| ← Mark (12/16) → |
| 1. | Zvino wakatanga kutaura navo nemifananidzo, achiti: Mumwe munhu wakanga asima munda wemizambiringa, akaukomba noruzhowa, akachera pokusvinira, akavaka chirindo, akaupa varimi, ndokufamba rwendo. |
| 2. | Nenguva yezvibereko akatuma muranda kuvarimi, kuti apiwe navarimi zvibereko zvomunda wemizambiringa. |
| 3. | Vakamubata, vakamurova, vakamudzosa asina, |
| 4. | Akatuma zve mumwe muranda kwavari; vakamutaka nambwe, vakamutema musoro, vakamunyadza. |
| 5. | Akatuma zve mumwe, vakamuvuraya; navamwe vazhinji, vakarova vamwe, nokuvuraya vamwe. |
| 6. | Zvino wakanga achinomwanakomana mumwe, mudikanwa; akamutuma kwavari pakupedzisira, achiti: Vachakudza mwanakomana wangu, |
| 7. | Asi varimi ivavo vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; vuyai timuvuraye, nhaka igova yedu. |
| 8. | Vakamubata, vakamuvuraya, vakamubudisa kunze kwomunda wemizambiringa. |
| 9. | Zvino mwene womunda wemizambiringa uchaiteiko? Uchavuya, akaparadza varimi ivavo, akapa vamwe varimi munda wemizambiringa. |
| 10. | Ko hamuna kutongorava here rugwaro urwu, runoti: Ibwe rakarashwa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona; |
| 11. | Izvozvo zvakaitwa naShe, Zvinoshamisa pameso edu? |
| 12. | Ipapo vakatsvaka kumubata, asi vakatya vanhu vazhinji; nokuti vakanga vachiziva kuti wakavareva ivo nomufananidzo iwoyo; vakamusiya, vakabvapo. |
| 13. | Zvino vakatuma kwaari vamwe vavaFarise navaHerodhe, kuti vamubate pakutaura kwake. |
| 14. | Vakavuya, vakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wazvokwadi, musingarangariri zvinovonekwa zvomunhu; hamutariri zviri kunze kwomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi: Munhu unotenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete? |
| 15. | Ticharipa here, kana tirege kuripa Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari: Munondiidzireiko? Vuya nedhenari* kwandiri, ndirivone, |
| 16. | Vakavuya naro. Ipapo akati kwavari: Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani? Vakati kwaari: ZvaKesari, |
| 17. | Jesu akati kwavari: Ipai Kesarai zvaKesari, naMwari zvaMwari. Vakashamiswa zvikuru naye. |
| 18. | Zvino vaSadhuse vakavuya kwaari, ivo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakamubvunza vachiti: |
| 19. | Mudzidzisi, Mosesi wakatinyorera kuti, kana mukoma womunhu akafa, akasiya mukadzi asinomwana munun’una wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana. |
| 20. | Zvino kwakanga kunavanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akatora mukadzi, akafa asina vana. |
| 21. | Wechipiri akamutora, akafa asingasiyi vana; nowechitatu; akadaro vo. |
| 22. | Navanomwe vose havana kuva nomwana; shure kwavose mukadzi akafa vo. |
| 23. | Zvino pakumuka kwavakafa, kana vachimuka, uchava mukadzi waniko kwavari? Nokuti wakanga ari mukadzi wavose vanomwe. |
| 24. | Jesu akati kwavari: Hamuna kurashika here, nemhaka yokusaziva magwaro nesimba raMwari? |
| 25. | Nokuti kana vachimuka kuvakafa, havawani kana kuwaniswa; asi vakaita savatumwa kudenga. |
| 26. | Kana kuri kumutswa kwavakafa, hamunakurava here pabhuku yaMosesi pashoko regwenzi, kuti Mwari wakataura naye, akati: Ndini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho? |
| 27. | Haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu marashika kwazvo. |
| 28. | Zvino mumwe wavanyori wakanga anzwa kutaurirana kwavo, achiziva kuti wakanga avapindura zvakanaka, wakavuya, kumubvunza achiti: Murairo wokutanga payose ndoupiko? |
| 29. | Jesu akapindura, akati; Wokutanga ndiwoyu: Inzwai vaIsraeri, Ishe Mwari wedu, ndiye Ishe mumwe chete! |
| 30. | Ida Ishe Mwari wako, nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose, nesimba rako rose. |
| 31. | Wechipiri ndiwoyu; Ida wokwako sezvaunozvida iwe. Hakunomurairo mukuru kunaiyeyo, |
| 32. | Zvino munyori akati kwaari: Zvakanaka mudzidzisi, mareva zvirokwazvo, kuti ndiye mumwe chete, hakuno mumwe kunze kwake; |
| 33. | nokumuda iye nomoyo wose, nokufunga kwose, nesimba rose, nomoyo wako wose, nokuda wokwako sezvaanozvida iye, zvinopfuvura zvikuru zvipiriso zvose zvinopiswa chose nezvibayiro. |
| 34. | Zvino, Jesu wakati achivona kuti wapindura nokufunga,akatikwaari: Hausi kure novushe bwaMwari. Kukasava nomunhu wakazotsunga kumubvunza chinhu. |
| 35. | Zvino Jesu wakati achidzidzisa mutembere, akapindura, akati: Vanyori vanoreva seiko kuti Kristu ndiye mwanakomana waDhavhidhi? |
| 36. | Dhavidhi amene wakati noMweya Mutsvene: Ishe wakati kunaShe wangu; Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndaisa vavengi vako Pasi petsoka dzako. |
| 37. | Dhavidhi amene unomuidza Ishe, ungagova mwanakomana wake seiko Vazhinji-zhinji vakanga vachifara kumunzwa. |
| 38. | Zvino pakudzidzisa kwake wakati: Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, nokukwaziswa padare |
| 39. | nezvigaro zvapamberi mumasingagoge, nenzvimbo dzapamberi pamitambo; |
| 40. | vachiparadza dzimba dzechirikadzi, vachinyengetera neminyengetero mirefu. Ivava vachatongerwa zvakaipa nokupfuvurisa. |
| 41. | Zvino wakanga agere akatarisana nechivigiro chemari, akatarira vanhu vazhinji vachiisa mari muchivigiro; vafumi vazhinji vakanga vachiisa zvizhinji. |
| 42. | Kukasvika chirikadzi, waiva murombo, akaisa tumari tuviri tuduku tunoita fadini. |
| 43. | Akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi, iri murombo yakaisa zvizhinji kunavo vose vakaisa muchivigiro; |
| 44. | nokuti avo vose vakaisa vachitora pazvizhinji zvavo; asi iye wakaisa achitora pakushaiwa kwake, zvose zvaakanga anazvo, zvose zvaaifanira kurarama nazvo. |
| ← Mark (12/16) → |