Mark (2/16)  

1. Akapindazve Kapernaume pashure pamamwe mazuva zvikazikamwa kuti uri mumba.
2. Pakarepo vazhinji vakavungana nokudaro vakashaiwa nzvimbo, kunyange pamukova, akaparidza shoko kwavari.
3. Vakavuya vakaisa kwaari munhu wakanga akafa mitezo, akatakurwa navanhu vana.
4. Zvino vakanga vasingagoni kuswedera kwaari nokuda kwavazhinji, vakazarura denga paakanga ari, vakati variputsa vakaburusa nhovo pakanga pavete munhu wakanga akafa mitezo.
5. Jesu wakati achivona kutenda kwavo akati kunowakanga akafa mitezo, mwana wakangamwirwa zvivi zvako.
6. Zvino vamwe vanyori vakanga vageremo vakafunga mumoyo yavo vachiti,
7. uyu unorevereiko kudaro? Unomhura Mwari, ndianiko unogona kukanganwira zvivi asi mumwe chete ndiye Mwari?
8. Pakarepo Jesu achiziva mumweya make kuti vanofunga kudaro mumoyo yavo akati kwavari, munofungireko zvinhu izvi mumoyo yenyu?
9. Chinyiko chakareruka kuti kunowakafa mitezo, wakanganwirwa zvivi zvako kana kuti simuka tora nhovo dzako ufambe?
10. Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu unesimba panyika rokukanganwira zvivi, akati kumunhu wakanga akafa mitezo.
11. Ndinoti kwauri, simuka tora nhovo dzako, uende kumba kwako!
12. Pakarepo akasimuka akatora nhovo, ndokubuda pamberi pavo vose. Naizvozvo vose vakashamiswa vakarumbidza Mwari vachiti, hatina kumbovona zvakadai.
13. Wakabudazve akaenda kugungwa, vazhinji vose vakavuya kwaari akavadzidzisa.
14. Wakati achipfuvura akavona Revhi mwanakomana waArfeo agere panotereswa, akati kwaari, nditevere. Akasimuka akamutevera.
15. Zvino wakati agere pakudya mumba make, vateresi vazhinji navatadzi vakagara naJesu navadzidzi vake nokuti vakanga vari vazhinji vaimutevera.
16. Zvino vanyori navaFaraise vakati vachimuvona achidya navatadzi navateresi vakati kuvadzidzi vake, mudzidzisi unodyireiko navateresi navatadzi?
17. Jesu wakati achizvinzwa akati kwavari, usingarwari haatsvaki chiremba asi unorwara. Handina kuvuya kuzodana vakarurama asi vatadzi kuti vatendevuke.
18. Vadzidzi vaJohane navaFarisi vakanga vachizvinyima zvokudya, vakavuya vakati kwaari, vadzidzi vaJohane navadzidzi vavaFarise vanozvinyimireiko zvokudya asi vadzidzi venyu havazvinyimi neiko?
19. Jesu akati kwavari, shamwari dzechikomba dzingazvinyima zvokudya seiko chikomba chichiri kwavari? Havangazvinyimi zvokudya chikomba chichiri kwavari.
20. Asi mazuva achasvika achazobviswa chikomba kwavari, zvino nenguva iyo vachazvinyima zvokudya.
21. Hakuno munhu unosonera chiremo chitsva panguvo yakasakara nokuti chiremo chitsva chinobvarura nguvo yakasakara vuri rikanyanya.
22. Hakunomunhu unodira waini itsva muhombodo tsaru nokuti waini inoparusa hombodo, waini nehombodo zvikafa asi waini itsvainodirwa muhombodo itsva.
23. Wakati achifamba muminda, nomusi wesabata, vadzidzi vake vakatanga kutanha hura vachifamba.
24. VaFarise vakati kwaari, tarirai vanoitireiko zvisina kutenderwa nomusi wesabata?
25. Akati kwavari, hamunakurava here zvakaitwa naDhavhidhi musi waakanga ashaiwa, aziya, iye navakanga vanaye?
26. Kuti wakapinda mumba maMwari, Abhiatari ari muPirisita mukuru akadya zvingwa zvokuratidza zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa asi navaPirisita voga, akapavo vaivanaye?
27. Akati kwavari, sabata yakaitirwa munhu, munhu haana kuitirwa sabata.
28. Naizvozvo Mwanakomana womunhu ndiye Ishe wesabatavo.

  Mark (2/16)