Mark (5/16)  

1. Vakasvika mhiri kwegungwa kunyika yavaGerasa.
2. Zvino wakati abuda mugwa, pakarepo akasongana nomunhu waiva nomweya wetsvina, achibva kumarinda.
3. Uyo waigara mumarinda, kwakanga kusina munhu wakanga achagona kumusunga kunyange neketani.
4. Nokuti kazhinji waisungwa nezvisungo zvamakumbo namaketani asi waidambura maketani nokudashura zvisungo. Kwakanga kusina munhu waigona kumunyorovesa.
5. Nguva dzose vusiku namasikakti, waigara mumarinda nomumakomo achidanidzira, achizvicheka namabwe.
6. Zvino wakati achivona Jesu ari kure, akamhanya, ndokumunamata.
7. Akadanidzira nenzwi guru akati, ndine mhaka yeiko nemi Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Ndinokupikirai naMwari kuti murege kunditambudza.
8. Nokuti akati kwaari, buda pamunhu iwe mweya wetsvina!
9. Akamubvunza akati, zita rako ndianiko? Akati kwaari, Regioni ndiro zita rangu nokuti tiri vazhinji.
10. Akakumbira zvikuru kwaari kuti arege kuidzinga panyika iyo.
11. Zvino kwakanga kuripo pagomo boka guru renguruve dzakanga dzichifura.
12. Ikakumbira zvikuru kwaari ichiti, titumirei kunguruve kuti tindopinda madziri.
13. Akaitendera. Mweya yetsvina ikabuda ikapinda munguruve. Boka rikamhanyira kumawere kugungwa, dzinenge dzaiva zvuru zviviri, dzikafira mugungwa.
14. Vaidzifudza vakatiza vakandovudza izvozvo muguta naparuwa. Vakavuya kuzovona zvaitwa.
15. Vakavuya kuna Jesu vakavona wakanga ane mweya yakaipa agere, akapfeka ari munhu kwaye, iye waiva neRegioni vakatya.
16. Vaya, vakanga vazvivona, vakarondedzera zvakaitirwa, iye wakanga ane mweya yakaipa nenguruvevo.
17. Vakatanga kukumbira zvikuru kwaari kuti abve munyika yavo.
18. Zvino wakati achipinda mugwa, iye waiva nemweya yakaipa akakumbira zvikuru kwaari kuti agare naye.
19. Asi Jesu haana kumutendera, asi wakati kwaari, enda kumba kwako, kuhama dzako, uvaudze zvinhu zvikuru zvawakaitirwa naShe, napawakaitirwa ngoni napo.
20. Akaenda akatanga kuparidza munyika yeDhekapori zvinhu zvikuru zvaakaitirwa naJesu. Vakashamiswa vose.
21. Jesu wakati ayambukira mhiri negwa, vanhu vazhinji vakavunganira kwaari, wakanga ari pagungwa.
22. Mumwe wavakuru vesinagoge wainzi Jairosi akasvika, akati achimuvona, akazviwisira pasi petsoka dzake.
23. Akakumbira zvikuru kwaari achiti, mukunda wangu muduku wotandadza, vuyai muise mavoko enyu pamusoro pake aporeswe ararame.
24. Akaenda naye, vanhu vazhinji vakamutevera, vachimumanikidza.
25. Zvino mumwe mukadzi waiva nokurwara kwokubuda ropa makore anegumi namaviri.
26. Wakanga avoneswa nhamo nevarapi vazhinji, apedza zvose zvaakanga anazvo, asina kutongobatsirwa, asi kungonyanyiswa.
27. Wakati anzwa zvaJesu, akavuya pakati pavanhu vazhinji vaiva mashure, akabata nguvo yake.
28. Nokuti wakati, kana ndikabata nguvo yake bedzi, ndichaponeswa.
29. Pakarepo tsime rake reropa rikapwa, akanzwa muviri wake kuti waporeswa pakurwara kwake.
30. Pakarepo Jesu wakati achiziva mukati make kuti simba rakabuda kwaari, akatendevuka pakati pavanhu vazhinji akati, ndianiko wabata nguvo dzangu?
31. Vadzidzi vake vakati kwaari, munovona vanhu vazhinji vanokumanikidzai, zvino mungati seiko ndiani wandibata?
32. Zvino wakaringa-ringa kuti avone wakaita izvozvo.
33. Mukadzi wakatya nokudedera achiziva zvaaitirwa, akavuya ndokuzviwisira pamberi pake, ndokumuvudza zvirokwazvo zvose.
34. Akati kwaari, mukunda, kutenda kwako kwakuponesa, enda norugare, upore pakurwara kwako.
35. Wakati achataura vamwe veimba yomukuru wesinagoge vakasvika vakati, mukunda wenyu wafa, muchatambudzireiko mudzidzisi?
36. Jesu wakati achinzwa shoko rakataurwa akati kumukuru wesinagoge, usatya tenda bedzi.
37. Akasatendera munhu kumutevera asi, Petro naJakobho naJohane munun’una waJakobho.
38. Vakasvika mumba momukuru wesinagoge, akawana iri mhere-mhere navanochema zvikuru navanorira.
39. Akapinda akati, kwavari, munoitireiko mhere-mhere muchichema? Mwana haana kufa asi uvete.
40. Vakamuseka. Akavabudisa vose, akatora baba vomwana namai navaakanga anavo, akapinda kwakanga kunomwana.
41. Akabata ruvoko rwomwana, akati kwaari, Tarita kumi! Ndokuti kana zvichishandurwa, musikana ndinoti kwauri, Muka!
42. Pakarepo musikana wakasimuka, akafamba, nokuti waiva namakore anegumi namaviri. Vakashamiswa nokushama kukuru.
43. Akavaraira zvikuru kuti zvirege kuzikanwa nomunhu. Akati, ngaapiwe zvokudya.

  Mark (5/16)