Mark (14/16)  

1. Zvino mazuva maviri akanga asara pakusvika kwepaseka nomutambo wezvingwa zvisinembiriso. VaPirisita vakuru navanyori vakanga vachitsvaka mutovo wavangamubata nawo namano, kuti vamuvuraye.
2. Nokuti vakati: Zvirege kuitwa pamutambo, kuti kurege kuva nebope pakati pavanhu.
3. Zvino wakati paBetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, avapakudya, mumwe mukadzi akavuya anechinu chearbastera chaive nechi zoro cenardo chakanakisa chine mutengo mukuru; akaputsa chinu cearbstera, akachidurura pamusoro wake.
4. Asi vamwe vakanga varipo vakatsamwa pamoyo yavo, vakati: Kuparadza ikoko kwechizoro kwakaitirweiko?
5. Nokuti chizoro ichi chingadai chatengeswa namadhenari anopfuvura mazana matatu,* akapiwa varombo Vakatsamwira mukadzi.
6. Asi Jesu wakati: Muregei. Munomutambudzireiko? Wakandiitira basa rakanaka.
7. Nokuti varombo munavo nguva dzose, nguva ipi neipi yamunoda, mungavaitira zvakanaka; asi ini hamuneni nguva. Dzose.
8. Wakaita paakagona napo; wakagara azodzera muviri wangu kuvigwa.
9. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kwose kunozoparidzirwa Evhangeri panyika dzose, zvakaitwa naye zvicharebwa vo, vamurangarire nazvo.
10. Judhasi Iskarioti, mumwe wavanegumi navaviri, wakaenda kuvaPirisita vakuru, kuti amuise kwavari.
11. Ivo vakati vachizvinzwa, vakafara, vakamupikira kuti vachamupa mari. Ipapo akatsvaka mutovo waangamuisa kwavari nawo panguva yakafanira.
12. Nezuva rokutanga rezvingwa zvisinembiriso, musi wavaibayira paseka nawo, vadzidzi vakati kwaari: Munoda kuti tikugadzirirepiko pamungadya paseka?
13. Akatuma vadzidzi vake vaviri, akati kwavari: Endai muguta, ipapo muchasangana nomunhu akatakura chirongo chemvura; mumutevere iye.
14. Paanenge achipinda, muti kumwene weimba: Zvanzi nomudzidzisi: Imba yangu yavaeni iripiko, mandingadyira paseka navadzidzi vangu?
15. ipapo iye amene uchakutaridzai imba huru yokumusoro, yakarongedzwa, yakagadzirwa; mutigadzirirepo.
16. Vadzidzi vake vakabuda, vakasvika muguta, vakandowana sezvavakanga vavudzwa naye; vakagadzira paseka.
17. Ava madekwana, akavuya navanegumi navaviri.
18. Zvino vakati vagere pakudya, Jesu akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mumwe wenyu uchandipandukira, iye unodya neni.
19. Ipapo vakatanga kuva neshungu, mumwe nomumwe akati kwaari: Ndini here?
20. Akati kwavari: Ndomumwe wavanegumi navaviri, unoisa ruvoko neni mundiro.
21. Nokuti Mwanakomana womunhu unoenda hake, sezvakanyorwa pamusoro pake; asi unenhamo munhu uyo, Mwanakomana womunhu waanopandukirwa naye, kwaiva nani kumunhu uyu kana asina kuberekwa.
22. Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa, akachiropafadza, akachimedura, ndokuvapa, achiti: Torai, ichi ndiwo muviri wangu.
23. Akatora mukombe, akavonga, akavapa, vakanwa vose pauri.
24. Akati kwavari: Ichi iropa rangu nesungano itsva, rinodururirwa vazhinji.
25. Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Handichazonwi zve zvibereko zvomuzambiringa, kusvikira zuva iro randichazonwa naro, zvava zvitsva, muvushe bwaMwari.
26. Zvino vakati vaimba rwiyo, vakabuda, vakaenda kugomo reMiorivhi.
27. Zvino Jesu wakati kwavari: Imi mose muchagumburwa kwandiri, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Ndicharova mufudzi, namakwai achaparadzwa.
28. Asi kana ndamutswa,ndichakutunga mirirai Garirea.
29. Zvino Petro akati kwaari: Kunyange vose vakagumburwa, ini kwete.
30. Jesu akatikwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri, kuti nhasi, vusiku bwuno, jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.
31. Asi iye wakareva nokusimbisa, achiti: Kunyange ndikafanira kufa nemi, handingatongokurambiyi ini. Navose vakadaro vo
32. Zvino vakasvika panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi vake: Garai pano, ini ndichindonyengetera.
33. Akatora Petro naJakobho naJohane, akatanga kuvhunduka kwazvo nokudumbirwa.
34. Akati kwavari: Mweya wangu uneshungu kwazvo, kusvikira pakufa; garai pano murinde.
35. Akapfuvura mberi zvishoma, akawira pasi, akanyengetera kuti kana zvichibvira, nguva ipfuvure kwaari.
36. Akati: Aba, Baba, zvose zvinobvira kwamuri, bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kuda kwangu ngakurege kuitwa,asi kuda kwenyu..
