Matthew (12/28)  

1. (Mar. 2. 123-28; Ruka 6. 1-15.) Nenguva iyo. Jesu wakafamba napakati peminda yezviyo nomusi wesabata; vadzidzi vake vakanga vane nzara. vakatanga kutanha hura vachidya.
2. VaFarisi vakati vachizviona;vakati, kwaari, tarira vadzidzi vako vanoita zvisina kutenderwa nomusi wesabata.
3. Asi wakati kwavari, Ko hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi musi waakanga aziya, iye navakanga vanaye.
4. Kuti wakapinda mumba maMwari, akadya zvingwa zvokuratidza. Zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa naye navaiva naye asi navaPirisita bedzi!
5. Ko hamuna kurava pamurairo kuti nesabata vaPirisita vanoputsa murairo wesabata mutembere vasinemhosva?
6. Asi ndinoti kwamuri mukuru wetembere uri pano.
7. Asi dai maiziva kuti zvinoti kudini kuti, ndinoda ngoni handidi chibayiro. Mungadai musina kutonga vasine-mhosva.
8. Nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Ishe wesabatavo. (Mar. 3. 1-6; Ruka 6.6-11.)
9. Wakabvapo, akapinda musinagoge ravo.
10. Zvino tarira kwakanga kunomunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana. Vakamubvunza vachiti zvakatenderwa kuporesa nesabata here? Kuti vamupomere mhosva.
11. Akati kwavari, ndiani kwamuri ungava negwai rimwe kana rikawira mugomba nesabata ungarega kuribata akaribudisa here?
12. Munhu unopfuvura gwai zvikuru sei! Saka zvakatenderwa kuita zvakanaka nesabata.
13. Zvino akati kumunhu, tambanudza ruvoko rwako! Akarutambanudza, rukaporeswa rukava sorumwe.
14. Zvino vaFarise vakabuda, vakarangana pamusoro pake kuti vangamuvuraya sei.
15. Jesu wakati achizviziva, akabvapo. Vanhu vazhinji vakamutevera. Akavaporesa vose.
16. Akavaraira kuti varege kumuzivisa pachena.
17. Kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya achiti,
18. Tarira muranda wangu wandakasanangura, mudikanwa wangu, unofarirwa nomweya wangu. Ndichaisa mweya wangu pamusoro pake, Iye uchazivisa vahedheni kutonga.
19. Haangarwi, haangaiti mheremhere. Hakunomunhu uchanzwa inzwi rake munzira dzomumusha.
20. Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni. Nomwenje unopfungaira haangaudzimi. Kusvikira achituma kutonga kuti kukunde.
21. Vahedheni vachaita zita rake tariro yavo. (Mar. 3. 20-30; Ruka 11. 14-23.)
22. Zvino vakaisa kwaari munhu waiva nomweya wakaipa, raiva bofu nembeveve; akamuporesa, naizvozvo bofu nembeveve yakataura nokuvonavo.
23. Vanhu vazhinji vose vakashamiswa vakati, ko uyu haazi mwanakomana waDhavhidhi here?
24. Zvino vaFarisi vakati vachizvinzwa, vakati; munhu uyu haabudisi mweya yakaipa, asi naBheerizebhuri muchinda womweya yakaipa.
25. Zvino Jesu achiziva kufunga kwavo akati kwavari, vushe bwumwe nobwumwe bwunozvipesanisa bwunoparadzwa. Neguta kana imba inozvipesanisa haingamiri.
26. NaSatani kana achibudisa Satani unozvipesanisa. Vushe hwake hwuchamira seiko?
27. Neni, kana ndichibudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, ko vanakomana venyu vanoibudisa nani. Saka ivo vachava vatongi venyu.
28. Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa noMweya waMwari, ipapo vushe hwaMwari bwasvika kwamuri.
29. Munhu ungapinda seiko paimba younesimba akatora nhumbi dzake kana asati ambosunga iye unesimba? Ipapo uchaparadza imba yake.
30. Usineni, unopesana neni nousingavunganidzi neni unoparadza.
31. Naizvozvo ndinoti kwamuri, vanhu vachakanganwirwa zvivi zvose nokumhura, asi kumhura Mweya mutsvene havangakanganwirwi.
32. Aninani unotaura shoko rakaipa kuMwanakomana womunhu uchakanganwirwa. Asi unotaura shoko rakaipa kuMweya Mutsvene haangakanganwirwi. Kana panguva ino kana kune inovuya.
33. Itai muti uve wakanaka nezvibereko zvawo zvakanakavo. Kana itai muti uve wakaipa nezvibereko zvawo zvakaipavo. Nokuti muti unozikanwa nezvibereko zvawo.
34. Imi zvibereko zvenyoka mungagona seiko kutaura zvinhu zvakanaka, zvamuri vakaipa? Nokuti muromo unotaura zvizere pamoyo.
35. Munhu wakanaka unobudisa zvinhu zvakanaka pafuma yake yomoyo. Nomunhu wakaipa unobudisa zvinhu zvakaipa pafuma yake yakaipa.
36. Ndinoti kwamuri, shoko rimwe nerimwe risina maturo, rakarebwa navanhu, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rokutonga.
37. Nokuti namashoko ako ucharuramiswa, vuye namashoko ako ucharashiwa. (Ruka 11. 16-29; 32 Ruka 11. 16, 29-32;)
38. Zvino vamwe vanyori navaFarise vakapindura vakati, mudzidzisi tinoda kuvona chiratidzo kwamuri.
39. Akapindura akati kwavari, rudzi rwakaipa runofeva runotsvaka chiratidzo asi harungapiwi chiratidzo. Asi chiratidzo chomuporofita Jona.
40. Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu novusiku hwutatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu uchava mumoyo wenyika mazuva matatu novusiku bwutatu.
41. Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga norudzi urwu, vacharupa mhosva. Nokuti vakatendevuka nokuparidza kwaJona. Tarirai mukuru kuna Jona uri pano.
42. Mambokadzi wezasi uchasimuka pakutonga norudzi urwu ucharupa mhosva. Nokuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa kuchenjera kwaSoromoni. Tarirai mukuru kunaSoromoni uri pano.
43. Zvino kana mweya wetsvina wabuda kumunhu unopota panzvimbo dzisina mvura, uchitsvaka zororo uchirishaiwa.
44. Zvino unoti ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda. Asi uchisvika unoiwana isine-chiro, yakatsvairwa yanatswa.
45. Zvino unoenda ndokutora mimwe mweya minomwe inoupfuvura nokuipa ndokupinda, ndokugaramo. Kupedzisira komunhu uyu kwakaipa kupfuvura kutanga kwake. Zvichaita saizvozvovo norudzi urwu rwakaipa. (Mar. 3. 31-35; Ruka 8. 19-21.)
46. Wakati achataura navanhu vazhinji, tarira mai vake navanun’una vake vakamira kunze, vachitsvaka kutaura naye.
47. Mumwe akati kwaari, havo mai venyu navanununa venyu vamire kunze vachitsvaka kutaura nemi.
48. Akapindura akati kuna iye wakamuvudza, mai vangu ndianiko navanunu’una vangu ndivananiko?
49. Ndokutambanudza ruvoko rwake kuvadzidzi vake akati, Tarirai mai vangu navanunu’una vangu!
50. Nokuti aninani unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga ndiye munun’una wangu, nehanzvadzi namai.

  Matthew (12/28)