| ← Matthew (12/28) → |
| 1. | (Mar. 2. 123-28; Ruka 6. 1-15.) Nenguva iyo. Jesu wakafamba napakati peminda yezviyo nomusi wesabata; vadzidzi vake vakanga vane nzara. vakatanga kutanha hura vachidya. |
| 2. | VaFarisi vakati vachizviona;vakati, kwaari, tarira vadzidzi vako vanoita zvisina kutenderwa nomusi wesabata. |
| 3. | Asi wakati kwavari, Ko hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi musi waakanga aziya, iye navakanga vanaye. |
| 4. | Kuti wakapinda mumba maMwari, akadya zvingwa zvokuratidza. Zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa naye navaiva naye asi navaPirisita bedzi! |
| 5. | Ko hamuna kurava pamurairo kuti nesabata vaPirisita vanoputsa murairo wesabata mutembere vasinemhosva? |
| 6. | Asi ndinoti kwamuri mukuru wetembere uri pano. |
| 7. | Asi dai maiziva kuti zvinoti kudini kuti, ndinoda ngoni handidi chibayiro. Mungadai musina kutonga vasine-mhosva. |
| 8. | Nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Ishe wesabatavo. (Mar. 3. 1-6; Ruka 6.6-11.) |
| 9. | Wakabvapo, akapinda musinagoge ravo. |
| 10. | Zvino tarira kwakanga kunomunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana. Vakamubvunza vachiti zvakatenderwa kuporesa nesabata here? Kuti vamupomere mhosva. |
| 11. | Akati kwavari, ndiani kwamuri ungava negwai rimwe kana rikawira mugomba nesabata ungarega kuribata akaribudisa here? |
| 12. | Munhu unopfuvura gwai zvikuru sei! Saka zvakatenderwa kuita zvakanaka nesabata. |
| 13. | Zvino akati kumunhu, tambanudza ruvoko rwako! Akarutambanudza, rukaporeswa rukava sorumwe. |
| 14. | Zvino vaFarise vakabuda, vakarangana pamusoro pake kuti vangamuvuraya sei. |
| 15. | Jesu wakati achizviziva, akabvapo. Vanhu vazhinji vakamutevera. Akavaporesa vose. |
| 16. | Akavaraira kuti varege kumuzivisa pachena. |
| 17. | Kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya achiti, |
| 18. | Tarira muranda wangu wandakasanangura, mudikanwa wangu, unofarirwa nomweya wangu. Ndichaisa mweya wangu pamusoro pake, Iye uchazivisa vahedheni kutonga. |
| 19. | Haangarwi, haangaiti mheremhere. Hakunomunhu uchanzwa inzwi rake munzira dzomumusha. |
| 20. | Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni. Nomwenje unopfungaira haangaudzimi. Kusvikira achituma kutonga kuti kukunde. |
| 21. | Vahedheni vachaita zita rake tariro yavo. (Mar. 3. 20-30; Ruka 11. 14-23.) |
| 22. | Zvino vakaisa kwaari munhu waiva nomweya wakaipa, raiva bofu nembeveve; akamuporesa, naizvozvo bofu nembeveve yakataura nokuvonavo. |
| 23. | Vanhu vazhinji vose vakashamiswa vakati, ko uyu haazi mwanakomana waDhavhidhi here? |
| 24. | Zvino vaFarisi vakati vachizvinzwa, vakati; munhu uyu haabudisi mweya yakaipa, asi naBheerizebhuri muchinda womweya yakaipa. |
| 25. | Zvino Jesu achiziva kufunga kwavo akati kwavari, vushe bwumwe nobwumwe bwunozvipesanisa bwunoparadzwa. Neguta kana imba inozvipesanisa haingamiri. |
| 26. | NaSatani kana achibudisa Satani unozvipesanisa. Vushe hwake hwuchamira seiko? |
| 27. | Neni, kana ndichibudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, ko vanakomana venyu vanoibudisa nani. Saka ivo vachava vatongi venyu. |
