Mark (7/16)  

1. Zvino vaFarise navamwe vavanyori vaibva Jerusarema, vakavunganira kwaari;
2. vakavona vamwe vavadzidzi vake vachidya namavoko anetsvina, ndokuti asina kushambwa.
3. Nokuti vaFarise, navaJudha vose havadyi vasina kumboshamba mavoko kwazvo, vachichengeta tsika dzavakuru.
4. Kana vachidya padare havangadyi vasina kumboshamba; nezvimwe zvizhinji zviri po zvavakanga vagamuchira, kuti vazvichengete, zvinoti: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira.
5. Ipapo vaFarise navanyori vakamubvunza, vachiti: Vadzidzi venyu vanoregeiko kufamba netsika dzavakuru, zvavanodya chingwa namavoko anetsvina?
6. Akati kwavari: Isaya wakaporofita kwazvo pamusoro penyu, imi vanyengeri, sezvakanyorwa, zvichinzi: Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, Asi moyo yavo iri kure neni.
7. Asi vanondinamata pasina, Vachidzidzisa dzidziso, iri mirairo yavanhu.
8. Munosiya mirairo yaMwari, muchichengeta tsika dzavanhu.
9. Akati kwavari: Zvirokwazvo, munoramba murairo waMwari, kuti muchengete tsika dzenyu;
10. nokuti Mosesi wakati: Kudza baba vako namai vako, vuye, unotuka baba namai, ngaafe norufu.
11. Asi imi munoti: Kana munhu achiti kunababa vake kana mai vake: Chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri chava Korbani, ndokuti chava chipo kunaMwari,
12. hamuchamutenderi kuitira baba vake namai vake chinhu.
13. muchitorera shoko raMwari simba netsika dzenyu dzamakachengeta, nezvinhu zvizhinji zvakadaro munozviita.
14. Akadanira zve kwaari vanhu vazhinji akati kwavari: Nditererei mose, munzwisise!
15. Hapanechinhu kunze kwomunhu chingamusvibisa, kana chichipinda maari; asi zvinobuda maari, ndizvo zvinosvibisa munhu. {
16. Kana munhu anenzeve dzokunzwa, ngaanzwe.}
17. Zvino; wakati abva kuvanhu vazhinji, apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza zvomufananidzo uyo.
18. Akati kwavari: Nemi vo hamunzwisisi saizvozvo here? Hamunzwisisi here kuti zvose zviri kunze, kana zvichipinda mumunhu, hazvipindi mumoyo make asi mudumbu, zvichirashwa kunze, kana zvichipinda mumunhu, hazvigoni kumusvibisa?
19. Nokuti hazvipindi mumoyo make asi mudumbu, zvichirashwa kunze; nokutaura kwakadaro wakanatsa zvokudya zvose.
20. Ipapo akati: Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinosvibisa munhu.
21. Nokuti mukati, mumoyo yavanhu munobuda mifungo yakaipa, novupombwe, nokuba, nokuvuraya.
22. novufeve, noruchiva, nokuipa, nokunyengera, novutere, neziso rinegodo, nokutuka, namanyawi, novupenzi;
23. zvakaipa izvozvo zvose zvinobva mukati, zvinosvibisa munhu.
24. Wakasimuka ipapo.akasimuka akaenda kunyika yeTire neSidoni; akapinda mumba, asingadi kuzikanwa nomunhu; akakoniwa kuzvivanza.
25. Nokuti mumwe mukadzi, waiva nomwanasikana muduku, wakanga anomweya wetsvina, wakati achimunzwa, akavuya akazviwisira pasi petsoka dzake.
26. Zvino iye mukadzi waiva muGiriki, worudzi rwaveSirofenike; akaramba achikumbira kwaari kuti abudise mweya wakaipa pamwanasikana wake.
27. Akati kwaari: Vana ngavatange kuguta, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokuchikandira imbwanana.
28. Akapindura, akati kwaari: Hongu, Ishe, kunyange nembwanana vo dzinodya pasi petafura zvimedu zvavana.
29. Akati kwaari: Nokuda kweshoko iro, enda; mweya wakaipa wabva pamwanasikana wako,
30. Akaenda kumba kwake, akawana mwana avete pamubeda, mweya wakaipa wabva.
31. Zvino wakati achibva zve munyika yeTire, akaenda napakati peSidoni kugungwa reGarirea, napakati penyika yeDhekapori.
32. Vakaisa kwaari munhu wematsi, waikakamira vakakumbira zvikuru kuti aise ruvoko rwake pamusoro pake.
33. Akamubvisa pakati pavanhu vazhinji, ndokuenda naye parutivi, akapinza munwe munzeve dzake, akapfira mate, ndokubata rurimi rwake.
34. Ipapo akatarira kudenga, akagomera akati, kwaari: Efata, ndokuti: Dzivuka.
35. Pakarepo nzeve dzake dzakadzivuka, chisungo chorurimi rwake chakasununguka, akataura zvakanaka.
36. Zvino wakavaraira, kuti varege kuvudza vanhu; asi iye achinyanya kuvaraira, ivo vakanyanyisa kuparidza izvozvo.
37. Vakashamiswa zvikuru-kuru, vachiti: Wakaita zvose zvakanaka; wakaita matsi kuti dzinzwe, nembeveve kuti dzitaure.

  Mark (7/16)