Matthew (11/28)  

1. Jesu wakati apedza kuraira vadzidzi vake vanegumi navaviri akapfuvura kundodzidzisa nokuparidza pamaguta avo. (Ruka 7. 18-35.)
2. Zvino Johane, ari mutorongo, wakanga anzwa mabasa aKristu, akatuma shoko navadzidzi vake, vaviri.
3. Achiti kwaari, Ko ndimi iye wakanga achinzi unovuya here kana tichakatarira mumwe?
4. Jesu akapindura akati kwavari, endai mundovudza Johane zvamunonzwa nezvamunovona,
5. Zvokuti mapofu anosvinudzwa, zvirema zvinofamba, vanamaperembudzi vanonatswa, vematsi vanonzwa, vakafa vanomutswa navarombo vanoparidzirwa Evhangeri.
6. Wakaropafadzwa iye usingagumbuswi neni.
7. Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuvudza vanhu vazhinji pamusoro paJohane akati, makanga mabuda kunovoneiko kurenje? Rutsanga runozungunuswa nemhepo here?
8. Ko makanga mabuda kundovoneiko? Munhu wakapfeka nguvo nyoro here? Tarirai, vanopfeka nguvo nyoro vari mudzimba dzamadzimambo.
9. Asi makanga mabudireiko? Kuzovona muporofita here? Hongu ndinoti kwamuri, unopfuvura kwazvo muporofita.
10. Nokuti ndiye wakanyorwa pamusoro pake zvichinzi, Tarira ndinotuma munyai wangu pamberi pako, uchakugadzirira nzira yako pamberi pako.
11. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri; kuna vakaberekwa navakadzi hakuna kumuka mukuru kuna Johane Mubhabhatidzi, asi muduku muvushe hwokudenga mukuru kwaari.
12. Kubva pamazuva aJohane Mubhabhatidzi kusvikira zvino vushe hwokudenga hwunopambwa nevapambi vanobwutora nesimba.
13. Nokuti vaporofita vose nomurairo vakaporofita kusvikira kuna Johane.
14. Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria wakanga achinzi unovuya.
15. Une nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
16. Asi ndichafananidza rudzi urwu neiko? Rwakafanana navana vagere padare vanodanidzira kushamwari dzavo vachiti,
17. Takakuridzirai nyere, mukasatamba, takakuririrai mukasachema.
18. Nokuti Johane wakavuya asingadyi, asingamwi., zvino vanoti unomweya wakaipa.
19. Mwanakomana womunhu wakavuya achidya, achimwa, zvino vanoti, tarirai munhu unokara nomumwi neshamwari yavateresi navatadzi! Kuchenjera kunopembedzwa. (Ruka 10. 13-15.)
20. Zvino wakatanga kutuka maguta makanga maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nokuti haana kutendevuka akati,
21. unenhamo iwe Korazini! une nhamo iwe Betsaida! Nokuti mabasa akaitwa mukati menyu dai aiitwa muTire neSidoni vangadai vatendevuka kare vanamasaga nedota.
22. Asi ndinoti kwamuri Tire neSidoni acharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuvuremi.
23. Iwe Karpenaume uchasimudzirwa kudenga here? Uchaburukira kuHadhesi nokuti dai iwo mabasa esimba akaitwa mukati mako, akaitwa muSodhoma ringadai richipo nanhasi.
24. Asi ndinoti kwamuri, nyika yeSodhoma icharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuvura iwe.
25. Nenguva iyo Jesu akapindura akati, ndinokutendai Baba Ishe wokudenga napasi kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvozvi, mukazvizarurira vacheche.
26. Hongu Baba nokuti ndizvo zvakakufadzai.
27. Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu. Hakuna unoziva Mwanakomana asi Baba. Hakuna unoziva Baba asi Mwanakomana, naiye Mwanakomana waanenge achida kumuzarurira iye.
28. Vuyai kwandiri imi mose makaneta makaremerwa. Ini ndichakuzorodzai.
29. Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri nokuti ndiri munyoro. Ndinomoyo unozvininipisa kuti muwane zororo pamweya yenyu.
30. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unoreruka.

  Matthew (11/28)