| ← Matthew (15/28) → |
| 1. | (Mar. 7. 1-23.) Zvino vaFarise navanyori vakavuya kuna Jesu vachibva Jerusarema vakati; |
| 2. | Vadzidzi venyu vanodarikireiko tsika dzavakuru nokuti havashambi mavoko kana vachidya zvokudya? |
| 3. | Akapindura akati kwavari, nemivo munodarikireiko murairo waMwari nokuda kwetsika dzenyu? |
| 4. | Nokuti Mwari wakati, kudza baba vako namai vako vuye unotuka baba kana mai, ngaafe norufu. |
| 5. | Asi imi munoti, aninani unoti kuna baba vake kana mai vake, chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri chava chipo kunaMwari. |
| 6. | Haachakudzi baba vake kana mai vake asi, haana mhosva. Makatorera murairo waMwari simba netsika dzenyu. |
| 7. | Imi vanyengeri Isaya wakaporofita kwazvo pamusoro penyu achiti, |
| 8. | vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo asi moyo yavo iri kure neni. |
| 9. | Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso iri mirairo yavanhu. |
| 10. | Zvino akadana vanhu vazhinji kwaari, akati kwavari, tererai munzwisise. |
| 11. | Izvo zvinopinda mumuromo, hazvisvibisi munhu asi zvinobuda mumuromo ndizvo zvinosvibisa munhu. |
| 12. | Zvino vadzidzi vakavuya kwaari vakati, munoziva kuti vaFarise vakagumburwa vachinzwa shoko iri here? |
| 13. | Akapindura akati, muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vari kudenga uchadzurwa. |
| 14. | Varegei mapofu anotungamirira mapofu. Zvino kana bofu richitungamiraira bofu achawira mugomba ose ari maviri. |
| 15. | Petro akapindura akati kwaari, tidudzireivo mufananidzo uyu. |
| 16. | Iye akati: Nazvino nemi vo muchigere kunzwisisa here? |
| 17. | Hamunzwisisi here kuti zvose zvinopinda mumuromo, zvinoenda mudumbu, zvikazorashwa kunze? |
| 18. | Asi zvinobuda mumuromo zvinobva mumoyo ndizvo zvinosvibisa munhu. |
| 19. | Nokuti mumoyo munobuda mifungo yakaipa, nokuvuraya, novufeve, novupombwe, nokuba, nokupupura nhema nokumhura Mwari. |
| 20. | Ndizvo zvinosvibisa munhu asi kudya namavoko asati ashambwa hazvisvibisi munhu. (Mar. 7. 24-30.) |
| 21. | Zvino Jesu wakabva po akaenda kumativi enyika yeTire neSidhoni. |
| 22. | Zvino tarira mukadzi muKanani wakabva kunyika iyo akadana achiti, ndinzvirei ngoni, Ishe Mwanakomana waDhavhidhi, mwanasikana wangu wakabatwa kwazvo nomweya wakaipa. |
| 23. | Asi haana kumupindura neshoko rimwe. Ipapo vadzidzi vake vakavuya vakakumbira kwaari vachiti, mumuendisei nokuti unodanidzira shure kwedu. |
| 24. | Asi wakapindura akati, ndakangotumirwa kumakwai akarashika eimba yavaIsraeri. |
| 25. | Zvino akavuya akamunamata akati, Ishe dondibatsirai henyu. |
| 26. | Akapindura akati, hazvina kunaka kutora chingwa chavana ndokuchikandira imbwanana. |
| 27. | Akati, hongu Ishe kunyange nembwananavo dzinodya zvimedu zvinodona patafura ravatenzi vadzo. |
| 28. | Zvino Jesu akapindura akati kwaari, haiwa mai kutenda kwako kukuru, zvaunoda ngazviitwe. Mwanasikana wake akapora kubva panguva iyo;. (Mar. 7. 31-37.) |
| 29. | Jesu wakati achibva ipapo akaenda napagungwa reGarirea. Akakwira mugomo, akagarapo pasi. |
| 30. | Zvino vanhu vazhinji vakavuya kwaari navanokamhina, nezvirema, namapofu nembeveve navamwe vazhinji vakavaisa pamberi paJesu. Akavaporesa. |
| 31. | Naizvozvo vanhu vazhinji vakashamiswa vachivona mbeveve dzichitaura, nezvirema zvapora, navanokamhina vachifamba, namapofu achivona vakarumbidza Mwari wavaIsraeri. (Mar. 8. 1-9.) |
| 32. | Zvino Jesu wakadanira vadzidzi vake kwaari akati, ndinetsitsi navanhu vazhinji ava nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya. Handidi kuvaendesa vane nzara zvimwe vangaziya panzira. |
| 33. | Vadzidzi vakati kwaari, tichawanepiko murenje zvingwa zvakawanda zvakadaro kuti tigutise vanhu vazhinji vakadai? |
| 34. | Jesu akati kwavari, munezvingwa zvinganiko? Vakati zvinomwe nehove duku shomanene. |
| 35. | Zvino akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi. |
| 36. | Akatora zvingwa zvinomwe nehove akavonga, akazvimedura ndokupa vadzidzi vake. Vadzidzi vakapa vanhu vazhinji. |
| 37. | Vakadya vose vakaguta, vakanonga zvimedu zvakasara matengu manomwe azere. |
| 38. | Vakadya vakanga vari varume vane zvuru zvina vakadzi navana vasingaverengwi. |
| 39. | Zvino wakati aendisa vanhu vazhinji akapinda mugwa akasvika munyika yeMagadhani. |
| ← Matthew (15/28) → |