Mark (3/16)  

1. Wakapindazve musinagoge, zvino kwakanga kunomunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana.
2. Vakamutarisisa kuvona kana angamuporesa nomusi wesabata kuti vamupomere mhosva.
3. Zvino wakati kumunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana, simuka pakati pavo!
4. Akati kwavari, zvakatenderwa here nesabata kuita zvakanaka kana zvakaipa, kuponesa munhu kana kuvuraya? Vakanyarara.
5. Zvino wakati aringa-ringa achivatarira nokutsamwa ane shungu nokuda kokuwoma kwemoyo yavo. Akati kumunhu, tambanudza ruvoko rwako. Akarutambanudza ruvoko rwake rukaporeswa rukava sorumwe.
6. Zvino vaFarise vakati vabuda vakandorangana pakarepo navaHerodhe pamusoro pake kuti vangamuvuraya sei.
7. Zvino Jesu wakaenda navadzidzi vake kugungwa, vanhu vazhinji vakamutevera vachibva Garirea nokuJudhea,
8. neJerusarema neIdumea nemhiri kwaJoridhani nokunyika yeTire neSidhoni, vanhu vazhinji-zhinji vakati vanzwa zvaanoita vakavuya kwaari.
9. Akavudza vadzidzi vake kuti kagwa kamugarire nokuda kwavazhinji kuti varege kumumanikidza.
10. Nokuti wakanga aporesa vazhinji, naizvozvo vose vakanga vana marwere vakamumanikidza kuti vamunyangate.
11. Nemweya yetsvina yakati yamuvona yaiwira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti, Ndiwe Mwanakomana waMwari!
12. Akairaira zvikuru kuti irege kumuzivisa pachena.
13. Zvino wakakwira mugomo akadana vaakanga achida, vakavuya kwaari.
14. Akagadza vanegumi navaviri kuti vagare naye, avatume kuti vaparidze;
15. Vuye vave nesimba rekuporesa nokubudisa mweya yakaipa.
16. Akatumidza Simoni zita rinonzi Petro,
17. naJakobho mwanakomana waZebhedi naJohane munun’una waJakobho akavatumidza ivo mazita anonzi Boanergesi ndokuti vanakomana vokutinhira;
18. naAndrea naFiripo naBartoromeo naTomasi naJakobho mwanakomana waArfeo naTadeo naSimoni muKanani.
19. naJudhasi Iskarioti wakamupa ndukiravo. Zvino wakapinda mumba
20. vazhinji vakavungana naye nokudaro vakanga vasingagoni kunyange kudya chingwa.
21. Vanhu vokwake vakati vachizvinzwa vakabuda kuzomubata nokuti vakati unopenga.
22. Navanyori vakanga vaburuka vachibva Jerusarema vakati, una Beerzeburi unodudisa mweya yakaipa nomuchinda wemweya yakaipa.
23. Zvino akavadanira kwaari akati kwavari nemifananidzo, Satani ungabudisa Satani seiko?
24. Kana vushe bwuchizvipesanisa, vushe uhwo habwungagoni kumira.
25. Kana imba ichizvipesanisa, imba iyo haingagoni kumira.
26. Kana Satani achizvimukira akazvipesanisa haangagoni kumira asi unopera.
27. Hakuno munhu ungapinda mumba momurume unesimba akatora nhumbi dzake asati ambosunga murume unesimba zvino ungaparadza imba yake.
28. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri vanakomana vavanhu vachakanganwirwa zvivi zvose nokumhura kose kwavanomhura Mwari nako.
29. Asi aninani wamhura Mweya Mutsvene haangakanganwirwi nokusingaperi asi uri panjodzi yokurashiwa.
30. Nokuti vakati unomweya wetsvina.
31. Zvino mai vake navanunu’una vake vakavuya, vakamira kunze vakatumira nhume kwaari kumudana.
32. Vazhinji vakanga vagere vakamukomba vakati kwaari, tarirai mai venyu navanun’una venyu nehanzvidzi dzenyu vari kunze vachikutsvakai.
33. Akavapindura akati, mai vangu navanun’una vangu ndivana aniko?
34. Zvino akaringaringa vanhu vakanga vagere vakamukona akati, tarirai mai vangu navanun’una vangu!
35. Nokuti aninani unoita kuda kwaMwari ndiye munun’una wangu nehanzvadzi namai.

  Mark (3/16)