Mark (6/16)  

1. Wakabvapo, akasvika kunyika yake. Vadzidzi vake vakamutevera.
2. Musi wesabata wakati wasvika, akatanga kudzidzisa musinagoge, vanhu vazhinji vakati vachimunzwa, vakashamiswa vachiti, munhu uyu wawanepiko izvozvi? Kuchenjera kwakapiwa munhu uyu ndokweiko? Namabasa esimba akadai anoitwa namavoko ake?
3. Ko uyu haazi muvezi here, mwanakomana waMaria, nomukoma waJakobho naJose naJudha naSimoni? Nehanzvadzi dzake hadzisi pakati pedu here? Vakagumburwa naye.
4. Jesu akati kwavari, muporofita haangashaiwi kukudzwa, asi munyika yake, nokuhama dzake, nomumba make.
5. Akasagona kubata basa resimba ipapo asi wakaisa mavoko ake pamusoro pavairwara vashoma, akavaporesa.
6. Akashamiswa nokusatenda kwavo. Ipapo wakapota nemisha achidzidzisa.
7. Zvino wakadanira kwaari vane gumi navaviri, akatanga kuvatuma vaviri-vaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina.
8. Akavaraira kuti varege kutongotora zvomunzira asi mudonzvo bedzi. Varege kutora chingwa nehombodo nemari muchikwama.
9. Asi vafuke shangu, varege kupfeka nguvo mbiri.
10. Akati kwavari pose pamunopinda mumba mugaremo, kusvikira muchibvapo.
11. Pose pavasingakugamuchiriyi nokukunzwai, kana muchibvapo, muzuze guruva riri patsoka dzenyu, chive chapupu kwavari.
12. Vakabuda, vakaparidza kuti vanhu vatendevuke.
13. Vakabudisa mweya yakaipa mizhinji, vakazodza vazhinji vairwara mafuta, vachivaporesa.
14. Zvino mambo Herodhe wakazvinzwa, nokuti zita rake rakanga rakurumbira, akati: Johane Mubhabhatidzi wakamuka kuvakafa, saka masimba awa anobata maari.
15. Vamwe vakati: NdiEria; vamwe vakati: Muporofita wakafanana nomumwe wavaporofita.
16. Asi Herodhe wakati achizvinzwa, akati: NdiJohane wakamuka, kuvakafa uya wandakagura musoro.
17. Nokuti Herodhe wakanga atuma vanhu, akabata Johane, akamusunga mutorongo nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripo, mununun’una wake, nokuti wakanga amuwana.
18. Nokuti Johane wakanga ati kunaHerodhe: Haunakutenderwa kuti uve nomukadzi womunun’una wako.
19. Herodhiasi akamuvenga, akada kumuvuraya, akasagona;
20. nokuti Herodhe wakanga achitya Johane, achiziva kuti munhu wakarurama, mutsvene, akamuchengeta zvakanaka. Wakati amunzwa, akakanganiswa kwazvo, akasifara kumunzwa.
21. Asi zuva rakafanira rakati rasvika, Herodhe nezuva rokuberekwa kwake akaitira madzishe ake navakuru vezvuru zvamazana navabati vakuru veGarirea mutambo mukuru;
22. zvino mwanasikana waHerodhiasi amene wakapinda, akatamba, akafadza Herodhe navakanga vagere pakudya naye; mambo akati kumwanasikana: Kumbira kwandiri chaunoda, ndikupe.
23. Akamupikira, achiti: Chaunokumbira kwandiri ndichakupa, kusvikira pahafu yovushe hwangu.
24. Akabuda, akati kunamai vake: Ndichakumbireiko? Vakati: Musoro waJohane Mubhabhatidzi.
25. Pakarepo akakurumidza kupinda kunamambo, akakumbira achiti ndinoda kuti mundipe mundiro ikozvino musoro waJohane mubhabhatidzi.
26. Ipapo mambo akazvidya moyo kwazvo, asi wakanga asingadi kumurambira nokuda kwokupika kwake, vuye nokuda kwavakanga vagere naye pakudya.
