Matthew (14/28)  

1. (Mar. 6. 14-29; Ruka 9. 7-9.) Nenguva iyo Herodhe mubati wakanzwa mukurumbira waJesu.
2. Akati kuvaranda vake, Uyu ndiJohane Mubhabhatidzi wakamuka kuvakafa. Saka masimba awa anobata maari.
3. Nokuti Herodhe wakanga abata Johane akamusunga, akamuisa mutorongonokuda kwaHerodhiasi mukadzi waFiripo munun’ina wake.
4. Nokuti Johane akati kwaari hauna kutenderwa kuti uve naye.
5. Zvino wakanga achida kumuvuraya asi wakatya vanhu vazhinji nokuti vaiti muporofita.
6. Asi zuva rokuberekwa kwaHerodhe rakati rasvika, mukunda waHerodhiasi akatamba pakati pavo. Akafadza Herodhe.
7. Naizvozvo wakamupikira nemhiko kuti uchamupa chinhu chipi nechipi chaanenge achakumbira.
8. Zvino iye wakati arairwa namai vake akati, ndipei pano mundiro musoro waJohane Mubhabhatidzi.
9. Mambo akazvidya moyo asi nokuda kwokupika kwake vuye nokuda kwavakanga vagere naye pakudya akaraira kuti apiwe.
10. Akatuma murwi kundogura musoro waJohane mutorongo.
11. Vakavuya nomusoro wake uri mundiro, musikana akapiwa, iye akaenda nawo kuna mai vake.
12. Vadzidzi vake vakavuya vakatora mutumbu, vakauviga ndokuenda kundovudza Jesu.
13. Jesu wakati azvinzwa, akabvapo negwa. Akaenda kurenje ari oga. Zvino vanhu vachizvinzwa vakabva kumaguta vakamutevera netsoka.
14. Zvino Jesu wakati achibuda mugwa akavona vanhu vazhinji-zhinji akavanzwira tsitsi, akaporesa varwere vavo.
15. Zvino ava madekwana, vadzidzi vakavuya kwaari vakati, pano irenje zuva roda kuvira endisai vanhu vazhinji, vaende kumisha vandozvitengera zvokudya.
16. Asi Jesu wakati kwavari, havafaniri havo kuenda. Imi muvapei zvavangadya.
17. Vakati kwaari, hatina chinhu pano asi zvingwa zvishanu bedzi nehove mbiri.
18. Iye akati, vuyai nazvo vuno kwandiri.
19. Akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi pavuswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri ndokutarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa ndokupa vadzidzi vake. Vadzidzi vakapa vanhu vazhinji.
20. Vakadya vose vakaguta. Vakavunganidza zvimedu zvakasara matengu anegumi nemaviri azere.
21. Vakanga vadya vaiva varume vane zvuru zvishanu vakadzi navana vasingaverengwi. (Mar. 6. 4556; Joh. 6. 1621.)
22. Pakarepo Jesu wakagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde mugwa, vamutungamirire mhiri, iye akasara achiendisa vanhu vazhinji..
23. Zvino wakati aendisa vanhu vazhinji, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera. Ava madekwana wakanga aripo ari oga.
24. Asi igwa zvino rakanga rava pakati pegungwa richitambudzika namafungu nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa.
25. Nenguvayechina yovusiku Jesu akavuya kwavari achifamba pamusoro pegungwa.
26. Zvino vadzidzi vakati vachimuvona achifamba pamusoro pegungwa, vakamanikidzwa vachiti madzimudzangara. Vakadanidzira nokutya.
27. Pakarepo Jesu akataura navo akati, tsungai moyo ndini musatya.
28. Zvino Petro akamupindura akati Ishe, kana murimi ndirairei kuti ndivuye kwamuri pamusoro pemvura.
29. Iye akati, vuya! Petro akaburuka mugwa akafamba pamusoro pemvura akaenda kuna Jesu.
30. Asi wakati achivona mhepo inesimba akatya. Zvino wakati otanga kunyura akadanidzira achiti Ishe, ndiponesei!
31. Pakarepo Jesu wakatambanudza ruvoko rwake akamubata akati kwaari, iwe unokutenda kuduku, wanyunyutireiko?
32. Vakati vapinda mugwa mhepo ikanyarara.
33. Ipapo vakanga vari mugwa vakamunamata vachiti, Zvirokwazvo ndimi Mwanakomana waMwari!
34. Vakati vayambukira mhiri, vakasvika panyika yeGenesareti.
35. Varume venzvimbo iyo vakamuziva, vakatuma shoko panyika yose iyo yakapoteredza. Vakavuya kwaari navose vairwara.
36. Vakakumbira zvikuru kwaari kuti vabate chete mupendero wenguvo yake. Vose vakabata vakaporeswa

  Matthew (14/28)