← Mark (16/16) |
1. | Sabata yakati yapfuvura, Maria Magdarene, naMaria mai vaJakobho, naSarome, vakatenga zvinonhuwira, kuti vaende kuzomuzodza. |
2. | Mangwanani nomusi wokutanga wevhiki, vakaenda, kubwiro, zuva robuda. |
3. | Vakataurirana, vachiti: Ndianiko uchatikungurusira ibwe pamukova wobwiro? |
4. | Zvino vakati vachitarira, vakavona kuti ibwe rakanga ratokunguruswa, nokuti raiva guru-guru. |
5. | Vakapinda mubwiro, vakavona jaya, rakanga rigere kurudyi, rakapfeka nguvo chena yakareba, vakavhunduka. |
6. | Rikati kwavari: Musavhunduka, munotsvaka Jesu weNazareta, wakanga aroverwa pamuchinjikwa; wamuka, haapo pano; tarirai pavakanga vamuisa. |
7. | Asi endai, mundovudza vadzidzi vake naPetro, kuti unokutungamirirai Garirea, muchandomuvona’ko, sezvaakakuvudzai. |
8. | Vakabuda, nokukurumidza vakatiza vachibva pabwiro, nokuti vakanga vabatwa nokudedera nokushamiswa; vakasavudza munhu chinhu, nokuti vakanga vachitya. |
9. | Zvino wakati amuka mangwanani nomusi wokutanga wevhiki, akazviratidza pakutanga kunaMaria Magdarene, waakanga abudisa mweya yakaipa minomwe kwaari. |
10. | Iye akaenda kundovudza avo vaiva naye,vakanga vachichema nokurira. |
11. | Ivo vakati vachinzwa kuti uri mupenyu, vuye kuti wakavonekwa naye, vakasatenda. |
12. | Shure kwaizvozvo wakazviratidza nomuwe mutovo kunavaviri vavo, vakanga vachifamba muruwa. |
13. | Naivo vo vakaenda, vakandovudza vamwe; naivo vakasavatenda vo. |
14. | Pashure wakazviratidza kunavanegumi nomumwe, vagere pakudya; akavapa mhaka pamusoro pokusatenda kwavo novukukutu hwemoyo yavo, nokuti havana kutenda vaya vakanga vamuvona amuka. |
15. | Akati kwavari: Endai munyika yose muparidzire zvisikwa zvose Evhangeri. |
16. | Unotenda, akabhabhatidzwa, uchaponeswa; asi usingatendi uchatongwa. |
17. | Zviratidzo izvi zvichava navanotenda: Vachabudisa mweya yakaipa nezita rangu, vachitaura nendimi itsva; |
18. | vachabata nyoka; kunyange vakanwa chinhu chinovuraya, hachingavarwadzi; vachaisa mavoko pamusoro pavarwere, vakapora. |
19. | Zvino Ishe Jesu wakati ataura navo, akagamuchirwa kudenga, akagara kuruvoko rworudyi rwaMwari. |
20. | Ivo vakaenda, vakaparidza kwose-kwose, Ishe achibata navo, achisimbisa shoko nezvitidzo zvaiva navo. Amen. |
← Mark (16/16) |