27. Pakarepo mambo akatuma murwi, akaraira kuti avuye nomusoro wake.
28. Akaenda, akamugura musoro mutorongo, akavuya nomusoro wake mundiro, akaupa musikana, musikana ndokuupa mai vake.
29. Vadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakavuya vakatora mutumbu wake, vakauviga mubwiro.
30. Zvino vaapostora vakavunganira kunaJesu, vakamuvudza zvose zvavakanga vaita, nezvavakanga vadzidzisa.
31. Akati kwavari: Vuyai imi muri moga kunzvimbo murenje, muzorore zvishoma; nokuti kwakanga kunavazhinji vaivuya navaienda, vakasava nenguva kunyange yokudya.
32. Vakaenda negwa kunzvimbo murenje vari voga.
33. Vanhu vakavavona vachienda, vazhinji vakamuziva, vakamhanyira vose ikoko, vachibva pamaguta ose, vakavatangira kusvika kwaari.
34. Zvino wakati achibuda mugwa, akavona vazhinji-zhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakafanana namakwai asinomufudzi; akatanga kuvadzidzisa; zvizhinji.
35. Zvino zuva rodo kuvira, vadzidzi vake vakavuya kwaari, vakati: Pano inzvimbo murenje, zuva rodo-kuvira;
36. vaendisei, kuti vaende kuruwa nemisha yakapoteredza, vandozvitengera zvokudya nokuti hapana chavangadya.
37. Akapindura, akati kwavari: imi muvapei zvavangadya. Vakati kwaari: Tingaenda kundotenga zvingwa namadhenari anamazana maviri,* tivape vadye here?
38. Akati kwavari: Munezvingwa zvinganiko? Endai mutarire. Vakati vaziva, vakati: Zvishanu, nehove mbiri.
39. Zvino akavaraira kuti vagarise vose pasi pavuswa hunyoro vakaita mapoka-mapoka.
40. Vakagara pasi vakaita mapoka-mapoka anezana naanamakumi mashanu.
41. Zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, akapa vadzidzi vake, kuti vazviise pamberi pavo; nehove mbiri akadzigovera vose.
42. Vakadya vose, vakaguta.
43. Vakavunganidza zvimedu, matengu anegumi namaviri akazadzwa, nezvehove vo.
44. Vakanga vadya zvingwa vaiva varume vanezvuru zvishanu.
45. Pakarepo akagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde mugwa, vamutungamirire kuyambukira mhiri Betsaida, iye achiendisa vanhu vazhinji.
46. Akati awonekana navo, akaenda mugomo kundonyengetera.
47. Ava madekwana igwa rakanga riri pakati pegungwa, iye ari oga panyika.
48. Zvino wakati achivona kuti vanotambudzika nokukwasva, nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa, nenguva inenge seyechina yovusiku, akavuya kwavari achifamba pamusoro pegungwa; akada kupfuvura.
49. Zvino vakati vachimuvona achifamba pamusoro pegungwa, vakati madzimudzangara, vakaridza mhere.
50. Nokuti vose vakamuvona, vakamanikidzwa; akataura navo, akati kwavari: Tsungai moyo, ndini, musatya.
51. Akakwira kwavari mugwa, mhepo ikanyarara; vakashamiswa kwazvo-kwazvo mumoyo yavo.
52. Nokuti vakanga vasati vanzwisisa shoko rezvingwa, nokuti moyo yavo yakanga iri mikukutu.
53. Vakati vayambukira mhiri, vakasvika kunyika yeGenesareti, vakasungira igwa pamhenderekedzo.
54. Vakati vabuda mugwa, pakarepo vanhu vakamuziva,
55. vakamhanyira munyika yose iyo, vakatanga kutakura vairwara panhovo dzavo, vakavaisa pavainzwa kuti ndiko kwaari.
56. Pose paakapinda pamisha napamaguta, naparuwa, vakaradzika vairwara pamigwagwa, vakakumbira zvikuru kwaari kuti vabate kunyange mupendero wenguvo dzake chete; vose vakamubata vakaporeswa.

  Mark (6/16)