| ← Matthew (19/28) → |
| 1. | (Mar. 5. 31-32; Mar. 10. 1-12; Ruka 16. 18.) Jesu wakati apedza mashoko iwayo, akabva Garirea, akaenda kunyika yeJudhea mhiri kweJorodhani. |
| 2. | Vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera, akavaporesapo. |
| 3. | V aFarise vakavuya kwaari, vakamuidza, vachiti: Ko munhu unotenderwa kurasha mukadzi wake nemhaka ipi neipi here? |
| 4. | Akapindura, akati: Hamuna kurava here, kuti uyo wakavasika pakutanga, wakavaita murume nomukadzi? |
| 5. | Akati: Nokuda kwaizvozvo murume uchasiya baba vake namai vake, akanamatira mukadzi wake; ava vaviri va chava nyama imwe. |
| 6. | nokudaro havachiri vaviri, asi nyama imwe. Zvino, izvo Mwari zvaakasonganisa, munhu ngarege kuzviparadzanisa. |
| 7. | Vakati kwaari: Mosesi wakagoraireiko kuti murume amupe rugwaro rwokumuramba, agomurasha? |
| 8. | Akati kwavari: Nokuda kwovukukutu bwemoyo yenyu Mosesi wakakutenderai kurasha vakadzi venyu, asi kubva pakutanga zvakanga zvisina kudaro. |
| 9. | Ndinoti kwamuri: Aninani unorasha mukadzi wake, asi nemhaka yovupombwe, akawana mumwe, unoita vupombwe;, nounowana wakarashwa unoita vupombwe. |
| 10. | Vadzidzi vakati kwaari: Kana zvakadaro pakati pomurume nomukadzi, hazvina kunaka kuwana. |
| 11. | Asi iye akati kwavari: Vose havagamuchiri shoko iri, asi avo vakazvipiwa. |
| 12. | Nokuti ngomwa dziripo, dzakaberekwa dzakadaro kubva mudumbu ramai; ngomwa dziripo, dzakaitwa ngomwa navanhu; ngomwa dziripo dzakazviita ngomwa nokuda kwovushe hwokudenga. Ungagamuchira shoko iri, ngaarigamuchire. (Mar. 10. 13-16; Ruka 18. 15-17.) |
| 13. | Zvino vakavuya navana vaduku kwaari, kuti aise mavoko pamusoro pavo, avanyengeterere; vadzidzi vakavaraira. |
| 14. | Asi Jesu wakati kwavari: Regai vana vaduku, musavadzivisa kuvuya kwandiri; nokuti vushe hwokudenga ndohwavakadai. |
| 15. | Akaisa mavoko pamusoro pavo, akabvapo. (Mar. 10. 17-30; Ruka 18. 18-30.) |
| 16. | Tarira, mumwe munhu wakavuya kwaari, akati: Mudzidzisi wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi, kuti ndive novupenyu hwusingaperi? |
| 17. | Akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, asi mumwe woga, ndiye Mwari. |
| 18. | Akati kwaari: Ipiko? Jesu akati: Usavuraya, usaita vupombwe, usaba, usapupura nhema; |
| 19. | kudza baba vako namai vako, ude wokwako sezvaunozvida iwe. |
| 20. | Jaya rikati kwaari: Izvozvo zvose ndakazvichengeta; kubva pavuduku bwangu ndichakashaiweiko? |
| 21. | Jesu akati kwaari: Kana uchida kukwana, enda utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, ugova nefuma kudenga; ugovuya unditevere. |
| 22. | Asi jaya rakati richinzwa shoko iri, rikaenda rineshungu;nokuti rakanga rinefuma zhinji. |
| 23. | Jesu akati kuvadzidzi vake: Zvinoremera mufumi kupinda muvushe bwokudenga. |
| 24. | Ndinoti kwamuri zve: Kamera ingarerukirwa kupinda paburi redumho, kumufumi kupinda muvushe bwaMwari. |
| 25. | Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakakahadzika kwazvo, vakati: Ndianiko ungagoponeswa? |
| 26. | Jesu ndokuvatarira, akati kwavari: kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvose zvinobvira. |
| 27. | Zvino Petro akapindura, akati kwaari: Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai; tichagopiweiko? |
| 28. | Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, imi makanditevera pakuberekwa kutsva, kana mwanakomana womunhu achizogara pachigaro chovushe chokubwinya kwake, imi vo muchagara pazvigaro zvinegumi nezviviri, muchitonga marudzi anegumi namaviri avaIsraeri. |
| 29. | Mumwe nomumwe wakasiya dzimba, kana vanun’una, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nokuda kwezita rangu, uchapiwa zvinezana, akagara nhaka yovupenyu hwusingaperi. |
| 30. | Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, novokupedzisira vachava vokutanga. |
| ← Matthew (19/28) → |