Mark (4/16)  

1. Zvino wakatangazve kudzidzisa pagungwa. Vanhu vazhinji-zhinji vakavunganira kwaari, nokudaro wakapinda mugwa. Akagaramo mugungwa. Vazhinji vose vakanga vari pedo negungwa pamhenderekedzo.
2. Akavadzidzisa zvizhinji nemifananidzo akati kwavari pakudzidzisa kwake,
3. Teererai, mukushi wakabuda kundokusha.
4. Wakati achikusha dzimwe mbeu dzakawira panzira; Shiri dzokudenga dzikavuya dzikadzidya.
5. Dzimwe dzakawira parukangarabwe, padzakanga dzisinevhu zhinji. Dzikamera pakarepo nokuti dzakanga dzisinevhu rakadzika.
6. Asi zuva rakati rabuda, dzikapiswa dzikawoma nokuti dzakanga dzisina mudzi.
7. Dzimwe dzakawira miminzwa, minzwa ikamera ikadzivhunga, dzikasabereka zvibereko.
8. Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikabereka zvibereko nokuti dzakakura dzikawanza dzikabereka makumi matatu namakumi matanhatu nezana.
9. Akati kwavari, une nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
10. Wakati ari oga, vakanga vanaye navanegumi navaviri vakamubvunza zvemifananidzo.
11. Akati kwavari, imi makapiwa zvakavanzika zvovushe hwaMwari asi kunaava vari kunze zvose zvinoitwa nemifananidzo.
12. Kuti kuvona vavone asi varege kuvonesesa nokunzwa vanzwe asi varege kunzwisisa kuti zvimwe varege kutendevuka, vakangamwirwe zvivi zvavo.
13. Zvino akati kwavari, hamuzivi here mufanandizo uyu? Muchaziva seiko mifananidzo yose?
14. Mukushi unokusha shoko.
15. Vari munzira panokushwa shoko ndivo vanoti kana vanzwa, pakarepo Satani unovuya ndokubvisa shoko rakakushwa mukati mavo.
16. Navakakushwa parukangarabwe vakaita saizvozvo, ndivo vanoti kana vanzwa shoko rakakushwa, vanorigamuchira pakarepo nomufaro,
17. Asi havanomudzi mavari, asi ndivo vechinguva chiduku. Pashure kana kutambudzika nokuvengwa zvichivuya nokuda kweshoko, pakarepo vanogumburwa.
18. Vamwe vanokushwa muminzwa ndivo vanonzwa shoko,
19. asi kufunganya kwenyika nokunyengera kwefuma nokuchiva zvimwe zvinopinda zvichivhunga shoko, rikashaiwa zvibereko.
20. Vakakushwa muvhu rakanaka ndivo vanonzwa shoko, vakarigamuchira, vakabereka mumwe makumi matatu, mumwe makumi matanhatu, mumwe zana.
21. Zvino wakati kwavari, mwenje uripo kuti uiswe pasi pedengu kana pasi pomubhedha here? Hauzipo kuti uiswe pachigadziko here?
22. Nokuti hapana chinhu chakavanzika chisingazovoneswi, hapana chakavigwa chisingazobudi pachena.
23. Kana munhu ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
24. Zvino akati kwavari, chenjerai zvamunonzwa, chiyero chamunoyera nacho nemi muchayerwa nacho, mukawedzerwa.
25. Nokuti unacho uchapiwa, asi usina uchatorerwa nechaanacho.
26. Zvino akati, vushe bwaMwari bwakafanana nomunhu unodzvara mbeu muvhu.
27. Akavata akamuka,vusiku namasikati, mbeu inomera ichikura iye asingazivi kuti zvinoitika sei.
28. Ivhu rinongobereka haro, pakutanga chipande, pashure hura, pashure zviyo zvakakora pahura.
29. Kana zvibereko zvaibva, pakarepo unocheka nebanga nokuti kucheka kwasvika
30. Zvino wakati, vushe hwaMwari tichahufananidza neiko? Tichahwuenzanisira nomufananidzo upiko?
31. Hwakafanana netsanga yemastarda, iyo kana ichidzvarwa muvhu iduku kumbeu dzose dzapanyika.
32. Asi kana yadzvarwa, inomera ichiva huru kumirivo yose ichiita matavi makuru akadaro kuti shiri dzokudenga dzinogara pamumvuri wayo.
33. Akasireva shoko kwavari nemifananidzo mizhinji yakadaro, pavaigona kunzwa napo.
34. Haana kutaura navo kunze kwemifananidzo asi waidudzira vadzidzi vake zvose vari voga.
35. Zvino nezuva iro ava madekwana wakati kwavari, ngatiyambukire mhiri.
36. Vakasiya vanhu vazhinji vakaenda naye mugwa akangodaro mamwe magwa akanga aiva naye.
37. Zvino dutu guru remhepo rakamuka, mafungu emvura akarova mugwa, rikange roda kuzara.
38. Asi Iye wakanga ari mushure megwa avete pamutsago, vakamumutsa, vakati kwaari, mudzidzisi, hamunehanya kunyangwe tofa here?
39. Akamuka akaraira mhepo, akati kugungwa, nyarara ugadzikane! Mhepo ikanyarara, kudzikama kukuru kukavapo.
40. Zvino akati kwavari, munotyireiko kudaro? Hamunokutenda here?
41. Vakatya nokutya kukuru, vakataurirana vachiti, ndianiko uyu nokuti mhepo kunyange negungwa zvinomuteerera.

  Mark (4/16)