Mark (9/16)  

1. Zvino wakati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kunavamire pano, vasingazovoni rufu, vasati vavona vushe bwaMwari bwuchivuya nesimba.
2. Mazuva matanhatu akati apfuvura, Jesu akatora Petro, naJokobo, naJohane, akaenda navo kurutivi mugomo refu, vari voga; akashanduka pamberi pavo.
3. Nguvo dzake dzikapenya, dzikachena zvikuru; hakunomusuki pano panyika, ungagona kudzichenesa dzikadaro.
4. Ipapo Eria naMosesi vakavonekwa navo, vachitaurirana naJesu.
5. Petro akapindura, akati kunaJesu: Rabhi, zvakanaka zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria.
6. Nokuti wakanga asingazivi chaanotaura, nokuti vakatya zvikuru.
7. Zvino gore rikavuya rikavafukidza, inzwi rikabuda mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu unodikanwa, mumunzwei!
8. Kamwe, vakati vachiringaringa, havanakuzovona munhu, asi Jesu bedzi anavo.
9. Zvino vakati vachiburuka mugomo, akavaraira kuti varege kuvudza munhu zvavakanga vavona kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvakafa.
10. Vakarichengeta shoko iro, vachiita nyaya pakati pavo, kuti kumuka kwavakafa chinyiko?
11. Vakamubvunza, vachiti: Vanyori vanotaurireiko vachiti, Eria unofanira kutanga kuvuya?
12. Akati kwavari: Eria uchatanga kuvuya hake, avandudze zvinhu zvose, asi kwakagonyorwa seiko zvoMwanakomana womunhu, kuti uchatambudzika zvikuru nokuzvidzwa?
13. Asi ndinoti kwamuri, Eria wakatosvika, vakamuitira zvose pavakanga vachida napo, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.
14. Vakati vasvika kuvadzidzi, vakavona vanhu vazhinji-zhinji, vakavakomba, navanyori vachiita nyaya navo.
15. Pakarepo vazhinji vose vakati vachimuvona, vakashamiswa kwazvo, vakamhanyira kwaari, vakamukwazisa.
16. Akavabvunza, akati: Munoita nyaya neiko navo?
17. Mumwe wavazhinji akamupindura, akati: Mudzidzisi, ndavuya kwamuri nomwanakomana wangu, unomweya wembeveve.
18. Kwose kwaanomubata, unomuwisira pasi, achipupuma furo, achigeda-geda meno, vuye unowonda kwazvo; ndakataura navadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.
19. Akavapindura, akati: Haiwa, rudzi rusingatendi, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira riniko Vuyai naye kwandiri.
20. Vakavuya naye kwaari; wakati achimuvona, pakarepo mweya ukamubvundisa, akawira pasi, akakunguruka, achipupuma furo.
21. Zvino akabvunza baba vake, akati: Yava nguva yakadiniko kubvira izvozvi zvichimuwira? Akati: Kubva pavuduku bwake.
22. Kazhinji wakamuwisira mumoto kana mumvura kuti umuparadze; asi kana muchigona kuita chinhu, mutinzwire tsitsi, mutibatsire.
23. Jesu akati kwaari: Kana iwe uchigona kutenda, zvose zvingaitika kunounotenda.
24. Pakarepo baba vomwana vakadanidzira, vachiti: Ndinotenda, ndibatsirei pakusatenda kwangu.
25. Zvino Jesu wakati achivona vanhu vazhinji vachimhanyirana pamwe chete, akaraira mweya wetsina, akati kwauri: Iwe, mweya wembeveve namatsi, ndinokuraira kuti ubve maari, urege kupindazve maari!
26. Ukadanidzira, ukamubvundisa zvikuru ukabuda; akafanana nomunhu wakafa, nokudaro vazhinji vakati: Wafa.
27. Asi Jesu wakabata ruvoko rwake, akamusimudza, iye akasimuka.
28. Zvino wakati apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari voga vachiti: Isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?
29. Akati kwavari: Rudzi urwu harungatongobudi, asi nokunyengetera.
30. Vakabva ipapo, vakagura neGarirea, akaramba kuti zvizikamwe nomunhu.
31. Nokuti wakadzidzisa vadzidzi vake, akati kwavari: Mwanakomana womunhu uchaiswa mumavoko avanhu, vachamuvuraya; kana avurawa, uchamuka zvemazuva matatu apfuvura.
32. Asi havanakunzwisisa shoko iro, vakatya kumubvunza.
33. Vakasvika Kapernaume; zvino wakati ava mumba, akavabvunza, achiti: Makanga muchiita nyaya yeiko munzira?
34. Vakaramba vanyerere, nokuti vakanga vaita nharo pakati pavo munzira, kuti mukuru ndiani.
35. Ipapo akagara pasi, akadana vanegumi navaviri, akati kwavari: Kana munhu achida kuva wokutanga, uchazova weshure kunavose nomuranda wavose.
36. Akatora mwana muduku, akamuisa pakati pavo; akamufungatira mumavoko, akati kwavari:
37. Aninani unogamuchira mumwe wavaduku vakadai nezita rangu, unondigamuchireni; aninani unondigamuchira ini, haandigamuchiri ini, asi uyo wakandituma.
38. Johane akati kwaari: Mudzidzisi, tavona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haana kutitevera.
39. Jesu akati: Musamudzivisa, nokuti hakunomunhu ungaita basa re simba nezita rangu, ungakurumidza kutaura zvakaipa pamusoro pangu.
40. Nokuti usingapesani nesu, unesu.
41. Nokuti aninani unokunwisai mukombe wemvura muzita rangu, nemhaka yokuti muri vaKristu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haanakurashikirwa nomubairo wake.
42. Aninani unogumbusa mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri, zvirinani kwaari kuti guyo guru risungirirwe pamutsipa wake, akandirwe mugungwa.
43. Kana ruvoko rwako ruchikugumbusa, urugure; zvirinani kwauri kuti upinde muvupenyu uri chirema, pakuenda muGehena, mumoto usingadzimwi, unamavoko maviri.
44. Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.
45. Kana rutsoko rwako ruchikugumbusa, urugure; zvirinani kwauri kuti upinde muvupenyu uchikamhina, pakukandirwa muGehena, unetsoka mbiri.
46. Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.
47. Kana ziso rako richikugumbusa, urirashe; zvirinani kwauri kuti upinde muvushe; hwokudenga uneziso rimwe, pakukandirwa muGehena, unameso maviri.
48. Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.
49. Nokuti mumwe nomumwe ucharungwa nomoto.
50. Munyu wakanaka; asi kana munyu usichavavi, mungaurunga neiko? Ivai nomunyu mukati menyu mugare norugare pakati penyu.

  Mark (9/16)