| ← Matthew (13/28) → |
| 1. | (Mar. 4. 1-20, Ruka 8. 4-15;) Nezuva iro Jesu wakabuda mumba akandogara pagungwa. |
| 2. | Zvino vanhu vazhinji-zhinji vakavungana kwaari, nokudaro akapinda mugwa. Akagara, vazhinji vose vakamira pamhenderekedzo. |
| 3. | Ipapo akavavudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, akati, tarira mukushi wakabuda kundokusha. |
| 4. | Zvino pakukusha kwake, dzimwe mbeu dzakawira panzira. Shiri dzikasvika dzikadzidya. |
| 5. | Dzimwe dzakawira parukangarabwe. Padzakanga dzisine vhu zhinji, dzikamera pakarepo nokuti dzakanga dzisinavhu rakadzika. |
| 6. | Asi zuva rakati rabuda, dzikapiswa, dzikawoma nokuti dzakanga dzisinomudzi. |
| 7. | Dzimwe dzikawira muminzwa, minzwa ikamera, ikadzivhunga. |
| 8. | Asi dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikabereka zvibereko. Dzimwe zana, dzimwe makumi matanhatu, dzimwe makumi matatu. |
| 9. | Une nzeve dzokunzwa ngaanzwe. |
| 10. | Zvino vadzidzi vakavuya, vakati kwaari, munotaurireiko kwavari nemifananidzo? |
| 11. | Akapindura akati kwavari, nokuti imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvovushe hwokudenga asi ava havana kupiwa. |
| 12. | Nokuti aninani unazvo uchapiwa ave nezvakawanda. Asi aninani usina uchatorerwa nezvaanazvo. |
| 13. | Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo nokuti vanovona asi havavoni. Vanonzwa asi havanzwi kana kunzwisisa. |
| 14. | Kuporofita kwaIsaya kwakaitika kwavari kunoti, Nokunzwa muchanzwa musingatongonzwisisi. Nokuvona muchavona musingatongovonesesi. |
| 15. | Nokuti moyo yavanhu ava yava mikukutu. Nzeve dzavo dzakadzivira; nameso avo vakaatsinzina. Kuti zvimwe varege kuvona nameso, nokunzwa nenzeve, nokunzwisisa nomoyo. Vakadzoka ndivaporese. |
| 16. | Asi meso enyu akaropafadzwa nokuti anovona nenzeve dzenyu nokuti dzinonzwa. |
| 17. | Nokuti zvirokwazvo ndinoti, kwamuri kuti vaporofita navakarurama vazhinji vakanga vachida kuvona zvinhu zvamunovona asi havana kuzvivona nokunzwa zvamunonzwa asi havana kuzvinzwa. |
| 18. | Naizvozvo imi inzwai mufananidzo womukushi. |
| 19. | Kana munhu akanzwa shoko rovushe, asingarinzwisisi, wakaipa unosvika ndokubvuta chakakushwa mumoyo make. Ndiye wakakushwa panzira. |
| 20. | Asi wakakushwa parukangarabwe, ndiye unonzwa shoko ndokurigamuchira pakarepo nomufaro. |
| 21. | Asi haano-mudzi mukati make. Ndiye wechinguva chiduku kana kutambudzika nokuvengwa zvichivuya nokuda kweshoko, pakarepo unogumburwa. |
| 22. | Wakakushwa pakati peminzwa ndiye unonzwa shoko zvino kufunganya kwenyika nokunyengera kwefuma zvinovhunga shoko rikashaiwa zvibereko. |
| 23. | Wakakushwa muvhu rakanaka ndiye unonzwa shoko akarinzwisisa. Ndiye unobereka zvibereko mumwe achiita zana, mumwe makumi matanhatu mumwe makumi matatu. |
| 24. | Wakaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo achiti; Vushe bwokudenga bwunofananidzwa nomunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make. |
| 25. | Asi vanhu vavete muvengi wake akavuya, akakusha mashawi pakati pezviyo, akaenda. |
| 26. | Asi chipande chakati chamera nokubereka, zvino mashawi akavonekwavo. |
| 27. | Zvino varanda vomwene weimba vakavuya vakati kwaari, Ishe hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Munda wawanepiko mashawi? |
| 28. | Akati kwavari, muvengi waita izvozvo. Varanda vakati kwaari, ko munoda kuti tindoavunganidza here? |
| 29. | Akati kwete zvimwe kana muchivunganidza mashawi, mungadzura nezviyovo. |
| 30. | Regai zvikure zvose zviri zviviri kusvikira pakucheka! Nenguva yokucheka ndichati kuvacheki, tangai kuvunganidza mashawi, muasunge mwanda kuti apiswe asi muvunganidze zviyo mudura rangu. (Mar. 4. 30-34; Ruka 13. 18, 19.) |
