Matthew (19/28)  

1. (Mar. 5. 31-32; Mar. 10. 1-12; Ruka 16. 18.) Jesu wakati apedza mashoko iwayo, akabva Garirea, akaenda kunyika yeJudhea mhiri kweJorodhani.
2. Vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera, akavaporesapo.
3. V aFarise vakavuya kwaari, vakamuidza, vachiti: Ko munhu unotenderwa kurasha mukadzi wake nemhaka ipi neipi here?
4. Akapindura, akati: Hamuna kurava here, kuti uyo wakavasika pakutanga, wakavaita murume nomukadzi?
5. Akati: Nokuda kwaizvozvo murume uchasiya baba vake namai vake, akanamatira mukadzi wake; ava vaviri va chava nyama imwe.
6. nokudaro havachiri vaviri, asi nyama imwe. Zvino, izvo Mwari zvaakasonganisa, munhu ngarege kuzviparadzanisa.
7. Vakati kwaari: Mosesi wakagoraireiko kuti murume amupe rugwaro rwokumuramba, agomurasha?
8. Akati kwavari: Nokuda kwovukukutu bwemoyo yenyu Mosesi wakakutenderai kurasha vakadzi venyu, asi kubva pakutanga zvakanga zvisina kudaro.
9. Ndinoti kwamuri: Aninani unorasha mukadzi wake, asi nemhaka yovupombwe, akawana mumwe, unoita vupombwe;, nounowana wakarashwa unoita vupombwe.
10. Vadzidzi vakati kwaari: Kana zvakadaro pakati pomurume nomukadzi, hazvina kunaka kuwana.
11. Asi iye akati kwavari: Vose havagamuchiri shoko iri, asi avo vakazvipiwa.
12. Nokuti ngomwa dziripo, dzakaberekwa dzakadaro kubva mudumbu ramai; ngomwa dziripo, dzakaitwa ngomwa navanhu; ngomwa dziripo dzakazviita ngomwa nokuda kwovushe hwokudenga. Ungagamuchira shoko iri, ngaarigamuchire. (Mar. 10. 13-16; Ruka 18. 15-17.)
13. Zvino vakavuya navana vaduku kwaari, kuti aise mavoko pamusoro pavo, avanyengeterere; vadzidzi vakavaraira.
14. Asi Jesu wakati kwavari: Regai vana vaduku, musavadzivisa kuvuya kwandiri; nokuti vushe hwokudenga ndohwavakadai.
15. Akaisa mavoko pamusoro pavo, akabvapo. (Mar. 10. 17-30; Ruka 18. 18-30.)
16. Tarira, mumwe munhu wakavuya kwaari, akati: Mudzidzisi wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi, kuti ndive novupenyu hwusingaperi?
17. Akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, asi mumwe woga, ndiye Mwari.
18. Akati kwaari: Ipiko? Jesu akati: Usavuraya, usaita vupombwe, usaba, usapupura nhema;
19. kudza baba vako namai vako, ude wokwako sezvaunozvida iwe.
20. Jaya rikati kwaari: Izvozvo zvose ndakazvichengeta; kubva pavuduku bwangu ndichakashaiweiko?
21. Jesu akati kwaari: Kana uchida kukwana, enda utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, ugova nefuma kudenga; ugovuya unditevere.
22. Asi jaya rakati richinzwa shoko iri, rikaenda rineshungu;nokuti rakanga rinefuma zhinji.
23. Jesu akati kuvadzidzi vake: Zvinoremera mufumi kupinda muvushe bwokudenga.
24. Ndinoti kwamuri zve: Kamera ingarerukirwa kupinda paburi redumho, kumufumi kupinda muvushe bwaMwari.
25. Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakakahadzika kwazvo, vakati: Ndianiko ungagoponeswa?
26. Jesu ndokuvatarira, akati kwavari: kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvose zvinobvira.
27. Zvino Petro akapindura, akati kwaari: Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai; tichagopiweiko?
28. Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, imi makanditevera pakuberekwa kutsva, kana mwanakomana womunhu achizogara pachigaro chovushe chokubwinya kwake, imi vo muchagara pazvigaro zvinegumi nezviviri, muchitonga marudzi anegumi namaviri avaIsraeri.
29. Mumwe nomumwe wakasiya dzimba, kana vanun’una, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nokuda kwezita rangu, uchapiwa zvinezana, akagara nhaka yovupenyu hwusingaperi.
30. Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, novokupedzisira vachava vokutanga.

  Matthew (19/28)