Mark (10/16)  

1. Zvino wakasimukapo, akasvika munyika yeJudhea, nemhiri kwaJoridhani, vanhu vazhinji-zhinji vakavunganira zve kwaari; akavadzidzisa zve sezvaakanga achisiita,
2. VaFarise vakavuya kwaari, vakamubvunza, vachiti: Murume wakatenderwa kurasha mukadzi wake here?
3. Akapindura, akati kwavari: Mosesi wakakuraireiko?
4. Vakati: Mosesi wakatendera murume kunyora rugwaro rwokumuramba, nokumurasha.
5. Jesu akati kwavari; Wakakunyorerai murairo iwoyo nokuda kwovukukutu bwemoyo yenyu.
6. Asi kubva pakutanga kwokusikwa wakavaita murume nomukadzi.
7. Nokuda kwaizvozvo murume uchasiya baba vake namai vake, akanamatira mukadzi wake;
8. ava vaviri vachava nyama imwe; nokudaro havachiri vaviri, asi nyama imwe.
9. Zvino izvo Mwari zvaakasonganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.
10. Zvino mumba vadzidzi vakamubvunza zve pamusoro paizvozvo.
11. Akati kwavari: Aninani unorasha mukadzi wake, akawana mumwe, unoita vupombwe kwaari.
12. Vuye kana iye mukadzi akarasha murume wake, akawanikwa nomumwe, unofeva.
13. Zvino vakavuya navana vaduku kwaari, kuti avanyangate; asi vadzidzi vakavaraira.
14. Zvino Jesu wakati azvivona, akatsamwa, akati kwavari; Regai vana vaduku vavuye kwandiri, musavadzivisa, nokuti vushe bwaMwari ndobwavakadai.
15. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Aninani usingagamuchiri vushe bwaMwari somwana muduku, hangatongopindi mabwuri
16. Ipapo akavafungatira mumavoko, akavaropafadza, ndokuisa mavoko pamusoro pavo.
17. Zvino wakati achibuda kunzira, mumwe akamhanyira kwaari, akafugama pamberi pake akamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndingaiteko kuti ndigare nhaka yovupenyu husingaperi?
18. Jesu akati kwaari: Unondiidzireiko wakanaka? Hakuna wakanaka, asi mumwe chete, iye Mwari.
19. Mirairo unoiziva, inoti, usavuraya, usaita vupombwe, usaba, usapupura nhema, usanyengera, kudza baba vako namai vako.
20. Akati kwaari: Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubva pavuduku bwangu.
21. Jesu akamutarira akamuda, akati kwaari: Unoshaiwa chinhu chimwe chete; enda, utengese zvose zvaunazvo upe varombo, uve nefuma kudenga; ugovuya, unditevere.
22. Asi wakasviba moyo neshoko iro, akaenda neshungu nokuti wakanga anefuma zhinji.
23. Ipapo Jesu akaringa-ringa, akati kuvadzidzi vake: Vanefuma vacharemerwa sei kupinda pavushe hwaMwari!
24. Vadzidzi vakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu wakapindura zve, akati kwavari: Vana, zvinorema sei kunavano vimba nefuma kupinda pavushe bwaMwari!
25. Kamera ingarerukirwa kupinda paburi redumho, kumufumi kupinda muvushe hwaMwari.
26. Ipapo vakakahadzika zvikuru, vakati kwaari: Ndianiko ungagoponeswa?
27. Zvino Jesu wakati achivatarira, akati: Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvose zvinobvira.
28. Petro akatanga kutaura kwaari, achiti: Tarirai isu takasiya zvose tikakuteverai,
29. Jesu akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakunomunhu wakasiya imba, kana vanun’una, kana hanzvadzi, kana mai, kana baba, kana vana, kana minda, nokuda kwangu nokweEvhangeri,
30. usingazopiwi zvinezana nenguva ino, dzimba navanunun’una, nehanzvadzi, namadzimai, navana, neminda, pamwe chete nokutambudzwa, novupenyu bwusingaperi nenguva inovuya.
31. Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, novokupedzira vachava vokutanga.
32. Zvino vakanga vari munzira, vachikwira Jerusarema; Jesu wakanga acivatungamirira; vakashamiswa; navakanga vachitevera, vakatya. Ipapo akatora zve vanegumi navaviri, akatanga kuvavudza izvo zvaakanga oda kuitirwa, achiti:
33. Tarirai tinokwira Jerusarema Mwanakomana womunhu uchaiswa kuvaPirisita vakuru navanyori; vachamutongera rufu, nokumuisa kuvahedheni.
34. Vachamuseka, nokumupfira mate, nokumurovesa, nokumuvuraya; kana mazuva matatu apfuvura, uchamuka zve.
35. Zvino Jakobho naJohane, vanakomana vaZebhedhi, vakavuya kwaari, vakati kwaari: Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire sezvatinokumbira kwamuri.
36. Akati kwavari: Munoda kuti ndikukitireiko?
37. Vakati kwaari: Tigarisei pakubwinya kwenyu, mumwe kuruvoko rwenyu rworudyi, mumwe kuruboshwe,
38. Asi Jesu wakati kwavari:Hamuzivi zvamunokumbira.Mungagona kumwira pamukombe pandinomwira ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhaptidzwa narwo here?
39. Vakati kwaari: Tingagona, Jesu akati kwavari: Muchamwira henyu pamukombe pandinomwira ini, nokubhabhatidzwa nokurubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini;
40. asi kugara kuruvoko rwangu rworudyi, kana kuruboshwe, handizini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo.
41. Vanegumi vakati vachizvinzwa, vakatanga kutsamwira Jakobho naJohane.
42. Ipapo Jesu akavadanira kwaari, akati kwavari: Munoziva kuti avo vanonzi machinda avahedheni anovaraira, navakuru vavo vanoita simba navo.
43. Zvino pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi aninani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushumiri wenyu;
44. aninani unoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wavose.
45. Nokuti Mwanakomana womunhu naiye haana kuvuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa vupenyu bwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.
46. Vakasvika Jeriko; zvino wakati achibuda Jeriko navadzidzi vake navazhinji-zhinji, Bartimeo, mwanakomana waTemeo, raiva bofu riri rombe, wakanga agere panzira.
47. Iye wakati anzwa, kuti ndiJesu weNazareta, akatanga kudanidzira, achiti; Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!
48. Vazhinji vakamuraira kuti anyarare, asi iye wakanyanya kudanidzira kwazvo, achiti; Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!
49. Ipapo Jesu akamira, akati: Mudanei. Vakadana bofu vachiti kwariri tsunga moyo simuka unokudana.
50. Ipapo akarasha nguvo yake akasimuka, akaenda kunaJesu.
51. Jesu akamupindura, akati kwaari: Unoda kuti ndikuitireiko? Bofu rikati kwaari: Raboni, kuti ndivone.
52. Jesu akati kwaari; Enda hako, kutenda kwako kwakuponesa. Pakarepo akavona, akatevera Jesu munzira.

  Mark (10/16)