37. Zvino akasvika, akavawana vavata; akati kunaPetro: Simoni, uvete here? Wakanga usingagoni kurinda nguva imwe chete here?
38. Rindai, munyengetere, kuti murege kupinda mukuidzwa; mweya unoda hawo, asi nyama hainesimba.
39. Akaenda zve, akanyengetera achireva mashoko iwayo.
40. Akaenda zve, akavawana vavata, nokuti meso avo akanga abatwa nehope kwazvo; vakasaziva zvavangamupindura.
41. Akaenda zve rwechitatu, akati kwavari: Chivatai henyu, muzorore; Mwanakomana womunhu woiswa mumavoko avatadzi.
42. Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwavari vava pedo.
43. Pakarepo, achataura, Judhasi, mumwe wavanegumi navaviri, akasvika, anavanhu vazhinji vakabata minondo netsvimbo, vachibva kuvaPirisita vakuru navanyori navakuru.
44. Zvino iye, wakamupandukira, wakanga avapa chiratidzo, achiti: Uyo wandinosveta ndiye, mumubate muende naye makamusunga zvakabata.
45. Zvino wakati asvika, pakarepo akaswedera kwaari, akati: Rabhi! Akamusveta zvikuru.
46. Ipapo vakaisa mavoko kwaari, vakamubata.
47. Zvino mumwe wavakanga vamirepo, wakavhomora munondo wake, akatema muranda womuPirisita mukuru, akagura nzeve yake.
48. Ipapo Jesu akapindura, akati kwavari: Mabuda kuzondibata neminondo netsvimbo, sendiri gororo here?
49. Ndakanga ndinemi mazuva ose, ndichikudzidzisai mutembere, mukarega kundibata, asi izvi zvaitwa, kuti Magwaro aitike.
50. Ipapo vakamusiya vose, vakatiza.
51. Zvino rimwe jaya rakamutevera, rakapfeka mucheka bedzi pamuviri, vakaribata;
52. asi rakasiya mucheka, rikatiza risinenguvo,
53. Zvino vakaisa Jesu kumuPirisita mukuru; vaPirisita vakuru vose navakuru navanyori vakavunganira kwaari.
54. Petro wakanga amutevera ari kure kusvikira paruvazhe rwomuPirisita mukuru; akanga agere navatariri, achidziya moto.
55. Zvino vaPirisita vakuru namakurukota ose vakatsvaka chapupu pamusoro paJesu kuti vamuvuraye, asi vakashaiwa
56. Nokuti vazhinji vaimupupurira nhema, asi kupupura kwavo kwakapesana.
57. Vamwe vakasimuka, vakamupupurira nhema, vachiti:
58. Takamunzwa isu achiti: Ndichaputsa tembere iyi; yakavakwa namavoko, ndikavaka imwe namazuva matatu, isina kuvakwa namavoko.
59. Asi kupupura kwavo kwakapesana.
60. Zvino muPirisita mukuru akasimuka pakati pavo, akabvunza Jesu, achiti: Haupinduri chinhu here? Chinyi ichi chavanokupomedzera?
61. Asi iye wakaramba anyerere, asingapinduri chinhu. MuPirisita mukuru akamubvunza zve, akati kwaari: Ndiwe Kristu, Mwanakomana wounokudzwa here?
62. Jesu akati: Ndini. Nemi muchavona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, achivuya namakore okudenga.
63. Ipapo muPirisita mukuru akabvarura nguvo dzake, akati: Tichatsvakireiko zvapupu?
64. Manzwa kumhura kwake Mwari; munofungeiko? Ipapo vose vakamutongera kuti unofanira kufa.
65. Vamwe vakatanga kumupfira mate, vakafukidza meso ake, vakamurova netsiva, vachiti kwaari: Profita; navatariri vakamurova namavoko.
66. Zvino Petro achiri panze paruvazhe, mumwe wavashandiri vomuPirisita mukuru akasvika,
67. akavona Petro achidziya moto, akamutarira, akati: Newevo wakanga unaJesu weNazareta!
68. Asi iye wakaramba, achiti: Handizivi kana kunzwisisa zvaunoreva; akabuda panze kuruvazhe rwapamberi, jongwe rikarira.
69. Zvino mushandiri akamuvona, akatanga zve kureva kunavakanga varipo, achiti: Uyu ndomumwe wavo!
70. Asi iye wakaramba zve. Nguva duku yakati yapfuvura, vakanga vamirepo vakati zve kuna Petro: Zvirokwazvo, uri mumwe wavo, nokuti newe vo uri muGarirea nokuti rurimi rwako runotenderana nazvo.
71. Ipapo akatanga kutuka nokupika, achiti: Handimuzivi munhu uyu wamunoreva.
72. Pakarepo jongwe rikarira rwechipiri; ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rarebwa kwaari naJesu rokuti: Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu. Zvino wakati achifunga izvozvo, akachema.

  Mark (14/16)