomana wangu abve Ijipiti. |
| 16. | Zvino Herodhe wakati avona kuti anyengerwa navachenjeri, akatsamwa kwazvo-kwazvo, akatuma vanhu kundovuraya vana vavakomana vose vaiva muBhetirehemu napanyika yose yakapoteredza, vaiva namakore maviri navaduku kwavari, iri nguva yaakanzwisisa kuvachenjeri. |
| 17. | Zvikaitika zvakarebwa nomuporofita Jeremia achiti. |
| 18. | Inzwi rakanzwika muRama, rokuchema nokurira kukuru, Rakeri achichema vana vake, asingadi kunyaradzwa nokuti havachipo. |
| 19. | Herodhe wakati afa, tarira mutumwa waShe akavonekwa naJosefa pakurota paIjipiti, |
| 20. | akati simuka utore mwana namai vake, uende kunyika yavaIsraeri nokuti vaitsvaka kuvuraya mwana vafa. |
| 21. | Akasimuka ndokutora mwana namai vake akasvika kunyika yavaIsraeri. |
| 22. | Asi wakati achinzwa kuti Arkerao wava mambo panzvimbo yababa vake Herodhe akatya kuendako, akanyeverwa pakurota, akaenda kumativi enyika yeGarirea. |
| 23. | Akandogarako muguta rinonzi Nazareta kuti zvakarebwa navaporofita zviitike, kuti uchanzi muNazareta. |
| ← Matthew (2/28) → |