Mark (15/16)  

1. Pakarepo mangwanani vaPirisita vakuru vakarangana navakuru navanyori namakurukota ose, vakasunga Jesu, vakaenda naye, vakamuisa kunaPirato.
2. Pirato akamubvunza, akati: Ndiwe Mambo wavaJudha here? Akapindura, akati kwaari: Ndizvo zvamataura.
3. VaPirisita vakuru vakaramba vachimupomera zvizhinji asi haana kuvapindura chinhu.
4. Pirato akamubvunza zve akati: Haupinduri chinhu here? Chinzwa, vanokupomera, zvizhinji seiko!
5. Asi Jesu haana kuzopindura chinhu, Pirato akashamiswa nazvo.
6. Zvino pamutambo waisivasunungurira musungwa mumwe, wavanenge vaikumbira.
7. Zvino kwakanga kunomumwe wainzi Barabhasi, wakanga asungwa pamwe chete navamwe vakanga vamutsa bope, vakavuraya vanhu pabope irero.
8. Vanhu vazhinji vakakwira, vakatanga kukumbira kunaPirato kuti avaitire saizvozvo.
9. Pirato akavapindura, akati: Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo wavaJudha here?
10. Nokuti wakanga achiziva kuti vaPirisita vakuru vakanga vamuisa kwaari negodo.
11. Zvino vaPirisita vakuru vakakurudzira vanhu vazhinji, kuti vakumbire kuti zvirinani avasunungurire Barabhasi.
12. Pirato akapindura zve, akati kwavari: Ndichagoiteiko naiye, wamunoti ndiye Mambo wa vaJudha?
13. Vakadanidzira zve, vachiti: Murovere pamuchinjikwa!
14. Pirato akati kwavari: Wakagotadzeiko? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti: Murovere pamuchinjikwa!
15. Zvino Pirato, nokuti wakanga achida kufadza vanhu vazhinji, akavasunungurira Bharabhasi, asi Jesu wakamurovesa, akamuisa kwavari kuti aroverwe pamuchinjikwa.
16. Zvino varwi vakamuisa mukati moruvazhe, imo muimba yomubati, vakavunganidza hondo yose;
17. vakamupfekedza nguvo tsvuku, vakaruka korona yeminzwa, vakamudzika iyo.
18. Vakatanga kumukwazisa, vachiti: Kwaziwai, Mambo wavaJudha!
19. Vakamurova musoro norutsanga, vakamupfira mate, vakafugama namabvi, vakamunamata.
20. Vakati vamuseka, vakamubvisa nguvo tsvuku, ndokumupfekedza nguvo dzake, vakaenda naye kundomurovera pamuchinjikwa.
21. Zvino vakamanikidza mumwe, wakanga achipfuvura achibva kuruwa, wainzi Simoni weKurini, baba vaArekesndro naRufo, kuti atakure muchnjikwa wake.
22. Vakamuisa kunzvimbo inonzi Gorogota, ndokuti nzvimbo yedehenya, kana zvichishandurwa.
23. Vakamupa waini, yakavhenganiswa nemura, asi iye wakazviramba.
24. Vakati vamurovera pamuchinjikwa,, vakagovana nguvo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo, kuti mumwe nomumwe apiwe chake.
25. Yakanga iri nguva yechitatu, vakamurovera pamuchinjikwa.
26. Norugwaro rwemhosva yake rwakanga rwakanyorwa pamsoro pake, ruchiti: MAMBO WAVAJUDHA.
27. Vakarovera pamuchinjikwa pamwe chete naye makororo maviri, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe. [
28. Rugwaro rukaitika, runoti: Wakarabwa pamwe chete navadariki vomurairo.]
29. Navaipfuvura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo, vachiti: Iwe, wokuputsa tembere, nokuivaka zve namazuva matatu,
30. chizviponesa iwe, uburuke pamuchinjikwa!
31. Saizvozvo vaPirisita vakuru navanyori vakamuseka pakati pavo,vachiti: Wakaponesa vamwe, zvino haagoni kuzviponesa.
32. Kristu, Mambo wavaIsraeri, ngaaburuke zvino pamuchinjikwa, kuti tivone titende. Navakanga varoverwa pamwe chete naye vakamuzvidza.
33. Zvino yakatiyava nguva yechitanhatu, rima rikavapo panyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe.
34. Nenguva yepfumbamwe Jesu akadana nenzwi guru, achiti: Eroi, Eroi, rama Sabaktani! Ndokuti, kana zvichishandurwa: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?
35. Vamwe vakanga vamirepo vakati vachizvinzwa, vakati: Chinzwai, unodana Eria.
36. Ipapo mumwe wakamhanya, akazadza chipanje nevhinega, akachiisa parutsanga, ndokumunwisa, achiti: Regai timboona kana Eria achizovuya kumuburusa.
37. Ipapo Jesu akadana nenzwi guru, akabudisa mweya wake.
38. Chidziro chetembere chikabvaruka napakati, kubva kumsoro kusvikira pasi.
39. Zvino mukuru wezana wakanga amirepo akatarisana naye, wakati achivona mutovo wokufa kwake, akati: Zvirokwazvo, munhu uyu wakanga ari Mwanakomana waMwari.
40. Navakadzi vakanga varipo, vakatarira vari kure; pakati pavo kwakanga kuna Maria Magdarene, naMaria mai vaJakobho muduku naJose, naSarome;
41. ndivo vaimutevera achi muGarirea vachimushandira, navamwe vakadzi vazhinji vakanga vakwira Jerusarema naye.
42. Zvino ava madeko, zvarakanga riri zuva rokugadzirira, ndokuti rinotangira sabata,
43. Josefa weArimatea, mumwe wamakurukota, munhu wakakudzwa iye amene wakanga achigarira vo vushe bwaMwari wakavuya akapinda nokutsunga kunaPirato, akakumbira mutumbu waJesu.
44. Pirato akashamiswa achinzwa kuti wakanga atofa; akadana mukuru wezana, akamubvunza kana akanguva afa.
45. Zvino wakati azvinzwa kumukuru wezana, akapa Josefa mutumbu.
46. Iye wakatenga mucheka, akamuburusa, akamuputira nomucheka, ndokumuviga mubwiro bwakanga bwakacherwa pabwe, ndokukungurusira ibwe pamuromo wobwiro.
47. Maria Magdarene, naMaria mai vaJose, vakavona paakavigwa.

  Mark (15/16)