| ← Matthew (17/28) → |
| 1. | (Mar. 9. 2-13; Ruka 9. 28-36.) Mazuva matanhatu akati apfuvura Jesu akatora Petro, naJakobho, naJohane munun’una wake, akaenda navo mugomo refu vari voga. |
| 2. | Akashanduka pamberi pavo; chiso chake chikapenya sezuva, nguvo dzake dzikachena sechiedza. |
| 3. | Pakarepo Moses naEria vakavone kwa navo, wachitaura naye, mumunzwei. |
| 4. | Zvino Petro akapindura, akati kunaJesu: Ishe, zvakanaka zvatiri pano; kana muchida, ndichavaka matumba matatu pano, rimwe renyu, rimwe raMosesi rimwe raEria. |
| 5. | Wakati achataura navo, tarira, gore rinobwinya rikavafukidza; inzwi rikabva mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira mumunzwei. |
| 6. | Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakawira pasi nezviso zwavo vakatya zvikuru. |
| 7. | Jesu akaswedera; akavabata, akati: Simukai, musatya. |
| 8. | Vakati vachitarira, havana kuzovona munhu, asi Jesu bedzi. |
| 9. | Zvino vakati vachiburuka mugomo, Jesu akavaraira, akati: Musavudza munhu zvamaratidzwa, kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvakafa. |
| 10. | Vadzidzi vakamubvunza, vachiti, Vanyori vanotaurireiko, vachiti, Eria unofanira kutanga kuvuya? |
| 11. | Akapindura, akati, Eria uchavuya hake, avandudze zvinhu zvose. |
| 12. | Asi ndinoti kwamuri: Eria wakatosvika, asi havana kumuziva; asi vakamuitira pavakada napo. Saizvozvo vo Mwanakomana womunhu uchabva wotambudzwa navo. |
| 13. | Zvino vadzidzi vakanzwisisa kuti wakavavudza zvaJohane Mubhabhatidzi. (Mar. 9. 14-29; Ruka 9. 37-43.) |
| 14. | Vakati vasvika kuvanhu vazhinji, mumwe munhu akavuya kwaari, akamufugamira, akati: |
| 15. | Ishe, donzwirai mwanakomana wangu ngoni, nokuti unezvipusha, unotambudzika kwazvo. Nokuti kazhinji unowira mumoto, kazhinji mumvura. |
| 16. | Ndakavuya naye kuvadzidzi venyu, vakasagona kumuporesa. |
| 17. | Jesu akapindura, akati: Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira riniko? Vuyai naye pano kwandiri. |
| 18. | Zvino Jesu akamuraira, mweya wakaipa ukabuda kwaari, mukomana akapora kubva panguva iyo;. |
| 19. | Zvino vadzidzi vakavuya kunaJesu vari voga, vakati: Ko isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa? |
| 20. | Akati kwavari: Nemhaka yokutenda kwenyu kuduku, nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana munokutenda kwakaita setsanga yemastarda, mungati kugomo iri: Ibva pano, enda koko! Ringaenda; hakune chinhu chingakukundai. |
| 21. | Asi rudzi urwu runongobva chete nokunyengetera, nokuzvinyima zvokudya. (Mar. 9. 30-32; Ruka 9. 43-45.) |
| 22. | Zvino vachafamba muGarirea, Jesu akati kwavari: Mwanakomana womunhu uchabva woiswa mumavoko avanhu; |
| 23. | vachamuvuraya, asi nezuva retatu uchamutswa zve. Vakafa neshungu kwazvo. |
| 24. | Vakati vachisvika Kapernaume, vanhu vaigamuchira muripo wetembere vakavuya kuna Petro, vakati: Mudzidzisi wenyu haaripi muripo wetembere here? |
| 25. | Akati: Hongo. Zvino wakati achipinda mumba, Jesu akatanga kutaura kwaari, achiti: Simoni, unofungeiko? Madzimambo enyika anotora muripo nomutero kunavananiko? Kuvanakomana vavo kana kuvaeni? |
| 26. | Akati: Kuveni. Jesu akati kwaari: Saka vanakomana vakasununguka. |
| 27. | Asi, kuti tirege kuvagumbusa enda kugungwa, ukande chiredzo, ubate hove inotanga kubuda; kana washamisa muromo wayo, uchawana stateri*; uritore, uvape iro, kuripira iwe neni. |
| ← Matthew (17/28) → |