Mark (13/16)  

1. Wakati achibuda mutembere, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari: Mudzidzisi, tarirai mabwe, kunaka! Nedzimba kunaka!
2. Jesu akati kwaari: Unovona dzimba idzi huru? Hakungaregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.
3. Zvino wakati agere pagomo reMiorivhi, pakatarisana netembere, Petro, naJakobho, naJohane, naAndrea vakamubvunza vari voga, vachiti:
4. Tivudzei kuti izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava chipiko, kana izvozvi zvose zvoda kuitwa?
5. Zvino Jesu akatanga kuvavudza, akati: Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu.
6. Vazhinji vachavuya nezita rangu, vachiti: Ndini Kristu, vachitsausa vazhinji.
7. Kana muchinzwa zvokurwa, neguhu rokurwa, musavhunduka; izvozvo zvinofanira kumboitika; asi kuguma kuchigere kusvika.
8. Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, vushe hwuchamukira vushe; kudengenyika kwenyika kuchavapo kunedzimwe nzvimbo; nenzara dzichavapo, ndiko kutanga kwenhamo
9. Zvichenjerei imi, nokuti vachakuisai kumakurukota, vuye mucharobwa mumasinagoge, muchaiswa pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu, chichave chapupu kwavari.
10. NeEvhangeri inofanira kutanga kumboparidzirwa marudzi ose.
11. Kana vachienda nemi kukutongwa, vachikuisai kumakurukota, musambofunganya zvamuchataura, asi taurai chamunenge mapiwa nenguva iyo. Nokuti hamuzimi munotaura, asi ndiMweya Mutsvene.
12. Mukoma uchaisa munun’una kurufu, nababa mwana wavo; navana vachamukira vabereki vavo nokuvavurayisa.
13. Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi unotsunga kusvikira pakuguma uchaponeswa.
14. Zvino kana muchivona nyangadzi yokuparadza imire pasina kufanira kumira (unorava ngaacherekedze), vari muJudhea ngavatizire kumakomo;
15. uri pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka, kana kupinda kuzotora chinhu mumba make.
16. Nouri mumunda ngaarege kudzokera shure kuzotora nguvo yake.
17. Vachava nenhamo vanemimba navanomwisa namazuva iwayo!
18. Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva pachando.
19. Nokuti namazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kusatikwambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwokusikwa kwakasikwa naMwari, kusvikira zvino, vuye hakuchazovipo.
20. Dai Ishe asaitapudza mazuva iwayo, hakunenyama yairarama; asi nokuda kwavakasanangurwa,vaakasanangura wakatapudza mazuva iwayo.
21. Zvino kana munhu achiti kwamuri: Tarirai Kristu uri pano, tarirai uri papo, regai kutenda.
22. Nokuti vana Kristu venhema vachamuka, navaporofita venhema, vachaita zviratidzo nezvinoshamisa, kuti vatsause vakasanangurwa, kana zvichibvira.
23. Asi chenjerai imi; tarirai, ndagara ndakuvudzai zvose!
24. Asi namazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, zuva richasviba, nomwedzi hauchazobwinyi,
25. nenyeredzi dzichawa kudenga, namasimba ari kudenga achazununguswa.
26. Ipapo vachavona Mwanakomana womunhu achivuya mumakore nesimba guru nokubwinya.
27. Ipapo uchatuma vatumwa, akavunganidza vakasangangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwenyika kusvikira kunorumwe rutivi rwokudenga.
28. Dzidzai pamuvonde mufananidzo wawo; kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhezha rava pedo.
29. Saizvozvo imi vo, kana movona izvozvo zvichiitwa, zivai kuti vava pedo pamukova.
30. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungatongopfuvuri, kusvikira izvozvo zvose zvaitika.
31. Denga nenyika zvichapfuvura, asi mashoko angu haangatongopfuvuri.
32. Asi kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna unozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana asi Baba.
33. Chenjerai, murinde, nokunyengetera; nokuti hamuzivi kuti nguva ichasvika rini.
34. Zvakaita somunhu wakaenda kuneimwe nyika, akasiya imba yake, akapa varanda vake simba, mumwe nomumwe basa rake, akaraira murindi womukova kuti arindire.
35. Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi musi mwene weimba waanovuya nawo, kana madeko, kana pakati povusiku, kana pakurira kwehuku, kana mangwanani;
36. kuti arege kuvuya kamwekamwe, akakuwanai muvete.
37. Zvandinokuvudzai imi, ndinovudza vose, ndichiti: Rindai!

  Mark (13/16)