| 28. | Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa noMweya waMwari, ipapo vushe hwaMwari bwasvika kwamuri. |
| 29. | Munhu ungapinda seiko paimba younesimba akatora nhumbi dzake kana asati ambosunga iye unesimba? Ipapo uchaparadza imba yake. |
| 30. | Usineni, unopesana neni nousingavunganidzi neni unoparadza. |
| 31. | Naizvozvo ndinoti kwamuri, vanhu vachakanganwirwa zvivi zvose nokumhura, asi kumhura Mweya mutsvene havangakanganwirwi. |
| 32. | Aninani unotaura shoko rakaipa kuMwanakomana womunhu uchakanganwirwa. Asi unotaura shoko rakaipa kuMweya Mutsvene haangakanganwirwi. Kana panguva ino kana kune inovuya. |
| 33. | Itai muti uve wakanaka nezvibereko zvawo zvakanakavo. Kana itai muti uve wakaipa nezvibereko zvawo zvakaipavo. Nokuti muti unozikanwa nezvibereko zvawo. |
| 34. | Imi zvibereko zvenyoka mungagona seiko kutaura zvinhu zvakanaka, zvamuri vakaipa? Nokuti muromo unotaura zvizere pamoyo. |
| 35. | Munhu wakanaka unobudisa zvinhu zvakanaka pafuma yake yomoyo. Nomunhu wakaipa unobudisa zvinhu zvakaipa pafuma yake yakaipa. |
| 36. | Ndinoti kwamuri, shoko rimwe nerimwe risina maturo, rakarebwa navanhu, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rokutonga. |
| 37. | Nokuti namashoko ako ucharuramiswa, vuye namashoko ako ucharashiwa. (Ruka 11. 16-29; 32 Ruka 11. 16, 29-32;) |
| 38. | Zvino vamwe vanyori navaFarise vakapindura vakati, mudzidzisi tinoda kuvona chiratidzo kwamuri. |
| 39. | Akapindura akati kwavari, rudzi rwakaipa runofeva runotsvaka chiratidzo asi harungapiwi chiratidzo. Asi chiratidzo chomuporofita Jona. |
| 40. | Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu novusiku hwutatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu uchava mumoyo wenyika mazuva matatu novusiku bwutatu. |
| 41. | Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga norudzi urwu, vacharupa mhosva. Nokuti vakatendevuka nokuparidza kwaJona. Tarirai mukuru kuna Jona uri pano. |
| 42. | Mambokadzi wezasi uchasimuka pakutonga norudzi urwu ucharupa mhosva. Nokuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa kuchenjera kwaSoromoni. Tarirai mukuru kunaSoromoni uri pano. |
| 43. | Zvino kana mweya wetsvina wabuda kumunhu unopota panzvimbo dzisina mvura, uchitsvaka zororo uchirishaiwa. |
| 44. | Zvino unoti ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda. Asi uchisvika unoiwana isine-chiro, yakatsvairwa yanatswa. |
| 45. | Zvino unoenda ndokutora mimwe mweya minomwe inoupfuvura nokuipa ndokupinda, ndokugaramo. Kupedzisira komunhu uyu kwakaipa kupfuvura kutanga kwake. Zvichaita saizvozvovo norudzi urwu rwakaipa. (Mar. 3. 31-35; Ruka 8. 19-21.) |
| 46. | Wakati achataura navanhu vazhinji, tarira mai vake navanun’una vake vakamira kunze, vachitsvaka kutaura naye. |
| 47. | Mumwe akati kwaari, havo mai venyu navanununa venyu vamire kunze vachitsvaka kutaura nemi. |
| 48. | Akapindura akati kuna iye wakamuvudza, mai vangu ndianiko navanunu’una vangu ndivananiko? |
| 49. | Ndokutambanudza ruvoko rwake kuvadzidzi vake akati, Tarirai mai vangu navanunu’una vangu! |
| 50. | Nokuti aninani unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga ndiye munun’una wangu, nehanzvadzi namai. |
| ← Matthew (12/28) → |