| ← Mark (8/16) → |
| 1. | Namazuva iwayo zvakwakanga kunavazhinji-zhinji, vakanga vasinazvavangadya akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari: |
| 2. | Ndinetsitsi navanhu vazhinji, nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya. |
| 3. | Kana ndikavaendisa kumusha kwavo vanenzara, vachaziya panzira; vamwe vavo vanobva kure. |
| 4. | Vadzidzi vake vakapindura, vakati kwaaari: Munhu ungawanepiko murenje muno, zvingwa zvingagutisa vanhu ava? |
| 5. | Akavabvunza, akati: Munezvingwa zvinganiko? Vakati: Zvinomwe. |
| 6. | Zvino akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi, akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pavazhinji. |
| 7. | Vuye vakanga vanehove duku shomanene; zvino akadziropafadza, akati zviiswe vo pamberi pavo. |
| 8. | Vakadya, vakaguta, ndokuvunganidza zvimedu zvakasara, matengu manomwe. |
| 9. | Vanenge vaiva zvuru zvina; akavaendisa. |
| 10. | Pakarepo akapinda mugwa navadzidzi vake, akasvika kumativi enyika yeDarmanuta. |
| 11. | Zvino vaFarise vakabuda, vakatanga kuita nyaya naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuidza. |
| 12. | Akagomera zvikuru pamweya wake, akati: Rudzi urwu runotsvakireiko chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungapiwi chiratidzo. |
| 13. | Ipapo akavasiya, akapinda zve mugwa, akayambukira mhiri. |
| 14. | Vakanga vakanganwa kutora zvingwa; vakanga vasinezvingwa, asi chimwe bedzi. |
| 15. | Zvino akavaraira, akati: Chenjerai, mutye mbiriso yavaFarise nembiriso yaHerodhe. |
| 16. | Vakarangana vakati: Unodaro nokuti hatine zvingwa. |
| 17. | Zvino Jesu wakati achizviziva, akati kwavari: Munorangana nemhaka yeiko kuti hamunezingwa? Hamuzivi, nokunzwisisa here? Moyo yenyu ichiri mikukutu here? |
| 18. | Zvamunameso, hamuvoni here? Zvamunenzeve, hamunzwi here? Hamurangariri here? |
| 19. | Musi wandakamedurira vanezvuru zvishanu zvingwa zvishanu, makanonga matengu manganiko azere nezvimedu? Vakati kwaari: Gumi namaviri. |
| 20. | Nomusi wandakamedurira vanezvuru zvina zvingwa zvimwe, makanonga matengu manganiko akazadzwa nezvimedu? Vakati: Manomwe. |
| 21. | Akati kwavari: Ko hamunzwisisi nazvino here? |
| 22. | Zvino wakasvika Betsaida; vakavuya nebofu, vakakumbira zvikuru kwaari, kuti amunyangate. |
| 23. | akabata ruvoko rwebofu, akamuisa kunze kwomusha, ndokupfira mate pameso ake, akaisa mavoko pamusoro pake, akamubvunza kana achivona chinhu. |
| 24. | Iye akatarira, akati: ndinovona vanhu, ndinovavona vachifamba vakafanana nemiti. |
| 25. | Zvino akaisa zve mavoko pamusoro pameso ake,iye akatarisisa, akaporeswa akavona zvose zvakanaka. |
| 26. | Akamuendesa kumba kwake akati: usatongopinda mumusha kana kuvudza munhu mumusha. |
| 27. | Zvino Jesu navadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesaria Firipo; munzira akabvunza vadzidzi vake akati kwavari: Vanhu vanoti ndini aniko? |
| 28. | Vakapindura vachiti kwaari: Vamwe vanoti: Johane Mubhabhatidzi; vamwe, Eria, vamwe zve, mumwe wavaporofita. |
| 29. | Zvino akavabvunza, akati: Ko imi munoti ndini ani? Petro akapindura, akati kwaari: Ndimi Kristu. |
| 30. | Akavaraira zvikuru kuti varege kuzivisa munhu pamsoro pake. |
| 31. | Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu unofanira kutambudzika zvizhinji nokurashwa navakuru, navaPirisita vakuru, navanyori, avurawe, amuke zve mazuva matatu apfuvura. |
| 32. | Akataura shoko iro pachena. Zvino Petro akaenda naye vari voga, akatanga kumuraira. |
| 33. | Asi iye wakatendevuka, ndokutarira vadzidzi vake, akaraira Petro akati: Ibva shure kwangu, Satani, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu. |
| 34. | Zvino wakadanira kwaari vanhu va zhinji navadzidzi vake, akati kwavari: Kana munhu achida kuvuya shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake, anditevere. |
| 35. | Nokuti aninani unoda kuponesa vupenyu bwake, ucharashikirwa nabwo, asi aninani unorashikirwa novupenyu bwake nokuda kwangu nokweEvhangeri, uchavuponesa. |
| 36. | Nokuti munhu uchagobatsirweiko kana awana nyika yose akarashikirwa novupenyu hwake? |
| 37. | Nokuti munhu ucharipeiko kuti adzikinure vupenyu hwake? |
| 38. | Nokuti aninani unonyara pamusoro pamashoko angu parudzi urwu rwovupombwe nokutadza, Mwanakomana womhunhu uchanyara vo pamusoro pake, musi waanovuya nokubwinya kwake naBaba vake navatumwa vatsvene. |
| ← Mark (8/16) → |