← Mark (4/16) → |
1. | Zvino wakatangazve kudzidzisa pagungwa. Vanhu vazhinji-zhinji vakavunganira kwaari, nokudaro wakapinda mugwa. Akagaramo mugungwa. Vazhinji vose vakanga vari pedo negungwa pamhenderekedzo. |
2. | Akavadzidzisa zvizhinji nemifananidzo akati kwavari pakudzidzisa kwake, |
3. | Teererai, mukushi wakabuda kundokusha. |
4. | Wakati achikusha dzimwe mbeu dzakawira panzira; Shiri dzokudenga dzikavuya dzikadzidya. |
5. | Dzimwe dzakawira parukangarabwe, padzakanga dzisinevhu zhinji. Dzikamera pakarepo nokuti dzakanga dzisinevhu rakadzika. |
6. | Asi zuva rakati rabuda, dzikapiswa dzikawoma nokuti dzakanga dzisina mudzi. |
7. | Dzimwe dzakawira miminzwa, minzwa ikamera ikadzivhunga, dzikasabereka zvibereko. |
8. | Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikabereka zvibereko nokuti dzakakura dzikawanza dzikabereka makumi matatu namakumi matanhatu nezana. |
9. | Akati kwavari, une nzeve dzokunzwa ngaanzwe. |
10. | Wakati ari oga, vakanga vanaye navanegumi navaviri vakamubvunza zvemifananidzo. |
11. | Akati kwavari, imi makapiwa zvakavanzika zvovushe hwaMwari asi kunaava vari kunze zvose zvinoitwa nemifananidzo. |
12. | Kuti kuvona vavone asi varege kuvonesesa nokunzwa vanzwe asi varege kunzwisisa kuti zvimwe varege kutendevuka, vakangamwirwe zvivi zvavo. |
13. | Zvino akati kwavari, hamuzivi here mufanandizo uyu? Muchaziva seiko mifananidzo yose? |
14. | Mukushi unokusha shoko. |
15. | Vari munzira panokushwa shoko ndivo vanoti kana vanzwa, pakarepo Satani unovuya ndokubvisa shoko rakakushwa mukati mavo. |
16. | Navakakushwa parukangarabwe vakaita saizvozvo, ndivo vanoti kana vanzwa shoko rakakushwa, vanorigamuchira pakarepo nomufaro, |
17. | Asi havanomudzi mavari, asi ndivo vechinguva chiduku. Pashure kana kutambudzika nokuvengwa zvichivuya nokuda kweshoko, pakarepo vanogumburwa. |
18. | Vamwe vanokushwa muminzwa ndivo vanonzwa shoko, |
19. | asi kufunganya kwenyika nokunyengera kwefuma nokuchiva zvimwe zvinopinda zvichivhunga shoko, rikashaiwa zvibereko. |
20. | Vakakushwa muvhu rakanaka ndivo vanonzwa shoko, vakarigamuchira, vakabereka mumwe makumi matatu, mumwe makumi matanhatu, mumwe zana. |
21. | Zvino wakati kwavari, mwenje uripo kuti uiswe pasi pedengu kana pasi pomubhedha here? Hauzipo kuti uiswe pachigadziko here? |
22. | Nokuti hapana chinhu chakavanzika chisingazovoneswi, hapana chakavigwa chisingazobudi pachena. |
23. | Kana munhu ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe. |
24. | Zvino akati kwavari, chenjerai zvamunonzwa, chiyero chamunoyera nacho nemi muchayerwa nacho, mukawedzerwa. |
25. | Nokuti unacho uchapiwa, asi usina uchatorerwa nechaanacho. |
26. | Zvino akati, vushe bwaMwari bwakafanana nomunhu unodzvara mbeu muvhu. |
27. | Akavata akamuka,vusiku namasikati, mbeu inomera ichikura iye asingazivi kuti zvinoitika sei. |
28. | Ivhu rinongobereka haro, pakutanga chipande, pashure hura, pashure zviyo zvakakora pahura. |
29. | Kana zvibereko zvaibva, pakarepo unocheka nebanga nokuti kucheka kwasvika |
30. | Zvino wakati, vushe hwaMwari tichahufananidza neiko? Tichahwuenzanisira nomufananidzo upiko? |
31. | Hwakafanana netsanga yemastarda, iyo kana ichidzvarwa muvhu iduku kumbeu dzose dzapanyika. |
32. | Asi kana yadzvarwa, inomera ichiva huru kumirivo yose ichiita matavi makuru akadaro kuti shiri dzokudenga dzinogara pamumvuri wayo. |
33. | Akasireva shoko kwavari nemifananidzo mizhinji yakadaro, pavaigona kunzwa napo. |
34. | Haana kutaura navo kunze kwemifananidzo asi waidudzira vadzidzi vake zvose vari voga. |
35. | Zvino nezuva iro ava madekwana wakati kwavari, ngatiyambukire mhiri. |
36. | Vakasiya vanhu vazhinji vakaenda naye mugwa akangodaro mamwe magwa akanga aiva naye. |
37. | Zvino dutu guru remhepo rakamuka, mafungu emvura akarova mugwa, rikange roda kuzara. |
38. | Asi Iye wakanga ari mushure megwa avete pamutsago, vakamumutsa, vakati kwaari, mudzidzisi, hamunehanya kunyangwe tofa here? |
39. | Akamuka akaraira mhepo, akati kugungwa, nyarara ugadzikane! Mhepo ikanyarara, kudzikama kukuru kukavapo. |
40. | Zvino akati kwavari, munotyireiko kudaro? Hamunokutenda here? |
41. | Vakatya nokutya kukuru, vakataurirana vachiti, ndianiko uyu nokuti mhepo kunyange negungwa zvinomuteerera. |
← Mark (4/16) → |