| ← Malachi (4/4) |
| 1. | Nokuti tarirai, zuva rinouya; rinopisa sechoto; ipapo vose vanozvikudza, navose vanoita zvakaipa, vachava samashanga; zuva rinouya, richavapisa, rikasavasiyira mudzi kana davi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. |
| 2. | Asi imi, munotya zita rangu, muchabudirwa nezuva rokururama, rinokuporesa pasi pamapapiro aro; muchabuda muchitamba semhuru dzomuchirugu. |
| 3. | Muchatsikira vakaipa pasi; nokuti vachava madota pasi petsoka dzenyu, nezuva randichaita izvozvi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. |
| 4. | "Rangarirai murayiro waMosesi muranda wangu, wandakamuraira paHorebhi, wavaIsiraeri, vose, izvo zvandakatema nezvandakaraira. |
| 5. | "Tarirai, ndichakutumirai muporofita Eria, zuva iro guru raJehovha, rinotyisa, risati rasvika. |
| 6. | Iye achadzorera mwoyo yamadzibaba kuvana, nemwoyo yavana kuna madzibaba avo, kuti ndirege kuuya ndirove nyika nokutuka." |
| ← Malachi (4/4) |