| 31. | Wakaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo achiti, Vushe hwokudenga hwakafanana netsanga yembeu yemastarda yakatorwa nomunhu akaidzvara mumunda make. |
| 32. | Iyo iduku kumbeu dzose asi kana yakura ihuru pamirivo yose. Inoita muti wakakura ukadaro kuti shiri dzokudenga dzinovuya dzichigara pamatavi awo. |
| 33. | Akavavudza mumwe mufananidzo akati, Vushe hwokudenga hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaiisa muzviyero zvitatu zvovupfu kusvikira hwose hwaviriswa. |
| 34. | Zvinhu zvose Jesu wakavudza vanhu vazhinji nemifananidzo. Haana kutaura chinhu kwavari asinemifananidzo; |
| 35. | kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita achiti, ndichashamisa muromo wangu nemifananidzo. Ndichataura zvakanga zvakavanzika kubva pakuvambwa kwenyika. Kududzirwa kwomufananidzo wemashawi nezviyo. |
| 36. | Zvino Jesu wakati aendisa vanhu vazhinji, akapinda mumba. Vadzidzi vake vakavuya kwaari vakati, tidudzirei mufananidzo wamashawi omumunda. |
| 37. | Akapindura akati, unokusha mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana womunhu. |
| 38. | Munda inyika, mbeu yakanaka ndivo vanakomana vovushe. Mashawi ndivo vanakomana vowakaipa. |
| 39. | Muvengi wakakusha ndiye Dhiabhorosi, kucheka ndiko kuguma kwenyika, vacheki ndivo vatumwa. |
| 40. | Zvino mashawi sezvaanovunganidzwa achipiswa mumoto ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika. |
| 41. | Mwanakomana womunhu uchatuma vatumwa vake vagovunganidza muvushe hwake zvose zvinogumbusa navanoita zvisakarurama. |
| 42. | Vachavakandira muvira romoto. Ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno. |
| 43. | Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muvushe hwaBaba vavo. Une nzeve dzokunzwa ngaanzwe. |
| 44. | Vushe bwokudenga bwakafanana nefuma yakavanzwa mumunda. Iyo yakawanikwa nomunhu akaivanzazve. Zvino nokufara kwake unoenda, akatengesa zvose zvaanazvo akatenga munda uyo. |
| 45. | Vushe bwokudenga hwakafananazve nomutengi unotsvaka maparera akanaka. |
| 46. | Akati awana parera rimwe rinomutengo mukuru akaenda, akandotengesa zvose zvaakanga anazvo. Akaritenga iro. |
| 47. | Vushe bwokudenga hwakafanana norutava runokandirwa mugungwa. Runovunganidza marudzi ose ehove. |
| 48. | Kana rwazara varunokwevera pamhenderekedzo. Vakagara pasi vakavunganidzira dzakanaka mumidziyo asi dzakaipa vanodzirasha. |
| 49. | Ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika. Vatumwa vachabuda, vachabudisa vakaipa pakati pavakaraurama. |
| 50. | Vachavakandira muvira romoto. Ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno. |
| 51. | [Jesu akati kwavari:] manzwisisa izvozvo zvose here? Vakati kwaari, hongu [Ishe]. |
| 52. | Akati kwavari, naizvozvo munyori mumwe nomumwe wakadzidziswa zvovushe bwokudenga wakafana nomunhu, mwene weimba unobudisa zvinhu zvitsva nezvekare pafuma yake. (Mar. 6. 1-6; Ruka 4. 16-32.) |
| 53. | Jesu wakati apedza mifananidzo iyo akabvapo. |
| 54. | Akasvika kunyika yake. Akavadzidzisa musinagoge ravo, nokudaro vakakatyamara vakati, munhu uyu wakawanepiko kuchenjera uku namabasa esimba? |
| 55. | Ko haazi mwanakomana womuvezi here? Ko mai vake havanzi Maria here, navanunu’una vake Jakobho, naJosefa, naSimoni naJudhasi here? |
| 56. | Nehanzvadzi dzake hadzizi pakati patiri dzose here? Ko iye wakagowanepi zvinhu izvozvo zvose. |
| 57. | Vakagumburwa naye. Asi, Jesu akati kwavari, muporofita haangashaiwi kukudzwa asi munyika yake nomumba make. |
| 58. | Akasaita mabasa esimba mazhinji ipapo nokusatenda kwavo. |
| ← Matthew (13/28) → |