Matthew (18/28)  

1. (Mar 9. 33-50, Ruka 9. 46-50) Nenguva iyo vadzidzi vakavuya kuna Jesu vakati, ndianiko mukuru pavushe hwokudenga?
2. Jesu akadanira kwaari mwana muduku akamuisa pakati pavo.
3. Akati, zvirokwazvo ndinoti kwamuri kana musingashanduki mukava savana vaduku hamungatongopindi muvushe hwokudenga.
4. Naizvozvo aninani unozvininipisa somwana uyu muduku ndiye mukuru muvushe hwokudenga.
5. Aninani unogamuchira mwana muduku mumwe wakadai nezita ranguunondigamuchira ini.
6. Asi aninani unogumbusa mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri, zvirinani kwaari kuti guyo guru risungirirwe pamutsipa wake, anyudzwe mugungwa rakadzika.
7. Nyika inenhamo nemhaka yezvigumbuso! Nokuti zvigumbuso zvinofanira kuvuya hazvo asi une nhamo munhu uyo unogumbusa vamwe.
8. Kana ruvoko rwako kana rutsoka rwako rwuchikugumbusa, urugure, ururashire kure newe. Zvirinani kwauri kuti upinde muvupenyu uri chirema kana uchikamhina pakukandirwa mumoto usingagumi unamavoko maviri kana tsoka mbiri
9. Kana ziso rako richikugumbusa uribvise urirashire kure newe. Zvirinani kwauri kuti upinde muvupenyu uneziso rimwe pakukandirwa muGehena romoto unameso, maviri.
10. Chenjerai kuti murege kuzvidza mumwe wavaduku ava nokuti ndinoti kwamuri kudenga vatumwa vavo vanosivona misi yose chiso chaBaba vangu vari kudenga.
11. Nokuti Mwanakomana womunhu wakavuya kuzoponesa chakarashika. (Ruka 15. 3-7.)
12. Munofungeiko? Kana munhu anamakwai anezana, rimwe rawo rikarashika, haangasiyi makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, akaenda kumakomo kundotsvaka rakarashika here?
13. Kana ariwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, unorifarira kupfuvura makumi mapfumbamwe namapfumbamwe asakarashika.
14. Nokudaro hakuzi kuda kwaBaba venyu vari kudenga, kuti mumwe wavaduku ava afe.
15. Kana hama yako yakutadzira, enda umuvudze mhosva yake, iwe naiye muri moga; kana akakunzwa, wadzora hama yako.
16. Asi kana asinganzwi, tora mumwe kana vaviri newe, kuti mashoko asimbiswe nemiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu.
17. Kana asingavanzwi, uvudze vungano; kana asinganzwi vo vungano, ngaave kwauri somuhedheni nomuFarise.
18. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri:chipi nechipi chamunosunga panyika chichasungwa kudenga.vuye chipi nechipi chamunosunungura panyika chichasunungurwa kudenga.
19. Ndinoti kwamuri zve: Kana vaviri venyu vakatenderana panyika pamusoro pechimwe chinhu chavanokumbira, va chachiitirwa naBaba vangu vari kudenga.
20. Nokuti apo pakavungana vaviri kana vatatu muzita rangu, ndiripo pakati pavo.
21. Zvino Petro wakavuya akati kwaari: Ishe hama yangu ichanditadzira kangani ko ndikaikanganwira, kusvikira kanomwe here?
22. Jesu akati kwaari; handiti kwauri kusvikira kanomwe, asi kusvikira makumi manomwe;anoverengwa kanomwe.
23. Saka vushe hwokudenga hungafananidzwa nomumwe mambo, wakanga achida kugadzira mangava navaranda vake.
24. Zvino wakati achitanga kugadzira mumwe wakanga anechikwerete chamatarenta anezvuru zvamazana zvinegumi* akaiswa kwaari.
25. Asi wakati achishaiwa chaangaripa nacho, ishe wake akaraira kuti atengeswe, iye nomukadzi navana, nezvose zvaakanga anazvo, kuti chikwerete chiripwe.
26. Zvino muranda akawira pasi, akamunamata, akati: Ishe ivai nomoyo murefu neni, ndichazokuripirai zvose.
27. Ishe womuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunungura, akamukanganwira chikwerete.
28. Asi muranda uyo wakati achibuda, akawana mumwe muranda waibata pamwe chete naye, wakanga anechikwerete kwaari chamadenari anezana; akamubata, akamudzipa, akati: Ripa chikwerete chako!
29. Zvino muranda uyo waibata pamwe chete naye, akawira pasi petsoka dzake akakumbira zvikuru kwaari, akati: Uve nomoyo murefu neni, ndichazokuripira.
30. Asi iye wakaramba, akaenda, akamuisa mutorongo, kusvikira achizoripa chikwerete.
31. Zvino vamwe varanda vaibata pamwe chete naye vakati vachivona zvaitwa, vakafa neshungu kwazvo, vakaenda kundovudza ishe wavo zvose zvakaitwa.
32. Zvino ishe wake akamudana, akati kwaari: Iwe muranda wakaipa, ndakakukanganwira chikwerete icho chose, nokuti iwe wakakumbira zvikuru kwandiri.
33. Ko iwe hauzaifanira kunzwira tsitsi mumwe muranda unobata pamwe chete newe, seni ndakakunzwira tsitsi here?
34. Zvino ishe wake akatsamwa, akamuisa kuvarwadzisi kusvikira achizoripa chikwerete chake chose.
35. Saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitirai vo, kana musingakanganwiriyi mumwe nomumwe hama yake nomoyo wenyu wose.

  Matthew (18/28)