Matthew (17/28)  

1. (Mar. 9. 2-13; Ruka 9. 28-36.) Mazuva matanhatu akati apfuvura Jesu akatora Petro, naJakobho, naJohane munun’una wake, akaenda navo mugomo refu vari voga.
2. Akashanduka pamberi pavo; chiso chake chikapenya sezuva, nguvo dzake dzikachena sechiedza.
3. Pakarepo Moses naEria vakavone kwa navo, wachitaura naye, mumunzwei.
4. Zvino Petro akapindura, akati kunaJesu: Ishe, zvakanaka zvatiri pano; kana muchida, ndichavaka matumba matatu pano, rimwe renyu, rimwe raMosesi rimwe raEria.
5. Wakati achataura navo, tarira, gore rinobwinya rikavafukidza; inzwi rikabva mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira mumunzwei.
6. Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakawira pasi nezviso zwavo vakatya zvikuru.
7. Jesu akaswedera; akavabata, akati: Simukai, musatya.
8. Vakati vachitarira, havana kuzovona munhu, asi Jesu bedzi.
9. Zvino vakati vachiburuka mugomo, Jesu akavaraira, akati: Musavudza munhu zvamaratidzwa, kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvakafa.
10. Vadzidzi vakamubvunza, vachiti, Vanyori vanotaurireiko, vachiti, Eria unofanira kutanga kuvuya?
11. Akapindura, akati, Eria uchavuya hake, avandudze zvinhu zvose.
12. Asi ndinoti kwamuri: Eria wakatosvika, asi havana kumuziva; asi vakamuitira pavakada napo. Saizvozvo vo Mwanakomana womunhu uchabva wotambudzwa navo.
13. Zvino vadzidzi vakanzwisisa kuti wakavavudza zvaJohane Mubhabhatidzi. (Mar. 9. 14-29; Ruka 9. 37-43.)
14. Vakati vasvika kuvanhu vazhinji, mumwe munhu akavuya kwaari, akamufugamira, akati:
15. Ishe, donzwirai mwanakomana wangu ngoni, nokuti unezvipusha, unotambudzika kwazvo. Nokuti kazhinji unowira mumoto, kazhinji mumvura.
16. Ndakavuya naye kuvadzidzi venyu, vakasagona kumuporesa.
17. Jesu akapindura, akati: Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira riniko? Vuyai naye pano kwandiri.
18. Zvino Jesu akamuraira, mweya wakaipa ukabuda kwaari, mukomana akapora kubva panguva iyo;.
19. Zvino vadzidzi vakavuya kunaJesu vari voga, vakati: Ko isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?
20. Akati kwavari: Nemhaka yokutenda kwenyu kuduku, nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana munokutenda kwakaita setsanga yemastarda, mungati kugomo iri: Ibva pano, enda koko! Ringaenda; hakune chinhu chingakukundai.
21. Asi rudzi urwu runongobva chete nokunyengetera, nokuzvinyima zvokudya. (Mar. 9. 30-32; Ruka 9. 43-45.)
22. Zvino vachafamba muGarirea, Jesu akati kwavari: Mwanakomana womunhu uchabva woiswa mumavoko avanhu;
23. vachamuvuraya, asi nezuva retatu uchamutswa zve. Vakafa neshungu kwazvo.
24. Vakati vachisvika Kapernaume, vanhu vaigamuchira muripo wetembere vakavuya kuna Petro, vakati: Mudzidzisi wenyu haaripi muripo wetembere here?
25. Akati: Hongo. Zvino wakati achipinda mumba, Jesu akatanga kutaura kwaari, achiti: Simoni, unofungeiko? Madzimambo enyika anotora muripo nomutero kunavananiko? Kuvanakomana vavo kana kuvaeni?
26. Akati: Kuveni. Jesu akati kwaari: Saka vanakomana vakasununguka.
27. Asi, kuti tirege kuvagumbusa enda kugungwa, ukande chiredzo, ubate hove inotanga kubuda; kana washamisa muromo wayo, uchawana stateri*; uritore, uvape iro, kuripira iwe neni.

  Matthew (17/28)