| ← Mark (6/16) → |
| 1. | Wakabvapo, akasvika kunyika yake. Vadzidzi vake vakamutevera. |
| 2. | Musi wesabata wakati wasvika, akatanga kudzidzisa musinagoge, vanhu vazhinji vakati vachimunzwa, vakashamiswa vachiti, munhu uyu wawanepiko izvozvi? Kuchenjera kwakapiwa munhu uyu ndokweiko? Namabasa esimba akadai anoitwa namavoko ake? |
| 3. | Ko uyu haazi muvezi here, mwanakomana waMaria, nomukoma waJakobho naJose naJudha naSimoni? Nehanzvadzi dzake hadzisi pakati pedu here? Vakagumburwa naye. |
| 4. | Jesu akati kwavari, muporofita haangashaiwi kukudzwa, asi munyika yake, nokuhama dzake, nomumba make. |
| 5. | Akasagona kubata basa resimba ipapo asi wakaisa mavoko ake pamusoro pavairwara vashoma, akavaporesa. |
| 6. | Akashamiswa nokusatenda kwavo. Ipapo wakapota nemisha achidzidzisa. |
| 7. | Zvino wakadanira kwaari vane gumi navaviri, akatanga kuvatuma vaviri-vaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina. |
| 8. | Akavaraira kuti varege kutongotora zvomunzira asi mudonzvo bedzi. Varege kutora chingwa nehombodo nemari muchikwama. |
| 9. | Asi vafuke shangu, varege kupfeka nguvo mbiri. |
| 10. | Akati kwavari pose pamunopinda mumba mugaremo, kusvikira muchibvapo. |
| 11. | Pose pavasingakugamuchiriyi nokukunzwai, kana muchibvapo, muzuze guruva riri patsoka dzenyu, chive chapupu kwavari. |
| 12. | Vakabuda, vakaparidza kuti vanhu vatendevuke. |
| 13. | Vakabudisa mweya yakaipa mizhinji, vakazodza vazhinji vairwara mafuta, vachivaporesa. |
| 14. | Zvino mambo Herodhe wakazvinzwa, nokuti zita rake rakanga rakurumbira, akati: Johane Mubhabhatidzi wakamuka kuvakafa, saka masimba awa anobata maari. |
| 15. | Vamwe vakati: NdiEria; vamwe vakati: Muporofita wakafanana nomumwe wavaporofita. |
| 16. | Asi Herodhe wakati achizvinzwa, akati: NdiJohane wakamuka, kuvakafa uya wandakagura musoro. |
| 17. | Nokuti Herodhe wakanga atuma vanhu, akabata Johane, akamusunga mutorongo nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripo, mununun’una wake, nokuti wakanga amuwana. |
| 18. | Nokuti Johane wakanga ati kunaHerodhe: Haunakutenderwa kuti uve nomukadzi womunun’una wako. |
| 19. | Herodhiasi akamuvenga, akada kumuvuraya, akasagona; |
| 20. | nokuti Herodhe wakanga achitya Johane, achiziva kuti munhu wakarurama, mutsvene, akamuchengeta zvakanaka. Wakati amunzwa, akakanganiswa kwazvo, akasifara kumunzwa. |
| 21. | Asi zuva rakafanira rakati rasvika, Herodhe nezuva rokuberekwa kwake akaitira madzishe ake navakuru vezvuru zvamazana navabati vakuru veGarirea mutambo mukuru; |
| 22. | zvino mwanasikana waHerodhiasi amene wakapinda, akatamba, akafadza Herodhe navakanga vagere pakudya naye; mambo akati kumwanasikana: Kumbira kwandiri chaunoda, ndikupe. |
| 23. | Akamupikira, achiti: Chaunokumbira kwandiri ndichakupa, kusvikira pahafu yovushe hwangu. |
| 24. | Akabuda, akati kunamai vake: Ndichakumbireiko? Vakati: Musoro waJohane Mubhabhatidzi. |
| 25. | Pakarepo akakurumidza kupinda kunamambo, akakumbira achiti ndinoda kuti mundipe mundiro ikozvino musoro waJohane mubhabhatidzi. |
| 26. | Ipapo mambo akazvidya moyo kwazvo, asi wakanga asingadi kumurambira nokuda kwokupika kwake, vuye nokuda kwavakanga vagere naye pakudya. |
| 27. | Pakarepo mambo akatuma murwi, akaraira kuti avuye nomusoro wake. |
