Matthew (13/28)  

1. (Mar. 4. 1-20, Ruka 8. 4-15;) Nezuva iro Jesu wakabuda mumba akandogara pagungwa.
2. Zvino vanhu vazhinji-zhinji vakavungana kwaari, nokudaro akapinda mugwa. Akagara, vazhinji vose vakamira pamhenderekedzo.
3. Ipapo akavavudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, akati, tarira mukushi wakabuda kundokusha.
4. Zvino pakukusha kwake, dzimwe mbeu dzakawira panzira. Shiri dzikasvika dzikadzidya.
5. Dzimwe dzakawira parukangarabwe. Padzakanga dzisine vhu zhinji, dzikamera pakarepo nokuti dzakanga dzisinavhu rakadzika.
6. Asi zuva rakati rabuda, dzikapiswa, dzikawoma nokuti dzakanga dzisinomudzi.
7. Dzimwe dzikawira muminzwa, minzwa ikamera, ikadzivhunga.
8. Asi dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikabereka zvibereko. Dzimwe zana, dzimwe makumi matanhatu, dzimwe makumi matatu.
9. Une nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
10. Zvino vadzidzi vakavuya, vakati kwaari, munotaurireiko kwavari nemifananidzo?
11. Akapindura akati kwavari, nokuti imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvovushe hwokudenga asi ava havana kupiwa.
12. Nokuti aninani unazvo uchapiwa ave nezvakawanda. Asi aninani usina uchatorerwa nezvaanazvo.
13. Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo nokuti vanovona asi havavoni. Vanonzwa asi havanzwi kana kunzwisisa.
14. Kuporofita kwaIsaya kwakaitika kwavari kunoti, Nokunzwa muchanzwa musingatongonzwisisi. Nokuvona muchavona musingatongovonesesi.
15. Nokuti moyo yavanhu ava yava mikukutu. Nzeve dzavo dzakadzivira; nameso avo vakaatsinzina. Kuti zvimwe varege kuvona nameso, nokunzwa nenzeve, nokunzwisisa nomoyo. Vakadzoka ndivaporese.
16. Asi meso enyu akaropafadzwa nokuti anovona nenzeve dzenyu nokuti dzinonzwa.
17. Nokuti zvirokwazvo ndinoti, kwamuri kuti vaporofita navakarurama vazhinji vakanga vachida kuvona zvinhu zvamunovona asi havana kuzvivona nokunzwa zvamunonzwa asi havana kuzvinzwa.
18. Naizvozvo imi inzwai mufananidzo womukushi.
19. Kana munhu akanzwa shoko rovushe, asingarinzwisisi, wakaipa unosvika ndokubvuta chakakushwa mumoyo make. Ndiye wakakushwa panzira.
20. Asi wakakushwa parukangarabwe, ndiye unonzwa shoko ndokurigamuchira pakarepo nomufaro.
21. Asi haano-mudzi mukati make. Ndiye wechinguva chiduku kana kutambudzika nokuvengwa zvichivuya nokuda kweshoko, pakarepo unogumburwa.
22. Wakakushwa pakati peminzwa ndiye unonzwa shoko zvino kufunganya kwenyika nokunyengera kwefuma zvinovhunga shoko rikashaiwa zvibereko.
23. Wakakushwa muvhu rakanaka ndiye unonzwa shoko akarinzwisisa. Ndiye unobereka zvibereko mumwe achiita zana, mumwe makumi matanhatu mumwe makumi matatu.
24. Wakaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo achiti; Vushe bwokudenga bwunofananidzwa nomunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make.
25. Asi vanhu vavete muvengi wake akavuya, akakusha mashawi pakati pezviyo, akaenda.
26. Asi chipande chakati chamera nokubereka, zvino mashawi akavonekwavo.
27. Zvino varanda vomwene weimba vakavuya vakati kwaari, Ishe hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Munda wawanepiko mashawi?
28. Akati kwavari, muvengi waita izvozvo. Varanda vakati kwaari, ko munoda kuti tindoavunganidza here?
29. Akati kwete zvimwe kana muchivunganidza mashawi, mungadzura nezviyovo.
30. Regai zvikure zvose zviri zviviri kusvikira pakucheka! Nenguva yokucheka ndichati kuvacheki, tangai kuvunganidza mashawi, muasunge mwanda kuti apiswe asi muvunganidze zviyo mudura rangu. (Mar. 4. 30-34; Ruka 13. 18, 19.)
31. Wakaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo achiti, Vushe hwokudenga hwakafanana netsanga yembeu yemastarda yakatorwa nomunhu akaidzvara mumunda make.
32. Iyo iduku kumbeu dzose asi kana yakura ihuru pamirivo yose. Inoita muti wakakura ukadaro kuti shiri dzokudenga dzinovuya dzichigara pamatavi awo.
33. Akavavudza mumwe mufananidzo akati, Vushe hwokudenga hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaiisa muzviyero zvitatu zvovupfu kusvikira hwose hwaviriswa.
34. Zvinhu zvose Jesu wakavudza vanhu vazhinji nemifananidzo. Haana kutaura chinhu kwavari asinemifananidzo;
35. kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita achiti, ndichashamisa muromo wangu nemifananidzo. Ndichataura zvakanga zvakavanzika kubva pakuvambwa kwenyika. Kududzirwa kwomufananidzo wemashawi nezviyo.
36. Zvino Jesu wakati aendisa vanhu vazhinji, akapinda mumba. Vadzidzi vake vakavuya kwaari vakati, tidudzirei mufananidzo wamashawi omumunda.
37. Akapindura akati, unokusha mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana womunhu.
38. Munda inyika, mbeu yakanaka ndivo vanakomana vovushe. Mashawi ndivo vanakomana vowakaipa.
39. Muvengi wakakusha ndiye Dhiabhorosi, kucheka ndiko kuguma kwenyika, vacheki ndivo vatumwa.
40. Zvino mashawi sezvaanovunganidzwa achipiswa mumoto ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika.
41. Mwanakomana womunhu uchatuma vatumwa vake vagovunganidza muvushe hwake zvose zvinogumbusa navanoita zvisakarurama.
42. Vachavakandira muvira romoto. Ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
43. Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muvushe hwaBaba vavo. Une nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
44. Vushe bwokudenga bwakafanana nefuma yakavanzwa mumunda. Iyo yakawanikwa nomunhu akaivanzazve. Zvino nokufara kwake unoenda, akatengesa zvose zvaanazvo akatenga munda uyo.
45. Vushe bwokudenga hwakafananazve nomutengi unotsvaka maparera akanaka.
46. Akati awana parera rimwe rinomutengo mukuru akaenda, akandotengesa zvose zvaakanga anazvo. Akaritenga iro.
47. Vushe bwokudenga hwakafanana norutava runokandirwa mugungwa. Runovunganidza marudzi ose ehove.
48. Kana rwazara varunokwevera pamhenderekedzo. Vakagara pasi vakavunganidzira dzakanaka mumidziyo asi dzakaipa vanodzirasha.
49. Ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika. Vatumwa vachabuda, vachabudisa vakaipa pakati pavakaraurama.
50. Vachavakandira muvira romoto. Ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
51. [Jesu akati kwavari:] manzwisisa izvozvo zvose here? Vakati kwaari, hongu [Ishe].
52. Akati kwavari, naizvozvo munyori mumwe nomumwe wakadzidziswa zvovushe bwokudenga wakafana nomunhu, mwene weimba unobudisa zvinhu zvitsva nezvekare pafuma yake. (Mar. 6. 1-6; Ruka 4. 16-32.)
53. Jesu wakati apedza mifananidzo iyo akabvapo.
54. Akasvika kunyika yake. Akavadzidzisa musinagoge ravo, nokudaro vakakatyamara vakati, munhu uyu wakawanepiko kuchenjera uku namabasa esimba?
55. Ko haazi mwanakomana womuvezi here? Ko mai vake havanzi Maria here, navanunu’una vake Jakobho, naJosefa, naSimoni naJudhasi here?
56. Nehanzvadzi dzake hadzizi pakati patiri dzose here? Ko iye wakagowanepi zvinhu izvozvo zvose.
57. Vakagumburwa naye. Asi, Jesu akati kwavari, muporofita haangashaiwi kukudzwa asi munyika yake nomumba make.
58. Akasaita mabasa esimba mazhinji ipapo nokusatenda kwavo.

  Matthew (13/28)