← Mark (15/16) → |
1. | Pakarepo mangwanani vaPirisita vakuru vakarangana navakuru navanyori namakurukota ose, vakasunga Jesu, vakaenda naye, vakamuisa kunaPirato. |
2. | Pirato akamubvunza, akati: Ndiwe Mambo wavaJudha here? Akapindura, akati kwaari: Ndizvo zvamataura. |
3. | VaPirisita vakuru vakaramba vachimupomera zvizhinji asi haana kuvapindura chinhu. |
4. | Pirato akamubvunza zve akati: Haupinduri chinhu here? Chinzwa, vanokupomera, zvizhinji seiko! |
5. | Asi Jesu haana kuzopindura chinhu, Pirato akashamiswa nazvo. |
6. | Zvino pamutambo waisivasunungurira musungwa mumwe, wavanenge vaikumbira. |
7. | Zvino kwakanga kunomumwe wainzi Barabhasi, wakanga asungwa pamwe chete navamwe vakanga vamutsa bope, vakavuraya vanhu pabope irero. |
8. | Vanhu vazhinji vakakwira, vakatanga kukumbira kunaPirato kuti avaitire saizvozvo. |
9. | Pirato akavapindura, akati: Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo wavaJudha here? |
10. | Nokuti wakanga achiziva kuti vaPirisita vakuru vakanga vamuisa kwaari negodo. |
11. | Zvino vaPirisita vakuru vakakurudzira vanhu vazhinji, kuti vakumbire kuti zvirinani avasunungurire Barabhasi. |
12. | Pirato akapindura zve, akati kwavari: Ndichagoiteiko naiye, wamunoti ndiye Mambo wa vaJudha? |
13. | Vakadanidzira zve, vachiti: Murovere pamuchinjikwa! |
14. | Pirato akati kwavari: Wakagotadzeiko? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti: Murovere pamuchinjikwa! |
15. | Zvino Pirato, nokuti wakanga achida kufadza vanhu vazhinji, akavasunungurira Bharabhasi, asi Jesu wakamurovesa, akamuisa kwavari kuti aroverwe pamuchinjikwa. |
16. | Zvino varwi vakamuisa mukati moruvazhe, imo muimba yomubati, vakavunganidza hondo yose; |
17. | vakamupfekedza nguvo tsvuku, vakaruka korona yeminzwa, vakamudzika iyo. |
18. | Vakatanga kumukwazisa, vachiti: Kwaziwai, Mambo wavaJudha! |
19. | Vakamurova musoro norutsanga, vakamupfira mate, vakafugama namabvi, vakamunamata. |
20. | Vakati vamuseka, vakamubvisa nguvo tsvuku, ndokumupfekedza nguvo dzake, vakaenda naye kundomurovera pamuchinjikwa. |
21. | Zvino vakamanikidza mumwe, wakanga achipfuvura achibva kuruwa, wainzi Simoni weKurini, baba vaArekesndro naRufo, kuti atakure muchnjikwa wake. |
22. | Vakamuisa kunzvimbo inonzi Gorogota, ndokuti nzvimbo yedehenya, kana zvichishandurwa. |
23. | Vakamupa waini, yakavhenganiswa nemura, asi iye wakazviramba. |
24. | Vakati vamurovera pamuchinjikwa,, vakagovana nguvo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo, kuti mumwe nomumwe apiwe chake. |
25. | Yakanga iri nguva yechitatu, vakamurovera pamuchinjikwa. |
26. | Norugwaro rwemhosva yake rwakanga rwakanyorwa pamsoro pake, ruchiti: MAMBO WAVAJUDHA. |
27. | Vakarovera pamuchinjikwa pamwe chete naye makororo maviri, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe. [ |
28. | Rugwaro rukaitika, runoti: Wakarabwa pamwe chete navadariki vomurairo.] |
29. | Navaipfuvura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo, vachiti: Iwe, wokuputsa tembere, nokuivaka zve namazuva matatu, |
30. | chizviponesa iwe, uburuke pamuchinjikwa! |
31. | Saizvozvo vaPirisita vakuru navanyori vakamuseka pakati pavo,vachiti: Wakaponesa vamwe, zvino haagoni kuzviponesa. |
32. | Kristu, Mambo wavaIsraeri, ngaaburuke zvino pamuchinjikwa, kuti tivone titende. Navakanga varoverwa pamwe chete naye vakamuzvidza. |
33. | Zvino yakatiyava nguva yechitanhatu, rima rikavapo panyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe. |
34. | Nenguva yepfumbamwe Jesu akadana nenzwi guru, achiti: Eroi, Eroi, rama Sabaktani! Ndokuti, kana zvichishandurwa: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? |
35. | Vamwe vakanga vamirepo vakati vachizvinzwa, vakati: Chinzwai, unodana Eria. |
36. | Ipapo mumwe wakamhanya, akazadza chipanje nevhinega, akachiisa parutsanga, ndokumunwisa, achiti: Regai timboona kana Eria achizovuya kumuburusa. |
37. | Ipapo Jesu akadana nenzwi guru, akabudisa mweya wake. |
38. | Chidziro chetembere chikabvaruka napakati, kubva kumsoro kusvikira pasi. |
39. | Zvino mukuru wezana wakanga amirepo akatarisana naye, wakati achivona mutovo wokufa kwake, akati: Zvirokwazvo, munhu uyu wakanga ari Mwanakomana waMwari. |
40. | Navakadzi vakanga varipo, vakatarira vari kure; pakati pavo kwakanga kuna Maria Magdarene, naMaria mai vaJakobho muduku naJose, naSarome; |
41. | ndivo vaimutevera achi muGarirea vachimushandira, navamwe vakadzi vazhinji vakanga vakwira Jerusarema naye. |
42. | Zvino ava madeko, zvarakanga riri zuva rokugadzirira, ndokuti rinotangira sabata, |
43. | Josefa weArimatea, mumwe wamakurukota, munhu wakakudzwa iye amene wakanga achigarira vo vushe bwaMwari wakavuya akapinda nokutsunga kunaPirato, akakumbira mutumbu waJesu. |
44. | Pirato akashamiswa achinzwa kuti wakanga atofa; akadana mukuru wezana, akamubvunza kana akanguva afa. |
45. | Zvino wakati azvinzwa kumukuru wezana, akapa Josefa mutumbu. |
46. | Iye wakatenga mucheka, akamuburusa, akamuputira nomucheka, ndokumuviga mubwiro bwakanga bwakacherwa pabwe, ndokukungurusira ibwe pamuromo wobwiro. |
47. | Maria Magdarene, naMaria mai vaJose, vakavona paakavigwa. |
← Mark (15/16) → |