Mark (1/16)  

1. Kutanga kweEvhangeri yaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari.
2. Sezvazvakanyorwa muvaprofita zvichinzi, tarira ndinotuma munyai wangu pamberi pako. Uchakunatsira nzira yako.
3. Inzwi rounodana murenje, Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.
4. Johane wakavuya achibhabhatidza murenje. Achiparidza rubhabhatidzo rwokutendevuka vakanganwirwe zvivi.
5. Nyika yose yeJudhea naveJerusarema vose vakabudira kwaari. Vakabhabhatidzwa naye murwizi rwaJoridhani vachizvirevurura zvivi zvavo.
6. Johane wakanga akapfeka nguvo yamakushe ekamera nebhanire reganda muchivuno chake. Waidya mhashu novuchi bwesango.
7. Akaparidza achiti, shure kwangu kunovuya mumwe unesimba kupfuvureni. Wandisina kufanira kukotama kuti ndisununugure rukanda rweshangu dzake.
8. Ini ndakakubhabhatidzai nemvura asi Iye uchakubhabhatidzai noMweya Mutsvene.
9. Namazuva iwayo Jesu wakabva Nazareta muGarirea, akabhabhatidzwa naJohane muJoridhani.
10. Pakarepo achibuda mumvura wakavona denga rakazarurwa noMweya uchiburuka pamusoro pake senjiva.
11. Inzwi rikabva kudenga richiti, Ndiwe Mwanakomana wangu unodikamwa, wandinofarira.
12. Pakarepo Mweya wakamubudisira kurenje.
13. Akava murenje mazuva makumi mana achiidzwa naSatani. Wakanga ari kuzvikara vatumwa vakamushumira.
14. Johane wakati asungwa, Jesu akasvika Garirea achiparidza Evhangeri yovushe bwaMwari.
15. achiti, nguva yazadziswa, vushe bwaMwari bwaswedera pedo. Tendevukai mutende Evhangeri.
16. Wakati achifamba pagungwa reGarirea, akavona Simoni naAndrea munun’una waSimoni vachikandira vutava mugungwa nokuti vakanga vari vabati vehove.
17. Jesu akati kwavari: Nditeverei, kuti ndikuitei vabati vavanhu.
18. Vakasiya vutava bwavo pakarepo, vakamutevera.
19. Wakati apfuvura zvishoma akavona Jakobho mwanakomana waZebhedhi naJohane munun’una wake vachigadzira vutava mugwa.
20. Akavadana pakarepo vakasiya baba vavo Zebhedhi mugwa navaranda, vakamutevera.
21. Vakapinda Kapernaume pakarepo nomusi wesabata, akapinda musinagoge akadzidzisa.
22. Vakashamiswa nedzidziso yake nokuti wakavadzidzisa sounesimba, asingaiti savanyori.
23. Zvino musinagoge ravo makanga munomunhu wakanga anomweya wetsvina. Wakadanidzira
24. achiti, tinemhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Mavuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimi ani, muri Mutsvene waMwari.
25. Zvino Jesu akamuraira akati, nyarara ubude kwaari!
26. Mweya wetsvina ukamubvundisa, ndokudanidzira nenzwi guru, ndokubuda kwaari.
27. Vakashamiswa vose,zvikuru kudai kuti vakavhunzana pakati pavo,vachiti, Chinyiko ichi? dzidziso iyi itswa ndeyeiko?nokuti une simba rokuraira kunyange,mweya yakaipa,huye inomuterera.
28. Pakarepo mukurumbira wake ukanzwikwa panyika yose yakapoteredza Garirea.
29. Pakarepo vakati vachibva musinagoge, vakapinda mumba maSimoni naAndrea, Jakobho naJohane vanavo.
30. Mai vomukadzi waSimoni vakanga vavete vachirwara nefivhiri. Pakarepo vakamuvudza izvozvo.
31. Akaenda akavabata noruvoko, akavamutsa. Fivhiri ikavarega. Vakavashandira.
32. Madekwana zuva ravira, vakaisa kwaari vose vakanga vachirwadziwa navakanga vakabatwa nomweya yakaipa.
33. Guta rose rakanga ravungana pamukova.
34. Akaporesa vazhinji vakanga vachirwadziwa namarudzi akasiyana -siyana ezvirwere. Akabudisa mweya yakaipa mizhinji; asi wakanga asingatenderi mweya yakaipa kutaura, nokuti yakanga ichimuziva.
35. Mangwanani kuchinerima, wakamuka akabuda akaenda kunzvimbo murenje,akandonyengeterapo.
36. Simoni navakanga vanaye vakamutevera.
37. Vakamuwana vakati kwaari, vose vanokutsvakai.
38. Akati kwavari, ngatiende kumwe kumisha iri pedo, kuti tindoparidza ikokovo nokuti ndizvo zvandakavuyira.
39. Akaenda, akaparidza mumasinagoge avo paGarirea rose achibudisa mweya yakaipa.
40. Zvino munhu unamaperembudzi akavuya kwaari. Akakumbira zvikuru kwaari, ndokufugama pamberi pake akati kwaari, kana muchida munogona kundinatsa.
41. Jesu akamunzwira ngoni, akatambaunudza ruvoko rwake akamubata akati kwaari, ndinoda, chinatswa.
42. Pakarepo achangotaura maperembudzi akabva kwaari, akanatswa.
43. Zvino akamuraira kwazvo, akamuendisa pakarepo.
44. Akati kwaari, chenjera kuti urege kuvudza munhu chinhu asi enda uzviratidze kumuPirisita ubayire pamusoro pokunatswa kwako zvakarairwa naMosesi chive chapupu kwavari.
45. Asi iye wakabuda akatanga kuzvivudza vanhu vazhinji nokuparidza shoko iro nokudaro Jesu wakanga asingagoni kupinda muguta pachena asi wakanga ari kunze panzvimbo murenje. Vakavuya kwaari vachibva kumativi ose.

      Mark (1/16)