Mark (12/16)  

1. Zvino wakatanga kutaura navo nemifananidzo, achiti: Mumwe munhu wakanga asima munda wemizambiringa, akaukomba noruzhowa, akachera pokusvinira, akavaka chirindo, akaupa varimi, ndokufamba rwendo.
2. Nenguva yezvibereko akatuma muranda kuvarimi, kuti apiwe navarimi zvibereko zvomunda wemizambiringa.
3. Vakamubata, vakamurova, vakamudzosa asina,
4. Akatuma zve mumwe muranda kwavari; vakamutaka nambwe, vakamutema musoro, vakamunyadza.
5. Akatuma zve mumwe, vakamuvuraya; navamwe vazhinji, vakarova vamwe, nokuvuraya vamwe.
6. Zvino wakanga achinomwanakomana mumwe, mudikanwa; akamutuma kwavari pakupedzisira, achiti: Vachakudza mwanakomana wangu,
7. Asi varimi ivavo vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; vuyai timuvuraye, nhaka igova yedu.
8. Vakamubata, vakamuvuraya, vakamubudisa kunze kwomunda wemizambiringa.
9. Zvino mwene womunda wemizambiringa uchaiteiko? Uchavuya, akaparadza varimi ivavo, akapa vamwe varimi munda wemizambiringa.
10. Ko hamuna kutongorava here rugwaro urwu, runoti: Ibwe rakarashwa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona;
11. Izvozvo zvakaitwa naShe, Zvinoshamisa pameso edu?
12. Ipapo vakatsvaka kumubata, asi vakatya vanhu vazhinji; nokuti vakanga vachiziva kuti wakavareva ivo nomufananidzo iwoyo; vakamusiya, vakabvapo.
13. Zvino vakatuma kwaari vamwe vavaFarise navaHerodhe, kuti vamubate pakutaura kwake.
14. Vakavuya, vakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wazvokwadi, musingarangariri zvinovonekwa zvomunhu; hamutariri zviri kunze kwomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi: Munhu unotenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete?
15. Ticharipa here, kana tirege kuripa Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari: Munondiidzireiko? Vuya nedhenari* kwandiri, ndirivone,
16. Vakavuya naro. Ipapo akati kwavari: Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani? Vakati kwaari: ZvaKesari,
17. Jesu akati kwavari: Ipai Kesarai zvaKesari, naMwari zvaMwari. Vakashamiswa zvikuru naye.
18. Zvino vaSadhuse vakavuya kwaari, ivo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakamubvunza vachiti:
19. Mudzidzisi, Mosesi wakatinyorera kuti, kana mukoma womunhu akafa, akasiya mukadzi asinomwana munun’una wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana.
20. Zvino kwakanga kunavanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akatora mukadzi, akafa asina vana.
21. Wechipiri akamutora, akafa asingasiyi vana; nowechitatu; akadaro vo.
22. Navanomwe vose havana kuva nomwana; shure kwavose mukadzi akafa vo.
23. Zvino pakumuka kwavakafa, kana vachimuka, uchava mukadzi waniko kwavari? Nokuti wakanga ari mukadzi wavose vanomwe.
24. Jesu akati kwavari: Hamuna kurashika here, nemhaka yokusaziva magwaro nesimba raMwari?
25. Nokuti kana vachimuka kuvakafa, havawani kana kuwaniswa; asi vakaita savatumwa kudenga.
26. Kana kuri kumutswa kwavakafa, hamunakurava here pabhuku yaMosesi pashoko regwenzi, kuti Mwari wakataura naye, akati: Ndini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho?
27. Haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu marashika kwazvo.
28. Zvino mumwe wavanyori wakanga anzwa kutaurirana kwavo, achiziva kuti wakanga avapindura zvakanaka, wakavuya, kumubvunza achiti: Murairo wokutanga payose ndoupiko?
29. Jesu akapindura, akati; Wokutanga ndiwoyu: Inzwai vaIsraeri, Ishe Mwari wedu, ndiye Ishe mumwe chete!
30. Ida Ishe Mwari wako, nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose, nesimba rako rose.
31. Wechipiri ndiwoyu; Ida wokwako sezvaunozvida iwe. Hakunomurairo mukuru kunaiyeyo,
32. Zvino munyori akati kwaari: Zvakanaka mudzidzisi, mareva zvirokwazvo, kuti ndiye mumwe chete, hakuno mumwe kunze kwake;
33. nokumuda iye nomoyo wose, nokufunga kwose, nesimba rose, nomoyo wako wose, nokuda wokwako sezvaanozvida iye, zvinopfuvura zvikuru zvipiriso zvose zvinopiswa chose nezvibayiro.
34. Zvino, Jesu wakati achivona kuti wapindura nokufunga,akatikwaari: Hausi kure novushe bwaMwari. Kukasava nomunhu wakazotsunga kumubvunza chinhu.
35. Zvino Jesu wakati achidzidzisa mutembere, akapindura, akati: Vanyori vanoreva seiko kuti Kristu ndiye mwanakomana waDhavhidhi?
36. Dhavidhi amene wakati noMweya Mutsvene: Ishe wakati kunaShe wangu; Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndaisa vavengi vako Pasi petsoka dzako.
37. Dhavidhi amene unomuidza Ishe, ungagova mwanakomana wake seiko Vazhinji-zhinji vakanga vachifara kumunzwa.
38. Zvino pakudzidzisa kwake wakati: Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, nokukwaziswa padare
39. nezvigaro zvapamberi mumasingagoge, nenzvimbo dzapamberi pamitambo;
40. vachiparadza dzimba dzechirikadzi, vachinyengetera neminyengetero mirefu. Ivava vachatongerwa zvakaipa nokupfuvurisa.
41. Zvino wakanga agere akatarisana nechivigiro chemari, akatarira vanhu vazhinji vachiisa mari muchivigiro; vafumi vazhinji vakanga vachiisa zvizhinji.
42. Kukasvika chirikadzi, waiva murombo, akaisa tumari tuviri tuduku tunoita fadini.
43. Akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi, iri murombo yakaisa zvizhinji kunavo vose vakaisa muchivigiro;
44. nokuti avo vose vakaisa vachitora pazvizhinji zvavo; asi iye wakaisa achitora pakushaiwa kwake, zvose zvaakanga anazvo, zvose zvaaifanira kurarama nazvo.

  Mark (12/16)