Matthew (15/28)  

1. (Mar. 7. 1-23.) Zvino vaFarise navanyori vakavuya kuna Jesu vachibva Jerusarema vakati;
2. Vadzidzi venyu vanodarikireiko tsika dzavakuru nokuti havashambi mavoko kana vachidya zvokudya?
3. Akapindura akati kwavari, nemivo munodarikireiko murairo waMwari nokuda kwetsika dzenyu?
4. Nokuti Mwari wakati, kudza baba vako namai vako vuye unotuka baba kana mai, ngaafe norufu.
5. Asi imi munoti, aninani unoti kuna baba vake kana mai vake, chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri chava chipo kunaMwari.
6. Haachakudzi baba vake kana mai vake asi, haana mhosva. Makatorera murairo waMwari simba netsika dzenyu.
7. Imi vanyengeri Isaya wakaporofita kwazvo pamusoro penyu achiti,
8. vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo asi moyo yavo iri kure neni.
9. Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso iri mirairo yavanhu.
10. Zvino akadana vanhu vazhinji kwaari, akati kwavari, tererai munzwisise.
11. Izvo zvinopinda mumuromo, hazvisvibisi munhu asi zvinobuda mumuromo ndizvo zvinosvibisa munhu.
12. Zvino vadzidzi vakavuya kwaari vakati, munoziva kuti vaFarise vakagumburwa vachinzwa shoko iri here?
13. Akapindura akati, muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vari kudenga uchadzurwa.
14. Varegei mapofu anotungamirira mapofu. Zvino kana bofu richitungamiraira bofu achawira mugomba ose ari maviri.
15. Petro akapindura akati kwaari, tidudzireivo mufananidzo uyu.
16. Iye akati: Nazvino nemi vo muchigere kunzwisisa here?
17. Hamunzwisisi here kuti zvose zvinopinda mumuromo, zvinoenda mudumbu, zvikazorashwa kunze?
18. Asi zvinobuda mumuromo zvinobva mumoyo ndizvo zvinosvibisa munhu.
19. Nokuti mumoyo munobuda mifungo yakaipa, nokuvuraya, novufeve, novupombwe, nokuba, nokupupura nhema nokumhura Mwari.
20. Ndizvo zvinosvibisa munhu asi kudya namavoko asati ashambwa hazvisvibisi munhu. (Mar. 7. 24-30.)
21. Zvino Jesu wakabva po akaenda kumativi enyika yeTire neSidhoni.
22. Zvino tarira mukadzi muKanani wakabva kunyika iyo akadana achiti, ndinzvirei ngoni, Ishe Mwanakomana waDhavhidhi, mwanasikana wangu wakabatwa kwazvo nomweya wakaipa.
23. Asi haana kumupindura neshoko rimwe. Ipapo vadzidzi vake vakavuya vakakumbira kwaari vachiti, mumuendisei nokuti unodanidzira shure kwedu.
24. Asi wakapindura akati, ndakangotumirwa kumakwai akarashika eimba yavaIsraeri.
25. Zvino akavuya akamunamata akati, Ishe dondibatsirai henyu.
26. Akapindura akati, hazvina kunaka kutora chingwa chavana ndokuchikandira imbwanana.
27. Akati, hongu Ishe kunyange nembwananavo dzinodya zvimedu zvinodona patafura ravatenzi vadzo.
28. Zvino Jesu akapindura akati kwaari, haiwa mai kutenda kwako kukuru, zvaunoda ngazviitwe. Mwanasikana wake akapora kubva panguva iyo;. (Mar. 7. 31-37.)
29. Jesu wakati achibva ipapo akaenda napagungwa reGarirea. Akakwira mugomo, akagarapo pasi.
30. Zvino vanhu vazhinji vakavuya kwaari navanokamhina, nezvirema, namapofu nembeveve navamwe vazhinji vakavaisa pamberi paJesu. Akavaporesa.
31. Naizvozvo vanhu vazhinji vakashamiswa vachivona mbeveve dzichitaura, nezvirema zvapora, navanokamhina vachifamba, namapofu achivona vakarumbidza Mwari wavaIsraeri. (Mar. 8. 1-9.)
32. Zvino Jesu wakadanira vadzidzi vake kwaari akati, ndinetsitsi navanhu vazhinji ava nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya. Handidi kuvaendesa vane nzara zvimwe vangaziya panzira.
33. Vadzidzi vakati kwaari, tichawanepiko murenje zvingwa zvakawanda zvakadaro kuti tigutise vanhu vazhinji vakadai?
34. Jesu akati kwavari, munezvingwa zvinganiko? Vakati zvinomwe nehove duku shomanene.
35. Zvino akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi.
36. Akatora zvingwa zvinomwe nehove akavonga, akazvimedura ndokupa vadzidzi vake. Vadzidzi vakapa vanhu vazhinji.
37. Vakadya vose vakaguta, vakanonga zvimedu zvakasara matengu manomwe azere.
38. Vakadya vakanga vari varume vane zvuru zvina vakadzi navana vasingaverengwi.
39. Zvino wakati aendisa vanhu vazhinji akapinda mugwa akasvika munyika yeMagadhani.

  Matthew (15/28)