| ← Mark (7/16) → |
| 1. | Zvino vaFarise navamwe vavanyori vaibva Jerusarema, vakavunganira kwaari; |
| 2. | vakavona vamwe vavadzidzi vake vachidya namavoko anetsvina, ndokuti asina kushambwa. |
| 3. | Nokuti vaFarise, navaJudha vose havadyi vasina kumboshamba mavoko kwazvo, vachichengeta tsika dzavakuru. |
| 4. | Kana vachidya padare havangadyi vasina kumboshamba; nezvimwe zvizhinji zviri po zvavakanga vagamuchira, kuti vazvichengete, zvinoti: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira. |
| 5. | Ipapo vaFarise navanyori vakamubvunza, vachiti: Vadzidzi venyu vanoregeiko kufamba netsika dzavakuru, zvavanodya chingwa namavoko anetsvina? |
| 6. | Akati kwavari: Isaya wakaporofita kwazvo pamusoro penyu, imi vanyengeri, sezvakanyorwa, zvichinzi: Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, Asi moyo yavo iri kure neni. |
| 7. | Asi vanondinamata pasina, Vachidzidzisa dzidziso, iri mirairo yavanhu. |
| 8. | Munosiya mirairo yaMwari, muchichengeta tsika dzavanhu. |
| 9. | Akati kwavari: Zvirokwazvo, munoramba murairo waMwari, kuti muchengete tsika dzenyu; |
| 10. | nokuti Mosesi wakati: Kudza baba vako namai vako, vuye, unotuka baba namai, ngaafe norufu. |
| 11. | Asi imi munoti: Kana munhu achiti kunababa vake kana mai vake: Chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri chava Korbani, ndokuti chava chipo kunaMwari, |
| 12. | hamuchamutenderi kuitira baba vake namai vake chinhu. |
| 13. | muchitorera shoko raMwari simba netsika dzenyu dzamakachengeta, nezvinhu zvizhinji zvakadaro munozviita. |
| 14. | Akadanira zve kwaari vanhu vazhinji akati kwavari: Nditererei mose, munzwisise! |
| 15. | Hapanechinhu kunze kwomunhu chingamusvibisa, kana chichipinda maari; asi zvinobuda maari, ndizvo zvinosvibisa munhu. { |
| 16. | Kana munhu anenzeve dzokunzwa, ngaanzwe.} |
| 17. | Zvino; wakati abva kuvanhu vazhinji, apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza zvomufananidzo uyo. |
| 18. | Akati kwavari: Nemi vo hamunzwisisi saizvozvo here? Hamunzwisisi here kuti zvose zviri kunze, kana zvichipinda mumunhu, hazvipindi mumoyo make asi mudumbu, zvichirashwa kunze, kana zvichipinda mumunhu, hazvigoni kumusvibisa? |
| 19. | Nokuti hazvipindi mumoyo make asi mudumbu, zvichirashwa kunze; nokutaura kwakadaro wakanatsa zvokudya zvose. |
| 20. | Ipapo akati: Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinosvibisa munhu. |
| 21. | Nokuti mukati, mumoyo yavanhu munobuda mifungo yakaipa, novupombwe, nokuba, nokuvuraya. |
| 22. | novufeve, noruchiva, nokuipa, nokunyengera, novutere, neziso rinegodo, nokutuka, namanyawi, novupenzi; |
| 23. | zvakaipa izvozvo zvose zvinobva mukati, zvinosvibisa munhu. |
| 24. | Wakasimuka ipapo.akasimuka akaenda kunyika yeTire neSidoni; akapinda mumba, asingadi kuzikanwa nomunhu; akakoniwa kuzvivanza. |
| 25. | Nokuti mumwe mukadzi, waiva nomwanasikana muduku, wakanga anomweya wetsvina, wakati achimunzwa, akavuya akazviwisira pasi petsoka dzake. |
| 26. | Zvino iye mukadzi waiva muGiriki, worudzi rwaveSirofenike; akaramba achikumbira kwaari kuti abudise mweya wakaipa pamwanasikana wake. |
| 27. | Akati kwaari: Vana ngavatange kuguta, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokuchikandira imbwanana. |
| 28. | Akapindura, akati kwaari: Hongu, Ishe, kunyange nembwanana vo dzinodya pasi petafura zvimedu zvavana. |
| 29. | Akati kwaari: Nokuda kweshoko iro, enda; mweya wakaipa wabva pamwanasikana wako, |
| 30. | Akaenda kumba kwake, akawana mwana avete pamubeda, mweya wakaipa wabva. |
| 31. | Zvino wakati achibva zve munyika yeTire, akaenda napakati peSidoni kugungwa reGarirea, napakati penyika yeDhekapori. |
| 32. | Vakaisa kwaari munhu wematsi, waikakamira vakakumbira zvikuru kuti aise ruvoko rwake pamusoro pake. |
| 33. | Akamubvisa pakati pavanhu vazhinji, ndokuenda naye parutivi, akapinza munwe munzeve dzake, akapfira mate, ndokubata rurimi rwake. |
| 34. | Ipapo akatarira kudenga, akagomera akati, kwaari: Efata, ndokuti: Dzivuka. |
| 35. | Pakarepo nzeve dzake dzakadzivuka, chisungo chorurimi rwake chakasununguka, akataura zvakanaka. |
| 36. | Zvino wakavaraira, kuti varege kuvudza vanhu; asi iye achinyanya kuvaraira, ivo vakanyanyisa kuparidza izvozvo. |
| 37. | Vakashamiswa zvikuru-kuru, vachiti: Wakaita zvose zvakanaka; wakaita matsi kuti dzinzwe, nembeveve kuti dzitaure. |
| ← Mark (7/16) → |