| ← Mark (11/16) → |
| 1. | Vakati vachiswedera Jerusarema, paBetfage neBetania, pagomo reMiorivhi, akatuma vaviri vavadzidzi vake, |
| 2. | akati kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemi; pakarepo kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina-kumbotaswa nomunhu; muisunugure, mugovuya nayo. |
| 3. | Kana munhu akati kwamuri: Munoitireiko kudaro? Muti: Ishe unoida. Pakarepo uchaitumira zve pano. |
| 4. | Vakaenda, vakandowana mhuru yembongoro yakasungirwa kunze pamukova, pamharadzano dzenzira, vakaisunungura. |
| 5. | Vamwe vakanga vamirepo, vakati kwavari: Munoiteiko zvamunosunungura mhuru yembongoro? |
| 6. | Vakavavudza sezvavakarairwa naJesu; vakavarega. |
| 7. | Zvino vakavuya nemhuru yembongoro kunaJesu;vakakandira nguvo dzavo pamusoro payo; akagara pamusoro payo. |
| 8. | Vazhinji vakawarira nguvo dzavo panzira, navamwe mashizha avakanga vatema kubundo. |
| 9. | Avo vakanga vachitungamira, navakanga vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana, ngaakudzwe iye unovuya muzita raShe. |
| 10. | Ngabwukudzwe vushe bwaBaba vedu Dhavhidhi bwunovuya! Hosana kumusoro-soro! |
| 11. | Ipapo Jesu wakapinda Jerusarema mutembere; akati aringa-ringa zvinhu zvose, zuva zvarakanga ravira, akabuda, akaenda Betania navanegumi navaviri. |
| 12. | Fume mangwana vakati vachibva Betania, akaziya; |
| 13. | Zvino wakati achivona muvonde uri kure, unamashizha, akaenda’ko, achiti, zvimwe ungawana chinhu pauri; zvino achisvika pauri, haana kuwana chinhu, asi mashizha bedzi; nokuti yakanga isi nguva yamavonde. |
| 14. | Akapindura, akati kwauri: Kusava nomunhu, unozodya zvibereko pauri nokusingaperi. Vadzidzi vake vakazvinzwa. |
| 15. | Vakasvika Jerusarema; akapinda mutembere, akatanga kubudisa vaitengesa, navaitenga mutembere; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva. |
| 16. | Akasatendera munhu kuti atakure nhumbi mutembere. |
| 17. | Akadzidzisa, achiti kwavari: Hakuna kunyorwa here kuchinzi: imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yamarudzi ose? Asi imi makaiita bako ramakororo. |
| 18. | VaPirisita vakuru navanyori vakati vachizvinzwa, vakatsvaka pavangamuvuraya napo; nokuti vakanga vachimutya, nokuti vazhinji vose vakashamiswa nokudzidzisa kwake. |
| 19. | Zvino, nguva dzose kana ava madekwana, aienda kunze kweguta, |
| 20. | Vakati vachipfuvura napo mangwanani, vakavona muvonde wawoma kubva pamidzi. |
| 21. | Petro akarangarira, akati kwaari: Rabhi, tarirai muvonde wamakatuka wawoma. |
| 22. | Jesu akapindura, akati kwavari: Ivai nokutenda kunaMwari. |
| 23. | Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: mumwe nomumwe unoti kugomo iri: Simudzwa, ukandwe mugungwa, asinganyunyuti mumoyo make, asi achitenda kuti zvaanoreva zvichaitika, uchava nazvo. |
| 24. | Saka ndinoti kwamuri; Zvinhu zvose zvose zvamunonyengeterera nokukumbira, tendai kuti mazvigamuchira, mugova nazvo. |
| 25. | Kana mukamira muchinyengetera, kangamwirai kana munemhaka nomumwe, kuti naBaba venyu vari kudenga, vakukamganwirei kudarika kwenyu; |
| 26. | asi kana musingakangamwiri imi naBaba venyu vari kudenga havangakukangamwiriyi imi kudarika kwenyu. |
| 27. | Vakasvika zve Jerusarema. Zvino wakati achifamba mutembere, vaPirisita vakuru navanyori navakuru vakavuya kwaari; |
| 28. | vakati kwaari; Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndianiko wakakupai simba iri, kuti muite izvi? |
| 29. | Jesu akati kwavari: neni ndichakubvunzai vo shoko rimwe, mundipindure, neni ndichakuvudzai vo simba randinoita naro zvinhu izvozvi. |
| 30. | Rubhabhatidzo rwaJohane rwakabva kudenga here kana kuvanhu? Ndipindurei, |
| 31. | Vakataurirana, vachiti: Kana tikati, kudenga, uchati: Makagoregerei kumutenda? |
| 32. | Asi tingati, kuvanhu, here? Vakanga vachitya vanhu vazhinji, nokuti vose vakanga vachiti Johane muporofita zvirokwazvo. |
| 33. | Vakapindura vachiti kuna Jesu; Hatizivi. Jesu akati kwavari: Neni handingakuvudziyi vo simba randinoita naro zvinhu izvi. |
| ← Mark (11/16) → |