Mark (11/16)  

1. Vakati vachiswedera Jerusarema, paBetfage neBetania, pagomo reMiorivhi, akatuma vaviri vavadzidzi vake,
2. akati kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemi; pakarepo kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina-kumbotaswa nomunhu; muisunugure, mugovuya nayo.
3. Kana munhu akati kwamuri: Munoitireiko kudaro? Muti: Ishe unoida. Pakarepo uchaitumira zve pano.
4. Vakaenda, vakandowana mhuru yembongoro yakasungirwa kunze pamukova, pamharadzano dzenzira, vakaisunungura.
5. Vamwe vakanga vamirepo, vakati kwavari: Munoiteiko zvamunosunungura mhuru yembongoro?
6. Vakavavudza sezvavakarairwa naJesu; vakavarega.
7. Zvino vakavuya nemhuru yembongoro kunaJesu;vakakandira nguvo dzavo pamusoro payo; akagara pamusoro payo.
8. Vazhinji vakawarira nguvo dzavo panzira, navamwe mashizha avakanga vatema kubundo.
9. Avo vakanga vachitungamira, navakanga vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana, ngaakudzwe iye unovuya muzita raShe.
10. Ngabwukudzwe vushe bwaBaba vedu Dhavhidhi bwunovuya! Hosana kumusoro-soro!
11. Ipapo Jesu wakapinda Jerusarema mutembere; akati aringa-ringa zvinhu zvose, zuva zvarakanga ravira, akabuda, akaenda Betania navanegumi navaviri.
12. Fume mangwana vakati vachibva Betania, akaziya;
13. Zvino wakati achivona muvonde uri kure, unamashizha, akaenda’ko, achiti, zvimwe ungawana chinhu pauri; zvino achisvika pauri, haana kuwana chinhu, asi mashizha bedzi; nokuti yakanga isi nguva yamavonde.
14. Akapindura, akati kwauri: Kusava nomunhu, unozodya zvibereko pauri nokusingaperi. Vadzidzi vake vakazvinzwa.
15. Vakasvika Jerusarema; akapinda mutembere, akatanga kubudisa vaitengesa, navaitenga mutembere; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva.
16. Akasatendera munhu kuti atakure nhumbi mutembere.
17. Akadzidzisa, achiti kwavari: Hakuna kunyorwa here kuchinzi: imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yamarudzi ose? Asi imi makaiita bako ramakororo.
18. VaPirisita vakuru navanyori vakati vachizvinzwa, vakatsvaka pavangamuvuraya napo; nokuti vakanga vachimutya, nokuti vazhinji vose vakashamiswa nokudzidzisa kwake.
19. Zvino, nguva dzose kana ava madekwana, aienda kunze kweguta,
20. Vakati vachipfuvura napo mangwanani, vakavona muvonde wawoma kubva pamidzi.
21. Petro akarangarira, akati kwaari: Rabhi, tarirai muvonde wamakatuka wawoma.
22. Jesu akapindura, akati kwavari: Ivai nokutenda kunaMwari.
23. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: mumwe nomumwe unoti kugomo iri: Simudzwa, ukandwe mugungwa, asinganyunyuti mumoyo make, asi achitenda kuti zvaanoreva zvichaitika, uchava nazvo.
24. Saka ndinoti kwamuri; Zvinhu zvose zvose zvamunonyengeterera nokukumbira, tendai kuti mazvigamuchira, mugova nazvo.
25. Kana mukamira muchinyengetera, kangamwirai kana munemhaka nomumwe, kuti naBaba venyu vari kudenga, vakukamganwirei kudarika kwenyu;
26. asi kana musingakangamwiri imi naBaba venyu vari kudenga havangakukangamwiriyi imi kudarika kwenyu.
27. Vakasvika zve Jerusarema. Zvino wakati achifamba mutembere, vaPirisita vakuru navanyori navakuru vakavuya kwaari;
28. vakati kwaari; Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndianiko wakakupai simba iri, kuti muite izvi?
29. Jesu akati kwavari: neni ndichakubvunzai vo shoko rimwe, mundipindure, neni ndichakuvudzai vo simba randinoita naro zvinhu izvozvi.
30. Rubhabhatidzo rwaJohane rwakabva kudenga here kana kuvanhu? Ndipindurei,
31. Vakataurirana, vachiti: Kana tikati, kudenga, uchati: Makagoregerei kumutenda?
32. Asi tingati, kuvanhu, here? Vakanga vachitya vanhu vazhinji, nokuti vose vakanga vachiti Johane muporofita zvirokwazvo.
33. Vakapindura vachiti kuna Jesu; Hatizivi. Jesu akati kwavari: Neni handingakuvudziyi vo simba randinoita naro zvinhu izvi.

  Mark (11/16)