| ← Mark (3/16) → |
| 1. | Wakapindazve musinagoge, zvino kwakanga kunomunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana. |
| 2. | Vakamutarisisa kuvona kana angamuporesa nomusi wesabata kuti vamupomere mhosva. |
| 3. | Zvino wakati kumunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana, simuka pakati pavo! |
| 4. | Akati kwavari, zvakatenderwa here nesabata kuita zvakanaka kana zvakaipa, kuponesa munhu kana kuvuraya? Vakanyarara. |
| 5. | Zvino wakati aringa-ringa achivatarira nokutsamwa ane shungu nokuda kokuwoma kwemoyo yavo. Akati kumunhu, tambanudza ruvoko rwako. Akarutambanudza ruvoko rwake rukaporeswa rukava sorumwe. |
| 6. | Zvino vaFarise vakati vabuda vakandorangana pakarepo navaHerodhe pamusoro pake kuti vangamuvuraya sei. |
| 7. | Zvino Jesu wakaenda navadzidzi vake kugungwa, vanhu vazhinji vakamutevera vachibva Garirea nokuJudhea, |
| 8. | neJerusarema neIdumea nemhiri kwaJoridhani nokunyika yeTire neSidhoni, vanhu vazhinji-zhinji vakati vanzwa zvaanoita vakavuya kwaari. |
| 9. | Akavudza vadzidzi vake kuti kagwa kamugarire nokuda kwavazhinji kuti varege kumumanikidza. |
| 10. | Nokuti wakanga aporesa vazhinji, naizvozvo vose vakanga vana marwere vakamumanikidza kuti vamunyangate. |
| 11. | Nemweya yetsvina yakati yamuvona yaiwira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti, Ndiwe Mwanakomana waMwari! |
| 12. | Akairaira zvikuru kuti irege kumuzivisa pachena. |
| 13. | Zvino wakakwira mugomo akadana vaakanga achida, vakavuya kwaari. |
| 14. | Akagadza vanegumi navaviri kuti vagare naye, avatume kuti vaparidze; |
| 15. | Vuye vave nesimba rekuporesa nokubudisa mweya yakaipa. |
| 16. | Akatumidza Simoni zita rinonzi Petro, |
| 17. | naJakobho mwanakomana waZebhedi naJohane munun’una waJakobho akavatumidza ivo mazita anonzi Boanergesi ndokuti vanakomana vokutinhira; |
| 18. | naAndrea naFiripo naBartoromeo naTomasi naJakobho mwanakomana waArfeo naTadeo naSimoni muKanani. |
| 19. | naJudhasi Iskarioti wakamupa ndukiravo. Zvino wakapinda mumba |
| 20. | vazhinji vakavungana naye nokudaro vakanga vasingagoni kunyange kudya chingwa. |
| 21. | Vanhu vokwake vakati vachizvinzwa vakabuda kuzomubata nokuti vakati unopenga. |
| 22. | Navanyori vakanga vaburuka vachibva Jerusarema vakati, una Beerzeburi unodudisa mweya yakaipa nomuchinda wemweya yakaipa. |
| 23. | Zvino akavadanira kwaari akati kwavari nemifananidzo, Satani ungabudisa Satani seiko? |
| 24. | Kana vushe bwuchizvipesanisa, vushe uhwo habwungagoni kumira. |
| 25. | Kana imba ichizvipesanisa, imba iyo haingagoni kumira. |
| 26. | Kana Satani achizvimukira akazvipesanisa haangagoni kumira asi unopera. |
| 27. | Hakuno munhu ungapinda mumba momurume unesimba akatora nhumbi dzake asati ambosunga murume unesimba zvino ungaparadza imba yake. |
| 28. | Zvirokwazvo ndinoti kwamuri vanakomana vavanhu vachakanganwirwa zvivi zvose nokumhura kose kwavanomhura Mwari nako. |
| 29. | Asi aninani wamhura Mweya Mutsvene haangakanganwirwi nokusingaperi asi uri panjodzi yokurashiwa. |
| 30. | Nokuti vakati unomweya wetsvina. |
| 31. | Zvino mai vake navanunu’una vake vakavuya, vakamira kunze vakatumira nhume kwaari kumudana. |
| 32. | Vazhinji vakanga vagere vakamukomba vakati kwaari, tarirai mai venyu navanun’una venyu nehanzvidzi dzenyu vari kunze vachikutsvakai. |
| 33. | Akavapindura akati, mai vangu navanun’una vangu ndivana aniko? |
| 34. | Zvino akaringaringa vanhu vakanga vagere vakamukona akati, tarirai mai vangu navanun’una vangu! |
| 35. | Nokuti aninani unoita kuda kwaMwari ndiye munun’una wangu nehanzvadzi namai. |
| ← Mark (3/16) → |