Mark (16/16)    

1. Sabata yakati yapfuvura, Maria Magdarene, naMaria mai vaJakobho, naSarome, vakatenga zvinonhuwira, kuti vaende kuzomuzodza.
2. Mangwanani nomusi wokutanga wevhiki, vakaenda, kubwiro, zuva robuda.
3. Vakataurirana, vachiti: Ndianiko uchatikungurusira ibwe pamukova wobwiro?
4. Zvino vakati vachitarira, vakavona kuti ibwe rakanga ratokunguruswa, nokuti raiva guru-guru.
5. Vakapinda mubwiro, vakavona jaya, rakanga rigere kurudyi, rakapfeka nguvo chena yakareba, vakavhunduka.
6. Rikati kwavari: Musavhunduka, munotsvaka Jesu weNazareta, wakanga aroverwa pamuchinjikwa; wamuka, haapo pano; tarirai pavakanga vamuisa.
7. Asi endai, mundovudza vadzidzi vake naPetro, kuti unokutungamirirai Garirea, muchandomuvona’ko, sezvaakakuvudzai.
8. Vakabuda, nokukurumidza vakatiza vachibva pabwiro, nokuti vakanga vabatwa nokudedera nokushamiswa; vakasavudza munhu chinhu, nokuti vakanga vachitya.
9. Zvino wakati amuka mangwanani nomusi wokutanga wevhiki, akazviratidza pakutanga kunaMaria Magdarene, waakanga abudisa mweya yakaipa minomwe kwaari.
10. Iye akaenda kundovudza avo vaiva naye,vakanga vachichema nokurira.
11. Ivo vakati vachinzwa kuti uri mupenyu, vuye kuti wakavonekwa naye, vakasatenda.
12. Shure kwaizvozvo wakazviratidza nomuwe mutovo kunavaviri vavo, vakanga vachifamba muruwa.
13. Naivo vo vakaenda, vakandovudza vamwe; naivo vakasavatenda vo.
14. Pashure wakazviratidza kunavanegumi nomumwe, vagere pakudya; akavapa mhaka pamusoro pokusatenda kwavo novukukutu hwemoyo yavo, nokuti havana kutenda vaya vakanga vamuvona amuka.
15. Akati kwavari: Endai munyika yose muparidzire zvisikwa zvose Evhangeri.
16. Unotenda, akabhabhatidzwa, uchaponeswa; asi usingatendi uchatongwa.
17. Zviratidzo izvi zvichava navanotenda: Vachabudisa mweya yakaipa nezita rangu, vachitaura nendimi itsva;
18. vachabata nyoka; kunyange vakanwa chinhu chinovuraya, hachingavarwadzi; vachaisa mavoko pamusoro pavarwere, vakapora.
19. Zvino Ishe Jesu wakati ataura navo, akagamuchirwa kudenga, akagara kuruvoko rworudyi rwaMwari.
20. Ivo vakaenda, vakaparidza kwose-kwose, Ishe achibata navo, achisimbisa shoko nezvitidzo zvaiva navo. Amen.

  Mark (16/16)