Mark (8/16)  

1. Namazuva iwayo zvakwakanga kunavazhinji-zhinji, vakanga vasinazvavangadya akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari:
2. Ndinetsitsi navanhu vazhinji, nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya.
3. Kana ndikavaendisa kumusha kwavo vanenzara, vachaziya panzira; vamwe vavo vanobva kure.
4. Vadzidzi vake vakapindura, vakati kwaaari: Munhu ungawanepiko murenje muno, zvingwa zvingagutisa vanhu ava?
5. Akavabvunza, akati: Munezvingwa zvinganiko? Vakati: Zvinomwe.
6. Zvino akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi, akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pavazhinji.
7. Vuye vakanga vanehove duku shomanene; zvino akadziropafadza, akati zviiswe vo pamberi pavo.
8. Vakadya, vakaguta, ndokuvunganidza zvimedu zvakasara, matengu manomwe.
9. Vanenge vaiva zvuru zvina; akavaendisa.
10. Pakarepo akapinda mugwa navadzidzi vake, akasvika kumativi enyika yeDarmanuta.
11. Zvino vaFarise vakabuda, vakatanga kuita nyaya naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuidza.
12. Akagomera zvikuru pamweya wake, akati: Rudzi urwu runotsvakireiko chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungapiwi chiratidzo.
13. Ipapo akavasiya, akapinda zve mugwa, akayambukira mhiri.
14. Vakanga vakanganwa kutora zvingwa; vakanga vasinezvingwa, asi chimwe bedzi.
15. Zvino akavaraira, akati: Chenjerai, mutye mbiriso yavaFarise nembiriso yaHerodhe.
16. Vakarangana vakati: Unodaro nokuti hatine zvingwa.
17. Zvino Jesu wakati achizviziva, akati kwavari: Munorangana nemhaka yeiko kuti hamunezingwa? Hamuzivi, nokunzwisisa here? Moyo yenyu ichiri mikukutu here?
18. Zvamunameso, hamuvoni here? Zvamunenzeve, hamunzwi here? Hamurangariri here?
19. Musi wandakamedurira vanezvuru zvishanu zvingwa zvishanu, makanonga matengu manganiko azere nezvimedu? Vakati kwaari: Gumi namaviri.
20. Nomusi wandakamedurira vanezvuru zvina zvingwa zvimwe, makanonga matengu manganiko akazadzwa nezvimedu? Vakati: Manomwe.
21. Akati kwavari: Ko hamunzwisisi nazvino here?
22. Zvino wakasvika Betsaida; vakavuya nebofu, vakakumbira zvikuru kwaari, kuti amunyangate.
23. akabata ruvoko rwebofu, akamuisa kunze kwomusha, ndokupfira mate pameso ake, akaisa mavoko pamusoro pake, akamubvunza kana achivona chinhu.
24. Iye akatarira, akati: ndinovona vanhu, ndinovavona vachifamba vakafanana nemiti.
25. Zvino akaisa zve mavoko pamusoro pameso ake,iye akatarisisa, akaporeswa akavona zvose zvakanaka.
26. Akamuendesa kumba kwake akati: usatongopinda mumusha kana kuvudza munhu mumusha.
27. Zvino Jesu navadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesaria Firipo; munzira akabvunza vadzidzi vake akati kwavari: Vanhu vanoti ndini aniko?
28. Vakapindura vachiti kwaari: Vamwe vanoti: Johane Mubhabhatidzi; vamwe, Eria, vamwe zve, mumwe wavaporofita.
29. Zvino akavabvunza, akati: Ko imi munoti ndini ani? Petro akapindura, akati kwaari: Ndimi Kristu.
30. Akavaraira zvikuru kuti varege kuzivisa munhu pamsoro pake.
31. Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu unofanira kutambudzika zvizhinji nokurashwa navakuru, navaPirisita vakuru, navanyori, avurawe, amuke zve mazuva matatu apfuvura.
32. Akataura shoko iro pachena. Zvino Petro akaenda naye vari voga, akatanga kumuraira.
33. Asi iye wakatendevuka, ndokutarira vadzidzi vake, akaraira Petro akati: Ibva shure kwangu, Satani, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.
34. Zvino wakadanira kwaari vanhu va zhinji navadzidzi vake, akati kwavari: Kana munhu achida kuvuya shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake, anditevere.
35. Nokuti aninani unoda kuponesa vupenyu bwake, ucharashikirwa nabwo, asi aninani unorashikirwa novupenyu bwake nokuda kwangu nokweEvhangeri, uchavuponesa.
36. Nokuti munhu uchagobatsirweiko kana awana nyika yose akarashikirwa novupenyu hwake?
37. Nokuti munhu ucharipeiko kuti adzikinure vupenyu hwake?
38. Nokuti aninani unonyara pamusoro pamashoko angu parudzi urwu rwovupombwe nokutadza, Mwanakomana womhunhu uchanyara vo pamusoro pake, musi waanovuya nokubwinya kwake naBaba vake navatumwa vatsvene.

  Mark (8/16)