Matthew (10/28)  

1. (Mar 3. 13-19; 6.7-13, Ruka 6. 12-16, 9. 1-6) Zvino wakadanira kwaari vadzidzi vake, vanegumi navaviri. Akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina, kuti vaibudise nokuporesa kurwara kwose novukosha hwose.
2. Mazita avaapostora vanegumi navaviri ndiwawa, wokutanga Simoni wainzi Petro naAndrea munun’una wake, Jakobho mwanakomana waZebedi naJohane munun’una wake,
3. Firipo naBatoromeo, Tomasi naMateo muteresi, Jakobho mwanakomana waArafeo naTadeo.
4. Simoni muKanani naJudhasi Iskarioti uya wakamupandukira.
5. Ava vanegumi navaviri Jesu akavatuma akavaraira achiti, musaenda munzira yavahedheni, musapinda muguta ravaSamaria.
6. Asi zvirinani muende kumakwai akarasika eimba yavaIsraeri.
7. Mufambe muparidze muchiti, Vushe bwokudenga bwaswedera.
8. Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vanamaperambudzi, budisai mweya yakaipa. Makangopiwa henyu chingopai henyu.
9. Musatora ndarama kana sirivheri kana ndarira muzvikwama zvenyu,
10. kana hombodo yorwendo, kana nguvo mbiri, kana shangu, kana tsvimbo nokuti mubati wakafanirwa nezvokudya zvake.
11. Muguta kana mumusha pose pamunopinda bvunzai kuti ndiani urimo wakafanira mugarepo kusvikira muchibva.
12. Kana muchipinda mumba muikwazise.
13. kana imba yakafanira, rugare rwenyu ngaruvuye pamusoro payo asi kana isina kufanira rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri.
14. Aninani usingakugamuchiriyi kana kunzwa mashoko enyu, kana muchibva paimba iyo kana paguta iro, muzuze guruva riri patsoka dzenyu.
15. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, nyika yeSodhoma neGomora dzicharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuvura guta iro.
16. Tarirai ndinokutumai samakwai pakati pamapere. Saka chenjerai senyoka mururame senjiva.
17. Asi chenjerai vanhu nokuti vachakuisai kuvungano dzamakurukota nokukurovai zvikuru mumasinagoge avo.
18. Muchaiswavo pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu muve zvapupu kwavari nokuvahedheni.
19. Asi kana vachikukwirirai, musafunganya muchiti muchataura sei kana inyiko nokuti muchapiwa nenguva iyo zvamunofanira kutaura.
20. Nokuti hamuzimi munotaura asi Mweya waBaba venyu unotaura mukati menyu.
21. Mukoma uchaisa munun’una parufu nababa mwana wavo, vana vachamukira vabereki vavo nokuvavuraya.
22. Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu asi unotsungirira kusvika pakuguma, uchaponeswa.
23. Asi kana vachikutambudzai muguta rimwe, tizirai kune rimwe nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hamungapedzi maguta avaIsraeri Mwanakomana womunhu asati asvika.
24. Mudzidzi haangakundi mudzidzisi wake kana muranda Ishe wake.
25. Zvakaringana kuti mudzidzi ave somudzidzisi wake, nomuranda ave saShe wake. Zvavakaidza mwene weimba Beerzeburi vachadaro zvikuru sei veimba yake!
26. Naizvozvo musavatya, nokuti hakunechinhu chakafukidzwa chisingazozarurwi. Kana chakavanzika chisingazozikamwi.
27. Zvandinokuvudzai murima, taurai pachena, zvamunonzwa munzeve paridzirai pamusoro pedzimba.
28. Musatya vanovuraya muviri asi vasingagoni kuvuraya mweya, zvikuru mutye uyo unogona kuvuraya zvose mweya nomuviri muGehena.
29. Ko shiri duku mbiri hadzitengeswi nehafu yepeni here? Asi imwe yazvo haingawiri pasi kunze kwaBaba venyu.
30. Kana muri imwi nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose.
31. Naizvozvo musatya nokuti munopfuvura shiri duku zhinji.
32. Mumwe nomumwe uchandipupura pamberi pavanhu neni ndichamupupura pamberi paBaba vangu vari kudenga.
33. Asi mumwe nomumwe unondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamuramba pamberi paBaba vangu vari kudenga.
34. Musafunga kuti ndakavuya kuisa rugare panyika, handina kuvuya kuisa rugare asi munondo.
35. Nokuti ndakavuya kupesanisa munhu nababa vake, nomwanasikana namai vake nomukadzi womwana navamwene vake,
36. navavengi vomunhu vachava veimba yake.
37. Unoda baba kana mai kupfuvureni, haana kufanireni nounoda mwanakomana nomwanasikana kupfuvureni haanakufanireni.
38. Usingatori muchinjikwa wake akanditevera haana kufanireni.
39. Unowana vupenyu bwake ucharashikirwa nahwo asi unorashikirwa novupenyu hwake nokuda kwangu uchahwuwana.
40. Unokugamuchirai imi, unondigamuchira nounogamuchira ini unogamuchira wakandituma.
41. Unogamuchira muporofita, muzita romuporofita uchapiwa mubairo womuporofita. Nounogamuchira wakarurama muzita rowakarurama, uchapiwa mubairo wowakarurama.
42. Aninani unopa muzita romudzidzi mumwe wavaduku ava mukombe bedzi wemvura inotonhorera anwe, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haangatongorashikirwi nomubairo wake.

  Matthew (10/28)