Matthew (1/28)  

1. (Ruka 3. 23-38.) Mazita amadzitateguru aJesu Kristu, Mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahamu;
2. Abhurahamu akabereka Isaka, Isaka akabereka Jakobho, Jakobho akabereka Judha navanun’una vake,
3. Judhasi akabereka Faresi naZara kumukadzi wake Tamari, Faresi akabereka Esiromi, Esromi akabereka Arami,
4. Arami akabereka Aminadhabhi, Aminadhabhi, Akabereka Nasoni,Nasoni akabereka Sarimoni,
5. Sarimoni akabereka Bhowasi kumukadzi wake Rahabhi, Bhowasi akabereka Obedi kumukadzi wake Rute, Obedi akabereka Jese,
6. Jese akabereka mambo Dhavhidhi, Dhavhidhi akabereka Soromoni kumukadzi waUria,
7. Soromoni akabereka Robhoami, Robhoami akabereka Abhiya, Abhiya akabereka Asafa,
8. Asafa akabereka Josafati, Josafati akabereka Joramu, Joramu akabereka Ozia,
9. Ozia akabereka Jotamu, Jotamu akabereka Ahazi,Ahazi akabereka Ezekia,
10. Ezekia akabereka Manase, Manase akabereka Amoni, Amoni akabereka Josia,
11. Josia akabereka Jekonia navanun’una vake nenguva yokutapwa kwavo Bhabhironi.
12. Shure kokutapwa kwavo Bhabhironi, Jekonia akabereka Saratieri, Saratieri akabereka Zorobhabheri,
13. Zorobhabheri akabereka Abiudhi; Abiudhi akabereka Eriakimi,Eriakimi akabereka Azori;
14. Azori akabereka Sadhoki, Sadhoki akabereka Akimi, Akimi akabereka Eriudhi,
15. Eriudhi akabereka Ereazari Ereazari akabereka Matani,Matani akabereka Jakobho,
16. Jakobho akabereka Josefa, murume waMaria, unova ndiye wakazvara Jesu, unonzi Kristu.
17. Naizvozvo marudzi ose kubva kuna Abhurahamu kusvikira kuna Dhavhidhi aiva marudzi anegumi namana, kubva kuna Dhavhidhi kusvikira pakutapwa kweBhabhironi, marudzi anegumi namana kubva pakutapwa Bhabhironi kusvikira kuna Jesu Kristu, marudzi anegumi namana.
18. Kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kudai, Maria mai vake, wakati anyengwa naJosefa, vasati vasangana, wakavonekwa ava nemimba noMweya Mutsvene.
19. Zvino Josefa murume wake zvaakanga ari munhu wakarurama, asingadi kumunyadzisa, wakafunga kumurega chinyararire.
20. Zvino wakati acharangarira izvozvo, tarira mutumwa washe akazviratidza kwaari pakurota akati, Josefa mwanakomana waDhavhidhi, usatya kutora Maria, mukadzi wako, nokuti icho chakagamuchidzwa mukati make ndechoMweya Mutsvene.
21. Iye uchazvara Mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu, nokuti ndiye uchaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.
22. Izvozvi zvose zvakaitwa kuti zviitike zvakarebwa naShe, nomuromo womuporofita achiti,
23. Tarira mhandara ichava nemimba, ichazvara Mwanakomana, vachamutumidza zita rinonzi Emanueri, ndokuti kana zvichishandurwa, Mwari unesu.
24. Zvino Josefa akamuka pahope dzake, akaita sezvaakarairwa nomutumwa waShe, akatora mukadzi wake.
25. Akasamuziva kusvikira azvara mwanakomana wake wedangwe, ndokumutumidza zita rinonzi Jesu.

      Matthew (1/28)