← Mark (13/16) → |
1. | Wakati achibuda mutembere, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari: Mudzidzisi, tarirai mabwe, kunaka! Nedzimba kunaka! |
2. | Jesu akati kwaari: Unovona dzimba idzi huru? Hakungaregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi. |
3. | Zvino wakati agere pagomo reMiorivhi, pakatarisana netembere, Petro, naJakobho, naJohane, naAndrea vakamubvunza vari voga, vachiti: |
4. | Tivudzei kuti izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava chipiko, kana izvozvi zvose zvoda kuitwa? |
5. | Zvino Jesu akatanga kuvavudza, akati: Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu. |
6. | Vazhinji vachavuya nezita rangu, vachiti: Ndini Kristu, vachitsausa vazhinji. |
7. | Kana muchinzwa zvokurwa, neguhu rokurwa, musavhunduka; izvozvo zvinofanira kumboitika; asi kuguma kuchigere kusvika. |
8. | Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, vushe hwuchamukira vushe; kudengenyika kwenyika kuchavapo kunedzimwe nzvimbo; nenzara dzichavapo, ndiko kutanga kwenhamo |
9. | Zvichenjerei imi, nokuti vachakuisai kumakurukota, vuye mucharobwa mumasinagoge, muchaiswa pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu, chichave chapupu kwavari. |
10. | NeEvhangeri inofanira kutanga kumboparidzirwa marudzi ose. |
11. | Kana vachienda nemi kukutongwa, vachikuisai kumakurukota, musambofunganya zvamuchataura, asi taurai chamunenge mapiwa nenguva iyo. Nokuti hamuzimi munotaura, asi ndiMweya Mutsvene. |
12. | Mukoma uchaisa munun’una kurufu, nababa mwana wavo; navana vachamukira vabereki vavo nokuvavurayisa. |
13. | Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi unotsunga kusvikira pakuguma uchaponeswa. |
14. | Zvino kana muchivona nyangadzi yokuparadza imire pasina kufanira kumira (unorava ngaacherekedze), vari muJudhea ngavatizire kumakomo; |
15. | uri pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka, kana kupinda kuzotora chinhu mumba make. |
16. | Nouri mumunda ngaarege kudzokera shure kuzotora nguvo yake. |
17. | Vachava nenhamo vanemimba navanomwisa namazuva iwayo! |
18. | Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva pachando. |
19. | Nokuti namazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kusatikwambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwokusikwa kwakasikwa naMwari, kusvikira zvino, vuye hakuchazovipo. |
20. | Dai Ishe asaitapudza mazuva iwayo, hakunenyama yairarama; asi nokuda kwavakasanangurwa,vaakasanangura wakatapudza mazuva iwayo. |
21. | Zvino kana munhu achiti kwamuri: Tarirai Kristu uri pano, tarirai uri papo, regai kutenda. |
22. | Nokuti vana Kristu venhema vachamuka, navaporofita venhema, vachaita zviratidzo nezvinoshamisa, kuti vatsause vakasanangurwa, kana zvichibvira. |
23. | Asi chenjerai imi; tarirai, ndagara ndakuvudzai zvose! |
24. | Asi namazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, zuva richasviba, nomwedzi hauchazobwinyi, |
25. | nenyeredzi dzichawa kudenga, namasimba ari kudenga achazununguswa. |
26. | Ipapo vachavona Mwanakomana womunhu achivuya mumakore nesimba guru nokubwinya. |
27. | Ipapo uchatuma vatumwa, akavunganidza vakasangangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwenyika kusvikira kunorumwe rutivi rwokudenga. |
28. | Dzidzai pamuvonde mufananidzo wawo; kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhezha rava pedo. |
29. | Saizvozvo imi vo, kana movona izvozvo zvichiitwa, zivai kuti vava pedo pamukova. |
30. | Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungatongopfuvuri, kusvikira izvozvo zvose zvaitika. |
31. | Denga nenyika zvichapfuvura, asi mashoko angu haangatongopfuvuri. |
32. | Asi kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna unozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana asi Baba. |
33. | Chenjerai, murinde, nokunyengetera; nokuti hamuzivi kuti nguva ichasvika rini. |
34. | Zvakaita somunhu wakaenda kuneimwe nyika, akasiya imba yake, akapa varanda vake simba, mumwe nomumwe basa rake, akaraira murindi womukova kuti arindire. |
35. | Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi musi mwene weimba waanovuya nawo, kana madeko, kana pakati povusiku, kana pakurira kwehuku, kana mangwanani; |
36. | kuti arege kuvuya kamwekamwe, akakuwanai muvete. |
37. | Zvandinokuvudzai imi, ndinovudza vose, ndichiti: Rindai! |
← Mark (13/16) → |