| 28. | Akaenda, akamugura musoro mutorongo, akavuya nomusoro wake mundiro, akaupa musikana, musikana ndokuupa mai vake. |
| 29. | Vadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakavuya vakatora mutumbu wake, vakauviga mubwiro. |
| 30. | Zvino vaapostora vakavunganira kunaJesu, vakamuvudza zvose zvavakanga vaita, nezvavakanga vadzidzisa. |
| 31. | Akati kwavari: Vuyai imi muri moga kunzvimbo murenje, muzorore zvishoma; nokuti kwakanga kunavazhinji vaivuya navaienda, vakasava nenguva kunyange yokudya. |
| 32. | Vakaenda negwa kunzvimbo murenje vari voga. |
| 33. | Vanhu vakavavona vachienda, vazhinji vakamuziva, vakamhanyira vose ikoko, vachibva pamaguta ose, vakavatangira kusvika kwaari. |
| 34. | Zvino wakati achibuda mugwa, akavona vazhinji-zhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakafanana namakwai asinomufudzi; akatanga kuvadzidzisa; zvizhinji. |
| 35. | Zvino zuva rodo kuvira, vadzidzi vake vakavuya kwaari, vakati: Pano inzvimbo murenje, zuva rodo-kuvira; |
| 36. | vaendisei, kuti vaende kuruwa nemisha yakapoteredza, vandozvitengera zvokudya nokuti hapana chavangadya. |
| 37. | Akapindura, akati kwavari: imi muvapei zvavangadya. Vakati kwaari: Tingaenda kundotenga zvingwa namadhenari anamazana maviri,* tivape vadye here? |
| 38. | Akati kwavari: Munezvingwa zvinganiko? Endai mutarire. Vakati vaziva, vakati: Zvishanu, nehove mbiri. |
| 39. | Zvino akavaraira kuti vagarise vose pasi pavuswa hunyoro vakaita mapoka-mapoka. |
| 40. | Vakagara pasi vakaita mapoka-mapoka anezana naanamakumi mashanu. |
| 41. | Zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, akapa vadzidzi vake, kuti vazviise pamberi pavo; nehove mbiri akadzigovera vose. |
| 42. | Vakadya vose, vakaguta. |
| 43. | Vakavunganidza zvimedu, matengu anegumi namaviri akazadzwa, nezvehove vo. |
| 44. | Vakanga vadya zvingwa vaiva varume vanezvuru zvishanu. |
| 45. | Pakarepo akagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde mugwa, vamutungamirire kuyambukira mhiri Betsaida, iye achiendisa vanhu vazhinji. |
| 46. | Akati awonekana navo, akaenda mugomo kundonyengetera. |
| 47. | Ava madekwana igwa rakanga riri pakati pegungwa, iye ari oga panyika. |
| 48. | Zvino wakati achivona kuti vanotambudzika nokukwasva, nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa, nenguva inenge seyechina yovusiku, akavuya kwavari achifamba pamusoro pegungwa; akada kupfuvura. |
| 49. | Zvino vakati vachimuvona achifamba pamusoro pegungwa, vakati madzimudzangara, vakaridza mhere. |
| 50. | Nokuti vose vakamuvona, vakamanikidzwa; akataura navo, akati kwavari: Tsungai moyo, ndini, musatya. |
| 51. | Akakwira kwavari mugwa, mhepo ikanyarara; vakashamiswa kwazvo-kwazvo mumoyo yavo. |
| 52. | Nokuti vakanga vasati vanzwisisa shoko rezvingwa, nokuti moyo yavo yakanga iri mikukutu. |
| 53. | Vakati vayambukira mhiri, vakasvika kunyika yeGenesareti, vakasungira igwa pamhenderekedzo. |
| 54. | Vakati vabuda mugwa, pakarepo vanhu vakamuziva, |
| 55. | vakamhanyira munyika yose iyo, vakatanga kutakura vairwara panhovo dzavo, vakavaisa pavainzwa kuti ndiko kwaari. |
| 56. | Pose paakapinda pamisha napamaguta, naparuwa, vakaradzika vairwara pamigwagwa, vakakumbira zvikuru kwaari kuti vabate kunyange mupendero wenguvo dzake chete; vose vakamubata vakaporeswa. |
| ← Mark (6/16) → |