Matthew (16/28)  

1. (Mar. 8. 10-12.) VaFarise navaSadhuse vakavuya kuzomuidza. Vakakumbira kwaari kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga.
2. Asi wakapindura akati kwavari, panguva yamadekwana munoti kuchachena nokuti denga rakatsvuka.
3. Mangwana munoti nhasi kuchasviba nokuti denga rakatsvuka richifiduka. Imi vanyengeri munoziva kududzira zvinovonekwa mudenga asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva.
4. Rudzi rwakaipa runofeva runotsvaka chiratidzo asi harupiwi chiratidzo asi chiratidzo chomuporofita Jona. Ipapo akavasiya akabva. (Mar. 8. 13-21.)
5. Zvino; vadzidzi vakaenda mhiri vakakangamwa kutora zvingwa.
6. Jesu akati kwavari, tarirai muchenjere mbiriso yavaFaraise navaSadhuse.
7. Vakarangana pakati pavo vachiti unodaro nokuti hatina kutora chingwa.
8. Zvino Jesu achizviziva akati kwavari, imi vokutenda kuduku munorangana pakati penyu nemhaka yeiko kuti hamune zvingwa?
9. Hamunzwisisi nazvino here kana kurangarira zvingwa zvishanu zvavanhu vanezvuru zvishanu namatengu amakawana kuti aiva mangani?
10. Kana zvingwa zvinomwe zvavanhu vane zvuru zvina namatengu amakawana kuti aiva mangani?
11. Hamunzwisisi neiko kuti handina kutaura kwamuri pamsoro pezvingwa? Asi muchenjere mbiriso yava Farise navaSadhuse.
12. Zvino vakanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjere mbiriso yezvingwa asi dzidziso yavaFarise navaSadhuse. (Mar. 8. 2730; Ruka 9. 1821; Joh. 6. 6869.)
13. Jesu wakati asvika kumativi enyika yeKesaria Firipo, Akabvunza vadzidzi vake akati, vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndianiko?
14. Vakati vamwe vanoti Johane Mubhabhatidzi, vamwe Eria, vamwe Jeremia kana mumwe wavaporofita.
15. Akati kwavari, ko imi munoti ndini ani?
16. Ipapo Simoni Petro akapindura akati, ndimi Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.
17. Jesu akapindura akati kwaari, wakaropafadzwa iwe, Simoni Bar-Jona nokuti nyama neropa hazvina kukuzivisa izvozvo asi Baba vangu vari kudenga.
18. Neni ndinoti kwauri ndiwe Petro, pamusoro poruware urwu ndichavaka kereke yangu, masuvo eHedhesi haangaikundi.
19. Ndichakupa kiyi dzovushe hwokudenga. Chinhu chipi nechipi chauchasunga panyika chichasungwa kudenga nechinhu chipi nechipi chauchasunungura panyika chichasunungurwa kudenga.
20. Ipapo akaraira vadzidzi vake kuti varege kuvudza munhu kuti ndiye Jesu Kristu. (Mar. 8. 31-38, Ruka 9. 22-27.)
21. Kubva panguva iyo Jesu wakatanga kuratidza vadzidzi vake kuti unofanira kuenda Jerusarema, kundotambudzwa zvizhinji navakuru navaPirisita vakuru navanyori, nokuvurawa nokumutswazve nezuva retatu.
22. Petro akaenda naye varivoga akatanga kumuraira akati Mwari ngaakunzwirei ngoni Ishe hamungaitirwi izvozvo!
23. Asi wakatendeuka akati kuna Petro, ibva shure kwangu Satani! Uri chigumbuso kwandiri nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari asi zvinhu zvavanhu. (Mar. 8. 34-38, Ruka 9. 23-26.)
24. Zvino Jesu akati kuvadzidzi vake, kana munhu achida kuvuya shure kwangu ngaazvirambe asimudze muchinjikwa wake anditevere.
25. Nokuti aninani unoda kuponesa vupenyu hwake ucharashikirwa nahwo. Asi aninani unorashikirwa novupenyu hwake nokuda kwangu uchahwuwana.
26. Nokuti munhu uchabatsirweiko kana akawana nyika yose akarashikirwa novupenyu hwake?kana munhu ucharipeiko kuti adzikunure vupenyu hwake
27. Nokuti Mwanakomana womunhu uchavuya navatumwa vake nokubwinya kwaBaba vake. Ipapo ucharipira mumwe nomuwe paakabata napo.
28. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vamwe varipo kuna vamire pano vasingazonzwi rufu vasati vavona Mwanakomana womunhu achivuya muvushe hwake.

  Matthew (16/28)