← Matthew (10/28) → |
1. | (Mar 3. 13-19; 6.7-13, Ruka 6. 12-16, 9. 1-6) Zvino wakadanira kwaari vadzidzi vake, vanegumi navaviri. Akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina, kuti vaibudise nokuporesa kurwara kwose novukosha hwose. |
2. | Mazita avaapostora vanegumi navaviri ndiwawa, wokutanga Simoni wainzi Petro naAndrea munun’una wake, Jakobho mwanakomana waZebedi naJohane munun’una wake, |
3. | Firipo naBatoromeo, Tomasi naMateo muteresi, Jakobho mwanakomana waArafeo naTadeo. |
4. | Simoni muKanani naJudhasi Iskarioti uya wakamupandukira. |
5. | Ava vanegumi navaviri Jesu akavatuma akavaraira achiti, musaenda munzira yavahedheni, musapinda muguta ravaSamaria. |
6. | Asi zvirinani muende kumakwai akarasika eimba yavaIsraeri. |
7. | Mufambe muparidze muchiti, Vushe bwokudenga bwaswedera. |
8. | Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vanamaperambudzi, budisai mweya yakaipa. Makangopiwa henyu chingopai henyu. |
9. | Musatora ndarama kana sirivheri kana ndarira muzvikwama zvenyu, |
10. | kana hombodo yorwendo, kana nguvo mbiri, kana shangu, kana tsvimbo nokuti mubati wakafanirwa nezvokudya zvake. |
11. | Muguta kana mumusha pose pamunopinda bvunzai kuti ndiani urimo wakafanira mugarepo kusvikira muchibva. |
12. | Kana muchipinda mumba muikwazise. |
13. | kana imba yakafanira, rugare rwenyu ngaruvuye pamusoro payo asi kana isina kufanira rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. |
14. | Aninani usingakugamuchiriyi kana kunzwa mashoko enyu, kana muchibva paimba iyo kana paguta iro, muzuze guruva riri patsoka dzenyu. |
15. | Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, nyika yeSodhoma neGomora dzicharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuvura guta iro. |
16. | Tarirai ndinokutumai samakwai pakati pamapere. Saka chenjerai senyoka mururame senjiva. |
17. | Asi chenjerai vanhu nokuti vachakuisai kuvungano dzamakurukota nokukurovai zvikuru mumasinagoge avo. |
18. | Muchaiswavo pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu muve zvapupu kwavari nokuvahedheni. |
19. | Asi kana vachikukwirirai, musafunganya muchiti muchataura sei kana inyiko nokuti muchapiwa nenguva iyo zvamunofanira kutaura. |
20. | Nokuti hamuzimi munotaura asi Mweya waBaba venyu unotaura mukati menyu. |
21. | Mukoma uchaisa munun’una parufu nababa mwana wavo, vana vachamukira vabereki vavo nokuvavuraya. |
22. | Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu asi unotsungirira kusvika pakuguma, uchaponeswa. |
23. | Asi kana vachikutambudzai muguta rimwe, tizirai kune rimwe nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hamungapedzi maguta avaIsraeri Mwanakomana womunhu asati asvika. |
24. | Mudzidzi haangakundi mudzidzisi wake kana muranda Ishe wake. |
25. | Zvakaringana kuti mudzidzi ave somudzidzisi wake, nomuranda ave saShe wake. Zvavakaidza mwene weimba Beerzeburi vachadaro zvikuru sei veimba yake! |
26. | Naizvozvo musavatya, nokuti hakunechinhu chakafukidzwa chisingazozarurwi. Kana chakavanzika chisingazozikamwi. |
27. | Zvandinokuvudzai murima, taurai pachena, zvamunonzwa munzeve paridzirai pamusoro pedzimba. |
28. | Musatya vanovuraya muviri asi vasingagoni kuvuraya mweya, zvikuru mutye uyo unogona kuvuraya zvose mweya nomuviri muGehena. |
29. | Ko shiri duku mbiri hadzitengeswi nehafu yepeni here? Asi imwe yazvo haingawiri pasi kunze kwaBaba venyu. |
30. | Kana muri imwi nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. |
31. | Naizvozvo musatya nokuti munopfuvura shiri duku zhinji. |
32. | Mumwe nomumwe uchandipupura pamberi pavanhu neni ndichamupupura pamberi paBaba vangu vari kudenga. |
33. | Asi mumwe nomumwe unondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamuramba pamberi paBaba vangu vari kudenga. |
34. | Musafunga kuti ndakavuya kuisa rugare panyika, handina kuvuya kuisa rugare asi munondo. |
35. | Nokuti ndakavuya kupesanisa munhu nababa vake, nomwanasikana namai vake nomukadzi womwana navamwene vake, |
36. | navavengi vomunhu vachava veimba yake. |
37. | Unoda baba kana mai kupfuvureni, haana kufanireni nounoda mwanakomana nomwanasikana kupfuvureni haanakufanireni. |
38. | Usingatori muchinjikwa wake akanditevera haana kufanireni. |
39. | Unowana vupenyu bwake ucharashikirwa nahwo asi unorashikirwa novupenyu hwake nokuda kwangu uchahwuwana. |
40. | Unokugamuchirai imi, unondigamuchira nounogamuchira ini unogamuchira wakandituma. |
41. | Unogamuchira muporofita, muzita romuporofita uchapiwa mubairo womuporofita. Nounogamuchira wakarurama muzita rowakarurama, uchapiwa mubairo wowakarurama. |
42. | Aninani unopa muzita romudzidzi mumwe wavaduku ava mukombe bedzi wemvura inotonhorera anwe, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haangatongorashikirwi nomubairo wake. |
← Matthew (10/28) → |